Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 87

Paseka yaJesu Yekupedzisira

Paseka yaJesu Yekupedzisira

VaJudha vaiita Paseka gore negore pazuva rechi14 remwedzi wavo unonzi Nisani. Izvi zvaivayeuchidza nezvekununurwa kwavakaitwa naJehovha kubva kuIjipiti kwavaiva varanda achivaendesa kuNyika Yakapikirwa. Mugore ra33 C.E., Jesu nevaapostora vake vakaita Paseka muJerusarema pane imwe imba mukamuri raiva pamusoro. Pavakanga vava kupedza kudya, Jesu akati: ‘Pakati penyu pane achanditengesa.’ Vaapostora vakanetseka chaizvo nazvo, uye vakabvunza Jesu kuti: ‘Ndiani iyeye?’ Jesu akati: ‘Munhu wandichapa chingwa ichi, ndiye wacho.’ Akabva achipa Judhasi Iskariyoti. Judhasi akabva asimuka, ndokubuda mumba macho.

Jesu akanyengetera, ndokumedura chingwa, achibva apa vaapostora vaakanga asara navo. Akati: ‘Idyai chingwa ichi. Chinomiririra muviri wangu wandichapa nekuda kwenyu.’ Akabva anyengeterera waini, ndokuipa vaapostora vake. Akati: ‘Inwai waini iyi. Inomiririra ropa rangu, randichapa kuti vanhu varegererwe zvivi. Ndinokuvimbisai kuti muchava madzimambo muri pamwe chete neni kudenga. Garai muchiita izvi gore negore muchindiyeuka.’ Gore negore vateveri vaJesu vachiri kuungana manheru emusi iwoyo. Chiitiko ichocho chava kunzi Kudya kwaShe Kwemanheru.

Vapedza kudya, vaapostora vakatanga kuitisana nharo kuti ndiani ainyanya kukosha pakati pavo. Asi Jesu akavaudza kuti: ‘Mukuru pakati penyu ndeuya anozviona semudiki pane vese kana kuti seasinganyanyi kukosha.

‘Imi muri shamwari dzangu. Ndinokuudzai zvese zvandinonzi naBaba vangu ndikuudzei. Nekukurumidza ndichaenda kudenga kuna Baba vangu. Imi muchasara, uye vanhu vachaziva kuti muri vadzidzi vangu nekudanana kwamunenge muchiita. Munofanira kudanana semadiro andakakuitai.’

Jesu akazonyengetera achikumbira Jehovha kuti achengetedze vadzidzi vake vese. Akakumbira Jehovha kuti avabatsire kuti vashande pamwe chete murugare. Akanyengeterera kuti zita raJehovha ritsveneswe. Jesu nevaapostora vake vakabva vaimba vachirumbidza Jehovha, ndokuzobuda kunze. Jesu akanga ava pedyo nekusungwa.

“Musatya, imi boka diki, nekuti Baba venyu vakabvumira kukupai Umambo.”​—Ruka 12:32