Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 11

Jehovha Anotinzwa Here?

Jehovha Anotinzwa Here?

Mwari anonzwa minyengetero yedu. 1 Petro 3:12

Jehovha “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Anoda kuti titaure naye zvichibva pamwoyo.

Nyengetera kuna Jehovha chete, kwete kune vamwe vanhu.

Tinogona kunyengeterera zvinhu zvakawanda. 1 Johani 5:14

Nyengetera kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga nepanyika.

Nyengetera muzita raJesu kuti uratidze kuti unokoshesa zvaakakuitira.

Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuita zvakanaka. Unogona kunyengetererawo zvekudya, basa, pekugara, zvekupfeka kana utano hwako.