Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 70

Ngirozi Dzinozivisa Kuberekwa kwaJesu

Ngirozi Dzinozivisa Kuberekwa kwaJesu

Mutongi weUmambo hweRoma ainzi Kesari Agasto akarayira vaJudha vese kuti vadzokere kumaguta ekumusha kwavo kuti vanonyoresa mazita avo. Saka Josefa naMariya vakaenda kuBhetrehema. Mariya akanga ava pedyo nekusununguka mwana wake.

Pavakasvika kuBhetrehema, nzvimbo chete yakanga yasara yekuti vagare maiva mudanga rezvipfuwo. Ari imomo, Mariya akabereka mwanakomana wake Jesu. Akamuputira nemachira achibva amuradzika zvakanakanaka muchidyiro chezvipfuwo.

Pedyo neBhetrehema paiva nevafudzi vainge vari kunze kwemisha usiku, vachichengeta makwai avo. Vakabva vaona ngirozi imire pamberi pavo uye chiedza chekubwinya kwaJehovha chakavavhenekera. Vafudzi vacho vakatanga kutya, asi ngirozi yacho yakati: ‘Musatya henyu. Ndine mashoko anofadza. Nhasi muBhetrehema maberekwa Mesiya.’ Panguva iyoyo vakatanga kuona ngirozi dzakawanda mudenga dzichiti: ‘Mwari ari kudenga ngaakudzwe uye panyika ngapave nerugare.’ Ngirozi dzacho dzakabva dzanyangarika. Vafudzi vakaita sei?

Vakatanga kutaurirana vachiti: ‘Ngatitoendai kuBhetrehema.’ Vakabva vakurumidza kuenda, vakanoona Josefa naMariya vari mudanga rezvipfuwo vaine kamwana kavo kacheche.

Munhu wese akanzwa zvakanga zvaudzwa vafudzi nengirozi, akashamiswa nazvo. Mariya akafungisisa mashoko akabva kungirozi yacho uye haana kumboakanganwa. Vafudzi vacho vakadzokera kwaiva nemakwai avo, vachitenda Jehovha nezvese zvavakanga vaona nekunzwa.

“Ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano. Handina kungozviuyira ndega, asi iyeye ndiye akandituma.”​—Johani 8:42