Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 29

Jehovha Akasarudza Joshua

Jehovha Akasarudza Joshua

Pashure pekunge atungamirira vaIsraeri kwemakore akawanda, Mozisi akanga ava pedyo nekufa. Jehovha akamuudza kuti: ‘Hausiriwe uchapinda nevaIsraeri muNyika Yakapikirwa. Asi ndichaita kuti uone nyika yacho.’ Mozisi akabva akumbira Jehovha kuti asarudze munhu aizotungamirira vanhu vake. Jehovha akati kwaari: ‘Enda kuna Joshua unomuudza kuti ndiye achatungamirira vanhu vangu.’

Mozisi akaudza vaIsraeri kuti ainge ava pedyo nekufa uye kuti Jehovha akasarudza Joshua kuti avatungamirire pakupinda muNyika Yakapikirwa. Mozisi akabva ati kuna Joshua: ‘Usatya. Jehovha achakubatsira.’ Pashure paizvozvo, Mozisi akaenda pamusoro peGomo reNebho, uye Jehovha akamuratidza nyika yaakanga avimbisa kuna Abrahamu, Isaka naJakobho. Mozisi akazofa ava nemakore 120.

Jehovha akaudza Joshua kuti: ‘Yambuka Rwizi rwaJodhani, upinde muKenani. Ndichakubatsira sekubatsira kwandaingoita Mozisi. Yeuka kuti unofanira kuverenga Mutemo wangu mazuva ese. Usatya. Shinga usimbe. Enda unoita zvandakuudza kuti uite.’

Joshua akatuma vasori vaviri kuti vanopinda muguta reJeriko. Munyaya inotevera, tichadzidza zvakawanda pamusoro pezvakaitika ikoko. Pavakadzoka vakataura kuti iyi yakanga iri nguva yakanaka yekuti vapinde muKenani. Zuva rakatevera racho, Joshua akaudza vaIsraeri kuti vaputse musasa. Zvadaro, akaita kuti vapristi vainge vakatakura areka yesungano vafambe vari pamberi pakuenda kuRwizi rwaJodhani. Rwizi rwakanga rwakazara. Asi vapristi pavakangotsika mumvura, mvura yakabva yamira kuyerera uye yakatanga kupwa! Vapristi vakabva vaenda vakanomira pakati perwizi, uye panguva iyoyo vaIsraeri vese vakayambuka rwizi rwacho vakanomira kumhiri. Unofunga here kuti chishamiso ichocho chakavayeuchidza zvakaitwa naJehovha paGungwa Dzvuku?

Pakupedzisira, pashure pemakore ese iwayo, vaIsraeri vakapinda muNyika Yakapikirwa. Vakanga vava kukwanisa kuvaka dzimba uyewo maguta. Vaikwanisawo kudyara zvirimwa muminda, kuita minda yemizambiringa neyemichero. Yaiva nyika yaiyerera uchi nemukaka.

“Jehovha achagara achikutungamirira uye achakugutsa kunyange uri munyika yakaoma.”​—Isaya 58:11