Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

Vaparidzi voUmambo Vanoendesa Nyaya Dzavo Kumatare

Vaparidzi voUmambo Vanoendesa Nyaya Dzavo Kumatare

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Sezvakagara zvataurwa naJesu, vavengi vevateveri vake vari kushandisa mutemo kuvapikisa pabasa ravo rokuparidza

1, 2. (a) Vatungamiriri vezvitendero vakaita sei nebasa rokuparidza, asi vaapostora vakaita sei? (b) Nei vaapostora vakaramba kuteerera mutemo wokuti vasaparidze?

 PENDEKOSTI ya33 C.E. yava nemavhiki yapfuura. Ungano yechiKristu yomuJerusarema inongova nemavhiki mashomanana yavambwa. Zviri pachena kuti Satani anobva aona kuti ndiyo nguva yakanaka yokuti airwise. Ari kuda kubva angotsvaira ungano isati yasimba. Satani anokurumidza kuita kuti vatungamiriri vezvitendero varambidze basa rokuparidza Umambo. Zvisinei, vaapostora vanoshinga kuramba vachiparidza, uye varume nevakadzi vakawanda ‘vanotenda munaShe.’—Mab. 4:18, 33; 5:14.

Vaapostora vakafara “nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake”

2 Vatungamiriri vezvitendero vanoshatirwa voramba vachirwisa zvokusvika pakukanda vaapostora vose mujeri. Zvisinei, ngirozi yaJehovha inovhura masuo usiku, zvokuti pakunoedza vaapostora vanenge vadzokera pabasa ravo rokuparidza! Vanosungwa zvakare voendeswa pamberi pevatongi, avo vanovapomera kuti vari kutyora mutemo unovarambidza kuparidza. Vaapostora vanopindura noushingi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” Izvi zvinoshatirisa vatongi vacho zvokuti vanoda “kuvauraya.” Asi panguva iyoyo yakaoma, mumwe mudzidzisi weMutemo anoremekedzwa Gamarieri anobva ataura, achinyevera vatongi vacho kuti: “Zvichenjererei . . . Musapindira mune zvevarume ava, asi varegei vakadaro.” Chinoshamisa ndechokuti vatongi vacho vanoteerera zano rake vorega vaapostora vachienda. Varume ivavo vakatendeka vanoita sei? Vanoramba “vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu” vasingatyi.—Mab. 5:17-21, 27-42; Zvir. 21:1, 30.

3, 4. (a) Satani ava nenguva achishandisa nzira ipi kurwisa vanhu vaMwari? (b) Tichakurukurei muchitsauko chino uye muzviviri zvinotevera?

3 Nyaya iyoyo yakapinda mudare muna 33 C.E. ndiyo yaiva yokutanga yokupikiswa kweungano yechiKristu nevane masimba, asi yakanga isiri yokupedzisira. (Mab. 4:5-8; 16:20; 17:6, 7) Mazuva ano Satani achiri kuita kuti vanhu vanopikisa kunamata kwechokwadi vafurire vane masimba kuti varambidze basa redu rokuparidza. Vavengi vevanhu vaMwari vanovapomera zvakasiyana-siyana. Chimwe chavanotipomera ndechokuti vanoti tinopesanisa vanhu. Chimwezve ndechokuti tinofurira vanhu kupandukira hurumende; vamwewo vachiti tiri vanhu vanofamba vachitengesa. Pazvinenge zvakakodzera, hama dzedu dzanga dzichiendesa nyaya dzakadaro kumatare kuti dziratidze kuti ndedzenhema. Nyaya dzacho dzanga dzichipera sei? Mitongo yakapiwa nematare makumi emakore apfuura inoita kuti iwe unzwe sei nhasi? Ngatimboongororai nyaya shomanana dzomumatare tione kuti dzakabatsira sei “pakudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”—VaF. 1:7.

4 Muchitsauko chino tichanyanya kuongorora zvatakaita kuti tidzivirire kodzero yedu yokuparidza takasununguka. Zvitsauko zviviri zvinotevera zvichaongorora dzimwe nyaya dzakapinda mumatare tichirwisa kuti tisava venyika uye tirarame maererano nemitemo yoUmambo.

Tinopesanisa Vanhu Here Kana Kuti Tiri Vatsigiri voUmambo hwaMwari Vakavimbika?

5. Ma1930 ava kunopera, vaparidzi voUmambo vaisungirwei, uye vaitungamirira vakafunga nezvekutora danho ripi?

5 Ma1930 ava kunopera, vatungamiriri vemumaguta nematunhu ose eUnited States of America vaiedza kumanikidza Zvapupu zvaJehovha kuva nemapepa kana kuti marezinesi anopa mvumo yepamutemo yokuita ushumiri. Asi hama dzedu hadzina kutora marezinesi. Rezinesi rinogona kukanzurwa, uye ivo vaitenda kuti hapana hurumende ine simba rokupindira pabasa rakapiwa vaKristu naJesu rokuparidza shoko roUmambo. (Mako 13:10) Izvi zvakaita kuti mazana evaparidzi voUmambo vasungwe. Vaya vaitungamirira sangano vakabva vafunga zvokuenda kumatare. Vaida kuratidza hurumende kuti yakanga yatyora mutemo nokutorera Zvapupu kodzero yazvo yokunamata zvakasununguka. Uye muna 1938 pane nyaya yakaitika yakazosvika kumatare ikazochinja dzimwe nyaya dzose dzakadaro dzakazotevera. Chii chakaitika?

6, 7. Chii chakaitika kumhuri yekwaCantwell?

6 Mangwanani emusi weChipiri, 26 April, 1938, mapiyona chaiwo mashanu, Newton Cantwell, aiva nemakore 60; mudzimai wake, Esther; nevanakomana vavo Henry, Russell, naJesse, vakaenda kunoparidza kuguta reNew Haven, Connecticut, vaine pfungwa yokunoswerako. Tingatoti vaiziva kuti pamwe vaigona kutadza kudzoka musi iwoyo. Sei tichidaro? Vakanga vatombosungwa kanoverengeka, saka vaiziva kuti vaigona kusungwazve. Asi izvozvo hazvina kupedza chido chemhuri iyi chokuparidza shoko roUmambo. Vakasvika kuNew Haven nemotokari mbiri. Baba vacho ndivo vaityaira motokari yemhuri yakanga yakatakura mabhuku anotsanangura Bhaibheri nemagiramufomu, Henry, uyo aiva nemakore 22 achityaira motokari yaiva negudzanzwi. Vasati vamboenda kure, vakamiswa nemapurisa sezvavaitarisira.

7 Akatanga kusungwa ndiRussell, aiva nemakore 18, kukazotevera Newton naEsther. Jesse, uyo aiva nemakore 16, aiona ari nechekure vabereki vake nemukoma wake vachiendwa navo nemapurisa. Akabva asara oga sezvo Henry akanga achiparidzawo ari kune imwe nzvimbo muguta imomo. Kunyange zvakadaro akatora giramufomu rake ndokuenderera mberi nokuparidza. Varume vaviri vaipinda chechi yeRoma vakabvuma kuti avaridzire mharidzo yaHama Rutherford yaiti “Enemies” (“Vavengi”). Asi pavakateerera mharidzo yacho, vakashatirwa zvokuti vaida kurova Jesse. Jesse akafamba zvake achibvapo chinyararire, asi asati ambodii, akamiswa nemupurisa. Saka naiyewo akapedzisira avharirwa. Mapurisa haana chaakapomera Hanzvadzi Cantwell, asi vakati Hama Cantwell nevanakomana vavo vaiva nemhosva. Zvisinei, vakazobudiswa musi iwoyo vabvisa mari yechibatiso.

8. Chii chakaita kuti dare rizoti Jesse Cantwell aiva nemhosva yokupesanisa vanhu?

8 Papfuura mwedzi mishomanana, muna September 1938, mhuri yekwaCantwell yakamira pamberi pedare muNew Haven. Newton, Russell, naJesse vakabatwa vaine mhosva yokukumbira vanhu mipiro vasina rezinesi. Pasinei nokukwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro reConnecticut, Jesse akabatwa nemhosva yokukanganisa runyararo rwevanhu kana kuti kupesanisa vanhu. Akanga aita sei? Varume vaya vaviri vechechi yeRoma vakanga vateerera mharidzo yaairidza vakapa uchapupu mudare vachiti yaiva yokuvadenha uye yaishora chechi yavo. Vaitungamirira sangano vakabva vakwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro reUnited States.

9, 10. (a) Dare Repamusorosoro reUnited States rakapa mutongo upi panyaya yemhuri yekwaCantwell? (b) Tichiri kubatsirwa sei nemutongo iwoyo?

9 Kutanga musi wa29 March, 1940, Mutongi Mukuru weDare Repamusorosoro, VaCharles E. Hughes nevamwe vatongi vasere vakateerera zvaitsanangurwa naHama Hayden Covington, gweta reZvapupu zvaJehovha. a Gweta rehurumende remuConnecticut parakataura richida kuratidza kuti Zvapupu zvinopesanisa vanhu, mumwe mutongi akabvunza kuti: “Handizvo here kuti shoko raiparidzwa naKristu Jesu rakanga risingafarirwi nevanhu vose panguva iyoyo?” Gweta rehurumende rakapindura kuti: “Ndizvozvo, rakanga risingafarirwi, uye kana ndisingakanganisi Bhaibheri rinotaurawo zvakaitika kuna Jesu nokuti aizivisa shoko iroro.” Apa chokwadi chakabva chabuda! Asingazivi kuti ndizvo zvaari kuita, akafananidza Zvapupu naJesu uye hurumende nevaya vakamuuraya. Musi wa20 May, 1940, vatongi vose vedare vakabvumirana kuti Zvapupu zvakanga zvisina mhosva.

Hayden Covington (pamberi nechepakati), Glen How (kuruboshwe), nevamwewo vachibuda mudare vanzi havana mhosva

10 Mutongo wakapiwa nedare uyu wakabatsira zvakadini? Wakazoita kuti matunhu ose uye maguta omuAmerica asakwanisa kurambidza vanhu kunamata vakasununguka. Uyezve Dare harina charakaona “chinokanganisa runyararo rwevanhu” pane zvakaitwa naJesse. Saka mutongo wacho wakaratidza pachena kuti Zvapupu zvaJehovha hazvitadzisi vanhu kugarisana zvakanaka. Mutongo uyu wakabatsira vashumiri vaMwari zvechokwadi. Uchiri kutibatsira sei nhasi? Chimwe Chapupu chinoshanda segweta chinoti: “Mazuva ano, kodzero yokunamata takasununguka tisingatyi kudzvinyirirwa nemutemo iri kuita kuti isu seZvapupu tiudze vanhu shoko retariro kwatinogara.”

Tinofurira Vanhu Kupandukira Hurumende Here, Kana Kuti Tinozivisa Chokwadi?

Turakiti raQuebec’s Burning Hate for God and Christ and Freedom Is the Shame of All Canada

11. Hama dzedu dzokuCanada dzakaita mushandirapamwe wei, uye nechinangwa chei?

11 Kuma1940, Zvapupu zvaJehovha zvomuCanada zvakapikiswa zvinotyisa. Saka muna 1946 hama dzedu dzakaita mushandirapamwe wokupa vanhu turakiti raiti Quebec’s Burning Hate for God and Christ and Freedom Is the Shame of All Canada kwemazuva 16 kuti vafumure hurumende kuti yakanga isingaremekedzi kodzero yevanhu yokunamata vakasununguka. Turakiti iri, raiva nemapeji mana, rakanyatsofumura mhirizhonga dzaikonzerwa nevafundisi uye utsinye hwaiitirwa hama dzedu dzemuQuebec nemapurisa. Turakiti racho rakati: “Zvapupu zvaJehovha zviri kungoramba zvichisungwa zvisiri pamutemo.” Rakatiwo, “Pane nyaya dzingasvika 800 dziri kupomerwa zvapupu zvaJehovha kuGreater Montreal.”

12. (a) Vavengi vedu vakaita sei pakaitwa mushandirapamwe wokupa vanhu turakiti? (b) Hama dzedu dzakanzi dzaiva nemhosva yei? (Onawo mashoko omuzasi.)

12 Mutungamiriri wepurovhinzi yeQuebec VaMaurice Duplessis, vachishanda nemumwe mukuru wechechi yeRoma ainzi Villeneuve, vakabva vati vaizoita “hondo isina tsitsi” neZvapupu pakabuda turakiti iri. Nyaya dzakaenda kumatare dzakawedzera kubva pa800 kusvika pa1 600. “Takasungwa kakawanda zvokuti hatichatombozivi kuti kangani,” yakadaro imwe hanzvadzi piyona. Zvapupu zvaibatwa zvichipa vanhu turakiti racho zvaisungwa zvichinzi zvine mhosva yokubudisa “mashoko okupandukira hurumende.” b

13. Ndivanaani vakava vokutanga kutongerwa mhosva yokuti vaifurira vanhu kupandukira hurumende, uye dare rakapa mutongo upi?

13 Muna 1947, Hama Aimé Boucher nevanasikana vavo Gisèle, aiva nemakore 18, naLucille, aiva nemakore 11, ndivo vaiva vokutanga kumiswa pamberi pedare vachipomerwa kufurira vanhu kupandukira hurumende. Vakanga vapa vanhu turakiti riya pedyo nepurazi ravo muzvikomo zviri kumaodzanyemba kweguta reQuebec, asi mhuri yekwaBoucher yakanga isiri vanhu vawaigona kufungira kuti vangatyora mutemo vachipesanisa vanhu. Hama Boucher vaiva munhu munyoro anozvininipisa, vachizvirimira havo mukapurazi kavo, uye vaimbopota vachipinda muguta nengoro yavo yaidhonzwa nemabhiza. Kunyange zvakadaro mhuri yavo yakanga yabatwa zvisina kunaka sezvaitaurwa muturakiti racho. Mutongi wedare racho, uyo aivenga Zvapupu, akaramba kubvuma uchapupu hwairatidza kuti mhuri yaHama Boucher yakanga isina mhosva. Asi akabvuma zvaitaurwa nemuchuchisi zvokuti turakiti racho raikonzera ruvengo saka mhuri yekwaBoucher yaifanira kuwanirwa mhaka. Saka nemamwe mashoko mutongi aiti: Imhosva kutaura chokwadi! Hama Boucher nemwanasikana wavo Gisèle vakanzi vane mhosva yekunyora mashoko okupandukira hurumende, uye kunyange mwana muduku, Lucille, akaita mazuva maviri ari mujeri. Hama dzakakwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro reCanada, iro rakabvuma kunzwa nyaya yacho.

14. Hama dzemuQuebec dzakaita sei makore adzaitambudzwa?

14 Zvose izvi pazvaiitika hama dzedu nehanzvadzi dzakashinga dzomuQuebec dzakaramba dzichiparidza shoko roUmambo, kazhinji kacho dzichitobudirira zvinoshamisa pasinei nokurwiswa kasingaperi. Mumakore mana kubvira pakatangwa mushandirapamwe weturakiti muna 1946, nhamba yaZvapupu muQuebec yakawedzera kubva pa300 kusvika ku1 000! c

15, 16. (a) Dare Repamusorosoro reCanada rakapa mutongo wokutii panyaya yemhuri yekwaBoucher? (b) Mutongo uyu wakabatsira sei hama dzedu nevamwewo vanhu?

15 Muna June 1950, Dare Repamusorosoro reCanada, raiva nevatongi vapfumbamwe, rakatonga nyaya yaAimé Boucher. Pashure pemwedzi mitanhatu, musi wa18 December, 1950, Dare rakati Hama Boucher vakanga vasina mhosva. Nei rakadaro? Hama Glen How, gweta raimiririra Zvapupu, vakatsanangura kuti Dare rakabvumirana nezvakataurwa pakudzivirira vaitongwa. Rakati chinonzi “kufurira vanhu kupandukira hurumende” kuita kuti vanhu vaite mhirizhonga vachida kubvisa hurumende. Asi turakiti iri rakanga “risina mashoko okufurira akadaro asi kuti raingoshandisa rusununguko rwokutaura rwunobvumirwa nomutemo.” Hama How vakawedzera kuti: “Ndakanyatsozvionera mafambisiro akaita Jehovha zvinhu kuti tikunde.” d

16 Mutongo wakapiwa neDare Repamusorosoro zvechokwadi waiva kukunda kweUmambo hwaMwari. Wakabva waita kuti dzimwe nyaya 122 dzakanga dzisati dzatongwa dzeZvapupu zvemuQuebec zvainzi zvine mhosva yokunyora mashoko okupandukira hurumende dzishaye basa. Uyezve mutongo uyu waireva kuti vagari vose veCanada nevemunyika dziri musangano reCommonwealth vakanga vava nerusununguko rwokunyunyuta nezvemabatirwo avanoitwa nehurumende. Mutongo wacho wakabva waita kuti kudzvinyirirwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha muQuebec nehurumende yakabatana nemachechi kupere. e

Tiri Vanhu Vanofamba Vachitengesa Here Kana Kuti Tiri Vazivisi voUmambo Vanoshingaira?

17. Dzimwe hurumende dzinoedza sei kupindira mubasa redu rokuparidza?

17 Kufanana nevaKristu vokutanga, vashumiri vaJehovha nhasi havasi “vatengesi veshoko raMwari.” (Verenga 2 VaKorinde 2:17.) Kunyange zvakadaro, dzimwe hurumende dzinoedza kutiudza zvokuita panyaya youshumiri hwedu dzichishandisa mitemo inoshandiswa pane zvokutengeserana. Ngatimboongororai nyaya mbiri dzemumatare dzakaratidza kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisi vanhu vanofamba vachitengesa asi kuti vashumiri.

18, 19. Hurumende yeDenmark yakaedza sei kutadzisa hama kuita basa rokuparidza?

18 Denmark. Musi wa1 October, 1932, mutemo wairambidza kutengesa zvinhu zvose zvakadhindwa pasina rezinesi wakatanga kushanda. Asi hama dzedu hadzina kutora marezinesi. Mangwana acho vaparidzi vashanu vakaswera vachiparidza muRoskilde, guta riri kure nemakiromita 30 nechekumavirira kweguta guru, Copenhagen. Pakazovira zuva, vakashaya kuti mumwe wavo, August Lehmann, akanga aenda kupi. Akanga asungwa achinzi aitengesa zvinhu asina rezinesi.

19 Musi wa19 December, 1932, August Lehmann akamiswa pamberi pedare. Akataura kuti akanga ashanyira vanhu achivabvunza kana vaida mabhuku anotsanangura Bhaibheri, asi akaramba kuti aifamba achitengesa. Dare rakabvumirana naye. Rakati: “Munhu ari kutongwa . . . anokwanisa kuzviriritira nemari yake, uye hapana mari yaakawana [pakuparidza] uye akanga asina chinangwa chokuitsvaga, asi kuti basa rake riri kutoita kuti arasikirwe nemari yake.” Richitsigira Zvapupu, dare racho rakati zvaiitwa naLehmann hazvikwanisi “kunzi kutengesa.” Asi vavengi vevanhu vaMwari vakanga vasingadi kudzokera shure pakurambidza basa rokuparidza munyika yacho yose. (Pis. 94:20) Muchuchisi akaramba achikwidza nyaya kusvikira yasvika kuDare Repamusorosoro. Hama dzedu dzakaita sei nazvo?

20. Dare Repamusorosoro reDenmark rakapa mutongo wokutii, uye hama dzedu dzakabva dzaita sei?

20 Kwasara vhiki rimwe chete kuti nyaya yaHama Lehmann ipinde muDare Repamusorosoro, Zvapupu zvomuDenmark yose zvakawedzera basa rokuparidza. Musi weChipiri, 3 October, 1933, Dare Repamusorosoro rakapa mutongo waro. Rakabvumirana nedare duku rakanga ramboti August Lehmann haana kutyora mutemo. Mutongo uyu waireva kuti Zvapupu zvaigona kuramba zvichiparidza zvakasununguka. Hama nehanzvadzi dzakatenda Jehovha nokukunda kwadzakanga dzaita mudare nokuwedzera zvekare basa rokuparidza. Kubvira pakapiwa mutongo iwoyo, hama dzedu kuDenmark dzanga dzichikwanisa kuita ushumiri hwadzo dzisingakanganiswi nehurumende.

Zvapupu zvokuDenmark zvaiva noushingi kuma1930

21, 22. Dare Repamusorosoro reUnited States rakapa mutongo wokutii panyaya yaHama Murdock?

21 United States. Musi weSvondo, 25 February, 1940, mumwe piyona ainzi Robert Murdock, Jr., nezvimwe Zvapupu zvinomwe vakasungwa vachiparidza muJeannette, guta riri pedyo nePittsburgh, muPennsylvania. Vakanzi vaiva nemhosva yokusatenga rezinesi rokupa vanhu mabhuku. Pavakakwidza nyaya yavo kuDare Repamusorosoro reUnited States, rakabvuma kuinzwa.

22 Musi wa3 May, 1943, Dare Repamusorosoro rakapa mutongo waro, uyo waiti Zvapupu zvakanga zvisina mhosva. Dare rakaramba mutemo waiti vatore marezinesi nokuti kunenge kwava kuita kuti munhu “abhadhare kushandisa kodzero yaanopiwa nebumbiro romutemo renyika.” Dare rakabva radzima mutemo wakanga wagadzwa nevakuru veguta racho richiti “kwaiva kukanganisa rusununguko rwokubudisa mashoko uye rwokunamata.” Paaitaura zvakanga zvasarudzwa nevatongi vose veDare, Mutongi William O. Douglas akati basa reZvapupu zvaJehovha “harisi rekungoparidza chete kana kungopa vanhu mabhuku echitendero. Rinobatanidza zvose zviri zviviri.” Akawedzera kuti: “Basa iri rokunamata rinofanira kuremekedzwa . . . sokuremekedzwa kunoitwa kunamatira mumachechi kana kuti kuparidza pamberi pevanhu muchechi.”

23. Chii chinoita kuti kukunda kwatakaita mudare muna 1943 kukoshe kwatiri nhasi?

23 Mutongo uyu weDare Repamusorosoro waiva kukunda kukuru kwemumatare kwevanhu vaMwari. Wakaratidza zvatiri chaizvo kuti tiri vashumiri vechiKristu kwete vanhu vanofamba vachitengesa. Zuva iroro muna 1943 harikanganwiki nokuti panyaya 13 dzakapinda muDare Repamusorosoro, Zvapupu zvaJehovha zvakanzi hazvina mhosva pa12 dzacho, kusanganisira nyaya yaHama Murdock. Mitongo iyi yakabatsira padzimwe nyaya dzakamutswa zvekare nguva dzichangopfuura nevavengi vedu vasingafariri kodzero yedu yokuparidza shoko roUmambo kuruzhinji uye paimba neimba.

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

24. Tinoita sei kana hurumende ikarambidza basa redu rokuparidza?

24 Isu vashumiri vaJehovha tinofara zvikuru patinopiwa nehurumende kodzero yokuparidza shoko roUmambo takasununguka. Asi kana hurumende ikatirambidza kuparidza, tinongochinja nzira dzokushandisa, toramba tichiita basa redu nenzira dzose dzinenge dzichiita. Kufanana nevaapostora, “tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29; Mat. 28:19, 20) Ukuwo tinenge tichikwidza nyaya yedu kumatare kuti basa redu risarambidzwe. Ngatikurukurei mienzaniso miviri.

25, 26. Inyaya ipi yakaitika kuNicaragua yakazosvika kuDare Repamusorosoro, uye yakapiwa mutongo wokutii?

25 Nicaragua. Musi wa19 November, 1952, Donovan Munsterman, uyo aiva mumishinari uye ari muranda webazi, akapinda muhofisi inoona nezvevanhu vanobva kune dzimwe nyika iri muManagua, guta guru. Akanga anzi auye kuzoona Captain Arnoldo García, uyo aiva mukuru wehofisi yacho. VaGarcía vakaudza Donovan kuti sangano reZvapupu zvaJehovha muNicaragua rakanga “rava kurambidzwa kuparidza dzidziso dzaro uye kuita zvose zvinotsigira chitendero chavo.” Pavakabvunzwa kuti zvakanga zvaita sei, VaGarcía vakatsanangura kuti Zvapupu zvakanga zvisina kupiwa mvumo negurukota rehurumende kuti vaite ushumiri hwavo uye vaipomerwa kuti vaitsigira utongi hwegutsaruzhinji. Ndiani aitipomera mhosva iyi? Vafundisi vechechi yeRoma.

Hama dzokuNicaragua nguva yairambidzwa basa redu

26 Hama Munsterman vakabva vakwidza nyaya yacho kubazi raiona nezvenyaya dzechitendero uye kuMutungamiriri Wenyika VaAnastasio Somoza García, asi hapana zvazvakabatsira. Saka hama dzakachinja nzira dzokuparidza nadzo. Vakavhara Imba yoUmambo, vakatanga kusangana vari tumapoka, uye vakamira kuparidza mumigwagwa, asi vakaramba vachiparidza shoko roUmambo. Pavaiita izvozvo vakaendesa mapepa okuti nyaya yavo iongororwe kuDare Repamusorosoro reNicaragua, vachikumbira kuti vasarambidzwe basa ravo. Mapepanhau akawanda akabudisa nyaya yacho pamwe nezvaiva mumapepa akaendeswa kudare, uye Dare Repamusorosoro rakabvuma kunzwa nyaya yacho. Zvakafamba sei? Musi wa19 June, 1953 Dare Repamusorosoro rakabudisa mutongo wakanga wabvumiranwa nevatongi varo wokuti Zvapupu zvakanga zvisina mhosva. Dare racho rakaona kuti kurambidzwa kwaiitwa Zvapupu kwaityora kodzero iri mubumbiro romutemo yokutaura nokusarudza zvaunoda uye kuratidza zvaunotenda. Rakataurawo kuti hurumende yeNicaragua ive neukama hwakanaka neZvapupu sezvavakanga vachimboita pakutanga.

27. Nei vanhu vekuNicaragua vakashamiswa nemutongo wakapiwa neDare, uye hama dzakaona sei kukunda kwadzakaita?

27 Vanhu vekuNicaragua vakashamiswa kuti Dare Repamusorosoro rakanga ratsigira Zvapupu. Izvi zvisati zvaitika, vafundisi vaiva nesimba zvikuru zvokuti Dare raitya kunetsana navo. Uyewo hurumende yaiva nesimba zvikuru zvokuti Dare rakanga risingawanzopesana nezvainenge yataura. Hama dzedu dzaiva nechokwadi chokuti kukunda uku kwakakonzerwa nokuti dzaidzivirirwa naMambo wadzo uye dzakanga dzaramba dzichiparidza.—Mab. 1:8.

28, 29. Zvinhu zvakachinja sei muZaire ma1980 ava pakati?

28 Zaire. Ma1980 ava pakati, muZaire, yava kunzi Democratic Republic of Congo, maiva neZvapupu zvingasvika 35 000. Kuwedzera kwaiita basa roUmambo kwakaita kuti bazi rivake zvimwe zvivako zvitsva. Muna December 1985, muguta guru reKinshasa makaitwa gungano renyika dzakawanda rakapindwa nevanhu 32 000 vakabva kunyika dzakasiyana-siyana vakazadza nhandare. Asi zvinhu zvakazotanga kuchinjira vashumiri vaJehovha. Chii chakaitika?

29 Hama Marcel Filteau, mumishinari aibva kuQuebec, Canada, avo vakanga vambotambudzwa makore aitonga Duplessis, vaishandira muZaire nguva iyoyo. Vakarondedzera zvakaitika vachiti: “Musi wa12 March, 1986, hama dzaitungamirira dzakapiwa tsamba yaitaura kuti sangano reZvapupu zvaJehovha zvomuZaire rakanga risisabvumirwe.” Tsamba yacho yakanga yakasainwa nemutungamiriri wenyika, Mobutu Sese Seko.

30. Dare Rebazi raifanira kuita chisarudzo chipi chakakura, uye rakasarudza kuita sei?

30 Mangwana acho nhepfenyuro yeredhiyo yakazivisa kuti: “Hatichafa takanzwa nezveZvapupu zvaJehovha [muZaire].” Zvapupu zvakabva zvatanga kutambudzwa. Dzimba dzoUmambo dzakaparadzwa, hama dzedu dzakatorerwa zvinhu, dzakasungwa, dzakaiswa mumajeri, uye dzakarohwa. Kunyange vana veZvapupu vakaiswa mumajeri. Musi wa12 October, 1988, hurumende yakatora zvinhu zvesangano, zvivako zvaishandiswa nehofisi yebazi zvikatanga kugarwa nemauto. Hama dzaitungamirira dzakanyorera Mutungamiriri Wenyika VaMobutu kuti nyaya yacho iongororwe zvakare, asi hadzina kupindurwa. Panguva iyoyo Dare Rebazi rakanga ratarisana nechisarudzo chakakura chokuti, “Tokwidza nyaya yedu kuDare Repamusorosoro here kana kuti tombomira?” Timothy Holmes, uyo aiva mumishinari uye ari murongi muDare Rebazi panguva iyoyo, anoyeuka zvakaitika achiti, “Takakumbira Jehovha kuti atipewo uchenjeri uye atitungamirire.” Pashure pekuizeya vanyengetera, Dare Rebazi rakasarudza kuti rimbomira kusvitsa nyaya iyi kumatare. Panzvimbo pokudaro, vakaisa pfungwa dzavo pakubatsira hama uye kutsvaka nzira dzokuramba vachiparidza.

“Mazuva akapiwa mutongo iwoyo, takaona kuti Jehovha anogona kuchinja sei zvinhu”

31, 32. Mutongo upi unoshamisa wakapiwa neDare Repamusorosoro reZaire, uye wakaita kuti hama dzedu dziite sei?

31 Pakapfuura makore anoverengeka. Kutambudzwa kwaiitwa Zvapupu kwakadzikira, uye kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu munyika kwakawedzera. Dare Rebazi rakaona kuti nguva yakanga yasvika yokuti rikwidze nyaya yokurambidzwa kwavo kuDare Repamusorosoro reZaire. Chinoshamisa ndechokuti Dare Repamusorosoro rakabvuma kunzwa nyaya yacho. Saka musi wa8 January, 1993, makore manonwe ava kuda kutokwana kubvira pakarambidzwa sangano nemutungamiriri wenyika, Dare rakapa mutongo wokuti zvakanga zvaitwa nehurumende kuZvapupu zvakanga zvisiri pamutemo, saka basa redu rakatanga kubvumirwazve. Chimbofunga kuti izvozvo zvairevei! Vatongi ivavo vakaita zvaigona kuvaurayisa pavakapa mutongo wokudzima zvakanga zvasarudzwa nomutungamiriri wenyika! Hama Holmes vanoti, “Mazuva akapiwa mutongo iwoyo, takaona kuti Jehovha anogona kuchinja sei zvinhu.” (Dhan. 2:21) Kukunda kwatakaita uku kwakasimbisa kutenda kwehama dzedu. Dzakaona kuti Mambo Jesu akanga atungamirira vanhu vake kuti vazive matanho okutora uye nguva yokuatora.

Zvapupu zvokuDemocratic Republic of Congo zvinofarira rusununguko rwokunamata Jehovha

32 Sezvo sangano redu rakanga rava kubvumirwa, hofisi yebazi yakapiwa mvumo yokupinza mamishinari, kuvaka mahofisi matsva ebazi, uye kupinza mabhuku anotsanangura Bhaibheri munyika. f Hakusi kufadza kwazvinoita vashumiri vaMwari munyika yose kuona kudzivirira kunoita Jehovha vanhu vake panyaya dzokunamata!—Isa. 52:10.

“Jehovha Ndiye Mubatsiri Wangu”

33. Tinodzidzei pakuongorora kwataita nyaya shomanana dzomumatare?

33 Kuongorora kwataita dzimwe nyaya dzemumatare kwatiratidza kuti Jesu ari kuita zvaakavimbisa paakati: “Ndichakupai muromo nouchenjeri, husingazokwanisi kudziviswa kana kupokanidzwa nevashori venyu vose vari pamwe chete.” (Verenga Ruka 21:12-15.) Pamwe pacho Jehovha aiita kuti kuve nevanhu vakaita saGamarieri kuti vadzivirire vanhu vake kana kuti aiita kuti pave nevatongi nemagweta vane ushingi vanoda zvinhu zvakati twasu. Jehovha akagomadza zvombo zvevavengi vedu. (Verenga Isaya 54:17.) Kupikiswa hakukwanisi kumisa basa raMwari.

34. Chii chinoita kuti kukunda kwatakaita mumatare kushamise, uye izvozvo zvinoratidzei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Nyaya Dzinokosha Dzatakakunda muMatare Epamusoro Dzikaita Kuti Kuparidza Umambo Kufambire Mberi.”)

34 Chii chinoita kuti kukunda kwedu mumatare kushamise? Chimbofunga izvi: Zvapupu zvaJehovha hazvisi vanhu vakakurumbira kana kuti vane simba. Hativhote uye hatitsigiri vezvematongerwo enyika kana kuita kuti vaite zvakatinakira. Uyezve vamwe vedu patinopinda mumatare, kazhinji kacho tinenge tichinzi “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza.” (Mab. 4:13) Saka pakuona kwevanhu, hapana chatiinacho chingaita kuti matare atonge achititsigira panzvimbo pevavengi vedu vechitendero uye vezvematongerwo enyika vanotova nesimba. Kunyange zvakadaro, matare anga achingopa mitongo inotitsigira! Kukunda kwedu mumatare kunoratidza kuti tiri kufamba “tichionekwa naMwari, tiri pamwe chete naKristu.” (2 VaK. 2:17) Saka tinodzokorora mashoko omuapostora Pauro okuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi.”—VaH. 13:6.

a Nyaya iyi, yokutongwa kwemhuri yekwaCantwell, ndiyo yaiva yokutanga panyaya 43 dzaive muDare Repamusorosoro reUnited States dzakashandwa naHama Hayden Covington vachimiririra Zvapupu. Vakazofa muna 1978. Mudzimai wavo Dorothy, uyo ava nemakore 90, achiri kushumira sapiyona akatendeka.

b Mhosva yavo yaibva pamutemo wakagadzwa muna 1606. Mutemo wacho waiti dare rinogona kuti munhu ane mhosva kana rikafunga kuti zvaakataura zvinoita kuti pave neruvengo, kunyange kana zviri zvechokwadi.

c Muna 1950, muQuebec maiva nevashumiri venguva yakazara 164, kusanganisira 63 vakanga vadzidza kuGiriyedhi, avo vasina kumbozengurira pavakatumirwa ikoko, kunyange zvazvo vaiziva kuti vaizonopikiswa zvakasimba.

d Hama W. Glen How vaiva gweta rine ushingi nounyanzvi rakamiririra Zvapupu zvaJehovha pamazana enyaya dzomumatare muCanada nokunze kwenyika, kutanga muna 1943 kusvika muna 2003.

e Kuti uverenge zvakawanda nezvenyaya iyi ona nyaya inoti “The Battle Is Not Yours, but God’s” iri muAwake! yaApril 22, 2000, mapeji 18-24.

f Mauto akazobuda muzvivako zvebazi; asi bazi idzva rakavakirwa pane imwewo nzvimbo.