Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 1

Tinoteerera Mwari Sei?

Tinoteerera Mwari Sei?

Mwari anotaura nesu achishandisa Bhaibheri. 2 Timoti 3:16

Mwari wechokwadi akaita kuti vamwe varume vanyore pfungwa dzake mubhuku dzvene rimwe chete. Bhuku racho iBhaibheri. Rine mashoko anokosha uye Mwari anoda kuti uazive.

Mwari anoziva zvakatinakira, uye uchenjeri hwese hunobva kwaari. Kana ukamuteerera uchava munhu akachenjera.​—Zvirevo 1:5.

Mwari anoda kuti vanhu vese vari panyika vaverenge Bhaibheri. Iye zvino rava kuwanika mumitauro yakawanda.

Kana uchida kuteerera Mwari, unofanira kuverenga uye kunzwisisa Bhaibheri.

Vanhu vari kuteerera kwese kwese. Mateu 28:19

Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukubatsira kuti unzwisise Bhaibheri.

Zvinodzidzisa chokwadi nezvaMwari munyika yese.

Hauna mari yaunobhadhara pakudzidziswa Bhaibheri. Unogona kudzidzawo nezvaMwari kuImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri kwaunogara.