Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chakaitika Ku“Basa Roupenyu Hwose”?

Chii Chakaitika Ku“Basa Roupenyu Hwose”?

Chii Chakaitika Ku“Basa Roupenyu Hwose”?

GRAHAM * akashandira kambani hombe yokuAustralia kwemakore 37. Ava kuda kusvika makore 60, akapiwa chiziviso chevhiki shomanana chokuti akanga asisadiwi pabasa. Tinogona kunzwisisa kukangaidzika kwake, achiratidza kushamisika uye kuva nehanya zvikuru nokugara zvakanaka kwake mune remangwana. ‘Chii chakaitika ku‘basa rangu roupenyu hwose,’ randaifunga kuti rakanga rakachengeteka kusvikira ndasvika zera rokurega basa?’ Graham akashamisika kudaro.

Chokwadi, kurasikirwa nebasa kunoitika, uye hakusi chinhu chitsva. Zvisinei, kuwedzera kwokurasikirwa nebasa pamwero wenyika yose kutsva kuichi chizvarwa chiripo chevashandi. Pasina mubvunzo, pane zvikonzero zvakawanda zvokurasikirwa nebasa, asi chikuru chinoratidzika sechiya chinonzi kuderedza uwandu. Chii chinonzi kuderedza uwandu, uye kwakatanga sei?

Nzvimbo Yebasa iri Kuchinja

Nhasi upfumi huri kuwedzera kuva hwenyika yose. Izvi zvakatanga kuzivikanwa zvikurukuru muUnited States mukupera kwema1970 apo makambani akacherechedza kuti nhamba inowedzera yevatengi yakanga ichitenga motokari, zvinhu zvemagetsi, nezvimwe zvinhu zvakawanda zvakagadzirwa mhiri kwemakungwa.

Mukuedza kuti ararame uye kuderedza mari yaanoshandisa pakugadzira zvinhu, makambani okuAmerica akatanga kuderedza uwandu hwevashandi uye kuvandudza nzira dzokushanda nadzo uye michina. Nzira yaishandiswa pakuderedza vashandi yakasvika pakuzivikanwa sokuderedza uwandu. Nzira yacho inorondedzerwa so“kuderedza uwandu hwevashandi vekambani, kazhinji kacho nezvigumura zvakati, kuda kukurumidza kuenda pamudyandigere, kutamiswa, uye kufa kwagara kuchiitika.”

Kwemakore akati vasingashandi mabasa omumahofisi ndivo vainyanya kubatwa nokuderedza uwandu. Asi mukupera kwema1980 nokutanga kwema1990, nzira iyi yakatanga kusanganisira nhamba iri kukura yevashandi vomumahofisi, zvikurukuru mamaneja. Nenguva isipi izvozvo zvakabata nyika dzose dzakabudirira. Uye zvinetso zvemari sezvazvakapfuurira, hurumende nevamwe vanoshandirwa vakatsvaka nzira dzokuderedza nadzo mari dzavanoshandisa nokumwe kuderedza uwandu.

Kuvashandi vakawanda, kuchengeteka kwebasa hakusisipo. Mumwe mukuru mukuru wesangano rinomirira vashandi anoti: “Vanhu vakashanda kwemakore 10, 15, 20 vakavimbika vakaona zvibvumirano zvavo zvepamutemo zvichiputswa uye vave vachidzingwa pabasa.” Mubhuku rake rinonzi Healing the Downsized Organization, Delorese Ambrose anotsanangura kuti muna 1956 mashoko okuti “mushandi wekambani” akaumbwa achirondedzera mushandi. Anowedzera kuti: “Pasinei nokuti aishanda musangano rinomirira vashandi kana kuti samaneja, aipa zvinhu zvake zvose, upenyu hwomunzanga, uye kuvimbika kukambani achichinjana nokuchengeteka—basa roupenyu hwose. Zvakajeka kuti chibvumirano ichi chaputswa mukambani yazvino uno.”

Mamiriyoni evashandi kupote nyika yose akarasikirwa nemabasa awo nemhaka yokuderedza uwandu, uye hakuna boka revashandi rakasara risina kubatwa. MuUnited States moga, nhamba yevashandi vanobatanidzwa iri kukura, nemamiriyoni achirasikirwa nemabasa echigarire. Kuderedza uwandu kwakafanana kwakaitika mudzimwe nyika dzakawanda. Asi nhamba idzi chete hadziratidzi nhamo yavanhu iri seri kwadzo.

Nhamo Huru Inovapo

Graham ataurwa pakutanga penyaya ino, akati: “Unotambura kukuvara kwepfungwa chaiko.” Akaenzanisa kudzingwa kwake no“kurwara kana kuti kukuvadzwa kunorwadza.”

Kuvimbika pakusingawani mubayiro, vanhu vanonzwa vanyengedzwa nokuti kurega zvimwe zvinhu kwakawanda kwavakaita nokuda kwekambani hakuna kukosheswa. Kuvimba kunopera, zvikurukuru apo vakuru vakuru vakawanda vanogamuchira mibayiro yakakura yokuderedza uwandu hwepakambani. Uyewo, kukwanisa kwomunhu asingashandi kutarisira zvikwereti zvemba, zvimwe zvikwereti, kutarisira utano hwenhengo dzemhuri, nemari yechikoro, uye kuramba ane mararamiro ake, nezvinhu zvake kunoiswa pangozi nokurasikirwa kwakamwe kamwe nemari yaaitambira nguva dzose. Izvi zvinoguma nokupera mwoyo uye kusava namaturo.

Sezvo basa rakanaka, rine zvarinoreva richitsigira zvikuru kunzwa kwokuva namaturo kwomunhu oga, fungidzira mugumisiro unokuvadza wokusava nebasa paavo vakaremara, vasina unyanzvi, kana kuti vakura mumakore. Kumwe kuongorora muAustralia kwakaratidza kuti vanhu vari pakati pemazera e45 ne59 vakanga vari ivo vane mikana yakawanda yokudzingwa. Nepo, ndiro zera rinoomerwa zvikuru nokugadziridza kukuchinja kwacho.

Pane zvimwe zvingaitwa here? Basa renguva isina kuzara kana kuti kushanda uchipiwa mubhadharo wakadzikira zvingava nani pane kuva rovha. Zvisinei, izvozvo zvinogona kuguma nemararamiro akaderera. Uye zvakaonekwa kuti chikamu chimwe muzvitatu chevashandi vanogumurwa ndicho chete chinowana basa rinobhadhara zvakanaka sezvaiita rokutanga. Izvi zvinowedzera nhamo kuupenyu hwemhuri.

Kunyange basa razvino ringasareva rugare rwepfungwa. Izvi imhaka yokuti tarisiro yokurasikirwa nebasa mune remangwana ine mugumisiro usinganzwisisiki asi unokuvadza. Bhuku rinonzi Parting Company rinoti: “Kufungidzira nezvokurasikirwa nebasa kwakaita sokusarudza nzira yakanakisisa yokurohwa nayo nemotokari. Haugoni kunzwisisa kungwara kwepfungwa yacho, nokuti kakawanda hauoni motokari yacho—kana kuti chigumura—chisati chakupwanya.”

Urovha hunobata sei vechiduku? Pashure pokuongorora kwakaitwa nerimwe dhipatimendi redzidzo nesayenzi, kwakacherechedzwa kuti: “Chimwe chinhu chokunze chairatidza kuti munhu akura kwakanga kuri kuwana basa renguva yakazara, rairatidza kutanga kwoupenyu ‘chaihwo’ hwomunhu mukuru, munyika yevanhu vakura uye zvinodiwa zvevanhu vakura, kusanganisira kuzvimirira mune zvemari.” Nokudaro kana zvichinzi kuva nebasa kunoratidza kutanga kwoupenyu chaihwo hwomunhu akura, kuva rovha kungadaro kuchikuvadza kune vechiduku.

Kupukunyuka Urovha

Kubata nokurasikirwa nebasa kwave kuchifananidzwa nokufamba nomumunda une zvimbambaira. Bhuku rinonzi Parting Company rinoratidza manzwiro anowanzoitwa sokutsamwa, kunyara, kutya, kusuwa, uye kuzvinzwira urombo. Kubata neizvi kwakaoma. Munyori wacho anoti: “Wapiwa mugove wakaoma—kusarudza remangwana rako. Hauna kukumbira mugove uyu, zvimwe hauzivi kuti woita sei, uye kamwe kamwe unganzwa kuva woga zvikuru.” Uye kutsanangura kudzingwa basa kwavo kwakamwe kamwe kumhuri dzavo chimwe chezvinetso zvakaoma icho marovha anotarisana nacho.

Zvisinei, pane nzira dzakati dzinoshanda dzokubata nomugumisiro wokuderedza uwandu. Nzira yokutanga kuderedza mararamiro ako pakarepo nokuronga uye kurarama upenyu huri nyore pane zvawanga wajaira munguva yakapfuura.

Heano mamwe mazano angakubatsira kubata nemamiriro acho ezvinhu, kunyange kana asingaagadzirisi zvachose. Kutanga, ziva kuti kurasikirwa nebasa kusingatarisirwi kunogona kuitika munguva dzino. Saka pasinei nezera rako uye kugara nebasa kwako, rarama upenyu hwako wakaronga kuti zvingangoitika.

Chechipiri, nyatsongwarira nezvokuva nechikwereti chikuru chipi nechipi chezvinhu zvisingakoshi nokuda kwezvokudya kana zvokufuka. Rarama nezvinhu zvaunazvo, uye usafungidzira kuti ungakwanisa kubhadhara zvikwereti nemari yokufungidzira kubva pakukwidziridzwa kana kuti kuwedzerwa kwenguva dzose kwemari yaunotambira. Pfungwa youpfumi hwanhasi ndeyokuti pangasava neremangwana rechigarire riri nani rokuvimba naro.

Chechitatu, tsvaka nzira dzokuita nadzo kuti upenyu hwako huve nyore uye deredza zvikwereti zvemari zviripo. Izvi zvinosanganisira kupedza zvikwereti zvisinganyanyi kukosha kumararamiro ari nyore akanaka zvinonzwisisika.

Chechina, ongorora vavariro dzako dzoupenyu hwose, dzomudzimu uye dzako pachako, uye ita kuti dzifambirane nenguva. Unogona kuenzanisa zvisarudzo zvose nevavariro dzako uye woongorora mugumisiro wacho.

Pakupedzisira, usatarise nokupanga mararamiro evamwe vari munharaunda yako vari kurarama upenyu hwomutambarakede, zvichida ungatanga kuda zvinhu zvavanazvo ndokukwezverwa mumararamiro avo.

Aya mazano mashoma angakubatsira nemhuri yako kudzivisa musungo wokuvimba nepfuma isingagoni kuvimbwa nayo munyika isingagoni kuvimbwa nayo uye kuzvichengeta musina kufunganya kwakawanda kunotangwa nemararamiro aripo.

Aimbova mubhizimisi rokubhenga Felix Rohatyn anonzi akataura kuti: “Pane chimwe chinhu chakaipa zvikuru munzanga yedu apo urovha hwomumwe hunowedzera upfumi hwomumwe munhu.” Saka gadziriro ino yezvinhu yakaipa zvikuru zvokuti nokukurumidza ichatsiviwa nenyika umo mashoko okuti “basa roupenyu hwose” achareva zvinopfuura kufungidzira kwedu kwazvino.—Isaya 65:17-24; 2 Petro 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Zita rakachinjwa.