Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 75

Dhiyabhorosi Anoedza Jesu

Dhiyabhorosi Anoedza Jesu

Jesu paakanga abhabhatidzwa, mweya mutsvene wakamutungamirira kuenda kurenje. Akaita mazuva 40 asina kudya, uye akanga aziya nenzara. Dhiyabhorosi akabva auya kuzomuedza achiti: ‘Kana uchiti uri Mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave zvingwa.’ Asi Jesu akamupindura achishandisa zviri muMagwaro zvekuti: ‘Munhu haangorarami nezvekudya chete. Anofanira kuteerera mashoko ese anotaurwa naJehovha.’

Dhiyabhorosi akabva aedzazve Jesu achiti: ‘Kana uchiti uri Mwanakomana waMwari, svetuka kubva pano panzvimbo yakakwirira chaizvo yepatemberi. Zvakanyorwa kuti Mwari achatumira ngirozi dzake kuti dzikugamhe.’ Asi Jesu akataurazve mashoko emuMagwaro achiti: ‘Zvakanyorwa kuti haufaniri kuedza Jehovha.’

Satani akabva aratidza Jesu umambo hwese hwepanyika neupfumi nekubwinya kwahwo, akati kwaari: ‘Ndichakupa umambo hwese uhwu nekubwinya kwahwo kana ukangondinamata kamwe chete.’ Asi Jesu akati: ‘Ibva, Satani! Zvakanyorwa kuti unofanira kungonamata Jehovha chete.’

Dhiyabhorosi akabva aenda uye ngirozi dzakauya dzikapa Jesu zvekudya. Kubva ipapo zvichienda mberi, Jesu aiparidza mashoko akanaka eUmambo. Ndiro basa raakanga atumwa kuti aite panyika. Vanhu vaifarira zvavaidzidziswa naJesu uye vaimutevera kwese kwaaienda.

“[Dhiyabhorosi] paanotaura nhema, anotaura maererano nezvaari, nekuti iye murevi wenhema nababa venhema.”​—Johani 8:44