Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 4

Chii Chakaitika Kwavari Pavakateerera Satani?

Chii Chakaitika Kwavari Pavakateerera Satani?

Adhamu naEvha havana kuteerera saka vakafa. Genesisi 3:6, 23

Evha akateerera nyoka ndokudya muchero wacho. Akazopawo Adhamu, akaudya.

Vakaita zvakaipa, vakaita chitadzo. Mwari akavabvisa muParadhiso mavaigara.

Upenyu hwakanga hwakavaomera nevana vavo. Vakachembera vakafa. Pavakafa havana kuenda kunyikadzimu; vakanga vasisipo chete.

Vakafa havana upenyu sezvakangoita guruva. Genesisi 3:19

Tinofa nekuti tese takabva kuna Adhamu naEvha. Vakafa havaoni, havanzwi uye hapana chavanogona kuita.​—Muparidzi 9:5, 10.

Jehovha akanga asingadi kuti vanhu vafe. Pasina nguva achamutsa vanhu vakafa. Kana vakamuteerera, vachararama nekusingaperi.