Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 54

Jehovha Akaitira Jona Mwoyo Murefu

Jehovha Akaitira Jona Mwoyo Murefu

Vanhu vaiva muguta reAsiriya rainzi Ninivhi vaiita zvakaipa. Jehovha akaudza muprofita wake Jona kuti aende kuNinivhi kunoudza vanhu veko kuti vaifanira kusiya zvakaipa. Asi Jona akatiza, ndokuenda kwakatosiyana nekwaakanga anzi aende. Akapinda muchikepe chaienda kuTashishi.

Pavakanga vari mugungwa, kwakaita dutu rakasimba chaizvo, zvekuti vafambisi vechikepe vakatanga kutya. Vakanyengetera kuna vanamwari vavo, vachiti: ‘Chii chiri kukonzera izvi?’ Jona akazovaudza kuti: ‘Ndini ndine mhosva. Ndiri kutiza basa randakanzi naJehovha ndiite. Ndikandei henyu mugungwa uye dutu richabva ramira.’ Vafambisi vechikepe vakanga vasingadi kumukanda mugungwa, asi Jona akaramba achivaudza kuti vamukande. Pavakamukanda mugungwa, dutu rakabva ramira.

Jona akafunga kuti akanga ava kutofa. Sezvaairamba achinyura mugungwa, akanyengetera kuna Jehovha. Jehovha akabva atuma hove huru. Hove yacho yakabva yamedza Jona, asi haana kufa. Ari mudumbu rehove, akanyengetera achiti: ‘Ndinokuvimbisai kuti ndicharamba ndichikuteererai.’ Jehovha akachengeta Jona ari mudumbu rehove kwemazuva matatu uye hove yacho yakanomurutsira kunze panyika yakaoma.

Sezvo Jehovha akanga aponesa Jona, zvinoreva here kuti Jona akanga asingachafaniri hake kuenda kuNinivhi? Kwete. Jehovha akaudzazve Jona kuti aende kuNinivhi. Panguva iyi, Jona akateerera. Akaendako ndokuudza vanhu ivavo vainge vakaipa kuti: ‘Kwasara mazuva 40 kuti guta reNinivhi riparadzwe.’ Zvakaitwa nevanhu vacho zvakanga zvisingatarisirwi, vaNinivhi vacho vakateerera vachibva vasiya zvakaipa. Mambo weNinivhi akaudza vanhu vake kuti: ‘Shevedzerai kuna Mwari, mupfidze. Zvimwe angarega kutiparadza.’ Jehovha paakaona kuti vanhu vacho vakanga vapfidza, haana kuzoparadza Ninivhi.

Jona akatsamwa nekuti guta racho rakanga risina kuparadzwa. Chimbofunga izvi: Jehovha akaratidza mwoyo murefu nengoni kuna Jona, asi Jona haana kunzwira ngoni vanhu vekuNinivhi. Akatoenda kunogara kunze kweguta pasi pemupudzi, akafinyamisa kumeso. Mupudzi wacho pawakafa, Jona akatsamwa nazvo. Saka Jehovha akabva amuudza kuti: ‘Uri kunzwira tsitsi mupudzi kupfuura vanhu vekuNinivhi. Ndakavanzwira ngoni, ndokusaka vasina kuparadzwa.’ Nei Jehovha akamuudza kudaro? Nekuti aida kumudzidzisa kuti vanhu vekuNinivhi vaikosha kudarika chero chirimwa chipi zvacho.

“Jehovha . . . ane mwoyo murefu nemi nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.”​—2 Petro 3:9