Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 89

Petro Anoramba Jesu

Petro Anoramba Jesu

Jesu paaiva muimba yepamusoro nevaapostora vake, akati kwavari: ‘Nhasi manheru, mese zvenyu muchandisiya ndega.’ Petro akati: ‘Ini handingamboiti zvakadaro! Kunyange vamwe vese vakakusiyai, ini handisi kuzokusiyai.’ Asi Jesu akaudza Petro kuti: ‘Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.’

Masoja paakatora Jesu kuti amuendese kumba kwaKayafasi, vazhinji vevaapostora vakanga vatiza. Asi vaviri vavo vakatevera vari muboka revanhu vakanga vauya kuzosunga Jesu. Mumwe wacho aiva Petro. Akaenda pachivanze cheimba yaKayafasi akatanga kudziya moto. Kuvheneka kwaiita moto kwakaita kuti Petro aonekwe nemumwe mushandikadzi, uyo akazoti kwaari: ‘Ndakuziva! Newewo wakanga uina Jesu!’

Petro akati: ‘Aiwa, handisirini! Zvauri kutaura handitombozvizivi!’ Akabva afamba achienda kugedhi. Asi pasina nguva, mumwe mushandikadzi akamuona ndokubva audza boka revanhu kuti: ‘Munhu uyu aivawo naJesu!’ Petro akati: ‘Jesu wacho handitombomuzivi!’ Mumwe murume akati: ‘Uri mumwe wavo! Matauriro ako ari kuratidza kuti uri wekuGarireya kunobvawo Jesu.’ Asi Petro akapika achiti: ‘Handitombomuzivi!’

Panguva iyoyo, jongwe rakabva rarira. Petro akaona Jesu achicheuka achimutarisa. Akabva ayeuka mashoko akanga ataurwa naJesu ndokubva abuda panze akanochema zvinonzwisa tsitsi.

Panguva imwe chete, dare reSanihedrini rakaungana mumba maKayafasi kuti ritonge Jesu. Dare racho rakanga ratosarudza kare kuuraya Jesu, saka rakanga rava kuda kutsvaga mhosva yekumupomera. Asi hapana kana mhosva yavakamuwanira. Kayafasi akazobvunza Jesu kuti: ‘Uri Mwanakomana waMwari here?’ Jesu akati: ‘Ehe.’ Kayafasi akati: ‘Atuka Mwari! Hapana imwe mhosva inopfuura iyi.’ Dare racho rakabvumirana nazvo richiti: ‘Munhu uyu anofanira kufa.’ Vakarova Jesu mbama kumeso, vakamupfira mate, vakavhara maziso ake, ndokutanga kumurova vachiti: ‘Kana uri muprofita, tiudze kuti ndiani akurova!’

Pakwakaedza, vakatora Jesu vakaenda naye muimba yeSanihedrini vakamubvunzazve kuti: ‘Uri Mwanakomana waMwari here?’ Jesu akapindura kuti: ‘Imi ndimi muri kutozvitaura.’ Vakamupomera mhosva yekusaremekedza Mwari, ndokumuendesa kumuzinda waGavhuna weRoma ainzi Pondiyo Pirato. Zvii zvakazoitika? Ngationei.

“Nguva . . . yatosvika, pamuchapararira mumwe nemumwe achienda kumba kwake muchindisiya ndega. Asi handisi ndega, nekuti Baba vaneni.”​—Johani 16:32