Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 32

Mutungamiriri Mutsva Nevakadzi Vaviri Vakashinga

Mutungamiriri Mutsva Nevakadzi Vaviri Vakashinga

Joshua paakanga atungamirira vanhu vaJehovha kwemakore akawanda, akazofa ava nemakore 110. Panguva yese yaakanga ari mupenyu, vaIsraeri vainamata Jehovha. Asi Joshua paakafa, vakatanga kunamata zvidhori, sezvaingoitwa nevaKenani. Jehovha akabvumira mambo wekuKenani ainzi Jabhini kuti aomesere vaIsraeri, nekuti havana kuramba vachimuteerera. Vanhu vacho vakakumbira Jehovha kuti avabatsire. Saka Jehovha akavapa mutungamiriri mutsva ainzi Bheraki. Aizobatsira vanhu kuti vadzoke kuna Jehovha.

Muprofitakadzi ainzi Dhibhora akashevedza Bheraki. Aida kumuudza mashoko akanga abva kuna Jehovha ekuti: ‘Tora varume 10 000 uende kunosangana nemasoja aJabhini parukova rwaKishoni. Ikoko uchakunda Sisera, mukuru wemasoja aJabhini.’ Bheraki akati kuna Dhibhora: ‘Ndichaenda kana iwe uchizoenda neni.’ Dhibhora akati: ‘Ndichaenda newe. Asi ziva kuti hausiriwe uchauraya Sisera. Jehovha ati achaurayiwa nemukadzi.’

Dhibhora akaenda naBheraki nemasoja ake pamusoro peGomo reTabhori kuti vanogadzirira hondo. Sisera paakangozvinzwa akabva aunganidza ngoro dzake dzehondo nemasoja ake mubani raiva muzasi megomo racho. Dhibhora akati kuna Bheraki: ‘Nhasi Jehovha achaita kuti ukunde.’ Bheraki nemasoja ake 10 000 vakaburuka mugomo ndokuenda kunosangana nemasoja aSisera aiva nesimba.

Jehovha akabva aita kuti rukova rwaKishoni rwuzare. Ngoro dzehondo dzaSisera dzakabva dzanyura mumatope. Sisera akaburuka mungoro yake akatanga kumhanya. Bheraki nemasoja ake vakakunda masoja aSisera, asi Sisera akatiza! Akanohwanda mutende remukadzi ainzi Jaeri. Jaeri akamupa mukaka kuti anwe achibva amufukidza gumbeze. Sisera uyo ainge akaneta akabva abatwa nehope. Jaeri akazonyahwaira achienda kwaaiva, akarovera hoko yetende mumusoro make, achibva afa.

Bheraki akauya achitsvaga Sisera. Jaeri akabva abuda mutende rake akati: ‘Pindai. Ndichakuratidzai murume wamuri kutsvaga.’ Bheraki akapinda akaona Sisera ari imomo atofa. Bheraki naDhibhora vakaimba vachirumbidza Jehovha nekuti akanga aita kuti vaIsraeri vakunde vavengi vavo. Kwemakore 40 akatevera, vaIsraeri vaiva nerugare.

“Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.”​—Pisarema 68:11