Kusuma Chikamu 5
Pashure pemwedzi miviri vapfuura nepaGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakasvika paGomo reSinai. Vari ipapo, Jehovha akaita sungano navo kuti vave rudzi rwake rwunokosha. Akavadzivirira uye akavapa zvese zvavaida. Akavapa zvekudya zvainzi mana, akaita kuti hembe dzavo dzirege kusakara, uye aivagarisa munzvimbo dzakachengeteka. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti anzwisise kuti nei Jehovha akapa vaIsraeri Mutemo, tebhenekeri uye vapristi. Simbisa kuti nei zvichikosha kuti tizadzise zvatinenge tavimbisa, tirambe tichizvininipisa uye tirambe takavimbika kuna Jehovha.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 23
Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha
VaIsraeri vakaita vimbiso kuna Mwari pavakanga vari paGomo reSinai.
CHIDZIDZO 24
Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa
Mozisi paakanga aenda kunotora Mirayiro Gumi, vanhu vakaita chivi chakakura.
CHIDZIDZO 26
Vasori 12
Joshua naKarebhi vakanga vasina kuita sevamwe varume 10 vavakaenda navo kunosora nyika yeKenani.
CHIDZIDZO 27
Vakapandukira Jehovha
Kora, Dhatani, Abhiramu nevamwe varume 250 vakatadza kuziva chimwe chinhu chinokosha nezvaJehovha.