Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

Upenyu Hwakanga Hwakaita Sei muParadhiso?

Upenyu Hwakanga Hwakaita Sei muParadhiso?

Jehovha akapa Adhamu naEvha zvinhu zvakanaka zvakawanda. Genesisi 1:28

Jehovha akasika mukadzi wekutanga, Evha, ndokumupa kuna Adhamu kuti ave mudzimai wake.​—Genesisi 2:21, 22.

Jehovha akavasika vaine pfungwa nemiviri yakakwana isina kana pakakanganisika.

Musha wavo waiva munda weEdheni uyo waiva paradhiso yakanaka chaizvo. Maiva nerwizi, nemiti yemichero, nemhuka.

Jehovha aitaura navo uye aivadzidzisa. Kudai vakamuteerera vaizorarama nekusingaperi muParadhiso pasi pano.

Pane muti wavakanzi vasadya muchero wawo. Genesisi 2:16, 17

Jehovha akaratidza Adhamu naEvha mumwe muti wemuchero waiva mumunda wacho, akavaudza kuti kana vakaudya vaizofa.

Imwe ngirozi yakapandukira Mwari. Ngirozi iyoyo yakaipa ndiSatani Dhiyabhorosi.

Satani akanga asingadi kuti Adhamu naEvha vateerere Jehovha. Saka akashandisa nyoka kuti audze Evha kuti kana akadya muchero wemuti iwoyo, aisazofa, asi aizofanana naMwari. Iwayo aiva manyepo.​—Genesisi 3:1-5.