Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

Jehovha Anozivisa Chinangwa Chake

Jehovha Anozivisa Chinangwa Chake

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Jehovha anoita kuti chinangwa chake chinzwisiswe zvishoma nezvishoma, asi anochizivisa vaya vanomutya chete

1, 2. Jehovha anga achizivisa sei chinangwa chaakasikira vanhu?

 VABEREKI vane rudo havasiyi vana vavo pavanokurukura nyaya dzemhuri. Asi vanongwarira kuti vasaudza vana vavo zvakawandisa. Vanongovaudza zvavanoona kuti vanozvinzwisisa maererano nezera ravo.

2 Izvi ndizvo zvanga zvichiitwawo naJehovha pakuzivisa chinangwa chake chaakasikira mhuri yevanhu. Anga achivazivisa zvishoma nezvishoma paaiona nguva yacho yakakodzera kuti adaro. Ngatimboongororai zvishoma kuti mumakore ose apfuura Jehovha anga achizivisa sei chokwadi nezvoUmambo.

Chii Chakaita Kuti Pazodiwa Umambo?

3, 4. Jehovha akagara aronga zvaizoitika kuvanhu here? Tsanangura.

3 Pakutanga Umambo hwaMesiya hwakanga husiri muchinangwa chaJehovha. Nei tichidaro? Nokuti Jehovha haana kugara aronga zvaizoitika kuvanhu sezvo akavasika vakasununguka kusarudza zvavaida. Saka akaudza Adhamu naEvha chinangwa chaakanga asikira vanhu achiti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Gen. 1:28) Jehovha aidawo kuti varemekedze maonero aanoita zvakanaka nezvakaipa. (Gen. 2:16, 17) Adhamu naEvha vaigona kusarudza kuramba vakavimbika. Dai ivo nevana vavo vaizoramba vakavimbika, taisazofanira kutongwa neUmambo hwaKristu kuti chinangwa chaMwari chizadziswe. Iye zvino nyika ingadai iri fararira nevanhu vasina chivi, vose vachinamata Jehovha.

4 Kupanduka kwakaita Satani, Adhamu, uye Evha hakuna kuita kuti Jehovha asiye chinangwa chake chokuzadza nyika nemhuri yevanhu isina chivi. Pane kudaro, Jehovha akangochinja nzira yokuzadzisa nayo chinangwa chake. Chinangwa chake hachina kufanana nechitima chinofanira kufamba nenjanji imwe chete kuti chisvike kwachiri kuenda zvokuti zvinhu zvikangokanganisika chinobuda munjanji macho. Jehovha akangotaura chinangwa chake, hapana chinhu pasi nokudenga chine simba rinogona kuchitadzisa kuzadziswa. (Verenga Isaya 55:11.) Kana rimwe dambudziko rikaita seravhara imwe njanji, Jehovha anoshandisa imwe. a (Eks. 3:14, 15) Paanoona zvakakodzera, anoudza vashumiri vake vakatendeka nezvenzira itsva yaachashandisa kuzadzisa chinangwa chake.

5. Jehovha akaita sei pakapanduka vanhu muEdheni?

5 Pakapanduka vanhu muEdheni, Jehovha akaita chinangwa chokuti pazova noUmambo. (Mat. 25:34) Panguva iyoyo yaisuwisa zvikuru munhoroondo yevanhu, Jehovha akatanga kujekesa nzira yaaizoshandisa kudzorera vanhu pakusava nechivi uye kubvisa zvose zvakaondongwa nekuedza kwaSatani kubvuta simba. (Gen. 3:14-19) Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kubva angozivisa zvose zvine chokuita noUmambo ipapo.

Jehovha Anotanga Kuzivisa Chokwadi nezvoUmambo

6. Jehovha akavimbisa kuti chii, asi chii chaasina kuzivisa?

6 Muuprofita hwokutanga chaihwo, Jehovha akavimbisa kuti paizova “nomwana” aizopwanya nyoka. (Verenga Genesisi 3:15.) Asi panguva iyoyo haana kuzivisa kuti mwana iyeye ndiani uye vana venyoka ndivanaani. Jehovha akatozojekesa nyaya idzodzo papfuura makore 2 000. b

7. Chii chakaita kuti Abrahamu asarudzwe, uye chidzidzo chipi chinokosha chatinowana?

7 Jehovha akazosarudza Abrahamu akamuudza kuti mwana akanga akavimbiswa aizouya nomudzinza rake. Abrahamu akasarudzwa nokuti ‘akateerera inzwi raJehovha.’ (Gen. 22:18) Tinodzidza chidzidzo chinokosha, chokuti Jehovha anozivisa chinangwa chake kuvanhu vanomutya nokumuremekedza chete.​—Verenga Pisarema 25:14.

8, 9. Jehovha akazivisa chii kuna Abrahamu naJakobho nezvemwana akanga apikirwa?

8 Achishandisa ngirozi kutaura neshamwari yake Abrahamu, Jehovha akatoratidza kuti mwana aizopwanya nyoka aizobva mudzinza rake. (Gen. 22:15-17; Jak. 2:23) Asi mwana wacho aizopwanya sei nyoka? Ko nyoka yacho ndiani? Zvimwe zvakazoziviswa nokufamba kwenguva zvaizopindura mibvunzo iyoyo.

9 Jehovha akava nechokwadi kuti mwana akanga avimbiswa aizouya nomudzinza romuzukuru waAbrahamu, Jakobho, murume akaratidza kutenda kwakasimba muna Mwari. (Gen. 28:13-22) Jehovha akazozivisa achishandisa Jakobho kuti Mwana uyu akavimbiswa aizouya nomudzinza remwanakomana wake Judha. Jakobho akaprofita kuti mwana uyu wemudzinza raJudha aizopiwa “tsvimbo youmambo,” kana kuti mudonzvo unoratidza kuti munhu ndimambo, uye akataura kuti “marudzi achamuteerera.” (Gen. 49:1, 10) Nemashoko iwayo Jehovha akaratidza kuti Mwana akapikirwa uyu aizova mutongi kana kuti mambo.

10, 11. Nei Jehovha akazivisa chinangwa chake kuna Dhavhidhi naDhanieri?

10 Papfuura makore angasvika 650 kubva pakararama Judha, Jehovha akazivisa zvimwe nezvechinangwa chake kuna Mambo Dhavhidhi, muzukuru waJudha. Jehovha akatsanangura Dhavhidhi achimuti, “munhu anodiwa nomwoyo wangu.” (1 Sam. 13:14; 17:12; Mab. 13:22) Chakaita kuti Jehovha asarudze kuita sungano naDhavhidhi, achimuvimbisa kuti mumwe wevazukuru vake aizotonga nokusingaperi, ndechokuti aiva munhu aitya Mwari.—2 Sam. 7:8, 12-16.

11 Papfuura makore angaita 500, Jehovha akashandisa muprofita Dhanieri kuzivisa gore chairo raizoonekwa Akazodzwa uyu, kana kuti Mesiya, pasi pano. (Dhan. 9:25) Jehovha akataura nezvaDhanieri achimuti, “munhu anodiwa [kana kuti anokosha] kwazvo.” Nei akadaro? Nokuti Dhanieri airemekedza Jehovha zvikuru uye akaramba achimushumira.—Dhan. 6:16; 9:22, 23.

12. Dhanieri akaudzwa kuti aite sei, uye nei aifanira kudaro?

12 Kunyange zvazvo Jehovha akashandisa vaprofita vakatendeka vakadai saDhanieri kunyora uprofita hwakawanda nezvemwana iyeye akavimbiswa kana kuti Mesiya, nguva yaJehovha yokuti vashumiri vake vanzwisise zvakakwana zvinhu zvaaivafemera kuti vanyore yakanga isati yasvika. Somuenzaniso, pakaratidzwa Dhanieri kugadzwa kwoUmambo hwaMwari, akaudzwa kuti aname uprofita hwacho kusvikira nguva yakasarudzwa naJehovha yasvika. Panguva iyoyo yaizouya, zivo yechokwadi ‘yaizowanda.’—Dhan. 12:4.

Jehovha akashandisa vanhu vakatendeka saDhanieri kunyora zvakawanda nezvoUmambo hwaMesiya

Jesu Anojekesa Chinangwa chaMwari

13. (a) Mwana akapikirwa aiva ani? (b) Jesu akajekesa sei uprofita huri pana Genesisi 3:15?

13 Jehovha akazivisa zvakajeka kuti Jesu ndiye mwana akanga avimbiswa, muzukuru waDhavhidhi uyo aizotonga saMambo. (Ruka 1:30-33; 3:21, 22) Pakatanga Jesu ushumiri hwake, zvaiita sokuti zuva rakanga rabudira vanhu kuti vanyatsoona zvakaita chinangwa chaMwari. (Mat. 4:13-17) Somuenzaniso, Jesu akaita kuti pasambosara paine mubvunzo kuti “nyoka” inotaurwa pana Genesisi 3:14, 15 ndiani, achidana Dhiyabhorosi kuti “muurayi” uye “baba venhema.” (Joh. 8:44) Paakapa zvakazarurwa kuna Johani, Jesu akaita kuti zvizivikanwe kuti “nyoka yepakutanga” ndiyo “inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.” c (Verenga Zvakazarurwa 1:1; 12:9.) Muzvakazarurwa izvozvo, Jesu akaratidza kuti iye semwana akavimbiswa wacho, achazadzisa sei uprofita hwakapiwa muEdheni oparadza Satani.—Zvak. 20:7-10.

14-16. Vadzidzi vaJesu vainzwisisa here nguva dzose kuti chokwadi chaaitaura chairevei? Tsanangura.

14 Sezvatakaona muChitsauko 1 chebhuku rino, Jesu akataura zvakawanda nezvoUmambo. Asi hapasi pose paaitsanangurira vadzidzi vake zvose zvavaida kuziva. Kunyange paaitsanangura, vateveri vake vakanga vasinganyatsonzwisisi chokwadi chavaiziviswa naTenzi wavo kusvikira papfuura nguva yakareba, dzimwe nguva mazana emakore. Ngationei mimwe mienzaniso yakadaro.

15 Muna 33 C.E., Jesu akabudisa pachena kuti vanhu vaizotonga naMambo weUmambo hwaMwari vaizobva pasi pano vomutsirwa kuupenyu hwemudzimu kudenga. Asi vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakare ipapo. (Dhan. 7:18; Joh. 14:2-5) Gore iroro, Jesu akashandisa mufananidzo kuratidza kuti Umambo hwakanga husingazogadzwi kusvikira papfuura nguva yakareba adzokera kudenga. (Mat. 25:14, 19; Ruka 19:11, 12) Vadzidzi havana kunzwisisa pfungwa iyoyo inokosha zvokuti vakazobvunza Jesu amutswa kuti: “Mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” Asi Jesu akasarudza kusavaudza zvakawanda panguva iyoyo. (Mab. 1:6, 7) Jesu akadzidzisawo kuti paizova ‘nemamwe makwai,’ asiri ‘eboka duku’ raaizotonga naro. (Joh. 10:16; Ruka 12:32) Vateveri vaKristu havana kunyatsonzwisisa mapoka maviri iwayo kutozosvikira papfuura makore akawanda pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914.

16 Jesu aigona kunge akaudza vadzidzi vake zvinhu zvakawanda paaiva navo pasi pano, asi aiziva kuti vakanga vasingakwanisi kuzvinzwisisa. (Joh. 16:12) Hapana mubvunzo kuti zvakawanda nezvoUmambo zvakaziviswa pakatanga ungano yechiKristu. Asi nguva yokuti zivo iyoyo iwande yakanga isati yasvika.

Zivo Yechokwadi Inowanda ‘Munguva Yokuguma’

17. Tinofanira kuita sei kuti tinzwisise chokwadi nezvoUmambo, asi chii chimwe chatinoda?

17 Jehovha akavimbisa Dhanieri kuti ‘munguva yokuguma,’ vakawanda “vachamhanya-mhanya, [muShoko raMwari] uye zivo yechokwadi” nezvechinangwa chaMwari ichawanda. (Dhan. 12:4) Vanenge vachida zivo iyoyo vanofanira kushanda nesimba kuti vaiwane. Rimwe bhuku rinoti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘kumhanya-mhanya’ rinopa pfungwa yomunhu anonyatsoongorora bhuku. Asi kunyange tikaongorora Bhaibheri zvakadini, hatikwanisi kunyatsonzwisisa chokwadi nezveUmambo kunze kwekunge Jehovha atipa chikomborero ichocho.—Verenga Mateu 13:11.

18. Vaya vanotya Jehovha vanga vachiratidza sei kutenda uye kuzvininipisa?

18 Sezvaaingoita gore ra1914 rava kuda kusvika, Jehovha achiri kuzivisa chokwadi nezvoUmambo zvishoma nezvishoma munguva yomugumo. Sezvicharatidzwa neZvitsauko 4 ne5 zvebhuku rino, mumakore 100 adarika, kakawanda vanhu vaMwari vanga vachifanira kugadziridza manzwisisiro avo. Saka izvozvo zvinoreva kuti havasi kutsigirwa naJehovha here? Kana! Anovatsigira. Nei tichidaro? Nokuti vanhu vanotya Jehovha vane zvinhu zviviri zvaanoda zvavanoratidza zvinoti kutenda, uye kuzvininipisa. (VaH. 11:6; Jak. 4:6) Vanhu vaJehovha vane kutenda kwokuti zvose zvakapikirwa muShoko raMwari zvichaitika. Vanoratidza kuzvininipisa pavanobvuma kuti vanga vasinganyatsonzwisisi kuti zvipikirwa zvacho zvaizozadziswa sei. Kuzvininipisa ikoko kunoratidzwa mumagazini yeThe Watch Tower yaMarch 1, 1925 iyo yaiti: “Tinoziva kuti Ishe anotsanangura oga zvaanenge ataura, uye kuti achatsanangurira vanhu vake Shoko rake nenzira yake yakanaka uye panguva yake yakakodzera.”

“Ishe . . . achatsanangurira vanhu vake Shoko rake nenzira yake yakanaka uye panguva yake yakakodzera”

19. Jehovha akatibvumira kunzwisisei iye zvino, uye nei akadaro?

19 Pakagadzwa Umambo muna 1914, vanhu vaMwari vaingoziva zvishomanana nezvokuti uprofita hune chokuita neUmambo hwaizozadziswa sei. (1 VaK. 13:9, 10, 12) Neshungu dzokuda kuona zvakavimbiswa naMwari zvichizadziswa, pane dzimwe nguva tanga tichimbopotsa kunzwisisa. Makore ose apfuura tasvika pakuona kuti mamwe mashoko ari munyaya yemagazini yeThe Watch Tower yambotaurwa mundima yapfuura ndeekuchenjera. Nyaya yacho yakaratidza kuti kakawanda takaona kuri kuchenjera kuziva kuti “hatigoni kunzwisisa uprofita kusvikira hwava kuzadziswa kana kuti hwatozadziswa.” Iye zvino patava mukati-kati memazuva okupedzisira, uprofita hwakawanda hweUmambo hwakazadziswa uye humwe hwacho huri kutozadziswa. Kuzvininipisa uye kubvuma kugadziriswa kwevanhu vaMwari kana vakanganisa kwakaita kuti Jehovha avabatsire kunzwisisa chinangwa chake zvizere. Zivo yechokwadi yawanda!

Kugadziridzwa Kwemanzwisisiro Kunoratidza Zvakaita Mwoyo Yedu

20, 21. VaKristu vokutanga vakaita sei pakagadziridzwa manzwisisiro avaiita chokwadi?

20 Manzwisisiro atinoita chokwadi paanogadziridzwa naJehovha, mwoyo wedu unoratidzwa zvauri. Tichava nokutenda nokuzvininipisa here zvokuti tichabvuma zvinenge zvachinjwa zvacho? Mamiriro ezvinhu akadaro akatarisana nevaKristu vakararama mazuva emuapostora Pauro. Somuenzaniso, fungidzira uri muKristu wechiJudha wepanguva iyoyo. Unoremekedza zvikuru Mutemo waMosesi uye unodada nerudzi rwako. Unobva wagamuchira tsamba dzemuapostora Pauro dzakafemerwa dzinotaura kuti Mutemo hauchashanda, uye kuti Jehovha akaramba rudzi rwechiIsraeri akaunganidza rumwe rudzi rwunonzi Israeri waMwari runobatanidza vaJudha neVemamwe Marudzi. (VaR. 10:12; 11:17-24; VaG. 6:15, 16; VaK. 2:13, 14) Waizobvuma here tsanangudzo iyoyo?

21 VaKristu vaizvininipisa vakabvuma tsanangudzo yaPauro yakafemerwa uye Jehovha akavakomborera. (Mab. 13:48) Vamwe vakaramba zvainge zvagadziridzwa vachida kurambira pamanzwisisiro avaiita. (VaG. 5:7-12) Kana vaisazochinja manzwisisiro avaiita, vanhu ivavo vaizorasikirwa nomukana wokutonga naKristu.—2 Pet. 2:1.

22. Unonzwa sei panojekeswa manzwisisiro atinoita chinangwa chaMwari?

22 Mumakore achangopfuura, Jehovha akagadziridza manzwisisiro ataiita Umambo. Somuenzaniso, akatibatsira kuti tinyatsonzwisisa kuti vaya vachatongwa noUmambo vachaparadzaniswa riini nevaya vakaramba kuteerera, sekuparadzaniswa kunoitwa makwai nembudzi. Akatidzidzisawo kuti nhamba yevane 144 000 ichakwana riini, mifananidzo yoUmambo yakataurwa naJesu inorevei, uye kuti wokupedzisira wevakazodzwa anoendeswa riini kudenga. d Unonzwa sei panojekeswa zvinhu zvakadaro? Kutenda kwako kunosimbiswa here? Unoona kujekeswa ikoko seuchapupu hwokuti Jehovha anoramba achidzidzisa vanhu vake vanozvininipisa here? Mashoko anotevera ari mubhuku rino achasimbisa chivimbo chako chokuti Jehovha ari kuzivisa vaya vanomutya chinangwa chake zvishoma nezvishoma.

a Zita raMwari rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “kuva.” Zita raJehovha rinoreva kuti iye anozadzisa zvaanenge avimbisa. Ona bhokisi rakanzi “Zvinoreva Zita raMwari” riri muChitsauko 4.

b Kunyange zvazvo iyi ichiita senguva yakarebesa mazuva ano, tinofanira kuyeuka kuti kare vanhu vaimborarama makore akawandisa; paingova nezvizvarwa zvina chete kubva kuna Adhamu kusvika kuna Abrahamu. Rameki, baba vaNoa vakararama Adhamu achiri mupenyu. Shemu, mwanakomana waNoa akararama Rameki achiri mupenyu. Abrahamu akararama Shemu achiri mupenyu.—Gen. 5:5, 31; 9:29; 11:10, 11; 25:7.

c Shoko rokuti “Satani,” rinowanika muMagwaro echiHebheru ka18. Asi muMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rokuti “Satani” rinowanika kanopfuura ka30. Zvakanga zvakakodzera kuti Magwaro echiHebheru asanyanya kusimbisa nezvaSatani asi kuti abatsire vanhu kuziva Mesiya. Mesiya paakazouya, akafumura Satani, izvo zvinobudiswa pachena neMagwaro echiKristu echiGiriki.

d Kuti uwane dzimwe tsanangudzo dzokugadziridzwa uku kwemanzwisisiro, ona nyaya dzinotevera dzeNharireyomurindi: October 15, 1995, mapeji 23-28; January 15, 2008, mapeji 20-24; July 15, 2008, mapeji 17-21; July 15, 2013, mapeji 9-14.