Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuruboshwe: Mhuri yeBheteri yeBrooklyn yakapedzisira kupemberera Krisimasi muna 1926; kurudyi: Vanhu vanocherechedza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana nevamwe vanhu

CHIKAMU 3

Mararamiro emuUmambo​—Kutsvaka Kururama kwaMwari

Mararamiro emuUmambo​—Kutsvaka Kururama kwaMwari

UNOSIMUDZIRA muvakidzani wako ruoko uchipfuura hako. Wava nemazuva uchiona kuti ari kukucherechedza nemhuri yako. Anokusimudzirawo ruoko okudaidza. Anoti: “Ndingambokubvunzawo? Chii chinomboita kuti vanhu imimi musiyane nevamwe kudaro?” “Uri kurevei?” unomubvunza kudaro. Anoti, “Muri Zvapupu zvaJehovha, handiti? Makasiyana nevamwe vanhu vose. Makasiyana nemamwe machechi, hamupembereri mazororo, uye hamupindiri mune zvematongerwo enyika kana hondo. Hamusvuti. Uye mhuri yenyu ine tsika dzakazonaka. Chii chinoita kuti musiyane nevamwe vanhu zvakadaro?”

Unoziva kuti mhinduro yacho ndeyekuti, tiri kutongwa neUmambo hwaMwari. Sezvo ari Mambo, Jesu anogara achitinatsa. Ari kutibatsira kuti titevere tsoka dzake, izvo zviri kuita kuti tive vanhu vakasiyana nevamwe munyika ino yakaipa. Muchikamu chino tichaona kunatswa kuri kuitwa vanhu vaMwari neUmambo hwaMesiya panyaya dzekunamata, dzetsika uye dzemarongerwo akaitwa zvinhu musangano, zvose zvichiitirwa kuti Jehovha akudzwe.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 10

Mambo Anonatsa Manamatiro Evanhu Vake

Krisimasi nemuchinjikwa zvakafanana papi?

CHITSAUKO 11

Kunatsiridzwa Kwetsika Kunoratidza Utsvene hwaMwari

Zvinomiririrwa nedzimba dzevarindi uye magedhi etemberi yakaonekwa naEzekieri zvange zvichikosheswa nevanhu vaMwari kubvira muna 1914.

CHITSAUKO 12

Takarongwa Kuti Tishumire “Mwari Worugare”

Bhaibheri rinosiyanisa nyonganyonga nerugare kwete nekurongeka. Nei? Mhinduro yacho inobatsira sei vaKristu nhasi?