Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 22

Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku

Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku

Farao paakangonzwa kuti vaIsraeri vabuda muIjipiti, akabva afunga kuvadzosa. Akaudza masoja ake kuti: ‘Torai ngoro dzangu dzese dzehondo mugadzirire kuti tivatevere! Tanga tisingafaniri kuvasiya vachienda.’ Farao nemasoja ake vakabva vatanga kutevera vaIsraeri.

Jehovha aitungamirira vanhu vake achishandisa gore masikati uye usiku aishandisa moto. Akavatungamirira kuGungwa Dzvuku uye akavaudza kuti vavake musasa.

VaIsraeri vakabva vaona Farao nemasoja ake vachiuya kwavari. Vakanga vasisina kwekutizira sezvo kumberi kwavo kwaiva negungwa uye kumashure kwavo kwaiva nemasoja evaIjipiti. Vakatanga kuchemera Mozisi vachiti: ‘Tava kufa! Dai wakatisiya tiri muIjipiti.’ Asi Mozisi akati: ‘Musatya. Mirai muone kuponeswa kwatichaitwa naJehovha.’ Mozisi ainyatsovimba naJehovha, handiti?

Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vaputse musasa. Usiku ihwohwo, Jehovha akafambisa gore akariisa pakati pevaIjipiti nevaIsraeri. Kudivi revaIjipiti kwaiva nerima. Asi kudivi revaIsraeri kwaiva nechiedza.

Jehovha akaudza Mozisi kuti atambanudzire ruoko rwake kugungwa. Uye Jehovha akaita kuti mhepo ine simba ivhuvhute usiku hwese. Gungwa rakavhurika nepakati uye pakabva pava nenzira yekuti vapinde nayo. Mamiriyoni evaIsraeri akafamba nepakaoma kuenda kune rimwe divi achipfuura nepakati pemvura yakaita semadziro kurudyi nekuruboshwe kwavo.

Masoja aFarao akapindawo nepakati pegungwa pakanga pakaoma achitevera vaIsraeri. Jehovha akabva avhiringidza masoja acho. Mavhiri engoro dzavo dzehondo akatanga kugurunuka. Masoja acho akatanga kushevedzera achiti: ‘Ngatibvei pano! Jehovha ndiye ari kuvarwira.’

Jehovha akaudza Mozisi kuti: ‘Tambanudzira ruoko rwako kugungwa.’ Ipapo mvura yemugungwa yakabva yadzokera pane zvayakanga yakaita, ikafukidza masoja evaIjipiti. Farao nevanhu vake vese vakabva vafa. Hapana kana mumwe chete wavo akapukunyuka.

Boka guru revanhu vaiva kune rimwe divi regungwa vakarumbidza Mwari vachiimba rwiyo, vachiti: “Imbirai Jehovha, nokuti akwidziridzwa kwazvo. Akanda bhiza nomutasvi waro mugungwa.” Vanhu pavaiimba, vakadzi vaitamba nekuridza matambureni. Vanhu vese vaifarira kuti iye zvino vakanga vasunungurwa zvechokwadi.

“Kuti tive vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’”​—VaHebheru 13:6