Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

“Kristu Isimba raMwari”

“Kristu Isimba raMwari”

1-3. (a) Chiitiko chipi chinotyisa chakasangana nevadzidzi muGungwa reGarireya, uye Jesu akaitei? (b) Nei muapostora Pauro akati nezvaJesu “Kristu isimba raMwari”?

 VADZIDZI vakavhunduka. Pavakanga vachiyambuka Gungwa reGarireya, pakangoerekana pava nedutu rinotyisa. Zviri pachena kuti madutu akanga asiri matsva kwavari sezvo vazhinji vavo vainge vagara nebasa rekubata hove. a (Mateu 4:18, 19) Asi iri raiva “dutu guru raiva nesimba,” zvekuti rakabvongodza gungwa zvinotyisa. Varume vacho vaiedza nepavaigona napo kudzikamisa chikepe chavo, asi dutu racho raivakunda. Masaisai akakura “akaramba achirovera pachikepe, zvekuti chikepe chakanga chava kuda kuzara nemvura.” Zvese izvi pazviri kuitika, Jesu akafa hake nehope nechekumashure kwechikepe, aneta nekuswera achidzidzisa vanhu. Vachifunga kuti pavo pavaperera, vadzidzi vakamumutsa vachidaidzira kuti: “Ishe, tiponesei, tava kufa!”—Mako 4:35-38; Mateu 8:23-25.

2 Asi Jesu haana kana kutombovhunduka. Akanyatsodzikama, akatsiura mhepo yacho achiti: “Shii! Nyarara!” Mhepo negungwa zvakamuteerera pakarepo, kuvhuvhuta kukabva kwamira, masaisai akanyangarika, “kunze kukabva kwadzikama zvikuru.” Vadzidzi vakatya, vakatanga kutaurirana vachiti: “Munhu uyu anombova ani?” Chokwadi munhu werudzii aigona kutuka mhepo negungwa sekunge ari kutsiura kamwana kane musikanzwa?—Mako 4:39-41; Mateu 8:26, 27.

3 Asi Jesu akanga asiri munhuwo zvake. Jehovha akaratidza simba rake paari uyewo akamushandisa kuratidza simba rake nenzira dzinoshamisa. Ndosaka muapostora Pauro akazotaura achifemerwa kuti: “Kristu isimba raMwari.” (1 VaKorinde 1:24) Simba raMwari rinoratidzwa sei muna Jesu? Kushandisa kunoita Jesu simba kunotibatsira sei muupenyu?

Simba reMwanakomana waMwari Akaberekwa Ari Mumwe Oga

4, 5. (a) Jehovha akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga simba nechiremera zvekuitei? (b) Mwanakomana uyu akapiwa chii kuti akwanise kuita mabasa aBaba vake ekusika?

4 Fungidzira kuti Jesu akanga aine simba rakadini asati auya pasi pano. Jehovha akashandisa “simba rake risingagumi” paakasika Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, uyo akazosvika pakuzivikanwa saJesu Kristu. (VaRoma 1:20; VaKorose 1:15) Jehovha akabva amupa simba guru nechiremera, achimutuma kuita mabasa ake ekusika. Bhaibheri rinoti nezveMwanakomana: “Zvinhu zvese zvakavapo pachishandiswa iye, uye kunze kwake hapana kunyange chinhu chimwe chete chakavapo.”—Johani 1:3.

5 Hatitombokwanisi kunzwisisa kuti basa iri rakanga rakakura zvakadini. Fungidzira simba raidiwa kusika mamiriyoni engirozi dzine simba rinotyisa, denga nemabhiriyoni emapoka enyeredzi, uye pasi rino nemarudzi akasiyana-siyana ezvinhu zvipenyu ari pariri. Kuti aite mabasa iwayo, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, akapiwa mweya mutsvene waMwari, rinova ndiro simba guru risina rinoenzana naro pasi nekudenga. Mwanakomana uyu akafadzwa zvikuru nekuva Mhizha yaishandiswa naJehovha pakusika zvimwe zvinhu zvese.—Zvirevo 8:22-31.

6. Jesu akapiwa simba nechiremera zvakadini pashure pekumuka kwake?

6 Pangava nerimwe simba raigona kuzowedzerwa Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga kupfuura iri here? Paakamutswa pashure perufu rwake pasi pano, Jesu akati: “Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.” (Mateu 28:18) Mashoko aya anoratidza kuti Jesu akapiwa kodzero yekuratidza simba rake pazvinhu zvese pasi nekudenga. Sezvo ari iye “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe,” akapiwa masimba ekuti aparadze “hurumende dzese, nevanhu vese vane chiremera nemasimba,” vanopikisa Baba vake, vangava vanooneka kana vasingaoneki. (Zvakazarurwa 19:16; 1 VaKorinde 15:24-26) “Mwari haana chaakasiya chisiri pasi” paJesu, kunze kwake iye Jehovha pachake.—VaHebheru 2:8; 1 VaKorinde 15:27.

7. Chii chinotipa chivimbo chekuti Jesu haazomboshandisi simba raakapiwa naJehovha zvisiri izvo?

7 Tinofanira kutyira kuti Jesu angangoshandisa simba rake zvisiri izvo here? Kana! Jesu anoda Baba vake zvikuru zvekuti haangamboiti chinhu chisingavafadzi. (Johani 8:29; 14:31) Jesu anonyatsoziva kuti Jehovha haamboshandisi simba rake zvisiri izvo. Jesu akanyatsozvionera ega kuti Jehovha anotsvaga mikana yekuti “aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Jesu anoda vanhu sezvinongoita Baba vake, saka tine chivimbo chakakwana chekuti Jesu achagara achishandisa simba rake kuita zvinobatsira vanhu. (Johani 13:1) Uye kumashure kwese uku ndizvo zvaanga achingoita. Ngatimbokurukurai simba raakanga ainaro paakanga ari pasi pano uye kuti airishandisa sei.

‘Ane Simba . . . Pamashoko’

8. Paakazodzwa, Jesu akapiwa simba rekuita sei uye akarishandisa sei?

8 Zvinoita sekuti Jesu haana kuita zvishamiso mumakore aakanga achiri kukura muNazareta. Asi zvakazochinja paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., paakanga ava nemakore anenge 30. (Ruka 3:21-23) Bhaibheri rinotiudza kuti: “Akazodzwa naMwari nemweya mutsvene nesimba, akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi.” (Mabasa 10:38) Mashoko ekuti “achiita zvakanaka” haaratidzi kuti Jesu akashandisa simba rake zvakanaka here? Paakangozodzwa, akava “muprofita ane simba pamabasa nemashoko.”—Ruka 24:19.

9-11. (a) Jesu ainyanya kudzidzisira kupi, uye idambudziko ripi raaigona kutarisana naro? (b) Nei vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro aJesu?

9 Jesu airatidza sei kuti ane simba pamashoko? Aiwanzodzidzisira panze, munzvimbo dzakadai sepamahombekombe egungwa, mujinga memakomo uye mumigwagwa nemumisika. (Mako 6:53-56; Ruka 5:1-3; 13:26) Dai mashoko ake akanga asingafadzi vateereri vake, vaigona kungosimuka voenda. Sezvo kwakanga kusati kwava nemabhuku seariko mazuva ano, vateereri vaitofanira kuudzwa mashoko nenzira inoita kuti agare mupfungwa dzavo nemwoyo. Saka Jesu aifanira kudzidzisa zvekuti vanhu vairamba vaine chido chekuteerera, vachinyatsonzwisisa uye vachizoyeuka zvaanenge adzidzisa. Asi iri rakanga risiri dambudziko kuna Jesu. Funga nezveMharidzo Yepagomo yaakapa.

10 Mumwe musi ari mangwanani mugore ra31 C.E., vanhu vakaungana nechemujinga megomo pedyo neGungwa reGarireya. Vamwe vakanga vabva Judhiya neJerusarema, zvinhambwe zvingaita makiromita 100 kusvika ku110. Vamwe vakanga vabva nechekuchamhembe kunharaunda yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa. Vanhu vazhinji vairwara vakaswedera pedyo naJesu kuti vamubate, uye akavaporesa vese. Paakaona kuti pakanga pasisina kana munhu mumwe chete zvake airwara, akatanga kudzidzisa. (Ruka 6:17-19) Paakazopedza kudzidzisa, vakashamiswa nezvavakanga vanzwa. Nei vakashamiswa kudaro?

11 Mumwe akanzwa mharidzo iyoyo akazonyora pashure pemakore kuti: “Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nekuti akanga achivadzidzisa semunhu ane chiremera.” (Mateu 7:28, 29) Vateereri vainyatsonzwa kuti Jesu aitaura zvine simba. Aitaura achimiririra Mwari uye aitsigira zvaaidzidzisa neShoko raMwari. (Johani 7:16) Jesu aitaura mashoko akajeka, uye ainyatsogona kunyengetedza, achitaura chokwadi chisingarambiki. Mashoko ake aisvika pamwongo wenyaya uye ainyatsobaya mwoyo yevateereri vake. Akavadzidzisa nzira yekuwana nayo mufaro, nzira yekunyengetera nayo, nzira yekutsvaga nayo Umambo hwaMwari, uye nzira yekuwana nayo ramangwana rakanaka. (Mateu 5:3–7:27) Mashoko ake akaita kuti vaya vaiva nenzara yekuziva chokwadi uye vaida kururama vatore matanho. Vanhu vakadaro vakanga vakagadzirira ‘kuzviramba’ uye kusiya zvinhu zvese kuti vamutevere. (Mateu 16:24; Ruka 5:10, 11) Izvi zvinonyatsoratidza kuti mashoko aJesu aiva nesimba zvechokwadi!

“Simba Pamabasa”

12, 13. Jesu akaratidza sei kuti aiva ‘nesimba pamabasa,’ uye zvishamiso zvake zvakanga zvakasiyana-siyana zvakadini?

12 Jesu aivawo munhu ane “simba pamabasa.” (Ruka 24:19) Mabhuku eEvhangeri anotaura zvishamiso zvinopfuura 30 zvaakaita achishandisa “simba raJehovha.” b (Ruka 5:17) Zvishamiso zvaJesu zvakabatsira zviuru zvevanhu. Funga nezvezvishamiso zviviri chete, paya paakapa varume 5 000 zvekudya nepaakazopawo varume 4 000. Tikasanganisira “vakadzi nevana,” vanhu ava vanogona kunge vakatowandisa kupfuura ipapo!—Mateu 14:13-21; 15:32-38.

13 Zvishamiso zvaJesu zvakanga zvakasiyana-siyana. Akaratidza simba pamadhimoni, achiadzinga nyore nyore. (Ruka 9:37-43) Akaratidza kuti aiva nesimba pazvinhu zvakasikwa naMwari, achishandura mvura kuva waini. (Johani 2:1-11) Funga kuti vadzidzi vake vakashamisika sei pavakaona “Jesu achifamba pamusoro pegungwa.” (Johani 6:18, 19) Aiva nesimba pazvirwere, achirapa vakaremara, vanorwara zvisingarapiki, kana kuti zvekuda kufa. (Mako 3:1-5; Johani 4:46-54) Kuporesa kwacho akakuita nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vakaporeswa vari kure, asi vamwe akanyatsoita zvekuvabata. (Mateu 8:2, 3, 5-13) Vamwe vakaporeswa pakarepo, asi vamwe vakaporeswa zvishoma nezvishoma.—Mako 8:22-25; Ruka 8:43, 44.

“Vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa”

14. Jesu akaratidza sei kuti hapana chakanga chakamuomera pakumutsa vanhu vakafa?

14 Chinoshamisa kupfuura zvese ndechekuti Jesu aiva nesimba rekumutsa vakafa. Bhaibheri rinotaura nezvezviitiko zvitatu paakamutsa vakafa; akaita kuti vabereki vavezve nemwanasikana wavo akanga afa, amai vaiva chirikadzi vavezve nemwanakomana wavo zai regondo akanga afa, uye vakadzi vaviri vavezve nehanzvadzi yavo. (Ruka 7:11-15; 8:49-56; Johani 11:38-44) Hapana chakanga chakamuomera. Akamutsa musikana aiva nemakore 12 achangobva kufa. Akamutsa mwanakomana wechirikadzi achienda kunovigwa, uye zvinoratidza sekuti akanga afa musi iwoyo. Uye akamutsa Razaro akanga ava nemazuva mana atofa.

Aishandisa Simba Rake Zvakanaka Uye Nenzira Inobatsira Vanhu

15, 16. Chii chinoratidza kuti Jesu akanga asingadi kushandisa simba rake kuti zvimunakire?

15 Unofunga kuti dai simba raiva naJesu raizoiswa pane mumwe mutongiwo zvake, raizoshandiswa sei? Asi Jesu akanga asina chivi. (1 Petro 2:22) Vanhu vanowanzoshandisa simba ravo nemakaro vachida kuti zvinhu zvivanakire ivo uye vabudirire uku vachidzvinyirira vanhu, asi Jesu akanga asina kudaro.

16 Jesu akanga asingashandisi simba rake kuti zvimunakire iye kana kuti awane chimwe chinhu pazviri. Paaiva nenzara, akaramba kushandura matombo kuti ave chingwa kuti adye. (Mateu 4:1-4) Aiva nezvinhu zvishomanana izvo zvinoratidza kuti haana kumboshandisa simba rake kuti azvipfumise. (Mateu 8:20) Pane humwe uchapupu hunoratidza kuti aishandisa simba rake asingazvifungi iye. Paaiita zvishamiso, aitorasikirwa nechimwe chinhu. Paaiporesa vanorwara, simba raibuda maari. Kunyange paaiporesa munhu mumwe chete chaiye, aitozvinzwa kuti simba rabuda maari. (Mako 5:25-34) Asi airega vanhu vakawanda vachimubata, uye vaiporeswa. (Ruka 6:19) Uku ndiko kunonzi kusazvifunga zvechokwadi!

17. Jesu akaratidza sei kuti aishandisa simba rake nechinangwa chakanaka?

17 Jesu aishandisa simba rake nechinangwa chakanaka. Haana kumboshandisa simba rake kuti angoonererwa kana kuita masaramusi asina chinangwa. (Mateu 4:5-7) Akaramba kuita zviratidzo zvekuda kufadza Herodhi uyo aingoda kumuona achiita zvishamiso. (Ruka 23:8, 9) Panzvimbo pekushambadzira simba rake, Jesu aiwanzoudza vanhu vaaiporesa kuti vasaudze mumwe munhu. (Mako 5:43; 7:36) Aisada kuti vanhu vasvike pakuziva kuti ndiye Mesiya zvichibva panyaya dzinenge dzichingotenderera dzezvishamiso zvaanenge aita.—Mateu 12:15-19.

18-20. (a) Jesu ainyanya kufunga nezvei paaishandisa simba rake? (b) Maporesero akaita Jesu mumwe murume aiva matsi anoita kuti unzwe sei?

18 Murume uyu ane simba, akanga akasiyana nekure nevatongi vanoshandisa simba ravo zvine utsinye vasingambofungi nezvekutambura kwevamwe. Jesu aida vanhu. Akanga asingatombodi kuona vanhu vachitambura; aingoti kuvaona chete obva atoona zvekuita. (Mateu 14:14) Paaishandisa simba rake aitanga afunga kuti vanhu vaari kuda kubatsira vari kunzwa sei, uye kuti vaida kubatsirwa sei uye nei. Izvi tinozviona patinoverenga pana Mako 7:31-37.

19 Musi uyu, vanhu vakawanda vakaunzira Jesu vanhu vairwara, uye akavaporesa vese. (Mateu 15:29, 30) Asi Jesu akatora mumwe murume waakaona kuti akanga akati siyanei nevamwe akaenda naye pake ega. Murume wacho aiva matsi, asingagoniwo kunyatsotaura. Jesu anogona kunge akaona kuti murume uyu aiti nyarei. Achifunga izvi, Jesu akamutora akaenda naye kure nevanhu. Jesu akabva ashandisa zviratidzo kuudza murume wacho zvaakanga ava kuda kuita. “Akabva aisa zvigunwe zvake munzeve dzemurume wacho, uye akasvipa mate, akabata rurimi rwake.” c (Mako 7:33) Jesu akazotarisa kudenga, ndokutura befu achiratidza kuti ari kutaura naMwari. Zvaiita sekuti aitoudza murume wacho kuti, ‘Zvandava kuda kukuitira ndichazviita nesimba rinobva kuna Mwari.’ Jesu akazoti: “Vhurika.” (Mako 7:34) Murume uya akatanga kunzwa uye kutaura sezvinongoita vamwe.

20 Unonzwa sei nekushandisa kwaiita Jesu simba rake achifungawo kuti munhu wacho ari kunzwa sei? Chokwadi zvinofanira kutikurudzira kuziva kuti Jehovha akaisa Umambo hwake mumaoko eMutongi ane hanya uye anonzwisisa zvakadaro.

Chiratidzo Chezvinhu Zviri Mberi

21, 22. (a) Zvishamiso zvaJesu zvairatidzei? (b) Tinotarisira chii kana Jesu ava kutonga muUmambo sezvo aine simba pazvinhu zvese zvakasikwa?

21 Mabasa esimba aiitwa naJesu pasi pano aingova nzwisa yezvinhu zvakanakisisa zvaachaita paachange ava kutonga samambo. Munyika itsva yaMwari, Jesu achaitazve zvishamiso, asi panguva ino munyika yese! Funga zvimwe zvichaitika zvinofadza.

22 Jesu achaita kuti zvinhu zvese zviri panyika zvisava nengozi kuvanhu. Yeuka kuti akaratidza kuti ane simba pazvinhu zvakasikwa paakanyaradza dutu. Saka kana ava kutonga saMambo, chokwadi vanhu vanenge vasisina chikonzero chekutya kuti upenyu hwavo hungangokanganiswa nemadutu, kudengenyeka kwenyika, kuputika kwemakomo, nedzimwewo njodzi dzinongoitika. Sezvo Jesu ari iye Mhizha yakashandiswa naJehovha pakusika nyika nezvinhu zvese zvipenyu zviri pairi, anonyatsonzwisisa zvayakaita. Anoziva kushandisa zvinhu zviri pairi nemazvo. Paanenge ava kutonga, pasi rese richashandurwa kuti rive Paradhiso.—Ruka 23:43.

23. Paachange ava kutonga saMambo, Jesu achaitirei vanhu pakurarama kwavo?

23 Ko zvatinodawo isu vanhu pakurarama? Kupa kwakaita Jesu zviuru zvevanhu zvekudya vakaguta, achishandisa zvinhu zvishomanana, kunotipa chivimbo chekuti nzara ichapera paanenge ava kutonga saMambo. Nzara ichange isisiko zvachose nekuti kunenge kwava nezvekudya zvakawanda uye vanhu vanenge vachiwana zvakaenzana. (Pisarema 72:16) Kukunda kwaakaita urwere kunotiratidza kuti vanhu vanorwara, mapofu, matsi, uye vakaremara, vachaporeswa zvachose. (Isaya 33:24; 35:5, 6) Kumutsa kwaakaita vakafa kunotipa chivimbo chekuti simba rake saMambo wekudenga richaita kuti amutse zviuru nezviuru zvevanhu vanoyeukwa naBaba vake.—Johani 5:28, 29.

24. Patinenge tichifunga nezvesimba raJesu, chii chatinofanira kuramba tichiyeuka?

24 Patinenge tichifunga nezvesimba raJesu, ngatirambei tichiyeuka kuti Mwanakomana uyu anotevedzera Baba vake zvakakwana. (Johani 14:9) Saka mashandisiro akaita Jesu simba rake anonyatsotiratidza mashandisiro anoita Jehovha simba rake. Funga nezvemaporesero akaita Jesu mumwe murume aiva nemaperembudzi. Jesu akabata murume wacho achimunzwira tsitsi, akati: “Ndinoda!” (Mako 1:40-42) Patinoverenga nyaya dzakaita seiyi, tiri kuita setiri kunzwa Jehovha achiti, ‘Aya ndiwo mashandisiro andinoita simba rangu!’ Haunzwi uchida kurumbidza Mwari wedu Wemasimbaose here uye kumutenda nemashandisiro aanoita simba rake nenzira yerudo zvakadaro?

a Madutu anotyisa anongoerekana aitika muGungwa reGarireya. Gungwa iri riri pakadzikira zvikuru sezvo rakakomberedzwa nemakomo, saka mhepo iri nechepamusoro pemvura inenge ichidziya. Mhepo inotonhora inenge ichibva muGomo reHemoni ichitevedza Bani reJodhani, painosangana nemhepo iya inodziya iri mugungwa, inonyandura mvura yokonzera kuti pave nemadutu anotyisa.

b Zvinogona kupfuura ipapo nekuti dzimwe nguva mabhuku eEvhangeri anongotaura muchidimbu zvishamiso zvakawanda zvakaitika. Pane imwe nguva “guta rese” rakauya kuzomuona, uye akarapa vanhu vairwara “vazhinji.”—Mako 1:32-34.

c Kusvipa mate yaiva nzira kana kuti chiratidzo chekurapa chaizivikanwa nevaJudha nevanhu vemamwe marudzi, uye mabhuku avanarabhi anotaurawo nezvekushandisa mate pakurapa. Pamwe Jesu akasvipa achida kuratidza murume wacho kuti akanga ava kuda kumuporesa. Asi chatinoziva ndechekuti Jesu akanga asiri kushandisa mate ake sechinhu chekurapa nacho.