Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 11

Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda

Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda

Abrahamu akadzidzisa mwanakomana wake Isaka kuda Jehovha uye kuvimba nezvinhu zvese zvaanovimbisa. Asi Isaka paakanga ava nemakore 25, Jehovha akaudza Abrahamu kuti aite chimwe chinhu chainge chakaoma zvikuru. Chakanga chiri chii?

Mwari akaudza Abrahamu kuti: ‘Tora mwanakomana wako mumwe chete, umupe sechibayiro pagomo riri kunyika yeMoriya.’ Abrahamu haana kutomboziva kuti nei Jehovha akamuudza kuti adaro. Asi akangoteerera Jehovha zvakadaro.

Zuva rakatevera racho mangwanani-ngwanani, Abrahamu akatora Isaka pamwe chete nevashandi vaviri vakaenda kuMoriya. Pashure pekufamba kwemazuva matatu, vakatanga kuona makomo ari nechekure. Abrahamu akaudza vashandi vake kuti vasare vakavamirira iye naIsaka pavaienda kunopa chibayiro. Abrahamu akapa Isaka huni kuti atakure, uye Abrahamu akatora banga. Isaka akabvunza baba vake: ‘Mhuka yacho yatichanopa sechibayiro iri kupi?’ Abrahamu akati: ‘Usanetseke hako mwanakomana wangu, Jehovha ndiye achatipa.’

Pavakazosvika pagomo racho, vakavaka atari. Abrahamu akabva asunga maoko nemakumbo aIsaka, achibva amuisa paatari.

Abrahamu akatora banga. Panguva iyoyo, ngirozi yaJehovha yakashevedzera iri kudenga, ichiti: ‘Abrahamu! Usakuvadza mukomana! Iye zvino ndava kuziva kuti unotenda muna Mwari nekuti wabvuma kupa mwana wako sechibayiro.’ Abrahamu akabva aona gondohwe rakanga rabatwa nyanga dzaro mugwenzi raiva pedyo. Akakurumidza kusunungura Isaka achibva abayira gondohwe racho.

Kubva pazuva iroro, Jehovha akatanga kudana Abrahamu kuti shamwari yake. Unoziva here kuti nei? Abrahamu aiita zvese zvaainzi naJehovha aite, kunyange paakanga asinganzwisisi kuti nei Jehovha aimuudza kuti azviite.

Jehovha akadzokorora kutaura zvaakanga avimbisa Abrahamu achiti: ‘Ndichakukomborera, uye ndichaita kuti uve nevana vakawanda.’ Akavimbisawo kuti aizokomborera vanhu vese vanoita zvakanaka achishandisa mhuri yaAbrahamu.

“Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.”​—Johani 3:16