Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 9

Paradhiso Ichauya Riini?

Paradhiso Ichauya Riini?

Matambudziko ari panyika anoratidza kuti Mwari ava pedyo nekugadzirisa zvinhu. Ruka 21:10, 11; 2 Timoti 3:1-5

Bhaibheri rakagara rataura zvinhu zvakawanda zviri kuitika mazuva ano. Rakati kwaizova nevanhu vanoda mari, vasingateereri vabereki, vanotyisa, uye vanoda mafaro.

Kwaizova nekudengenyeka kwenyika, hondo, nzara, nezvirwere. Zvinhu izvi zviri kutoitika mazuva ano.

Jesu akatiwo mashoko akanaka eUmambo aizoparidzwa munyika yese.​—Mateu 24:14.

Umambo huchabvisa uipi hwese. 2 Petro 3:13

Pasina nguva Jehovha achaparadza vakaipa.

Satani nemadhimoni ake vachaparadzwa.

Vanhu vanoteerera Mwari vachapona vorarama munyika itsva yakarurama. Munyika macho munenge musisina chekutya uye vanhu vanenge vaine rudo uye vachivimbana.