Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 30

Rakabhi Akahwandisa Vasori

Rakabhi Akahwandisa Vasori

Vasori vechiIsraeri pavakaenda kuguta reJeriko, vakanogara kumba kwemukadzi ainzi Rakabhi. Mambo weJeriko paakazvinzwa, akabva atuma masoja ake kumba kwaRakabhi. Rakabhi akahwandisa vasori vaviri vaya padenga remba yake akabva arasisa masoja acho nekuita kuti aende neimwe nzira. Akati kuvasori vacho: ‘Ndichakubatsirai nekuti ndinoziva kuti Jehovha anemi uye kuti muchakunda nyika ino. Ndinokumbirawo kuti mundivimbise kuti muchatiponesa, ini nevemumhuri mangu.’

Vasori vacho vakaudza Rakabhi kuti: ‘Tiri kukuvimbisa kuti munhu wese achange ari mumba mako haazokuvadzwi.’ Vakatiwo: ‘Usungirire tambo tsvuku pahwindo remba yako uye vanhu vemumhuri mako vachapona.’

Rakabhi akaita kuti vasori vacho vaburuke nepahwindo rake vachishandisa tambo. Vakaenda kumakomo uye vakanohwanda kwemazuva matatu vachibva vazodzokera kuna Joshua. VaIsraeri vakabva vayambuka Rwizi rwaJodhani uye vakagadzirira kutora nyika yacho. Guta reJeriko ndiro ravakatanga kukunda. Jehovha akavaudza kuti vatenderere guta racho kamwe chete pazuva, kwemazuva 6. Pazuva rechi7, vakatenderera guta racho ka7. Vapristi vakabva varidza mabhosvo avo uye masoja akashevedzera nenzwi repamusorosoro. Masvingo eguta racho akatanga kudhirika! Asi imba yaRakabhi iyo yainge yakabatana nemasvingo, haina kudonha. Rakabhi nevemumhuri make vakapona nekuti aivimba naJehovha.

“Saizvozvowo, Rakabhi . . . haana kunziwo akarurama nemabasa here, pashure pekugamuchira nhume zvakanaka, akadzibudisa neimwe nzira?”​—Jakobho 2:25