Kusuma Chikamu 6
VaIsraeri pavakazosvika kuNyika Yakapikirwa, tebhenekeri ndiyo yakanga yava kushandiswa pakunamata kwechokwadi. Vapristi vaidzidzisa Mutemo uye vatongi vaitungamirira vanhu. Chikamu chino chinoratidza kuti zvinosarudzwa uye zvinoitwa nemunhu zvinogona sei kubatsira kana kuti kukanganisa vamwe. MuIsraeri mumwe nemumwe aifanira kuva akavimbika kuna Jehovha uye kune vamwe vanhu. Ratidza kuti vanhu vakadai saDhibhora, Naomi, Joshua, Hana, mwanasikana waJefta, uye Samueri vakabatsira sei vanhu vavaigara navo. Simbisa kuti kunyange vamwe vakanga vasiri vaIsraeri vakadai saRakabhi, Rute, Jaeri, uye vaGibhiyoni, vakasarudza kubatana nevaIsraeri nekuti vaiziva kuti Mwari ndiye aitungamirira vaIsraeri.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 29
Jehovha Akasarudza Joshua
Mirayiridzo yakapiwa Joshua naMwari inogona kutibatsirawo mazuva ano.
CHIDZIDZO 30
Rakabhi Akahwandisa Vasori
Masvingo eJeriko akakoromoka. Asi imba yaRakabhi yakaramba yakamira, kunyange zvazvo yakanga yakabatana nemasvingo acho.
CHIDZIDZO 31
Joshua nevaGibhiyoni
Joshua akanyengetera kuna Mwari achiti: “Zuva, mira!” Mwari akapindura here?
CHIDZIDZO 32
Mutungamiriri Mutsva Nevakadzi Vaviri Vakashinga
Joshua paakafa, vaIsraeri vakatanga kunamata zvidhori. Upenyu hwakatanga kuvaomera asi vakazobatsirwa nemutongi ainzi Bheraki, muprofitakadzi ainzi Dhibhora naJaeri!
CHIDZIDZO 33
Rute naNaomi
Vakadzi vaviri vakafirwa nevarume vakadzokera kuIsraeri. Rute, mumwe wevakadzi vacho akaenda kunoshanda muminda uye ikoko akazoonekwa naBhoazi.
CHIDZIDZO 34
Gidhiyoni Akakunda vaMidhiyani
VaMidhiyani pavakaomesera vaIsraeri, vaIsraeri vakakumbira kuti Jehovha avabatsire. Masoja mashoma aGidhiyoni akakwanisa sei kukunda masoja 135 000 evavengi vavo?
CHIDZIDZO 35
Hana Anonyengetera Kuti Apiwe Mwanakomana
Erikana anoenda naHana, naPenina nevana kunonamata kutebhenekeri yekuShiro. Vari ikoko, Hana anonyengetera kuti apiwe mwanakomana. Papera gore, Samueri anoberekwa!
CHIDZIDZO 36
Vimbiso yaJefta
Jefta akaita vimbiso ipi uye nei? Mwanasikana waJefta akaita sei paakaziva nezvevimbiso yababa vake?
CHIDZIDZO 37
Jehovha Anotaura naSamueri
Vanakomana vaviri vemupristi mukuru Eri vaiva vapristi patebhenekeri, asi vaisateerera mitemo yaMwari. Wechidiki Samueri aiteerera, uye Jehovha akataura naye.
CHIDZIDZO 38
Jehovha Akapa Samsoni Simba
Mwari akapa Samsoni simba rekuti arwise vaFiristiya, asi iye akaita nekusachenjera, vaFiristiya vakabva vamubata ndokuenda naye.