Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 80

Jesu Anosarudza Vaapostora 12

Jesu Anosarudza Vaapostora 12

Jesu paakanga aparidza kwegore nehafu, aifanira kuita chisarudzo chinokosha. Ndivanaani vaaizosarudza kuti vashande naye? Ndivanaani vaaizodzidzisa kuti vatungamirire muungano yechiKristu? Jesu aitoda kutungamirirwa naJehovha pakuita zvisarudzo izvi. Saka akaenda kugomo ari ega, ndokuita usiku hwese achinyengetera. Ava mangwanani, Jesu akaunganidza vamwe vevadzidzi vake, achibva asarudza vaapostora 12. Pane vaunoyeuka nemazita here? Aya ndiwo akanga ari mazita avo: Petro, Andreya, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeyo, Tomasi, Mateu, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Tadhiyosi, Simoni, naJudhasi Iskariyoti.

Andreya, Petro, Firipi, Johani

Vaapostora vacho 12, vaizofamba naJesu. Paakanga avadzidzisa, akavatuma kuti vaende kunoparidza vari vega. Jehovha akavapa simba rekudzinga madhimoni nekurapa vanorwara.

Johani, Mateu, Bhatoromeyo, Tomasi

Jesu aishevedza vaapostora 12 kuti shamwari dzake, uye aivimba navo. VaFarisi vaifunga kuti vaapostora vaiva vanhuwo zvavo vasina kudzidza. Asi Jesu aisavaona saizvozvo nekuti ndiye akanga avadzidzisa basa ravaiita. Vaizoramba vaina Jesu panguva dzaikosha muupenyu hwake, dzakadai sepaakanga ava pedyo nekuurayiwa uye paakanga amutswa. Kufanana naJesu, vakawanda vevaapostora vake 12 vaibva kuGarireya. Vamwe vavo vakanga vakaroora.

Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Judhasi Iskariyoti, Tadhiyosi, Simoni

Vaapostora vaimbokanganisawo sevanhu vaiva nechivi. Pamwe pacho vaitaura vasina kufunga uye vaitadza kusarudza. Dzimwe nguva vaitadza kuva nemwoyo murefu. Vaitomboitisana nharo kuti ndiani wavo ainyanya kukosha. Asi vakanga vari vanhu vakanaka uye vaida Jehovha. Ndivo vaizotanga kuumba ungano yechiKristu Jesu aenda.

“Ndakutii shamwari, nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu.”​—Johani 15:15