Kusuma Chikamu 9
Chikamu chino chinotidzidzisa nezvevechidiki, vaprofita uye madzimambo, vakaratidza kuti vaitenda muna Jehovha zvinoshamisa. Munyika yeSiriya maiva nekasikana kechiIsraeri ako kaitenda kuti muprofita waJehovha aizoporesa Naamani. Muprofita Erisha ainyatsotenda kuti Jehovha aizomudzivirira pamasoja evavengi. Mupristi Mukuru ainzi Jehoyadha akaisa upenyu hwake pangozi kuti adzivirire Jehoashi uyo aiva mudiki kuti asaurayiwa nambuya vake vaiita zvakaipa vainzi Atariya. Mambo Hezekiya aivimba kuti Jehovha aizodzivirira Jerusarema uye haana kusarenda paakatyisidzirwa nevaAsiriya. Mambo Josiya akabvisa kunamata zvidhori munyika yacho, akagadziridza temberi uye akaita kuti vanhu vacho vadzokere pakunamata kwechokwadi.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 51
Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
Musikana mudiki wechiIsraeri ari kuudza mukadzi waaishandira nezvesimba guru raJehovha uye pakazoita chishamiso.
CHIDZIDZO 52
Uto raJehovha Remoto
Mushandi waErisha anosvika sei pakuona kuti ‘vari kwatiri vazhinji kupfuura vavainavo?’
CHIDZIDZO 54
Jehovha Akaitira Jona Mwoyo Murefu
Zvakafamba sei kuti mumwe wevaprofita vaMwari azomedzwa nehove huru? Akazobuda sei? Uye Jehovha akamudzidzisa chidzidzo chipi?
CHIDZIDZO 55
Ngirozi yaJehovha Yakadzivirira Hezekiya
Vavengi vevaJudha vari kuti Jehovha haasi kuzodzivirira vanhu vake, asi ichocho hachisi chokwadi!
CHIDZIDZO 56
Josiya Aida Mutemo waMwari
Josiya anova mambo aine makore 8, uye anoita kuti vanhu vake vanamate Jehovha.