Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 67

Masvingo eJerusarema

Masvingo eJerusarema

Munguva yakararama Ezra, kwaiva nemumwe muIsraeri ainzi Nehemiya uyo aiva mushandi waMambo Atashasta. Nehemiya aigara muguta rePezhiya rainzi Shushani. Mukoma wake akauya kubva kuJudha nemashoko asingafadzi ekuti: ‘Vanhu vakadzokera kuJerusarema havana chinovadzivirira. Masvingo eguta nemagedhi aro zvakaparadzwa nevaBhabhironi hazvisati zvavakwazve.’ Nehemiya akashungurudzika. Aida kuenda kuJerusarema kuti anobatsira vanhu, saka akanyengetera kuti mambo amubvumire kuenda.

Pava paya, mambo akaona kuti Nehemiya akanga asiri kufara. Akabva ati: ‘Handisati ndambokuona wakadai. Chii chiri kunetsa?’ Nehemiya akati: ‘Ndingatadza here kusuruvara kana guta rangu, iro Jerusarema, riri dongo?’ Mambo akamubvunza kuti: ‘Chii chaunoda kuti ndikuitire?’ Nehemiya akabva angonyengetera chinyararire, ndokuti: ‘Ndinokumbirawo kuti mundibvumire kuenda kuJerusarema kunovakazve masvingo eguta racho.’ Mambo Atashasta akamubvumira kuenda, uye akava nechokwadi chekuti Nehemiya aizofamba akachengeteka parwendo rwake rwainge rwakareba. Akaitawo kuti Nehemiya ave gavhuna weJudha uye akamupa matanda ekugadzirisa magedhi eguta.

Nehemiya paakasvika kuJerusarema, akaongorora masvingo eguta racho. Akabva aunganidza vapristi nevatongi achibva ati: ‘Zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Tinofanira kutotanga basa.’ Vanhu vakabvumirana nazvo, vachibva vatanga kuvakazve masvingo acho.

Asi vamwe vavengi vevaIsraeri vakatanga kuvatsvinyira vachiti: ‘Kana gava rikazendamira masvingo amuri kuvaka anodonha ayo.’ Vanhu vakanga vachishanda havana kumbozviteerera, asi vakaramba vachivaka. Masvingo acho akaramba achisimba uye achikura.

Vavengi vakaronga kuti vauye vachibva kumativi akasiyana-siyana, kuzorwisa Jerusarema vanhu vasingafungiri. VaJudha pavakazvinzwa, vakabva vatanga kutya. Asi Nehemiya akati: ‘Musatya. Jehovha anesu.’ Akabva aisa varindi kuti vachengetedze vanhu vaishanda, saka vavengi vakanga vasingachakwanisi kurwisa.

Mumazuva 52 chete, masvingo nemagedhi eguta zvakanga zvapera. Nehemiya akaita kuti vaRevhi vese vauye kuJerusarema kuzopemberera kupedza kuvaka kwavakanga vaita. Akavaronga kuti vave mapoka maviri evaimbi. Vakabva vakwidza nepamasitepisi epaGedhi reTsime vakananga pamasvingo eguta, ndokutenderera guta racho, vamwe vachienda nekuno vamwe nekoko. Vakaridza hwamanda, makwakwakwa esimbi neudimbwa, uye vakaimbira Jehovha. Ezra akaenda nerimwe boka, uye Nehemiya akaenda nerimwe racho, vachibva vazonosangana kutemberi. Vanhu vese​—varume, vakadzi nevana—​vakapa zvibayiro kuna Jehovha uye vakapemberera. Manzwi ekufara kwavaiita akasvika kure kure.

“Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira.”​—Isaya 54:17