Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika

Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika

Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika

YAKATAURWA NAALEXEI DAVIDJUK

Raive gore ra1947; nzvimbo yacho yaive makiromita mashomanana kubva mumusha wedu weLaskiv, muUkraine, pedyo nomuganhu nePoland. Shamwari yangu yaiva mukuru kwandiri Stepan aiva nhume achipinza mabhuku anotsanangura Bhaibheri muUkraine pachivande kubva kuPoland. Humwe usiku murindiri wepamuganhu akamuona akamudzingirira, ndokumupfura. Makore gumi nemaviri gare gare rufu rwaStepan rwakachinja upenyu hwangu zvikuru, sezvandichatsanangura gare gare.

PANGUVA yandakazoberekwa muLaskiv muna 1932, mhuri gumi mumusha wedu dzaive Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiita Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Vabereki vangu, vakapa muenzaniso wakanaka wokuvimbika kuna Jehovha kusvikira parufu rwavo pakati pema1970, vaive pakati pavo. Neniwo upenyu hwangu hwose, kuva akavimbika kuna Jehovha ndiko kwandanga ndichida zvikuru.—Pisarema 18:25.

Muna 1939, gore rakatanga Hondo Yenyika II, nharaunda yataigara nechokumabvazuva kwePoland yakaitwa chikamu cheSoviet Union. Taitongwa neSoviet kusvikira muna June 1941, apo vanhu vokuGermany vakapinda nechisimba ndokutora nharaunda yedu.

Munguva yeHondo Yenyika II, ndakava nenguva dzakaoma kuchikoro. Vana vaidzidziswa kuimba nziyo dzokutsigira rudzi nokurovedza muviri kwechiuto. Kutaura zvazviri, zvimwe zvatairovedzwa kwaiva kudzidzira kupotsera magirinedhi. Asi ndakaramba kuimba nziyo dzokutsigira rudzi nokurovedza muviri kwechiuto. Kudzidzira kutsigira zvandinotenda zvomuBhaibheri pazera duku kwakandibatsira kuramba ndakavimbika kuna Mwari mumakore akazotevera.

Paive nevanhu vakawanda zvikuru vaifarira chokwadi cheBhaibheri mundima yeungano yedu zvokuti mapiyona maviri, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, akatumwa kunharaunda yedu kuzobatsira kuvadzidzisa. Mumwe wemapiyona acho, Ilja Fedorovitsch, akadzidzawo Bhaibheri neni nokundirovedza muushumiri. Pakatorwa nharaunda yedu nevanhu vokuGermany, Ilja akaburitswa munyika ndokunoiswa mune mumwe musasa wevasungwa wechiNazi, maakafira.

Kutamburira Kwakaita Baba Kuti Vasave Nokwavakarerekera

Muna 1941 zviremera zveSoviet zvakaedza kuita kuti Baba vasaine gwaro raivimbisa kuripira mari yokutsigira hondo. Vakavaudza kuti vaisagona kutsigira chero divi ripi zvaro muhondo yacho uye kuti somushumiri waMwari wechokwadi, vaizoramba vasina kwavakarerekera. Baba vakanzi muvengi vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mana. Asi vakazopika mazuva mana chete. Nei? Nokuti musi weSvondo wakatevera kuiswa kwavo mujeri, uto reGermany rakatora nharaunda yataigara.

Apo varindiri vomujeri vakanzwa kuti vanhu vokuGermany vaive pedyo, vakazarura misuo yejeri ndokutiza. Kunze, vazhinji vaive vabuda mujeri vakapfurwa nemauto eSoviet. Baba havana kubuda pakarepo asi vakazotizira kumba kweshamwari. Vari ikoko vakatumira shoko kuna Amai kuti vauye nemagwaro avo, aizoratidza kuti vainge vambosungirwa kuramba kutsigira vanhu vokuSoviet muhondo. Apo Baba vakaaratidza kuzviremera zveGermany, hazvina kuzovauraya.

Vanhu vokuGermany vaida kuziva mazita evanhu vose vaive vashandira pamwe nevanhu vokuSoviet. Vakamanikidza Baba kuti vavatengese, asi vakaramba. Vakatsanangura zvokuva kwavo vasina kwavakarerekera. Dai vakangodura zita roupi noupi, munhu iyeye aidai akapfurwa. Saka, kusava nokwakarerekera Baba kwakaponesa vamwe vanhu, vakavaonga zvikuru.

Kushanda Muchivande

Vanhu vokuSoviet vakadzoka kuUkraine muna August 1944, uye muna May 1945 Hondo Yenyika II yakapera muEurope. Pashure pacho rainzi Keteni Resimbi rakaita kuti isu taive muSoviet Union tirambe takatsaurwa kubva kune imwe nyika yose. Kunyange kukurukurirana neZvapupu zvaJehovha mhiri kwomuganhu nePoland kwaive kwakaoma. Zvapupu zvakashinga zvainzvenga zvoyambuka muganhu zvodzoka nemagazini anokosha eNharireyomurindi mashomanana. Sezvo muganhu waingova makiromita masere chete kubva pamusha pedu muLaskiv, ndakanzwa nezvematambudziko aisangana nenhume idzi.

Somuenzaniso, chimwe Chapupu chainzi Silvester chakayambuka kaviri chichidzoka pasina chakamboitika. Asi parwendo rwechitatu, chakaonekwa nevanochengetedza muganhu nembwa dzavo. Masoja akadaidzira kuti amire, asi Silvester akatiza kuti apone. Mukana wake wokutiza imbwa waingova wokupinda mudziva raiva pedyo. Akapedza usiku hwose akanyura mumvura kusvika muhuro, akahwanda netsanga. Pakupedzisira, apo vanochengetedza vakarega kutsvaka, Silvester akadzedzereka achienda kumba, aneta.

Sezvamborondedzerwa, Stepan, muzukuru waSilvester, akaurayiwa achiedza kuyambuka. Asi zvaive zvakakosha kuti tirambe tichikurukurirana nevanhu vaJehovha. Nokuedza kwenhume dzakashinga, taikwanisa kuwana zvokudya zvomudzimu nenhungamiro inobatsira.

Gore rakatevera, muna 1948, ndakabhabhatidzwa usiku mukadziva pedyo nomusha wedu. Avo vaizobhabhatidzwa vakasangana mumba medu, asi ndaive ndisingazivi kuti vaive vanaani, sezvo kwaive kwasviba uye zvinhu zvose zviitwa norunyararo muchivande. Isu vaida kubhabhatidzwa hatina kumbokurukurirana. Handichazivi kuti ndiani akapa hurukuro yorubhabhatidzo, ndiani akandibvunza mibvunzo yorubhabhatidzo pataive takamira pedyo nedziva, kana kuti ndiani akandinyudza. Makore akati kuti gare gare, pataikurukura zvakaitika neimwe shamwari, takazoziva kuti tose taive pakati pevakabhabhatidzwa usiku ihwohwo!

Muna 1949 Zvapupu zvomuUkraine zvakagamuchira shoko kubva kuBrooklyn raizvikurudzira kukumbira Moscow kubvumira zviri pamutemo basa rokuparidza muSoviet Union. Zvichitevera murayiridzo uyu, chikumbiro chakatumirwa nokugurukota rinoona nezvinoitika munyika kuPresidium yeSupreme Soviet yeU.S.S.R. (Dare Reparamende yeRussia). Pashure pacho Mykola Pyatokha naIlya Babijchuk vakakumbirwa kuenda kuMoscow kunowana mhinduro yehurumende kuchikumbiro chedu. Vakabvuma ndokuenda kuMoscow zhizha iroro.

Mukuru mukuru akagamuchira nhume idzi akateerera dzichipa chikonzero chebasa redu chinobva muBhaibheri. Dzakatsanangura kuti basa redu raiitwa mukuzadzika uprofita hwaJesu hwokuti “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Zvisinei mukuru mukuru wacho akati Hurumende yaisazombofa yakatibvumira.

Zvapupu zvacho zvakadzokera kumusha ndokuenda kuKiev, guta guru reUkraine kuti zviwane mvumo yokuti basa redu rizivikanwe zviri pamutemo muno muUkraine. Zviremera zvacho zvakarambazve chikumbiro chacho. Zvakati Zvapupu zvaJehovha zvaizosiyiwa murugare kana zvichitsigira Hurumende bedzi. Zvakati Zvapupu zvaifanira kushanda muuto uye kuitawo sarudzo. Kusava nekwatakarerekera kwakatsanangurwa zvakare, ndiko kuti, mukutevedzera Tenzi wedu, Jesu Kristu, hatifaniri kuva rutivi rwenyika.—Johani 17:14-16.

Nguva pfupi pashure pacho, Hama Pyatokha naBabijchuk vakasungwa, vakapomerwa, ndokutongerwa makore 25 mujeri. Panenge panguva iyoyo, muna 1950, Zvapupu zvakawanda, kusanganisira baba vangu, zvakatorwa nezviremera. Baba vakapiwa mutongo wemakore 25 mujeri vakaendeswa kuKhabarovsk kumucheto wokumabvazuva weSoviet Union kure nemakiromita 7 000!

Kuendeswa kuSiberia

Ipapo muna April 1951, Hurumende yeSoviet yakaronga kurwadzisa Zvapupu munyika dzaive kumadokero kwayo dzayaidzora dzava kuzivikanwa zvino seLatvia, Estonia, Lithuania, Moldova, Belarus, neUkraine. Mumwedzi iwoyo vanenge 7 000 vedu, kusanganisira ini naAmai, takaendeswa kuSiberia. Mauto akangouya pamba pedu usiku ndokutiendesa kuchiteshi chechitima. Ikoko takakiyirwa mumatiroko emombe—vanhu 50 mutiroko rimwe chete—uye mushure medzinopfuura vhiki mbiri takaburutswa panzvimbo inonzi Zalari, iyo iri pedyo neLake Baikal muruwa rweIrkutsk.

Takamira musinou mumhepo yaitonhora semazaya echando uye takakombwa nemauto ane zvombo, ndakashamisika kuti chii chaive chakatimirira. Ndaizoramba sei ndakavimbika kuna Jehovha ndiri kuno? Takatanga kuimba nziyo dzoUmambo kuti tirege kufunga nezvechando. Ipapo mamaneja emakambani ehurumende omunzvimbo iyoyo akasvika. Vamwe vaida varume vanoita basa rakaoma rinoda simba, vamwewo vaida vakadzi vanoita basa rakadai sokutarisira mhuka. Ini naAmai takaendeswa kunzvimbo yokuvaka uko Gwenya Remagetsi Rinoshandisa Mvura reTagninskaya raivakwa.

Patakasvika, takaona midhadhadha yematumba emapuranga, dzimba dzevatapwa. Ndakapiwa basa rokutyaira tarakita nerokugadzira magetsi, uye Amai vakanzi vashande papurazi. Pamutemo taiverengwa sevakabviswa munyika mavo, kwete sevasungwa. Saka taive takasununguka kufamba chinhambwe chipfupi kubva pagwenya remagetsi, kunyange hazvo taive tisingabvumirwe kushanyira mimwe misha yaive kure nemakiromita 50. Zviremera zvakatimanikidza kusaina chibvumirano chaiti taizogaramo zvachose. Yakanzwika senguva yakareba kwazvo kwandiri, ndiine makore 19, saka ndakaramba kusaina. Asi, takaramba tiri munharaunda yacho kwemakore 15.

Tava muSiberia muganhu wePoland wakanga usisiri kure nesu nemakiromita 8 chete asi anopfuura 6 000! Isu Zvapupu takaita zvose zvataigona kuti tizvironge kuva ungano, tichigadza varume kuti vatungamirire. Pakutanga taive tisina mabhuku anotsanangura Bhaibheri kunze kwemashoma-shoma aive akwanisa kuunzwa nezvimwe Zvapupu kubva kuUkraine. Aya akanga akakopwa noruoko, tikaagoverana.

Nokukurumidza takatanga kuva nemisangano. Sezvo vazhinji vedu taigara mumatumba, taisangana manheru akawanda. Ungano yedu yaive nevanhu vanenge 50, uye ndakanzi ndiitise Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari. Muungano medu maive nevarume vashoma, saka vakadzi vaipawo hurukuro dzevadzidzi, uri muitiro wakazotangwawo muungano dzeZvapupu zvaJehovha mune dzimwe nzvimbo muna 1958. Vose vaikoshesa hurukuro dzavo, vachitora chikoro senzira yokurumbidza nayo Jehovha uye yokukurudzira vamwe muungano.

Ushumiri Hwedu Hunokomborerwa

Sezvo taishandisa matumba nevasiri Zvapupu, paive pasina zuva raipfuura tisina kutaura nevamwe nezvokutenda kwedu, kunyange zvazvo izvi zvaisambobvumirwa. Pashure pokufa kwaJoseph Stalin, mutungamiri wehurumende yeSoviet muna 1953, mamiriro ezvinhu akavandudzika. Takabvumidzwa kutaura zvakati sunungukei nevamwe nezvezvitendero zvedu zvomuBhaibheri. Nokunyorerana neshamwari dzaive muUkraine, takaziva kwaive nezvimwe Zvapupu munharaunda yedu uye takanyorerana nazvo. Izvi zvakaita kuti tikwanise kuronga ungano dzedu kuva matunhu.

Muna 1954, ndakaroora Olga, uyo aive abvawo kuUkraine. Mumakore ose aya ainditsigira zvikuru mubasa rangu kuna Jehovha. Stepan, akaurayiwa pamuganhu weUkraine nePoland muna 1947 aive hanzvadzi yaOlga. Gare gare takava nemwanasikana, Valentina.

Ini naOlga takava nezvikomborero zvakawanda muushumiri hwedu hwechiKristu muSiberia. Somuenzaniso, takasangana naGeorge, aive mutungamiri weboka reBaptist. Taimushanyira nguva dzose tichidzidza chero magazini eNharireyomurindi aiwanika. George akakurumidza kubvuma kuti izvo vashumiri vaJehovha vanoparidza kubva muBhaibheri ichokwadi. Takatangawo kudzidza nevazhinji veshamwari dzake dzeBaptist. Hakusi kufara kwatakaita apo George nevakawanda veshamwari dzake vakabhabhatidzwa ndokuva hama dzedu dzokumudzimu!

Muna 1956, ndakagadzwa somutariri anofambira, izvo zvaida kuti ndishanyire ungano imwe munharaunda medu pavhiki. Ndaishanda masikati ose ndozoenda manheru nomudhudhudhu kuungano. Mangwanani-ngwanani aitevera acho, ndaikurumidza kudzoka ndoenda kubasa. Mykhailo Serdinsky, uyo akagadzwa kuti andibatsire mubasa rokufambira, akafa mutsaona yomumugwagwa muna 1958. Akafa chiri Chitatu, asi takanonotsa mariro ake kusvikira musi weSvondo kuti tipe Zvapupu zvakawanda sezvinobvira mukana wokuvapo.

Apo boka redu guru rakatanga kufamba richienda kumakuva, nhengo dzeMapurisa eHurumende dzakatevera. Kupa hurukuro yaitaura nezvetariro yedu yomuBhaibheri yorumuko kwaireva kuzviisa pangozi yokusungwa. Hana yangu yakandimanikidza kutaura nezvaMykhailo netariro yake inoshamisa yeremangwana. Kunyange zvazvo ndaishandisa Bhaibheri, Mapurisa eHurumende haana kundisunga. Zvinoratidzika sokuti akaona kuti hapana chaaiwana, uye ndaizivikanwa nawo zvikuru, sezvo ndaigarova “muenzi” pamuzinda wawo ndichibvunzurudzwa.

Kutengeswa Nomutengesi

Muna 1959 Mapurisa eHurumende akasunga Zvapupu 12 zvaitungamirira mubasa rokuparidza. Vamwe vazhinji vakadaidzwa kuzobvunzurudzwa, uye ndaivapowo. Apo chijana chokuti ndichibvunzurudzwa chakasvika, ndakashamiswa pandakanzwa vakuru vakuru vachidonongora zvakavanzika zvose zvebasa redu. Vaigoziva sei zvinhu izvi? Zvaive pachena kuti paiva nomutengesi, mumwe munhu aiziva zvakawanda nezvedu uye aive achishandira Hurumende kwenguva yakati.

Vaya 12 vaive vasungwa vaive muchitokisi chakabatana nemataive, uye vakabvumirana kuti vaisazotaura kana shoko rimwezve kuzviremera. Nenzira iyi mutengesi aizofanira kuvapo pachake pakutongwa kuti ape umboo hwunovaroverera. Kunyange zvangu ndaive ndisina kupomerwa mhosva, ndakaenda kudare kunoona zvaizoitika. Mutongi akabvunza mibvunzo, uye 12 vacho havana kudavira. Ipapo chimwe Chapupu chainzi Konstantyn Polishchuk chandaiziva kwemakore akawanda, chakapupura chichiroverera 12 vacho. Kutongwa kwacho kwakapera nokutongerwa kuenda kujeri kwezvimwe Zvapupu. Mumugwagwa kunze kwechivako chedare, ndakati dhumadhuma naPolishchuk.

“Uri kutitengeserei?” ndakabvunza kudaro.

“Nokuti handichadaviri,” akapindura kudaro.

“Chii chausisadaviri?” ndakamubvunza kudaro.

“Handichangokwanisi kudavira Bhaibheri,” akapindura kudaro.

Polishchuk aigona kuve akanditengesawo, asi paaipa uchapupu hwake haana kumbotaura zita rangu. Saka ndakamubvunza kuti nei asina.

“Handidi kuti uende kujeri,” akatsanangura kudaro. “Ndichiri kunzwa ndiine mhaka nokuda kwehanzvadzi yomudzimai wako, Stepan. Ndini ndakanga ndamutuma kuyambuka muganhu usiku hwaakaurayiwa. Chokwadi ndine urombo naizvozvo.”

Mashoko ake akandikangaidza. Hana yake yaive yaipa zvakadini! Airwadziwa norufu rwaStepan, asi iye zvino otengesa vashumiri vaJehovha. Handina kuzomboona Polishchuk zvakare. Akafa mushure memwedzi mishomanana. Asi kwandiri, kuona mumwe munhu wandaivimba naye kwemakore akawanda achitengesa hama dzedu kwakasiya mavanga akadzika mumwoyo mangu. Asi chiitiko chacho chakandidzidzisa chidzidzo chinokosha: Polishchuk haana kuvimbika kuna Jehovha nokuti akarega kuverenga uye kudavira Bhaibheri.

Chokwadi tinofanira kuchengeta chidzidzo ichi mupfungwa chokuti: Kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha, tinofanira kudzidza Magwaro Matsvene nguva dzose. Bhaibheri rinoti: “Chengeta mwoyo wako . . . nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” Uyezve, muapostora Pauro akaudza vaKristu kuti vangwarire. Nei? “Nemhaka yokutyira kuti mune upi noupi wenyu mungamuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu.”—Zvirevo 4:23; VaHebheru 3:12.

Kudzokera kuUkraine

Kutapwa kwedu muSiberia pakwakaguma muna 1966, ini naOlga takadzokera kuUkraine, kuguta rinonzi Sokal riri makiromita 80 kubva kuL’viv. Taive nezvakawanda zvokuita, sezvo kwaiva neZvapupu 34 chete muSokal nomumaguta aive pedyo aiti Cervonograd neSosnivka. Munharaunda iyi nhasi, mune ungano 11!

Olga akafa akatendeka muna 1993. Makore matatu gare gare ndakaroora Lidiya uyo anga achindisimbisa zvikuru. Uyewo, mwanasikana wangu, Valentina, nemhuri yake vashumiri vaJehovha vanoshingaira uye vave vachindikurudzirawo. Zvisinei zvinoramba zvichindiunzira mufaro mukuru ndezvokuti ndaramba ndakavimbika kuna Jehovha, Mwari anoita nokuvimbika.—2 Samueri 22:26.

Alexei Davidjuk akafa akavimbika kuna Jehovha musi waFebruary 18, 2000, apo nyaya ino yaigadzirirwa kuburitswa.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ungano yedu yaisangana mumatumba muna 1952 kumabvazuva kweSiberia

[Mufananidzo uri papeji 31]

Chikoro chedu Chokutonga Kunoitwa naMwari muna 1953

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mariro aMykhailo Serdinsky muna 1958

[Mufananidzo uri papeji 32]

Nomudzimai wangu Lidiya