Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 25

“Tsitsi Huru dzaMwari Wedu”

“Tsitsi Huru dzaMwari Wedu”

1, 2. (a) Amai vanowanzoita sei kana mwana wavo akachema? (b) Ndiani ane tsitsi dzinotopfuura dzaamai?

 MWANA anochema pakati peusiku. Amai vake vanobva vangopepuka. Kubva pavakasununguka mwana, havachakotsire zvekufa nehope sezvavaimboita. Vakatodzidza kusiyanisa machemero emwana wavo. Saka vava kuziva paanochema nenzara, paanenge ava kuda kubatwa mumaoko, kana kuitirwa chimwe chinhu. Vanotoona zvekuita pasinei nekuti chii chiri kumuchemedza. Mwoyo wekubereka unoita kuti vasangosiya mwana wavo achichema.

2 Vanhu vese vanoziva kuti amai vanonzwa sei nezvemwana wavo wavakabereka. Asi zvinoitwa naamai kumwana wavakabereka hazvisvike patsitsi huru dzina Mwari wedu, Jehovha. Kudzidza nezvetsitsi huru dzaJehovha kunotibatsira kuswedera pedyo naye. Saka ngatikurukurei kuti chii chinonzi tsitsi uye kuti Mwari wedu anodziratidza sei.

Chii Chinonzi Tsitsi?

3. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “kunzwira tsitsi” kana kuti “kunzwira ngoni” rinorevei?

3 MuBhaibheri mune mashoko anoverengeka echiHebheru nechiGiriki anoreva tsitsi kana kuti ngoni. Rimwe racho rechiHebheru nderekuti ra·chamʹ. Rimwe bhuku rinotsanangura kuti shoko rekuti ra·chamʹ “rinoreva kunzwira tsitsi zvakadzama, kwakadai sekwatinoita patinoona munhu watinoda chaizvo achitambura kana kuti asina zvaari kukwanisa kuita.” Shoko iri rechiHebheru, iro rakamboshandiswa naJehovha achitaura nezvake pachake, rakada kufanana neshoko rinoreva “chibereko” uye rinogona kutsanangurwa richinzi “tsitsi dzaamai.” aEksodho 33:19; Jeremiya 33:26.

“Mudzimai angakanganwa . . . mwanakomana waakabereka here?”

4, 5. Bhaibheri rinoshandisa mufananidzo upi kutibatsira kunzwisisa tsitsi dzaJehovha kuvashumiri vake?

4 Bhaibheri rinoshandisa mufananidzo wetsitsi dzina amai kumwana wavo mucheche kutidzidzisa nezvetsitsi dzaJehovha. Pana Isaya 49:15, panoti: “Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa here, kana kuti angarega kunzwira tsitsi [ra·chamʹ] mwanakomana waakabereka here? Kunyange kana vakadzi ava vakakanganwa, ini handizokukanganwi.” Rondedzero iyoyo yaamai nemwana inotibatsira kurondedzera tsitsi dzaJehovha kuvanhu vake. Nei tichidaro?

5 Hazviwanzoitike kuti amai vakanganwe mwana wavo anoyamwa. Mwana haana zvaanogona kuita ega; anotoda kuitirwa zvese naamai vake uye kuratidzwa rudo. Asi zvinorwadza ndezvekuti ‘munguva dzakaoma’ dzatiri kurarama dzine vanhu vasina “rudo runongobva rwega mumwoyo,” kuraswa kana kuti kusiyiwa kwevana hakushamisi. (2 Timoti 3:1, 3) Asi Jehovha anoti: “Ini handizokukanganwi.” Tsitsi dzina Jehovha kuvashumiri vake hadziperi. Dzinopfuura nekure dzaamai kumwana wavo mucheche. Hazvishamisi kuti mumwe munyori akataura nezvaIsaya 49:15 achiti: “Aya anogona kunge ari iwo mashoko anotaura nezverudo rwaMwari ane simba kupfuura mamwe ese akanyorwa muTestamende Yekare.”

6. Vanhu vakawanda vanoona sei nyaya yekunzwira tsitsi, asi Jehovha anotii nezvake?

6 Kana munhu aine tsitsi zvinoreva kuti akapusa here? Vanhu vakawanda vanofunga kuti ndizvo zvazviri. Mumwe mudzidzisi akanga akakurumbira wekuRoma ainzi Seneca, akararama makore akararama Jesu, akadzidzisa kuti “kunzwira munhu tsitsi kusafunga.” Seneca aiva mutsigiri wechiStoic, icho chaidzidzisa vanhu kuva vakadzikama asi vasinganzwire munhu tsitsi. Seneca akati munhu akachenjera anogona kubatsira vanotambura, asi haafaniri kuzviita achivanzwira tsitsi, nekuti kana ava kudaro anenge asisina kudzikama. Kuona upenyu saizvozvo kwaiita kuti munhu asatombonzwira vamwe tsitsi. Asi izvozvo zvakasiyana nekure nezvakaita Jehovha! Anotiudza muShoko rake kuti “ane tsitsi huru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Sezvatichaona, kunzwira munhu tsitsi hakusi kupusa asi kunotokosha. Ngationgororei kuti Jehovha anoratidza sei kuti anonzwira tsitsi semubereki ane rudo.

Jehovha Akanzwira Tsitsi vaIsraeri

7, 8. VaIsraeri vakatambura zvakadii muIjipiti, uye Jehovha akaita sei nazvo?

7 Tsitsi dzaJehovha dzinooneka pamabatiro aakaita vaIsraeri. Pashure pekufa kwaJosefa, vaIsraeri vakanga vava varanda muIjipiti, vachidzvinyirirwa zvinorwadza. VaIjipiti “vakaita kuti upenyu hwavo huome nekuvaitisa basa rakaoma rekukanya dhaka nekuforoma zvidhinha uye mabasa emarudzi ese.” (Eksodho 1:11, 14) VaIsraeri vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire pavaitambudzika. Mwari wetsitsi huru akabva aita sei?

8 Mwoyo waJehovha wakarwadziwa. Akati: “Ndaona zvechokwadi kuti vanhu vangu vari kutambudzika muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nemhaka yevaya vanovamanikidza kushanda; ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.” (Eksodho 3:7) Jehovha aisagona kungotarisa vanhu vake vachitambura asingavanzwire tsitsi. Sezvatakaona muChitsauko 24 chebhuku rino, Jehovha ndiMwari anorwadziwa patinorwadziwa. Asi Jehovha haana kungogumira pakunzwa tsitsi mumwoyo chete; akatora matanho kuti avabatsire. Isaya 63:9 inoti: “Akavadzikinura nerudo rwake netsitsi dzake.” Jehovha akanunura vaIsraeri muIjipiti “neruoko rune simba”. (Dheuteronomi 4:34) Avanunura kudaro, akaita zvishamiso zvekuita kuti vave nezvekudya uye akavapinza munyika yaakanga avavimbisa.

9, 10. (a) Nei Jehovha airamba achinunura vaIsraeri pavakanga vava muNyika Yakapikirwa? (b) VaIsraeri vaidzvinyirirwa zvakadii pavakazonunurwa naJehovha mumazuva aJefta, uye chii chakaita kuti adaro?

9 Tsitsi dzaJehovha hadzina kugumira ipapo. Vagara muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vairamba vachisiya Jehovha uye izvi zvaivapinza mumatambudziko. Asi vaizopengenuka, vodana kuna Jehovha. Airamba achingovanunura. Nei aidaro? “Nekuti ainzwira tsitsi vanhu vake.”—2 Makoronike 36:15; Vatongi 2:11-16.

10 Funga zvakaitika mumazuva aJefta. Sezvo vaIsraeri vakanga vatanga kushumira vanamwari venhema, Jehovha akavasiya vachidzvinyirirwa nevaAmoni kwemakore 18. VaIsraeri vakazopedzisira vapfidza. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Vakabvisa vanamwari vekune dzimwe nyika pakati pavo, vakashumira Jehovha, zvekuti akanga asisakwanisi kungosiya vaIsraeri vachitambura.” (Vatongi 10:6-16) Vanhu vake pavakangoratidza kuti vapfidza nemwoyo wese, Jehovha akanga asingachagoni kuramba akangovatarisa vachitambura. Saka netsitsi dzake huru, Mwari akapa Jefta simba rekununura vaIsraeri mumaoko evavengi vavo.—Vatongi 11:30-33.

11. Mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anotidzidzisei nezvetsitsi?

11 Mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anotidzidzisei nezvetsitsi? Chekutanga, tinoona kuti tsitsi hazvingorevi zvinoitika mumwoyo medu patinoona vanhu vachitambudzika. Yeuka muenzaniso waamai vanonzwira mwana wavo ari kuchema tsitsi vobva vaita chimwe chinhu. Saka Jehovha haaite sematsi kana vanhu vake vachichema. Tsitsi dzake huru dzinoita kuti avabatsire pavanenge vachitambura. Mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anotidzidzisawo kuti kuratidza munhu tsitsi hakusi kupusa kana kubvuma kudheererwa nekuti akatotora danho rakasimba achirwira vanhu vake. Asi Jehovha anongoratidza tsitsi dzake kuvanhu vake sesangano here?

Tsitsi dzaJehovha Kumunhu Mumwe Nemumwe

12. Mutemo wairatidza sei tsitsi dzaJehovha kumunhu mumwe nemumwe?

12 Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari wairatidza kuti anoda kuratidza tsitsi kumunhu mumwe nemumwe. Funga nezvekuti ainzwira tsitsi zvakadii varombo. Jehovha aiziva kuti vaIsraeri vaigona kusangana nematambudziko avakanga vasingatarisiri, vopedzisira vava varombo. Varombo vaifanira kubatwa sei? Jehovha akapa vaIsraeri murayiro wakasimba wekuti: “Usaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko rwako kuhama yako murombo. Unofanira kumupa zvakawanda, uye haufaniri kumupa mwoyo wako uchigunun’una, nekuti izvi ndizvo zvichaita kuti Jehovha Mwari wako akomborere mabasa ako ese uye zvese zvaunoita.” (Dheuteronomi 15:7, 10) Jehovha akazovapazve murayiro wekuti varege kukohwa vachipedzeredza zviri kumicheto yeminda yavo kana kunhonga zvaisaririra. Zvaifanira kusiyirwa vaishayiwa. (Revhitiko 23:22; Rute 2:2-7) Paitevedzerwa mutemo iwoyo, varombo vakanga vasingazofaniri kuita zvekupemha. Haufungi kuti zvinonyatsoratidza tsitsi huru dzaJehovha here izvozvo?

13, 14. (a) Mashoko aDhavhidhi anotibatsira sei kuva nechivimbo chekuti Jehovha ane hanya nemumwe nemumwe wedu? (b) Ipa muenzaniso unoratidza kuti Jehovha ari pedyo “nevaya vakaora mwoyo” kana kuti “vakasuruvara”?

13 Nesuwo mazuva ano Mwari wedu ane hanya nemumwe nemumwe wedu. Tine chokwadi kuti anonyatsoziva matambudziko atingave tiri kusangana nawo. Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo vachida kubatsirwa. Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.” (Pisarema 34:15, 18) Mumwe muongorori weBhaibheri akanyora nezvevanhu vanotsanangurwa nemashoko aya achiti: “Vane mwoyo wakaremerwa uye vanozvidemba pamusana pechivi, uye vanozviona sevasiri chinhu; vanozviona sevakaderera, uye havana chivimbo chekuti vanokosha.” Vanhu vakadaro vanogona kufunga kuti Jehovha ari kure uye kuti vakaderera zvekuti Jehovha haangambofungi nezvavo. Asi handizvo zvazviri. Mashoko aDhavhidhi anotipa chivimbo chekuti Jehovha haasiyi vanhu “vanozviona sevakaderera.” Mwari wedu ane tsitsi anoziva kuti patinenge tichinzwa saizvozvo ndipo patinotoda rutsigiro rwake uye ari pedyo zvikuru nesu.

14 Funga nezvenyaya inotevera yakaitika. Vamwe amai kuUnited States vakamhanya nemwanakomana wavo aiva nemakore maviri kuchipatara achizarirwa. Vana chiremba vakaongorora mwana wacho vakabva vati aifanira kumbopiwa mubhedha vozomubudisa mangwana acho. Amai vacho vakanorara kupi? Vakarara vakagara pacheya, pedyo nemubhedha wemwana wavo! Zvaisaita kuti vasiye mwana wavo wavanoda. Zvino kana amai vachidaro kumwana wavo, ko kuzoti Jehovha, Baba vedu vekudenga! Handizvo here kuti takasikwa nemufananidzo waMwari? (Genesisi 1:26) Mashoko ePisarema 34:18 anotiudza kuti patinenge ‘takaora mwoyo’ kana kuti ‘takasuruvara,’ semubereki wedu ane rudo uye ane tsitsi, Jehovha “ari pedyo” uye akagadzirira kubatsira.

15. Jehovha anobatsira mumwe nemumwe wedu sei?

15 Saka Jehovha anobatsira mumwe nemumwe wedu sei? Hazvirevi kuti anobva abvisa chiri kuita kuti titambure chacho. Asi Jehovha ane zvakawanda zvaakaita kuti vanhu vanenge vachichema kwaari vawane rubatsiro. Shoko rake Bhaibheri rinopa mazano anoshanda ekuti tinofanira kuita sei mumamiriro ezvinhu atinenge tasangana nawo. Muungano, Jehovha akatipa vatariri avo vanoedza kumutevedzera pakuratidza tsitsi pavanenge vachibatsira vavanonamata navo. (Jakobho 5:14, 15) Sezvo ari “Munzwi wemunyengetero,” anopa “mweya mutsvene” kune vaya vanomukumbira. (Pisarema 65:2; Ruka 11:13) Mweya mutsvene iwoyo unogona kutipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” kuti titsungirire kusvikira Umambo hwaMwari hwabvisa matambudziko ese. (2 VaKorinde 4:7) Chokwadi tinotenda urongwa hwese uhwu. Ngatisambokanganwa kuti uku kuratidzwa kwetsitsi huru dzaJehovha.

16. Jehovha akaratidza tsitsi dzake nenzira ipi inopfuura dzese, uye inobatsira sei mumwe nemumwe wedu?

16 Hapana imwe nzira yakaratidzwa nayo tsitsi naMwari inopfuura kupa kwaakaita Mwanakomana wake anokosha zvikuru kuti atidzikinure. Rudo rwake rwakaita kuti azvipire kurasikirwa kuti atizarurire mukana wekuti tipone. Yeuka kuti urongwa hwerudzikinuro hwakaitirwa iwe pachako. Ndosaka Zekariya, baba vaJohani Mubhabhatidzi, vakazoti chipo cherudzikinuro chaizoratidza “tsitsi huru dzaMwari wedu.”—Ruka 1:78.

Jehovha Ane Pamwe Paasinganzwiri Tsitsi

17-19. (a) Bhaibheri rinoratidza sei kuti tsitsi dzaJehovha dzine padzinogumira? (b) Chii chakaita kuti tsitsi dzaJehovha kuvanhu vake dzizosvika pakuguma?

17 Zvinoreva here kuti tsitsi dzaJehovha hadzina padzinogumira? Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Jehovha haaratidzi tsitsi dzake vanhu vanoomesa musoro vachisiya nzira dzake dzakarurama. (VaHebheru 10:28) Kuti uone kuti nei asingadziratidzi, yeuka muenzaniso wevaIsraeri.

18 Kunyange zvazvo Jehovha airamba achingonunura vaIsraeri, tsitsi dzake dzakazopedzisira dzaguma. Vanhu ava vakaoma musoro vainamata zvidhori, vachitounza zvinhu zvinosemesa izvozvo mutemberi yaJehovha! (Ezekieri 5:11; 8:17, 18) Kutowedzera ipapo, “vakaramba vachiseka nhume dzaMwari wechokwadi, uye vakazvidza mashoko ake, vakanyomba vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake zvikuru, kusvikira vasisabatsiriki.” (2 Makoronike 36:16) VaIsraeri vakaramba vachitadza zvekuti vakasvika pekuti vakanga vasisina kukodzera kuratidzwa tsitsi, vakamutsa hasha dzaJehovha. Zvakazovasvitsa papi?

19 Sezvo akanga asisagoni kuramba achivanzwira tsitsi, akati: “Handizonzwi tsitsi, kana kusuruvara, uye handizovanzwiri ngoni; hapana chichaita kuti ndirege kuvaparadza.” (Jeremiya 13:14) Saka Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa, uye vaIsraeri vakaendeswa senhapwa kuBhabhironi. Zvinorwadza kuona vanhu vachipandukira Mwari zvekuti anenge asingachakwanisi kuvanzwira tsitsi!—Mariro 2:21.

20, 21. (a) Chii chichaitika kana tsitsi dzaMwari dzasvika padzinogumira? (b) Ndechipi chimwe chipo chinoratidza tsitsi dzaJehovha chatichakurukura muchitsauko chinotevera?

20 Ko mazuva ano Jehovha akachinja here panyaya yekunzwira tsitsi? Jehovha haana kuchinja. Tsitsi dzakaita kuti atume Zvapupu zvake kuti zviparidze “mashoko akanaka eUmambo” pasi rese. (Mateu 24:14) Vanhu vanoda havo chokwadi pavanoteerera, Jehovha anovabatsira kunzwisisa shoko reUmambo. (Mabasa 16:14) Asi basa iri harizongorambi richiitwa nekusingaperi. Jehovha haangamboregedzi nyika ino yakaipa iripo nenhamo nematambudziko airi kukonzera; akadaro anenge asisaratidzi tsitsi. Kana tsitsi dzaJehovha dzasvika padzinogumira, Jehovha achaparadza vakaipa panyika ino. Kunyange paachaita izvozvo tsitsi dzake dzinenge dzichiri kuratidzwa nekuti anenge achizviitira ‘zita rake dzvene,’ uye vashumiri vake vakazvipira kwaari. (Ezekieri 36:20-23) Jehovha achabvisa uipi hwese ounza nyika itsva yakarurama. Jehovha akati nezvevakaipa: “Ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi. Ndichaunza pamisoro yavo zvinoenderana nezvavakaita.”—Ezekieri 9:10.

21 Kusvikira izvozvo zvaitika, Jehovha anonzwira tsitsi kunyange vacho vakatotarisana nekuparadzwa. Vanhu vanotadza vakapfidza zvechokwadi, vanogona kukanganwirwa naJehovha, chinova ndicho chimwezve chipo chinoratidza tsitsi dzake. Muchitsauko chinotevera tichakurukura mimwe mifananidzo inonwisa mvura iri muBhaibheri inoratidza kuti Jehovha anokanganwira zvakakwana.

a Asi pana Pisarema 103:13, shoko rechiHebheru rekuti ra·chamʹ rakashandiswa patsitsi dzinonzwirwa vana nababa vavo.