Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuruboshwe: Hanzvadzi yaiva mucolporteur ichiparidza muKorea, 1931; kurudyi: Kuparidza nemutauro wemasaini muKorea mazuva ano

CHIKAMU 2

Kuparidza Umambo​—Kuparidza Mashoko Akanaka Munyika Yose

Kuparidza Umambo​—Kuparidza Mashoko Akanaka Munyika Yose

URI kugadzirira kubuda muushumiri mangwanani emusi wausiri kuenda kubasa. Unombozengurira, nokuti uri kunzwa kuti wakati netei. Kapfungwa kekumboti zororei mangwanani iwayo kari kuda kukukurira! Asi unonyengetera nezvazvo wozosarudza kuti unofanira kutoenda chete. Unoparidza neimwe hanzvadzi yechikuru yakatendeka, uye kutsungirira kwayo nomutsa zvinokubaya mwoyo. Pamunenge muchiparidza chokwadi paimba neimba, unotanga kufunga kuti hama dzako nehanzvadzi pasi pose dziri kuparidzawo mashoko auri kuparidza, dzichishandisa mabhuku seauri kushandisa uye dzichidzidziswa basa racho sezvauri kungoitawo. Paunozodzoka kumba unonzwa wasimba. Unoona kuti dai wanga usina kubuda waizenge warasikirwa!

Iye zvino ushumiri hwechiKristu ndihwo basa guru roUmambo hwaMwari. Jesu akagara ataura kuti basa rokuparidza raizopararira zvinoshamisa mumazuva okupedzisira. (Mat. 24:14) Uprofita hwake huri kuzadziswa zvakadini? Muchikamu chino, tichaongorora vanhu vari kuita ushumiri hwechiKristu, nzira uye zvinhu zviri kushandiswa kuita ushumiri hwacho, izvo zvaita kuti mamiriyoni evanhu pasi pose anyatsoona kuti Umambo hwaMwari huriko zvechokwadi.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 6

Vanhu Vanoparidza​—Vashumiri Vanozvipa Nemwoyo Unoda

Nei Jesu aiva nechivimbo chokuti aizova neuto revanhu vaizoparidza nemwoyo unoda mumazuva okupedzisira? Ungaratidza sei kuti uri kutanga kutsvaka Umambo?

CHITSAUKO 7

Nzira Dzokuparidza​—Kushandisa Nzira Dzose Kusvitsa Shoko roUmambo Kuvanhu

Dzidza nzira dzakatangwa nevanhu vaMwari kuti vasvitse mashoko akanaka kuvanhu vakawanda mugumo usati wasvika.

CHITSAUKO 8

Zvinhu Zvokushandisa Pakuparidza​—Kubudisa Mabhuku Anoshandiswa Kuparidza Munyika Yose

Basa redu rekushandura rinoratidza sei kuti tiri kutsigirwa naJesu? Zvii zvinotaurwa nezvemabhuku edu zvinotibatsira kutenda muUmambo?

CHITSAUKO 9

Kubudirira Kwebasa Rokuparidza​—“Minda . . . Yachenera Kukohwa”

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake zvidzidzo zviviri zvinokosha nezvebasa guru rokukohwa. Zvidzidzo izvozvo zvinoshanda sei pakukohwa kwatiri kuita nhasi?