Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

Vanhu Vanoparidza​—Vashumiri Vanozvipa Nemwoyo Unoda

Vanhu Vanoparidza​—Vashumiri Vanozvipa Nemwoyo Unoda

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Mambo anoronga uto revaparidzi

1, 2. Jesu akataura nezvebasa ripi guru raizoitwa, uye mubvunzo upi unokosha unovapo?

 VATUNGAMIRIRI vezvematongerwo enyika vanowanzovimbisa zvavasingazoita. Kunyange vaya vanenge vachitoda kuita zvavavimbisa vanogona kusazvikwanisa. Asi zvinofadza kuti Mambo wedu Mesiya, Jesu Kristu, haadaro pakuti anoita zvaakavimbisa.

2 Paakava Mambo muna 1914, Jesu akanga akagadzirira kuzadzisa uprofita hwaakanga ataura makore 1 900 akanga apfuura. Asarirwa nenguva pfupi kuti afe, Jesu akataura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:14) Kuzadziswa kwemashoko iwayo kwaizova chimwe chezviratidzo zvokuvapo kwake musimba roUmambo. Asi panomuka mubvunzo unokosha: Mambo aizokwanisa sei kuronga uto revanhu vane chido chokuparidza mumazuva okupedzisira, panguva inenge yakazara vanhu vanongozvifunga, vasina rudo, uye vasingadi zvokunamata? (Mat. 24:12; 2 Tim. 3:1-5) Tinofanira kuziva mhinduro yomubvunzo uyu nokuti ine chokuita nevaKristu vose vechokwadi.

3. Jesu akaratidza chivimbo nezvechii, uye chivimbo chacho akachiwana kupi?

3 Tarira zvakare mashoko aJesu euprofita. Waona here shoko rokuti “achaparidzwa”? Shoko iri rinoratidza kuti aiva nechivimbo chokuti zvaizoitika. Jesu aiva nechokwadi kuti kwaizova nevatsigiri vanozvipira mumazuva okupedzisira. Chivimbo chakadaro akachiwana kupi? Akachidzidza kuna Baba vake. (Joh. 12:45; 14:9) Asati auya pasi pano, Jesu akazvionera oga Jehovha achiratidza chivimbo kuvanamati vake vanoita zvinhu nokuzvidira. Ngationei kuti Jehovha akaratidza sei kuti ane chivimbo chakadaro.

“Vanhu Vako Vachazvipa Nomwoyo Unoda”

4. Jehovha akakumbira vaIsraeri kutsigira basa ripi, uye vakaita sei?

4 Yeuka zvakaitika pakaudzwa Mosesi naJehovha kuti agadzire tebhenekeri, kana kuti tende, yaizoshandiswa pakunamata nerudzi rwose rwevaIsraeri. Jehovha akaudza Mosesi kuti akumbire vanhu vose kuti vatsigire basa racho. Mosesi akavaudza kuti vaunganidze “mupiro wokupa Jehovha” achiti, “Vanhu vose vane mwoyo inoda ngavauye nawo.” Vanhu vakaita sei? “Vakaramba vachiuya . . . nechinopiwa chokuzvidira mangwanani oga oga.” Vakauya nezvakawanda zvokuti “vakadziviswa kuuya” nezvimwe. (Eks. 35:5; 36:3, 6) Jehovha aiva nechivimbo chokuti vaIsraeri vaizoita izvozvo uye zvechokwadiwo ndizvo zvavakaita.

5, 6. Maererano naPisarema 110:1-3, Jehovha naJesu vaitarisira kuva nevanhu vakaita sei pakati pevanamati vechokwadi mumazuva okupedzisira?

5 Jehovha aitarisira kuwana vanhu vanozvipira zvakadaro pavanamati vake mumazuva okupedzisira here? Hongu! Makore anopfuura 1 000 Jesu asati azvarwa pasi pano, Jehovha akafemera Dhavhidhi kuti anyore nezvezvaizoitika panguva yaizotanga Mesiya kutonga. (Verenga Pisarema 110:1-3.) Jesu, Mambo akanga achangogadzwa, aizova nevavengi vaizomupikisa. Asi aizovawo neuto revatsigiri. Vaisazoshumira Mambo zvokumanikidzwa. Kunyange vaduku pakati pavo vaizozvipira vasingamanikidzwi, vowanda zvokuti zvaizokodzera kuvafananidza nemadonhwe edova asingaverengeki anenge akazara pasi mangwanani panobuda zuva. a

Vatsigiri voUmambo vane mwoyo unoda vakawanda semadonhwe edova (Ona ndima 5)

6 Jesu aiziva kuti uprofita huri pana Pisarema 110 hwaitaura nezvake. (Mat. 22:42-45) Saka aiva nechivimbo chakazara chokuti aizova nevatsigiri vakavimbika vaizozvipa nemwoyo unoda kuparidza mashoko akanaka munyika yose. Ndizvo zvakazoitika here? Mambo akava neuto revaparidzi vane mwoyo unoda mumazuva ano okupedzisira zvechokwadi here?

‘Ndakapiwa Chikomborero Chokuzivisa Mashoko Iwayo’

7. Paakagadzwa saMambo, Jesu akatora matanho api kugadzirira vatsigiri vake basa raizoitwa?

7 Achangogadzwa saMambo, Jesu akatora matanho okugadzirira vateveri vake basa guru raifanira kuitwa. Sezvatakaona muChitsauko 2, akaita basa rokuongorora nokuchenesa kubvira muna 1914 kusvikira kutanga kwa1919. (Mar. 3:1-4) Muna 1919, akazogadza muranda akatendeka kuti atungamirire vateveri vake. (Mat. 24:45) Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi, muranda iyeye akatanga kupa vanhu zvokudya zvinosimbisa pakunamata achishandisa hurukuro dzepamagungano, uye mabhuku, izvo zvaitaura zvataurazve kukosha kwokuti muKristu mumwe nomumwe aparidze.

8-10. Magungano akakurudzira sei vanhu kuita basa rokuparidza? Ipa muenzaniso. (Onawo bhokisi rakanzi “ Magungano Ekutanga-tanga Akakurudzira Basa Rekuparidza.”)

8 Hurukuro dzepamagungano. Nechido chokuudzwa zvokuita, Vadzidzi veBhaibheri vakaungana paCedar Point, Ohio, kuU.S.A., kubva musi wa1 kusvika 8 September, 1919, kuti vapinde gungano ravo guru rokutanga Hondo Yenyika I yapera. Pazuva rechipiri, Hama Rutherford vakapa hurukuro vachinyatsojekesera vateereri kuti: “Basa romuKristu pasi pano . . . nderekuzivisa shoko reumambo hwaIshe.”

9 Vanhu vakazonyanya kukurudzirwa pazuva rechishanu regungano iri pakapiwa naHama Rutherford hurukuro ine musoro wokuti “Mashoko Kuvashandi Vakabatana,” iyo yakazobudiswa mumagazini yeThe Watch Tower iine musoro waiti “Kuzivisa Umambo.” Vakati: “Zviri muropa kuti muKristu paanenge achifungisisa azvibvunze kuti, Ndiri kuitei panyika pano? Mhinduro iri pachena inofanira kuva yokuti, Ishe akandipa chikomborero nokuti akandiitira nyasha dzokundiita mumiririri wake ndichizivisa mashoko aMwari okuyanana nenyika.”

10 Muhurukuro iyoyo isingakanganwiki, Hama Rutherford vakazivisa kuti paizobudiswa magazini itsva, The Golden Age (yava kunzi Mukai!), iyo yaizoshandiswa kuita kuti vanhu vazive kuti Umambo ndihwo chete tariro yevanhu. Vakazobvunza kana muvateereri maiva nevaida kuparadzira magazini iyi. Mashoko akazobuda achitaura nezvegungano iri akatsanangura kuti: “Kubvuma kwakaita vanhu kwaikurudzira zvikuru. Vanhu 6 000 vakasimuka pamwe chete.” b Zviri pachena kuti Mambo akanga aine vatsigiri vaiva nechido chokuzivisa Umambo hwake!

11, 12. Magazini yeThe Watch Tower ya1920 yakati basa rakataurwa naJesu raizoitwa riini?

11 Mabhuku. Magazini yeThe Watch Tower, yakaramba ichijekesa zvishoma nezvishoma kukosha kwebasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo rakataurwa nezvaro naJesu. Cherechedza dzimwe nyaya dzayakabudisa ma1920 achangotanga.

12 Mashoko api aizoziviswa achizadzisa Mateu 24:14? Basa iroro raizoitwa riini? Nyaya yaiti “Mashoko Akanaka oUmambo,” yemumagazini yaJuly 1, 1920, yeThe Watch Tower, yakatsanangura mashoko acho ichiti: “Pano mashoko akanaka ari kureva kuguma kwemamiriro ezvinhu aripo uye kugadzwa kweumambo hwaMesiya.” Nyaya yacho yakanyatsoratidza kuti mashoko aya aizoparidzwa “mumakore epashure pehondo huru [Hondo Yenyika I] kusvikira panguva ‘yokutambudzika kukuru.’” Saka nyaya yacho yakati: “Iye zvino ndiyo nguva . . . yokuzivisa kwose kwose pakati pevaKristu vokunyepedzera mashoko aya akanaka.”

13. Magazini yeThe Watch Tower ya1921 yakakurudzira sei vaKristu vakazodzwa kushanda nemwoyo unoda?

13 Vanhu vaMwari vaizoita basa rakataurwa naJesu vachiita zvokumanikidzwa here? Kwete. Nyaya yaiti “Shingai,” yaiva mumagazini, yeThe Watch Tower, yaMarch 15, 1921 yakakurudzira vaKristu vakazodzwa kushanda nemwoyo unoda. Mumwe nomumwe akakurudzirwa kuzvibvunza kuti: “Hachisi chikomborero here kuti ndiitewo basa iri?” Nyaya yacho yakaenderera mberi ichiti: “Tine chokwadi kuti kana uchiona [basa iri sechikomborero] uchaita saJeremiya, uyo ainzwa shoko raIshe mumwoyo make richiita ‘somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa’ ake, zvichimupa simba rokuramba achingotaura.” (Jer. 20:9) Kurudziro iyoyo yerudo yakaratidza kuti Jehovha naJesu vane chivimbo muvatsigiri voUmambo vakavimbika.

14, 15. Muna 1922, magazini yeThe Watch Tower yakakurudzira vaKristu vakazodzwa kushandisa nzira ipi kusvitsa mashoko kune vamwe?

14 VaKristu vechokwadi vanofanira kusvitsa sei shoko roUmambo kuvanhu? Nyaya pfupi asi yaiva nemashoko ane simba yaiva nomusoro waiti “Ushumiri Hunokosha,” yakabuda mumagazini yaAugust 15, 1922, yeThe Watch Tower, yakakurudzira vaKristu vakazodzwa kuti “vaende neshoko rakanyorwa kuvanhu votaura navo padzimba dzavo, vachipa uchapupu hwokuti umambo hwokudenga hwaswedera.”

15 Zviri pachena kuti kubvira muna 1919 zvichienda mberi, Kristu anga achishandisa muranda akatendeka kusimbisa asimbisazve kuti basa romuKristu panyika nderokuzivisa shoko roUmambo. Asi Vadzidzi veBhaibheri vakaita sei pavakakurudzirwa kuparidza mashoko oUmambo?

“Vakatendeka Vachazvipira”

16. Vamwe vakuru vakanga vakasarudzwa vakaita sei pazvakanzi vaKristu vose vaifanira kubuda muushumiri?

16 Mumakore ekuma1920 nekuma1930, vamwe vairamba pfungwa yokuti vaKristu vakazodzwa vose vanofanira kubuda muushumiri. Magazini yeWatch Tower yaNovember 1, 1927 yakatsanangura zvakanga zvichiitika ichiti: “Kune vamwe vari muchechi [muungano] nhasi vanotova nezvinzvimbo sevakuru . . . vanoramba kukurudzira hama dzavo kubuda muushumiri, uye ivo pachavo vachirambawo kubuda. . . . Vanoshora pfungwa yokuendesera vanhu paimba neimba shoko raMwari, raMambo waakagadza uye roUmambo.” Nyaya yacho yakanyatsoti: “Yasvika nguva yokuti vakatendeka vacherechedze vanhu vakadaro vosiyana navo, uye yokuvaudza kuti hatichakwanisa kupa varume vakadaro zvinzvimbo zvokuva vakuru.” c

17, 18. Vakawanda vaiva muungano vakaita sei pane zvavakaudzwa nemuranda akatendeka, uye mamiriyoni evanhu akaitawo sei mumakore 100 apfuura?

17 Chinofadza ndechokuti vakawanda vaiva muungano vakateerera nomufaro zvavakaudzwa nemuranda akatendeka kuti vaite. Vaiona kuparidza shoko roUmambo sechikomborero. Magazini yeThe Watch Tower yaMarch 15, 1926, yakati: “Vakatendeka vachazvipira . . . kuudza vanhu shoko iri.” Vakatendeka vakadaro vakaita zvinotaurwa nemashoko ouprofita ari pana Pisarema 110:3 uye vakaratidza kuti vaiva nechido chokutsigira Mambo Mesiya.

18 Mumakore zana apfuura, mamiriyoni akazvipa nemwoyo unoda kuita basa rokuzivisa Umambo. Muzvitsauko zvishoma zvichatevera, tichakurukura kuti vanga vachiparidza sei, kureva nzira dzavanga vachishandisa uye zvinhu zvavanga vachishandisa, tozoongorora kuti vakava nezvibereko zvipi. Asi chokutanga ngatikurukurei kuti nei mamiriyoni ari kuita basa iri rokuparidza Umambo achizvidira, pasinei nokuti ari kurarama munyika yakazara vanhu vanongoda zvido zvavo. Patinenge tichikurukura kuti nei vachidaro, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ko ini nei ndichiparidzira vamwe mashoko akanaka?’

“Rambai Muchitanga Kutsvaka Umambo”

19. Nei tichiteerera zano raJesu rokuti, “rambai muchitanga kutsvaka umambo”?

19 Jesu akapa vateveri vake zano rokuti, “rambai muchitanga kutsvaka umambo.” (Mat. 6:33) Nei tichiteerera zano iroro? Chinonyanya kuti tidaro ndechokuti tinoziva kukosha kwoUmambo, kuti ndihwo musimboti wechinangwa chaMwari. Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, mudzimu mutsvene wakaita kuti vanhu vajekerwe nechokwadi chinofadza choUmambo zvishoma nezvishoma. Patinobayiwa mwoyo nechokwadi choUmambo, tinonzwa tichida kuisa Umambo hwacho pakutanga.

Kufanana nomurume anofara paanowana pfuma yakavanzwa, vaKristu vanofara kuti vakawana chokwadi choUmambo (Ona ndima 20)

20. Mufananidzo waJesu wepfuma yakavanzwa unoratidza sei zvaizoitwa nevateveri vake pavaizonzwa zano rekutanga kutsvaka Umambo?

20 Jesu aiziva kuri vateveri vake vaizoita sei kana vanzwa zano rokuti varambe vachitanga kutsvaka Umambo. Chimbofunga nezvemufananidzo wake wepfuma yakavanzwa. (Verenga Mateu 13:44.) Paari kuita basa rake raagara achiita, mushandi wemumuenzaniso anowana pfuma yakavanzwa obva aziva kuti inokosha. Anoita sei? “Nokuda kwomufaro waainawo anoenda otengesa zvinhu zvaainazvo otenga sango iroro.” Tinodzidzei? Kana tawana chokwadi choUmambo uye taziva kukosha kwacho, tinozvipira nemufaro kuita chero zvinenge zvichidiwa kuti tiise Umambo pakutanga muupenyu. d

21, 22. Vatsigiri voUmambo vakavimbika vanoratidza sei kuti vanoisa Umambo pakutanga? Ipa muenzaniso.

21 Vatsigiri voUmambo vakavimbika vanoratidza nezviito zvavo, kwete nemashoko chete, kuti vari kutanga kutsvaka Umambo. Vanopa upenyu hwavo, simba ravo uye zvinhu zvavo kuti vaite basa rokuparidza. Vakawanda vakasiya zvinhu zvakawanda kuti vaite ushumiri hwenguva yakazara. Vaparidzi vose vanoita basa nemwoyo unoda ivavo vakazvionera voga kuti Jehovha anokomborera vaya vanoisa Umambo pakutanga. Funga nezvomuenzaniso wemumakore akapfuura.

22 Avery naLovenia Bristow vakashumira pamwe chete semacolporteur (mapiyona) nechekumaodzanyemba kweUnited States kubvira kuma1920. Makore akazotevera, Lovenia akati: “Ini naAvery tava nemakore akawanda tichifara mubasa rokupayona. Kakawanda taimboshaya kuti tichawana kupi mari yepeturu kana kuti yezvokudya nezvimwewo. Asi Jehovha aitowana nzira yokutiwanisa zvataida. Takangoramba tichipayona. Taisamboshaya zvinhu zvaikosha pakurarama.” Lovenia akayeuka zvakaitika mumwe musi pavaipayona kuPensacola, kuFlorida, vasisina mari uye zvokudya. Vakadzoka kukaravhani yavo vakasvikowana mabhegi maviri mahombe ezvokudya nekatsamba kaiti: “Kubva kuhama dzenyu dzinodiwa dzeKambani yePensacola.” e Achitarira shure kumakumi emakore ebasa renguva yakazara, Lovenia akati: “Jehovha haambotisiyi. Haambobatisi pasi vaya vanovimba naye.”

23. Unonzwa sei nezvechokwadi choUmambo chawakawana, uye watsidza mumwoyo mako kuita sei?

23 Hatigoni kushanda zvakafanana pakuparidza. Mamiriro edu ezvinhu anosiyana-siyana. Asi tose tinochiona sechikomborero kuzivisa mashoko akanaka nemweya wose. (VaK. 3:23) Sezvo tichikoshesa chokwadi choUmambo chatakawana, takagadzirira uye tinotodisisa kurega chero chii zvacho kuti tikwanise kushumira zvakazara sezvatingakwanisa. Watsidza mumwoyo mako kuti udaro here?

24. Nderipi rimwe remabasa makuru aitwa noUmambo mumazuva okupedzisira?

24 Mumakore zana apfuura, zvechokwadi Mambo anga achizadzisa mashoko ouprofita ari pana Mateu 24:14. Izvi ari kuzviita asingamanikidzi munhu. Pashure pokubuda munyika ine vanhu vanongoda zvido zvavo, vateveri vake vakazvipa nemwoyo unoda kuti vaparidze. Kuparidza kwavo pasi pose mashoko akanaka chimwe chezviratidzo zvokuti Jesu ava musimba roUmambo, uye rimwe remabasa makuru aitwa noUmambo mumazuva okupedzisira.

a MuBhaibheri, dova rinowanzoshandiswa richireva kuwanda.—Gen. 27:28; Mika 5:7.

b Kabhuku kainzi To Whom the Work Is Entrusted kaitsanangura kuti: “Basa rekupa vanhu The Golden Age mushandirapamwe uchaitwa paimba neimba wokuzivisa shoko roumambo. . . . Pashure pokupa mharidzo, munofanira kusiya magazini yeThe Golden Age pamusha mumwe nomumwe, kunyange kana pasina anyoresa kuti azopota achitumirwa.” Kwemakore akawanda akazotevera, hama dzaikurudzirwa kubvunza vanhu kana vaida kuzopota vachitumirwa The Golden Age neThe Watch Tower. Kutanga musi wa1 February, 1940, vanhu vaJehovha vaikurudzirwa kupa vanhu magazini voshuma kuti mangani avanenge vapa vanhu.

c Panguva iyoyo, vakuru vaiita zvokuvhoterwa neungano. Saka ungano yaigona kuramba kuvhotera varume vairamba pfungwa yokuti paitwe ushumiri. Tichazokurukura muChitsauko 12 kuti zvakazochinja sei kuti vakuru vagadzwe maererano neMagwaro.

d Jesu akabudisa pfungwa iyoyo zvakare mune mumwe mufananidzo waakataura nezvemunhu aifamba achitengesa akaenda kunotsvaga parera rinokosha zvikuru. Paakariwana, akatengesa zvose zvaaiva nazvo akaritenga. (Mat. 13:45, 46) Mifananidzo yacho yose inotidzidzisawo kuti tinogona kudzidza chokwadi choUmambo nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vanongosanganawo nacho; vamwe vanoita chokutsvaga. Asi pasinei nokuti tachiwana sei, takagadzirira kurega zvimwe zvinhu kuti tiise Umambo pakutanga muupenyu hwedu.

e Panguva iyoyo ungano dzainzi makambani.