Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

Simba Rekuparadza​—“Jehovha Murwi Ane Simba”

Simba Rekuparadza​—“Jehovha Murwi Ane Simba”

1-3. (a) VaIsraeri vakanga vava mungozi zvakadini pavaiteverwa nevaIjipiti? (b) Jehovha akarwira vanhu vake sei?

 VAISRAERI vakanga vava parumananzombe, kudivi iri kuine gomo, rimwe divi riine gungwa. Uto reIjipiti, iro raiuraya zveutsinye, raivafemera mugotsi chaimo richivatevera, richida kuvatsvaira. a Kunyange zvakadaro, Mozisi akakurudzira vanhu vaMwari kuti vasarasa tariro. Akavavimbisa kuti: “Jehovha pachake ndiye achakurwirai.”—Eksodho 14:14.

2 Mozisi anofanira kunge akashevedzera kuna Jehovha, uye Mwari akapindura kuti: “Uri kurambirei uchindichemera? . . . Simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pagungwa urikamure.” (Eksodho 14:15, 16) Fungidzira zvinotanga kuitika. Jehovha anobva aita kuti ngirozi yake iendese shongwe yegore kumashure kwevaIsraeri, yoita semadziro akavavharidzira kuti vaIjipiti vasasvika vachivarwisa. (Eksodho 14:19, 20; Pisarema 105:39) Mozisi anobva atambanudza ruoko rwake. Mhepo ine simba inovhuvhuta, yobva yatsemura gungwa nepakati. Mvura inosimuka yomira semasvingo, ichivhura nzira inokwana kuti vaIsraeri vese vapfuure!—Eksodho 14:21; 15:8.

3 Taizotarisira kuti Farao paanoona simba rakadaro richiratidzwa, anobva audza vaIjipiti kuti vadzoke. Asi Farao nekuzvikudza anotoudza varwi vake kuti varwise. (Eksodho 14:23) VaIjipiti vanomhanyidzana vachipinda mugungwa, asi chivindi chavo chinochinja kuita nyonganyonga mavhiri engoro dzavo paanotanga kugurunuka. Jehovha paanongoona kuti vaIsraeri vava kumhiri, anoudza Mozisi kuti: “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzoke pamusoro pevaIjipiti, pangoro dzavo dzehondo, nepavarwi vavo vakatasva mabhiza.” Mvura iya inokoromoka ichifukidza Farao nemauto ake!—Eksodho 14:24-28; Pisarema 136:15.

4. (a) Jehovha akaratidza kuti ndiMwari werudzii paGungwa Dzvuku? (b) Vamwe pavanonzwa kuti Jehovha “murwi ane simba” vanogona kunzwa sei nezvake?

4 Kununurwa kwevaIsraeri paGungwa Dzvuku kunotidzidzisa zvakawanda nezvaJehovha uye mabatiro aanoita vanhu. Ipapo Jehovha akaratidza kuti “murwi ane simba.” (Eksodho 15:3) Asi izvi zvinoita kuti unzwe sei nezvaJehovha? Chokwadi ndechekuti hondo yaunza misodzi nemarwadzo akawanda panyika. Zvingaitika here kuti simba raMwari rekuparadza riite kuti usade kuswedera pedyo naye?

Jehovha akaratidza kuti “murwi ane simba” paGungwa Dzvuku

Kusiyana Kwakaita Hondo dzaMwari Nedzevanhu

5, 6. (a) Nei zvakanyatsokodzera kuti Mwari anzi “Jehovha wemauto”? (b) Hondo dzaMwari dzakasiyana sei nehondo dzevanhu?

5 MuMagwaro echiHebheru Mwari anodanwa kuti “Jehovha wemauto,” kangasvika ka260 uye muMagwaro echiGiriki kaviri. (1 Samueri 1:11) Sezvo ari iye Mutongi mukuru akanyatsokodzera, Jehovha ane uto guru rengirozi. (Joshua 5:13-15; 1 Madzimambo 22:19) Uto iri rine simba rekuparadza rinotyisa. (Isaya 37:36) Hapana anofarira kuparadzwa kwevanhu. Asi tinofanira kuyeuka kuti hondo dzaMwari dzakasiyana nehondo dzevanhu dzisina musoro. Vatungamiriri vehondo nevezvematongerwo enyika vanogona kuti vane zvikonzero zvakanaka zviri kuita kuti varwe. Asi chokwadi ndechekuti hapana hondo dzevanhu dzaunoona dzisina makaro nekuzvifunga.

6 Jehovha akasiyana nevanhu pakuti haangoiti zvinhu akaguta nehasha. Dheuteronomi 32:4 inotaura nezvake ichiti: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nekuti nzira dzake dzese dzakarurama. NdiMwari akatendeka, asingaiti zvisina kururama; iye akarurama uye akatendeseka.” Shoko raMwari rinoshora hasha dzisingadzorwi, utsinye, uye mhirizhonga. (Genesisi 49:7; Pisarema 11:5) Saka Jehovha haamboiti zvinhu pasina chikonzero. Anoshandisa simba rake rekuparadza zvine mwero uye kana pasisina imwe nzira yekugadzirisa nayo dambudziko racho. Ndosaka akazotaura achishandisa muprofita Ezekieri kuti: “‘Ko ini ndinombofarira rufu rwemunhu akaipa here?’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Handidi here kuti atendeuke panzira dzake, oramba achirarama?’”—Ezekieri 18:23.

7, 8. (a) Jobho akafunga kuti kutambura kwake kwaibva kupi? (b) Erihu akagadzirisa mafungiro aJobho sei panyaya iyi? (c) Tinodzidzei pane zvakasangana naJobho?

7 Saka Jehovha anomboshandisirei simba rake rekuparadza? Tisati tapindura, ngatiyeukei zvakaitika kumurume akarurama Jobho. Satani akati Jobho, kana kuti tingatoti munhu wese zvake, haagoni kuramba akaperera kuna Jehovha kana akaedzwa. Jehovha akapindura nekubvumira Satani kuedza kuperera kwaJobho. Saka Jobho akarwara, akarasikirwa nepfuma, uye akafirwa nevana vake. (Jobho 1:1–2:8) Sezvo Jobho akanga asingazivi kuti inyaya yei yaiitika, akafunga kuti kutambura kwake kwakanga kuri kurangwa naMwari pasina chaatadza. Akabvunza Mwari kuti nei akanga angoti “nangananga,” achimutora “semuvengi.”—Jobho 7:20; 13:24.

8 Mumwe murume wechidiki ainzi Erihu akabatsira Jobho kuona kuti mafungiro aaiita akanga asina kururama. Akati: “Une chokwadi here kuti wakarurama zvekuti ungati, ‘Ndakarurama kupfuura Mwari’?” (Jobho 35:2) Hakusi kuchenjera kufunga kuti tinoziva kupfuura Mwari, kana kuti kufungidzira kuti ari kutibata zvisina kunaka. Erihu akataurawo kuti: “Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa.” Akazoenderera mberi achiti: “Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose; ane simba guru, uye haatombotongi zvinopesana nekururama kwake kukuru.” (Jobho 34:10; 36:22, 23; 37:23) Tine chokwadi chekuti Mwari paanorwa, anenge aine chikonzero chakanaka chekudaro. Tichifunga izvi, ngatimboongororai zvimwe zvikonzero zvinoita kuti Mwari ambopfeka nguo dzemurwi.—1 VaKorinde 14:33.

Chii Chinoita Kuti Mwari Werugare Arwe?

9. Nei Mwari mutsvene achimborwa?

9 Pashure pekurumbidza Mwari achimuti “murwi ane simba,” Mozisi akazoti: “Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari? Ndiani akafanana nemi, ari kuratidza kuti mukuru pautsvene?” (Eksodho 15:11.) Muprofita Habhakuki akanyorawo zvakafanana achiti: “Maziso enyu akachena chaizvo zvekuti haangatarisi zvakaipa, uye hamugoni kungosiya zvakaipa zvichiitika.” (Habhakuki 1:13) Kunyange zvazvo tichiziva kuti Jehovha ndiMwari werudo, tinofanirawo kuyeuka kuti mutsvene uye akarurama. Dzimwe nguva izvozvo zvinomuita kuti ashandise simba rake rekuparadza. (Isaya 59:15-19; Ruka 18:7) Saka paanenge achirwa anenge asingakanganisi utsvene hwake asi kutoti anorwa nekuti mutsvene.—Eksodho 39:30.

10. Ruvengo rwunotaurwa pana Genesisi 3:15 rwaigona kuzongopera sei chete, uye izvozvo zvaizobatsira sei vanhu vese?

10 Funga mamiriro akaita zvinhu pakapanduka vanhu vaviri vekutanga, Adhamu naEvha. (Genesisi 3:1-6) Dai akangosiya kusarurama kwavo kwakadaro, Jehovha aizokanganisa nzvimbo yake seMutongi wezvisikwa zvese. Sezvo ari Mwari akarurama, aitofanira kuvapa mutongo werufu. (VaRoma 6:23) Muuprofita hweBhaibheri hwekutanga, akataura kuti paizova neruvengo pakati pevashumiri vake nevateveri ‘venyoka,’ Satani. (Zvakazarurwa 12:9; Genesisi 3:15) Ruvengo irworwo rwaitozopera nekuparadzwa kwaSatani. (VaRoma 16:20) Asi mutongo iwoyo waizoita kuti pave nemakomborero akawanda panyika, uchibvisa kutonga kwaSatani, wozarura mukana wekuti pasi rino rive paradhiso. (Mateu 19:28) Izvozvo zvisati zvaitika, vatsigiri vaSatani vaizoramba vachiitira vanhu vaMwari zvakaipa, vachiedza kuvakanganisa pakunamata kana kuvauraya. Pamwe pacho, Jehovha aitozofanira kupindira.

Mwari Anoshandisa Simba Rake Kuti Abvise Zvakaipa

11. Nei Mwari akaona achifanira kuunza mafashamo panyika?

11 Paakaunza mafashamo epanguva yaNoa ndipo pamwe paakapindira saizvozvo. Genesisi 6:11, 12 inoti: “Mwari wechokwadi akaona kuti nyika yakanga yaora, uye kuti yakanga yazara nekurwisana. Zvechokwadi Mwari akatarisa nyika, akaona kuti yakanga yaora; nzira yemunhu wese yakanga yashata panyika.” Mwari aizoregedza vakaipa vachitsvaira vanhu vashomanana vakarurama vakanga vasara panyika pano here? Aiwa. Jehovha akaona achifanira kuunza mafashamo kuti abvise panyika vanhu vese vakanga vachida nyaya dzemhirizhonga neunzenza.

12. (a) Jehovha akagara ataura kuti chii ‘nezvemwana’ waAbrahamu? (b) Nei vaAmori vaifanira kuparadzwa?

12 Ndizvo zvakaitikawo pakatongwa vaKenani naMwari. Jehovha akazivisa kuti kuna Abrahamu kwaizobva “mwana” uye mhuri dzese dzepanyika dzaizozviwanira chikomborero nekwaari. Maererano nechinangwa ichocho, Mwari akazivisa kuti vazukuru vaAbrahamu vaizopiwa nyika yaigara vaKenani, avo vainzi vaAmori. Zvinganzi sei Mwari aiita zvakarurama paakadzinga vanhu vachigara munyika yavo? Jehovha akanga ataura kuti vaAmori vaizobviswa pashure pemakore 400, chivi chavo “chasvika pakuipisisa.” b (Genesisi 12:1-3; 13:14, 15; 15:13, 16; 22:18) Mumakore 400 iwayo, vaAmori vakaramba vachinyura mutsika dzakaora. Kenani yakava nyika yakazara nekunamata zvidhori, kudeura ropa, neunzenza hunonyadzisa. (Eksodho 23:24; 34:12, 13; Numeri 33:52) Vanhu vacho vaitouraya vana vavo sezvibayiro vachivapisa mumoto. Mwari mutsvene aizoita kuti vanhu vake vararame nevanhu vakaipa zvakadaro here? Aiwa! Akazivisa kuti: “Nyika yacho haina kuchena, uye ndichairangira kutadza kwayo, yorutsa vagari vayo.” (Revhitiko 18:21-25) Asi Jehovha aisazongovaparadza zvachero asingasarudzi. VaKenani vaiva nechido chekuita zvakanaka vakadai saRakabhi nevaGibhiyoni havana kuparadzwa.—Joshua 6:25; 9:3-27.

Kurwira Zita Rake

13, 14. (a) Nei Jehovha aifanira kutsvenesa zita rake? (b) Jehovha akambotsvenesa sei zita rake pakuzvidzwa kwarakaitwa?

13 Sezvo Jehovha ari mutsvene, zita rake idzvene. (Revhitiko 22:32) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Kupanduka kwakaitika muEdheni kwakasvibisa zita raMwari, kukaita kuti pave nemubvunzo wekuti Mwari anotonga zvakarurama here. Jehovha aisazongosiya zita rake richisvibiswa zvakadaro uye achipandukirwa zvakadaro. Aitofanira kutsvenesa zita rake pakuzvidzwa kwarakanga raitwa.—Isaya 48:11.

14 Funga zvakare nezvevaIsraeri. Dai vaizoramba vari nhapwa muIjipiti, zvakavimbiswa Abrahamu naMwari kuti mhuri dzese dzepanyika dzichakomborerwa nekumwana wake zvaizoshaya basa. Asi kuvanunura kwaakavaita uye kuita kuti vave nyika yakazvimirira kwakaita kuti Jehovha abvise kuzvidzwa pazita rake. Ndosaka muprofita Dhanieri akataura kuna Mwari mumunyengetero achiti: “Jehovha Mwari wedu, imi Mwari akabudisa vanhu vake munyika yeIjipiti neruoko rune simba, mukaita mbiri.”—Dhanieri 9:15.

15. Nei Jehovha akanunura vaJudha vaiva nhapwa muBhabhironi?

15 Panguva yakataurwa mashoko aya naDhanieri, vaJudha zvakare vaida kuti Jehovha avaponese achiitirazve zita rake. VaJudha vakanga vava nhapwa zvakare, panguva ino muBhabhironi. Guta ravo guru, Jerusarema, rakanga rava matongo. Dhanieri aiziva kuti kudzorerwa kwevaJudha kunyika yavo, kwaizokwidziridza zita raJehovha. Saka akanyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, kanganwirai. Haiwa Jehovha, teererai muone zvekuita! Mwari wangu, fungai nezvezita renyu morega kunonoka, nekuti zita renyu riri pavanhu venyu nepaguta renyu.”—Dhanieri 9:18, 19.

Kurwira Vanhu Vake

16. Tsanangura kuti nei kudzivirira kunoita Jehovha zita rake kusingarevi kuti haana basa nevanhu uye anongozvifunga.

16 Saka kuda kunoita Jehovha kurwira zita rake kunoreva here kuti iye haana basa nevanhu uye anongozvifunga chete? Aiwa. Nekuti paanenge achiita zvinhu maererano neutsvene hwake uye kutonga kwake zvakarurama, anenge achitodzivirira vanhu vake. Funga zvatinoverenga muchitsauko 14 chaGenesisi. Tinoverenga nezvemadzimambo mana akapinda nechisimba ndokutora Roti, mwana wemunin’ina waAbrahamu nemhuri yake. Abrahamu akabatsirwa naMwari, akakunda madzimambo iwayo zvinoshamisa! Hondo iyoyo inofanira kunge iri iyo yekutanga kunyorwa ‘mubhuku reHondo dzaJehovha,’ iro rinofanira kunge riri iro rainyorwa dzimwe hondo dzisina kunyorwa muBhaibheri. (Numeri 21:14) Asi pane dzimwe dzaizotevera.

17. Chii chinoratidza kuti Jehovha akarwira vaIsraeri pashure pekupinda kwavo munyika yeKenani? Ipa mienzaniso.

17 VaIsraeri vasarirwa nenguva pfupi kuti vapinde munyika yeKenani, Mozisi akavavimbisa kuti: “Jehovha Mwari wenyu achaenda mberi kwenyu uye achakurwirai, sezvaakangoita kuIjipiti makatarisa nemaziso enyu.” (Dheuteronomi 1:30; 20:1) Kutangira pana Joshua uyo akatsiva Mozisi, tozoenda panguva yeVatongi, tozoenda panguva yemadzimambo akatendeka eJudha, Jehovha akarwira vanhu vake achiita kuti vakunde zvinoshamisa.—Joshua 10:1-14; Vatongi 4:12-17; 2 Samueri 5:17-21.

18. (a) Nei zvichitifadza kuziva kuti Jehovha haana kuchinja? (b) Ruvengo rwunotaurwa pana Genesisi 3:15 rwava kuda kusvika papi uye chii chichaitika?

18 Jehovha haana kuchinja, uye chinangwa chake chekuti pasi rino rive paradhiso ine rugare hachinawo kuchinja. (Genesisi 1:27, 28) Mwari achiri kuvenga uipi. Asi anoda vanhu vake chaizvo uye asarirwa nenguva pfupi kuti avarwire. (Pisarema 11:7) Chokwadi ndechekuti ruvengo runorondedzerwa pana Genesisi 3:15 rwava pedyo kusvika pakuva hondo chaiyo munguva pfupi iri kutevera. Kuti atsvenese zita rake uye adzivirire vanhu vake, Jehovha achavazve “murwi ane simba”!—Zekariya 14:3; Zvakazarurwa 16:14, 16.

19. (a) Ipa muenzaniso unoratidza kuti simba raMwari rekuparadza rinotoita kuti tide kuswedera pedyo naye. (b) Chido chaMwari chekurwa achitidzivirira chinofanira kuita kuti tiite sei?

19 Ngatiti mhuri yemumwe murume iri kurwiswa nechikara uye murume wacho anobva angosvika ouraya chikara chacho. Ungatarisira mudzimai wake nevana kuti vamutye here nemhaka yezvaaita izvozvo? Havangambodaro; vangatomutenda nezvaanenge avaitira zvinoratidza rudo. Isuwo hatifaniri kuona Mwari seanotyisa paanoshandisa simba rake rekuparadza. Chido chake chekurwa achitidzivirira chinofanira kutowedzera kumuda kwatinoita. Kuremekedza kwatinoita simba rake risingaperi kunotowedzerawo. Izvi zvinoita kuti tikwanise “kuitira Mwari basa dzvene zvinomufadza tichimutya nekumuremekedza.”—VaHebheru 12:28.

Swedera Pedyo “Nemurwi Ane Simba”

20. Patinoverenga nhoroondo dziri muBhaibheri dzehondo dzaMwari dzatingatadza kunyatsonzwisisa, tinofanira kuita sei, uye nei tichifanira kudaro?

20 Hatitarisire hedu kuti Bhaibheri ritsanangure zvikonzero zvese zvinoita kuti Jehovha asarudze kurwa. Asi chatinoziva ndechekuti Jehovha haamboshandise simba rake rekuparadza nenzira isina kururama kana kuti neutsinye. Kazhinji patinoverenga nyaya dzacho tinofanira kufunga nezvekuri kubva nenyaya yacho, uye kufunga nezvemamwe mashoko ane chekuita nenyaya yacho, kuti tizonyatsonzwisisa kuti nei akasarudza kuita zvaakaita. (Zvirevo 18:13) Kunyange zvakadaro kana paine patisina chokwadi napo, tinofanira kungowedzera kudzidza nezvaJehovha uye kufungisisa kuti ndiMwari akaita sei. Patinoita izvozvo tinonyatsova nezvikonzero zvakawanda zvekuvimba naMwari wedu.—Jobho 34:12.

21. Kunyange zvazvo ari “murwi ane simba” pane dzimwe nguva, mumwoyo make Jehovha ndiMwari werudzii?

21 Kunyange zvazvo dzimwe nguva Jehovha ari “murwi ane simba” pazvinenge zvakakodzera, hazvirevi kuti mumwoyo make ndiMwari anoda zvehondo. Muchiratidzo chengoro yekudenga chakaonekwa naEzekieri, Jehovha anoratidzwa akagadzirira kurwa nevavengi vake. Asi Ezekieri akaona Mwari akakomberedzwa nemuraraungu, chiratidzo cherugare. (Genesisi 9:13; Ezekieri 1:28; Zvakazarurwa 4:3) Zviri pachena kuti Jehovha anozvidzora uye ane rugare. Muapostora Johani akanyora kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Hapana chinoitwa naJehovha chinopfuura mwero. Saka zvechokwadi takakomborerwa kukwanisa kuswedera pedyo naMwari ane simba zvakadaro, asi aine rudo!

a Munyori wenhau dzakaitika kare wechiJudha Josephus, akati vaHebheru “vaidzingirirwa nengoro dzehondo 600 pamwe chete nevatasvi vemabhiza 50 000 uye varwi vaifamba netsoka vakapakata zvombo vanosvika 200 000.”—Jewish Antiquities, II, 324 [xv, 3].

b Shoko rekuti “vaAmori” pano rinofanira kunge riri kubatanidza vaKenani vese.—Dheuteronomi 1:6-8, 19-21, 27; Joshua 24:15, 18.