Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

‘Chokwadi Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama!’

‘Chokwadi Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama!’

1, 2. Jehovha aiva nechinangwa chekuti zuva rechinomwe rizoguma sei, uye chii chakaitika chaizobudisa uchenjeri hwaMwari pachena?

 ZUVA rechitanhatu parakanga rava kunopera, Jehovha akatarisa zvinhu zvese zvaakanga asika, kusanganisira vanhu, akaona kuti zvese “zvakanga zvakanaka chaizvo.” (Genesisi 1:31) Asi kumavambo kwezuva rechinomwe, Adhamu naEvha vakateerera Satani, ndokupandukira Jehovha. Vanhu, vanova ndivo zvisikwa zvakanakisisa pamabasa ese akanga aitwa naMwari panyika, vakabva vapinda muchivi, vakazviunzira rufu. Zvinhu zvese musango!

2 Zvaigona kuoneka sekuti chinangwa chaMwari chezvaaida kuita pazuva rechinomwe chakanga chatobondera, zvekuti pakanga pasisina tariro. Zuva iroro, raizenge rakareba zviuru zvemakore, kungofanana nemamwe matanhatu akanga atanga. Jehovha akanga ataura kuti zuva iroro raizova dzvene, uye kuti paraizopera nyika yese yaizenge yava paradhiso, yakazara nemhuri yevanhu vasina chivi. (Genesisi 1:28; 2:3) Asi nezvakanga zvaitika izvi, chinangwa ichocho chakanga chichiri kukwanisa kuzadziswa here? Mwari aizoita sei? Zvechokwadi, pakugadzirisa nyaya iyi, Jehovha aizoratidza kuti uchenjeri hwake hauenzaniswi.

3, 4. (a) Magadzirisiro akaita Jehovha nyaya yekupanduka kwakaitika muEdheni anoratidza sei kuti ane uchenjeri hunoshamisa? (b) Kuzvininipisa kunofanira kuita kuti tigare tichiyeuka chokwadi chipi patinenge tichidzidza nezveuchenjeri hwaJehovha?

3 Jehovha haana kumbomira achifunga kuti oita sei. Akabva angopa mutongo kumhandu dzacho muEdheni, uku achibudisa mashoko anofadza anoratidza kuti aizogadzirisa sei nhamo yavakanga vaunza nekutadza kwavakaita. (Genesisi 3:15) Chinangwa chaJehovha chinoratidza kuti anoona zviri mberi mberi nekuti chinotangira muEdheni chichipinda muzviuru zvemakore zvaizotevera, kusvikira mune ramangwana risingaperi. Chiri nyore kunzwisisa asi chakadzama zvekuti tinogona kupedza upenyu hwedu hwese tichidzidza nezvacho uye tichichifungisisa tigoramba tichingonakidzwa nacho. Uyezve, chinangwa chaJehovha chinototi chizadziswe kunyange zvodini. Kuzadziswa kwacho kuchapedza zvinhu zvese zvakaipa, chivi, uye rufu. Chichaita kuti vanhu vakatendeka vapedzisire vasisina chivi. Zvese izvi zvichaitika zuva rechinomwe risati rapera, kuitira kuti chinangwa chaJehovha chaakasikira vanhu nepasi rino chizadzike panguva chaipo, pasinei nezvese zvakaitika!

4 Uchenjeri hwakadaro hunoshamisa, handizvo here? Ndokusaka muapostora Pauro akazonyora kuti, ‘Chokwadi uchenjeri hwaMwari hwakadzama!’ (VaRoma 11:33) Patinenge tichiongorora uchenjeri hwaMwari, tinofanira kuzvininipisa tichiyeuka kuti kunyange tikaedza sei, zvatinogona kuziva nezveuchenjeri hwake zvinongova zvishomanana. (Jobho 26:14) Ngatimbotangai nekurondedzera kushamisa kunoita uchenjeri hwaMwari.

Chii Chinonzi Uchenjeri Hwechokwadi?

5, 6. Ruzivo neuchenjeri zvinofambirana sei, uye ruzivo rwaJehovha rwakakura zvakadini?

5 Uchenjeri hwakasiyana neruzivo. Kombiyuta inogona kuchengeta mashoko akawanda pamusoro peruzivo rwezvinhu zvakasiyana-siyana, asi hatigoni kutaura kuti yakachenjera. Asi kunyange zvakadaro, ruzivo neuchenjeri zvinofambirana. (Zvirevo 10:14) Ngatitii uri kurwara nechimwe chirwere chakakura uye uri kuda ruzivo rwekuti chingarapwa sei, ungabvunza munhu asina zvaanoziva nezvekurapa here? Haungambodaro! Saka kuva neruzivo rwakakwana kwakabatana neuchenjeri hwechokwadi.

6 Jehovha ane dura risingaperi reruzivo. Sezvo ari iye “Mambo asingagumi,” ndiye chete agara aripo kubvira nariini. (Zvakazarurwa 15:3) Anoziva zvese zvaiitika mumakore ese aya asingaverengeki. Bhaibheri rinoti: “Hapana chisikwa chaasingaoni, asi kuti zvinhu zvese zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13; Zvirevo 15:3) Sezvo ari iye Musiki, Jehovha anonyatsonzwisisa zvese zvaakasika, uye akaona zvese zvaiitwa nevanhu kubvira pakutanga. Anoongorora mwoyo yevanhu zvekuti hapana chinomupotsa. (1 Makoronike 28:9) Sezvo akatisika tichifanira kuzvisarudzira tega zvatinoda kuita, anofara paanoona kuti tiri kuita zvisarudzo zvekuchenjera muupenyu. Sezvo ari “Munzwi wemunyengetero,” anoteerera minyengetero isingaverengeki panguva imwe chete! (Pisarema 65:2) Hapana mubvunzo kuti pfungwa dzaJehovha hadzienzaniswi.

7, 8. Jehovha anoratidza sei kuti uchenjeri hwake hausi hwekungotaurawo zvako?

7 Jehovha haangogumiri pakuva neruzivo chete. Anoonawo kupindirana kunoita pfungwa dzakasiyana-siyana uye kuti zvese zvaanoziva nezveimwe nyaya nekuwanda kwazvo zvinobatana papi. Anoongorora, otonga achisiyanisa zvakanaka nezvakaipa, zvinokosha nezvisingakoshi. Uyewo haangotarisi zvinooneka nechekunze chete, asi anotarisa zviri mumwoyo. (1 Samueri 16:7) Saka Jehovha ane nzwisiso yezvinhu, chinova chinhu chinokosha uye chakatokwirira kupfuura ruzivo. Asi uchenjeri hwakatokwirira kupfuura ipapo.

8 Kana munhu aine ruzivo rwakakwana nezveimwe nyaya uye achinyatsoinzwisisa, akabatanidza zvaanoziva uye zvaanonzwisisa nezvayo, ozvishandisa, ndipo patinozoti ane uchenjeri. Mamwe mashoko emuBhaibheri akashandurwa kuti “uchenjeri” anonyanyobudisa pfungwa yeuchenjeri hunoshanda muupenyu kwete hwekungotaurawo. Saka uchenjeri hwaJehovha hausi hwekungotaura; hunooneka pamabasa ake. Achishandisa ruzivo rwake rusingaenzaniswi uye kunzwisisa kwake kwakadzama, Jehovha anoita zvisarudzo zvakanakisisa, achizvizadzisa nenzira yakanakisisa. Ihwohwo ndihwo hunonzi uchenjeri hwechokwadi! Jehovha ndiye anonyatsoratidza zvairehwa naJesu paakati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Zvinhu zvakasikwa naJehovha zviri pasi nekudenga zvinopa uchapupu hwakasimba hweuchenjeri hwake.

Uchapupu Hweuchenjeri hwaMwari

9, 10. (a) Ndeipi imwe mhando yeuchenjeri hunoratidzwa naJehovha, uye tinohuona pachii? (b) Sero rinopa sei uchapupu hweuchenjeri hwaJehovha?

9 Tese tinoshamiswa patinoona basa rinenge raitwa nemumwe munhu anogona kugadzira zvinhu zvakanaka. Iyoyo imwe mhando yeuchenjeri inoshamisa zvikuru. (Eksodho 31:1-3) Jehovha pachake ndiye dura reuchenjeri hwemhando iyoyo uye vanhu vese vanahwo vanenge vachitohutora kwaari. Mambo Dhavhidhi akati kuna Jehovha: “Ndinokurumbidzai nekuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, izvi ndinonyatsozviziva.” (Pisarema 139:14) Zvechokwadiwo patinowedzera kuongorora muviri wemunhu, tinobva tawedzera kushamiswa neuchenjeri hwaJehovha.

10 Chimbofunga kuti iwe wakatanga uchingova sero rimwe chete rakabva kuna amai rikasangana nembeu yakabva kuna baba vako. Pasina nguva sero iroro rakatanga kuparadzana paradzana richiita tumasero twakawanda. Zvakaramba zvichiitika kusvika pazova nemunhu akazara akaita sewe, ane masero anoda kusvika matiririyoni 100. Tumasero twacho tudikidiki, zvekuti 10 000 twacho twukabatanidzwa twese twungaenzana nekatsanga kejecha. Asi kamwe nekamwe kemasero iwayo kakaoma kunzwisisa zvinotemesa musoro. Sero rakaoma kunzwisisa kupfuura muchina upi zvawo wakagadzirwa nevanhu kana fekitari ipi zvayo inogadzira zvinhu. Nyanzvi dzesainzi dzinoti sero rakafanana neguta rine rusvingo, rine masuo ekupinda nawo nekubuda nawo, zvekutakurisa zvinhu, zvekufambisa mashoko, magwenya emagetsi, panogadzirwa zvinhu, zvekushandisa pakurasa tsvina nemarara uye zvekuita kuti marara ashandisike zvakare, mauto ekudzivirira, kunyange hurumende iri nechepamwoyo paro. Uyezve sero rinogona kugadzira rimwe rakafanana naro mumaawa mashomanana!

11, 12. (a) Chii chinoita kuti masero ekamwana kachangoumbwa mudumbu raamai atange kusiyana-siyana, uye izvi zvinowirirana sei naPisarema 139:16? (b) Uropi hunoratidza sei kuti takaitwa “nenzira inoshamisa”?

11 Asi tinoziva kuti haasi masero ese akafanana. Masero emwana ari mudumbu paanoramba achiwanda, anotanga kuva mhando dzakasiyana-siyana, achiita mabasa akasiyana-siyana. Mamwe anova masero etutambo tunofambisa mashoko kuenda kuuropi, mamwe anova emapfupa, mamwe emarunda, eropa, kana kuti masero emaziso. Kusiyana-siyana uku kunoita sekwakanyorwa mune yatingati raibhurari ine mirayiridzo yekuti rinofanira kuita basa rei, inonzi DNA. Zvinobva zvaenderanawo nezvakataurwa naDhavhidhi kuna Jehovha achifemerwa paakati: “Maziso enyu akatondiona ndichangotanga kuumbwa; nhengo dzangu dzese dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu.”—Pisarema 139:16.

12 Dzimwe nhengo dzakarukwa neunyanzvi hwakanyanyisa zvekuti kuedza kudzinzwisisa kunotenderedza musoro. Funga nezveuropi hwemunhu. Vamwe vanoti ndicho chinhu chakaoma kunzwisisa pazvinhu zvese zvakasikwa zviri pasi nekudenga. Hune masero angasvika 100 bhiriyoni kana kupfuura, uwandu hungatoenzana nehwenyeredzi dziri mugwara renzou. Sero rimwe nerimwe rine zviuru zvetunhu twakaita setutambo twunoribatanidza nemamwe masero. Nyanzvi dzesainzi dzinoti uropi hwemunhu hunogona kuchengeta mashoko ari mumaraibhurari ari munyika yese, uye pamwe hatitokwanisi kuziva kuti hunotakura mashoko akawanda zvakadini. Kunyange zvazvo vava nemakumi emakore vachidzidza nezvenhengo iyi yemuviri yakaitwa “nenzira inoshamisa,” vanobvuma kuti vanogona kusatombosvika pakunzwisisa zvizere kuti inoshanda sei.

13, 14. (a) Masvosve nezvimwe zvisikwa zvinoratidza sei kuti “zvakasikwa zviine uchenjeri,” uye zvinotidzidzisei nezveakazvisika wacho? (b) Zvisikwa zvakadai sedandemutande zvinoratidza sei kuti zvakaitwa “neuchenjeri”?

13 Masikirwo akaitwa vanhu handiwo ega anoratidza kuti Jehovha ane uchenjeri hwekugadzira zvinhu. Pisarema 104:24 inoti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu akawanda chaizvo! Makaaita ese neuchenjeri. Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita.” Uchenjeri hwaJehovha hunooneka muzvisikwa zvese zvakatipoteredza. Funga nezvesvosve, iro rinonzi neBhaibheri, ‘rakasikwa riine uchenjeri.’ (Zvirevo 30:24) Zvechokwadiwo mizinda yemasvosve yakarongwa neunyanzvi. Mimwe mizinda yemasvosve inochengeta tumbuyu twakaita senhata tunoiwanisa zvekudya, ichitoita seine zvipfuwo. Mamwe masvosve anoita kuti chahuvhe chikure maanogara, chichiita sezvirimwa. Zvimwe zvisikwa zvakawanda zvakasikwa zvichikwanisa kuita zvinhu zvinoshamisa. Nhunzi chaiyo inoita chamupidigori chekuti kunyange ndege haikwanisi kuzvitevedzera. Shiri dzinotama-tama dzinoziva kwekunanga dzichishandisa nyeredzi, simba remagineti rinobva pasi, kana kuti rumwe rudzi rwemepu yakasikwa iri mumusoro madzo. Nyanzvi dzesainzi dzinoita makore dzichiongorora maitiro ezvisikwa izvi anoshamisa. Saka Mwari akazvigadzira anofanira kunge akachenjera zvakadini!

14 Nyanzvi dzesainzi dzakadzidza zvakawanda muuchenjeri hwaJehovha hwekusika. Kunotova neunyanzvi hunonzi biomimetics hwekuedza kwemainjiniya kugadzira zvinhu vachitevedzera zvinhu zvakasikwa. Ungave wakatomboshamiswawo nechinhu chakadai sedandemutande. Asi kana chichitariswa nemainjiniya, chinhu chinotoratidza unyanzvi hwekugadzira hunoshamisa. Dai kuri kuti twunogadzirwa twakakura, tushinda itwotwo tunoita setusina kusimba twakatosimba kupfuura simbi, kutopfuura tambo dzinoshandiswa kugadzira mavhesi anopfekwa nevanhu kuti adzivirire mabara epfuti. Twakasimba zvakadini? Fungidzira kuti dai tushinda twedandemutande twaizoitwa kuti twukure seshinda dzinogadzira mambure, mambure atwaigadzira aizenge akasimba zvekumisa ndege inotakura vanhu iri kubhururuka! Chokwadi Jehovha akaita zvinhu zvese izvi “neuchenjeri.”

Ndiani akapa zvisikwa uchenjeri hwazvinongozvarwa zviinahwo?

Nyeredzi Nengirozi Zvinoratidza Uchenjeri hwaJehovha

15, 16. (a) Denga rakazara nenyeredzi rinoratidza sei kuti Jehovha ane uchenjeri? (b) Kutungamirira kunoita Jehovha ngirozi dzakawanda kunoratidza sei kuti ane uchenjeri hunoshamisa zvechokwadi?

15 Uchenjeri hwaJehovha hunooneka muzvinhu zvese zvaakasika pasi nekudenga. Nyeredzi dzizere mudenga, idzo dzatakakurukura nezvadzo muChitsauko 5, hadzina kungoti mwarara zvisina kurongeka. Achishandisa “mitemo yekudenga,” Jehovha akanyatsoronga nyeredzi achidziita mapoka madiki, uye mapoka madiki iwayo akarongwawo kuva mapoka makuru, uye mapoka makuru iwayo akarongwawo kuva mapoka akakura kuapfuura. (Jobho 38:33) Hazvishamisi kuti Jehovha anodana zvinhu zviri mudenga kuti “uto”! (Isaya 40:26) Asi kune mamwe mauto anoratidza uchenjeri hwaJehovha kupfuura apa.

16 Sezvatakadzidza muChitsauko 4, Mwari anodanwa nerimwe zita rekuti “Jehovha wemauto” nekuda kwenzvimbo yake yakakwirira seMukuru Wemauto akawandisa ezvisikwa zvemweya. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ane simba. Ko uchenjeri hwake hunopinda papi? Yeuka kuti Jehovha naJesu vanogara vachingoshanda. (Johani 5:17) Saka zvinongova pachena kuti ngirozi dzinoshumira Wekumusorosoro dzinogara dzichishanda. Uye yeuka kuti dzakakwirira, dzakangwara, uye dzine simba kupfuura vanhu. (VaHebheru 1:7; 2:7) Asi Jehovha anoita kuti ngirozi dzese idzodzo dzigare dziine zvekuita, dzichiita nemufaro zvese “zvaanotaura” uye “kuda kwake,” kwemabhiriyoni emakore. (Pisarema 103:20, 21) Mutungamiriri akadaro anofanira kunge aine uchenjeri hunoshamisa zvechokwadi!

Jehovha “Ndiye Ega Akachenjera”

17, 18. Nei Bhaibheri richiti Jehovha “ndiye ega akachenjera,” uye nei uchenjeri hwake huchitisiya taoma mate mukanwa?

17 Tichiona uchapupu hwese uhwu, zvingatishamisa here kuona kuti Bhaibheri rinoratidza kuti uchenjeri hwaJehovha ndehwepamusorosoro? Rinotaura kuti Jehovha “ndiye ega akachenjera.” (VaRoma 16:27) Jehovha ndiye ega watinganyatsoti ane uchenjeri. Ndiye dura reuchenjeri hwese hwechokwadi. (Zvirevo 2:6) Ndokusaka Jesu, kunyange zvazvo ari iye akachenjera kupfuura zvimwe zvisikwa zvese zvaMwari, aitaura zvaaiudzwa naBaba vake panzvimbo pekuvimba neuchenjeri hwake.—Johani 12:48-50.

18 Cherechedza kuti muapostora Pauro akaratidza sei kuti uchenjeri hwaJehovha hauenzaniswi paakati: “Chokwadi pfuma yaMwari neuchenjeri hwake neruzivo zvakadzama! Chokwadi mitongo yake haigoni kuongororwa uye nzira dzake hadzigoni kunzwisiswa!” (VaRoma 11:33) Matangiro akaita Pauro vhesi iyi anoratidza kuti aipedzwa mate mukanwa neuchenjeri hwaMwari. Shoko rechiGiriki raakashandisa rakashandurwa kuti “zvakadzama” rakada kufanana nerekuti “gomba rakadzikadzika.” Saka mashoko ake anotibatsira kunyatsoona pfungwa yacho zvakajeka. Patinofungisisa nezveuchenjeri hwaJehovha, tinoita setiri kutarisa mugomba rakangoita zienda nakuenda, zvekuti hatifi takakwanisa kuona pasi paro, kana kunzwisisa kuti pakaita sei. (Pisarema 92:5) Pfungwa iyoyo haininipisi here?

19, 20. (a) Nei gondo rakanyatsokodzera kufananidzira uchenjeri hwaMwari? (b) Jehovha akaratidza sei kuti anokwanisa kuona zviri kumberi mberi?

19 Chimwe chinoita kuti Jehovha anzi “ndiye ega akachenjera” ndechekuti iye chete ndiye anogona kuziva zviri mberi. Yeuka kuti Jehovha anoshandisa gondo kufananidzira uchenjeri hwake. Kunyange zvazvo gondo ringava diki kana richienzaniswa nemunhu, maziso aro akakura kupfuura emunhu. Maziso egondo akapinza zvinoshamisa, zvekuti rinogona kuona chinhu chariri kuda kubata riri mudenga-denga, kure kure nacho nemakiromita chaiwo! Jehovha pachake akamboti nezvegondo: “Maziso aro anoona zviri kure kure.” (Jobho 39:29) Ndizvo zvinoitawo Jehovha, pakuti “anoona zviri kure kure,” kureva zviri mberi mberi mune ramangwana!

20 Bhaibheri rakazara neuchapupu hunoratidza kuti izvi ndezvechokwadi. Rine mazana euprofita hunoita sehwakanyorwa hwatoitika. Kukunda kana kukundwa kwaizoitwa vamwe muhondo, kusimuka uye kuparara kweumambo hune simba, kunyange nenzira dzaizoshandiswa pakurwa hondo uye mazita evatungamiriri vemauto acho, zvakagara zvataurwa muBhaibheri, pamwe pacho zvichitotaurwa pachiine mazana emakore.—Isaya 44:25–45:4; Dhanieri 8:2-8, 20-22.

21, 22. (a) Nei pasina chikonzero chekuti titi Jehovha anogara asarudza zvatichaita neupenyu hwedu? Ipa muenzaniso. (b) Tinoziva sei kuti uchenjeri hwaJehovha haangohuratidzi zvisina tsitsi uye asina basa kuti vamwe vanonzwa sei?

21 Asi izvi zvinoreva here kuti Mwari agara achitoziva zvese zvauchaita muupenyu? Vamwe vanoti hongu nekuti vanodzidzisa kuti munhu wese akatorongerwa zvichaitika kwaari. Asi pfungwa iyoyo inotoita kuti Jehovha aonekwe seasina kuchenjera, nekuti inoreva kuti haakwanisi kudzora simba rake rekuziva zvichaitika. Ngatipei muenzaniso: Dai waiva nechipo chekuimba, waizongogara uchiimba pasina zvimwe zvauchaita here? Pfungwa yacho haina musoro handizvo here? Saka Jehovha ane uchenjeri hwekuziva zviri mberi, asi hazvirevi kuti anongogara achihushandisa. Dai aidaro aizokanganisa rusununguko rwedu rwekuzvisarudzira, urwo rwatinoziva kuti chipo chaakatipa chaasingazotitorerizve.—Dheuteronomi 30:19, 20.

22 Uyezve kufunga kuti Jehovha anogara atirongera zvese zvichaitika muupenyu, kunopa pfungwa yekuti Jehovha akangochenjera hake asi haana ushamwari kana tsitsi, uye haana basa kuti vamwe vanonzwa sei. Asi ichocho hachisi chokwadi! Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha “ane mwoyo wakachenjera.” (Jobho 9:4) Apa Bhaibheri rabatanidza uchenjeri hwaJehovha nemwoyo, kwete kuti ane mwoyo chaiwo, asi kakawanda rinenge richiratidza zvakaita munhu nechemukati, zvinova ndizvo zvinomutuma kuita zvimwe zvinhu, zvakadai sekuratidza rudo. Saka uchenjeri hwaJehovha hwakangofanana nezvimwe zvaanoita, pakuti hunotungamirirwa nerudo.—1 Johani 4:8.

23. Kuziva kuti uchenjeri hwaJehovha hwakakwirira kupfuura hwedu kunofanira kuita kuti tiite sei?

23 Zviri pachena kuti tinogona kunyatsovimba neuchenjeri hwaJehovha. Hwakakwirira zvikuru kupfuura uchenjeri hwedu zvekuti Shoko raMwari rinotikurudzira nerudo kuti: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzese, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvirevo 3:5, 6) Ngatimboongororai uchenjeri hwaJehovha kuitira kuti tinyatsoswedera pedyo naMwari wedu akachenjera zvikuru.