Kusuma Chikamu 10
Jehovha ndiye Mambo wezvinhu zvese. Agara aine simba pazvinhu zvese uye acharamba ainaro. Semuenzaniso, akanunura Jeremiya kuti asaurayiwa. Akaponesa Shadreki, Misheki naAbhedhinego mumoto uye akaitawo kuti Dhanieri asadyiwa neshumba. Jehovha akadzivirira Esteri kuti akwanise kununura rudzi rwake rwese. Haazobvumiri kuti zvakaipa zvirambe zviripo nariini. Uprofita hwechidhori chihombe nehwemuti muhombe hunosimbisa kuti Umambo hwaJehovha huchakurumidza kubvisa zvakaipa zvese hwobva hwatonga nyika.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 57
Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza
Zvakataurwa nemuprofita uyu wechidiki zvakaita kuti vakuru vevaJudha vatsamwe chaizvo.
CHIDZIDZO 58
Jerusarema Rinoparadzwa
Vanhu veJudha vakaramba vachinamata vanamwari venhema, saka Jehovha akavasiya.
CHIDZIDZO 59
Vakomana 4 Vakateerera Jehovha
VaJudha vechidiki vatsunga kuramba vakatendeka kuna Jehovha kunyange zvazvo vari mumuzinda weBhabhironi.
CHIDZIDZO 60
Umambo Husingazomboparadzwi
Dhanieri anotsanangura hope dzaNebhukadhinezari dzainetsa kunzwisisa.
CHIDZIDZO 61
Havana Kuchipfugamira
Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chidhori chegoridhe chamambo weBhabhironi.
CHIDZIDZO 65
Esteri Anoponesa Vanhu Vake
Kunyange zvazvo aiva mutorwa uye nherera, iye akazova mambokadzi.
CHIDZIDZO 66
Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari
VaIsraeri pavakanzwa zvakanga zvataurwa naEzra, vakaita vimbiso inokosha kuna Mwari.
CHIDZIDZO 67
Masvingo eJerusarema
Nehemiya akaziva kuti vavengi vake vaida kuvarwisa. Nei akanga asingatyi?