Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 10

Makomborero Api Achawanikwa Nevanoteerera?

Makomborero Api Achawanikwa Nevanoteerera?

Vanhu vakawanda vakafa vachamutswa panyika. Mabasa 24:15

Chimbofunga nezvemakomborero auchawana kana ukateerera Jehovha! Uchava neutano hwakanaka; panenge pasisina anorwara. Panenge pasisina vanhu vakaipa; unenge wava kuvimba nevanhu vese.

Panenge pasisina kurwadziwa, kusuwa kana kuchema. Vanhu vanenge vasisachemberi kana kufa.

Uchange uine hama neshamwari dzakawanda. Upenyu huchanakidza muParadhiso.

Panenge pasina chekutya. Vanhu vachafara zvekufara zviya.

Umambo hwaMwari huchapedza kutambura kwese. Zvakazarurwa 21:3, 4