Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimbiso Dzichazadzika

Vimbiso Dzichazadzika

Mashoko akanaka eUmambo hwaMwari ari kuparidzwa pasi rese sezvakataurwa naJesu. (Mateu 24:14) Bhuku raDhanieri rinoti Umambo uhwu ihurumende yaMwari. Chitsauko 2 chinotaura nezvehurumende dzine simba kubvira kuBhabhironi kusvika panguva yatiri kurarama. Vhesi 44 inotaura zvichaitika ichiti:

“Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”

Uprofita uhwu nehumwe huri muBhaibheri hunotaura kuti Umambo hwaMwari huchabvisa hurumende dzese dzevanhu hwounza rugare panyika. Upenyu huchange hwakaita sei kana Umambo ihwohwo hwava kutonga? Dzimwe vimbiso dzichazadzika ndeidzi:

  • HONDO DZICHAPERA

    Pisarema 46:9: “[Mwari] anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”

    Chimbofungidzira kuti nyika ingadai yakaita sei kudai mari neunyanzvi hwese hwavanoshandisa pakugadzira zvombo zvehondo zvaizoshandiswa kuita zvinhu zvinobatsira vanhu pane kuvauraya! Hondo dzichapera kana Umambo hwaMwari hwava kutonga.

  • ZVIRWERE ZVICHAPERA

    Isaya 33:24: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”

    Chimbofungidzira uchirarama munyika inenge isina munhu anenge achirwara nemwoyo, kenza, malaria, kana chero chirwere. Pachange pasisadiwi zvipatara nemishonga nekuti vanhu vese vachange vava neutano hwakanaka.

  • NZARA ICHAPERA

    Pisarema 72:16: “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”

    Nyika ichava nezvekudya zvinokwana munhu wese uye vanhu vese vachange vachikwanisa kuzviwana. Kuchange kusisina nzara.

  • KURWADZIWA, KUSUWA UYE KUFA ZVICHAPERA

    Zvakazarurwa 21:4: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

    Izvi zvinoreva kuti vanhu vachararama nekusingaperi munyika inenge yava paradhiso! Ndizvo zvakavimbiswa neMusiki wedu ane rudo, Jehovha Mwari.

“RICHABUDIRIRA”

Unofunga kuti vimbiso idzi kurota here? Vanhu vakawanda vanoda kurarama upenyu hwakaita sehunotaurwa muBhaibheri asi vanoomerwa nekubvuma kuti zvichaitika. Izvozvo hazvishamisi nekuti hapana munhu ati amborarama upenyu hwakadaro zvekuti angatitsanangurira zvahwakaita.

Vanhu vava nenguva yakareba vachitambura nechivi, rufu uye marwadzo zvekuti vanotoona sekuti ndiwo mararamiro acho. Asi izvi zvakatosiyana nechinangwa cheMusiki wedu, Jehovha Mwari.

Kuratidza kuti shoko rake richazadzika, Mwari anoti: “Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”​—Isaya 55:11.

Bhaibheri rinoti Jehovha ‘haamborevi nhema.’ (Tito 1:2) Sezvo akavimbisa kuti achaunza ramangwana rakanaka, tinofanira kuzvibvunza kuti: Zvinoita here kuti vanhu vararame nekusingaperi muParadhiso pano panyika? Tinofanira kuitei kuti tivemo? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.