Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 12

Kusuma Chikamu 12

Jesu akadzidzisa vanhu nezveUmambo hwekumatenga. Akavadzidzisawo kunyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, Umambo hwake huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Kana uri mubereki, tsanangurira mwana wako kuti munyengetero iwoyo unorevei kwatiri. Jesu haana kubvumira Satani kuti aparadze kuvimbika kwake. Jesu akasarudza vaapostora vake uye ndivo vakazova nhengo dzekutanga dzeUmambo uye vane basa rinokosha. Ona kushingaira kwaiita Jesu pakunamata kwechokwadi. Jesu akaporesa vairwara, akapa vanhu zvekudya uye akatomutsa vakafa nekuti aida kubatsira vamwe. Jesu paakaita zvishamiso izvi, airatidza zvichazoitirwa vanhu neUmambo.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 74

Jesu Anova Mesiya

Johani anorevei paanoti Jesu ndiye Gwayana raMwari?

CHIDZIDZO 75

Dhiyabhorosi Anoedza Jesu

Dhiyabhorosi anoedza Jesu katatu. Ndeipi miedzo mitatu yaakasangana nayo? Jesu akaita sei?

CHIDZIDZO 76

Jesu Anochenesa Temberi

Nei Jesu akabudisa mhuka mutemberi uye akapidigura matafura evanhu vaichinja mari?

CHIDZIDZO 77

Mukadzi Aiva Patsime

Nei mukadzi muSamariya achishamisika kuti Jesu ari kutaura naye? Jesu anomuudza mashoko api aasina kumboudza mumwe munhu?

CHIDZIDZO 78

Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo

Jesu anokoka vamwe vevadzidzi vake kuti vave “vabati vevanhu.” Pava paya, akadzidzisa vamwe 70 vevadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka.

CHIDZIDZO 79

Jesu Anoita Zvishamiso Zvakawanda

Kwese kwaanoenda, vanhu vanorwara vanouya kwaari kuti vabatsirwe uye anovarapa. Anotomutsa musikana mudiki anga afa.

CHIDZIDZO 80

Jesu Anosarudza Vaapostora 12

Akavasarudza kuti vaitei? Uchiri kuyeuka mazita avo here?

CHIDZIDZO 81

Mharidzo yepaGomo

Jesu ari kudzidzisa boka revanhu zvidzidzo zvinokosha.

CHIDZIDZO 82

Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vake Kunyengetera

Zvinhu zvipi zvaakaudza vadzidzi vake kuti varambe vachikumbira?

CHIDZIDZO 83

Jesu Anopa Vanhu Vakawanda Zvekudya

Chishamiso ichi chinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

CHIDZIDZO 84

Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura

Chimbofungidzira kuti vaapostora vanonzwa sei pavanoona chishamiso ichi?

CHIDZIDZO 85

Jesu Anorapa Pazuva reSabata

Nei vamwe vanhu vasiri kufarira zvaari kuita?

CHIDZIDZO 86

Jesu Anomutsa Razaro

Jesu paanoona Mariya achichema, anobva atangawo kuchema. Asi nekukurumidza, kuchema kwavo kunochinja kuva mufaro.