Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchengeta Kutenda Pasi Poudzvinyiriri

Kuchengeta Kutenda Pasi Poudzvinyiriri

Kuchengeta Kutenda Pasi Poudzvinyiriri

YAKATAURWA NAMICHAEL DASEVICH

“KuGermany tinopfura Zvapupu zvaJehovha. Unoona pfuti iyo here?” mukuru mukuru weGestapo akabvunza achinongedzera pfuti yaive mukona. “Ndinogona kukutumbura nebanga romuromo wepfuti ndichinzwa ndisina mhaka ipi neipi.”

Ndaingova nemakore 15 pandakatyisidzirwa kudai munguva yaidzorwa nyika yokumusha kwangu nevaNazi muna 1942.

NDAKABEREKWA muna November 1926 mumusha muduku pedyo neStanislav (yava kunzi Ivano-Frankivs’k), waive wePoland. MuHondo Yenyika II, kubva muna September 1939 kusvika muna May 1945, nharaunda yedu yaidzorwa kutanga neSoviet Union, tevere kwenguva yakati neGermany, uye pakupedzisira neSoviet zvakare. Mushure mehondo yakazova rutivi rweUkrainian Soviet Socialist Republic, uye apo Soviet Union yakaguma kuvapo muna 1991, yakava rutivi rweUkraine.

Baba vangu vokuPoland naamai vangu vokuBelorussia vaive nhengo dzeGreek Catholic Church. Asi zvino, muna 1939, vakadzi vaviri veimwe ungano yeZvapupu zvaJehovha 30 yomumusha waive pedyo weHoryhliady vakatigovera kabhuku kanonzi Universal War Near. Kaitsanangura zviitiko zvandaitoona zvichiitika. Nokudaro, apo kabhuku kacho kakabvunza kuti, “Chaizvoizvo nei marudzi ari kumhanyira kuhondo?” Ndakanyatsofungisisa tsananguro yaibva muBhaibheri yakakapa.

Hondo yakanga isiri iyo bedzi chinetso chedu muUkraine. Maive nenzara yakakomba. Mitemo yoMutungamiri weSoviet Joseph Stalin yakaita kuti vanhu vamanikidzwe kuenda kuRussia. Kutambudzika kwandakaita kwakandiita kuti ndinyatsoongorora Bhaibheri. Ndakakumbira chimwe Chapupu muHoryhliady kuti chidzidze neni Bhaibheri.

Musha wedu weOdajiv uri mhiri kweRwizi rweDniester tichibva kuHoryhliady, uye kakawanda pavhiki, ndaikwira chikepe chiduku ndichiyambuka rwizi irworwo nokuda kwezvidzidzo zvangu zveBhaibheri. Muna August 1941, ini nehanzvadzi yangu Anna takabhabhatidzwa murwizi irworwo pamwe nevamwe vaviri.

Kubvunzurudzwa neGestapo

Kudzorwa neGermany kwakatanga muna 1941, uye pasinei nokuramba tichityisidzirwa kurangwa, hatina kurega basa redu rechiKristu. Gore rakatevera ndakatanga kupayona, ndichifamba nebhasikoro. Nguva pfupi pashure pacho ndipo pandakasangana neGestapo yokuGermany, zvataurwa pamavambo enyaya ino. Izvi ndizvo zvakaitika.

Rimwe zuva ndichidzoka kumba kubva kuushumiri, ndakashanyira vamwe vaKristu vaviri, amai nemwanasikana. Murume wemwanasikana wacho aipokana nechitendero chedu uye aida kuziva kuti mudzimai wake aiwana kupi mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Zuva iroro ndaive ndatakura mabhuku nemishumo iri pamusoro pebasa revamwe vaKristu. Murume wacho akandiona ndichibva pamba pacho.

“Mira!” akadzvova. Ndakatora bhegi rangu ndokumhanya.

“Mira! Mbavha!” akazhambatata. Vashandi vaive mumunda vakafunga kuti ndaiva ndaba chimwe chinhu, saka vakandimanikidza kumira. Murume wacho akandiendesa kukamba yamapurisa, kwaive nomukuru mukuru weGestapo.

Paakaona mabhuku aive mubhegi rangu, mukuru mukuru wacho akazhamba mumutauro weGerman achiti: “Rutherford! Rutherford!” Handina kumboda muturikiri kuti ndizive kuti chii chaimushatirisa. Zita raJoseph F. Rutherford, uyo aive purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, raive papeji yomusoro wemabhuku aibudiswa neZvapupu zvaJehovha. Murume wacho akandipomera kuva chikomba chomudzimai wake. Mapurisa nomukuru mukuru weGestapo vakaona kuti izvi zvaive zvisina musoro, sezvo mudzimai wake aive zera raamai vangu. Saka vakatanga kundibvunzurudza.

Vaida kuziva kuti ndaive ani uye kuti ndaibva kupi, zvikurukuru, kwandaive ndawana mabhuku. Asi ndaisazovaudza. Vakandirova kanoverengeka vachindiseka, ndokubva vazondikiyira muchitokisi. Ndakabvunzurudzwa kwemazuva matatu akatevera. Ndakabva ndaendeswa muhofisi yomukuru-mukuru weGestapo, maakandityisidzira kuti ainditumbura nebanga romuromo wepfuti. Kwekanguva handina kukwanisa kuziva kana aizoita zvaaitaura. Ndakakotamisa musoro wangu, pakazova norunyararo kweyairatidzika kuva nguva refu. Akazoerekana ati: “Ungaenda zvako.”

Sezvamunogona kuona, kuparidza panguva iyoyo kwaive chinetso chaicho kwatiri, asi ndizvo zvaive zvakaitawo kuita misangano yedu. Takachengeta Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaKristu musi waApril 19, 1943, tichishandisa makamuri maviri eimwe imba muHoryhliady. (Ruka 22:19) Pataive tava kuda kutanga musangano wedu, mhere yakarira yokuti mapurisa aiuya pamba pacho. Vamwe vedu vakahwanda mubindu, asi hanzvadzi yangu Anna nevamwe vakadzi vatatu vakapinda mukamuri repasi. Mapurisa akavawana imomo akavatora mumwe mushure momumwe achivabvunzurudza. Vakabatwa zvakashata kwemaawa, uye mumwe wavo akakuvadzwa zvakaipa.

Mamiriro Ezvinhu Enyika Anochinja

Muzhizha ra1944, vanhu vokuGermany vakadzokera shure uye vokuSoviet vakadzoka kunharaunda yedu. Sevashumiri vaJehovha, takaomerera kunheyo dzeBhaibheri dzataive tararama nadzo panguva yokudzorwa neNazi. Takaramba kuva nechokuita mumabasa echiuto kana ezvematongerwo enyika. Kuvimbika kwedu kunheyo dzeBhaibheri dzakadaro kwakaedzwa nokukurumidza.—Isaya 2:4; Mateu 26:52; Johani 17:14.

Mumazuva mashomanana, vanhu vokuSoviet vakatanga kunyora majaya ose nokuda kwebasa rechiuto. Zvaitoita kuti zvinhu zvinyanye kuoma ndezvokuti vokuSoviet havasi ivo voga vaitsvaka vokupinza muchiuto. Mamwe magandanga okuUkraine akabvongodza nharaunda yacho achitsvaka majaya, avaienda nawo musango kunoarovedza sevarwi. Saka isu Zvapupu taive pamamiriro ezvinhu akaoma okuratidza kusava nekwatakarerekera kwedu kumapato maviri anopikisana—vokuSoviet nemagandanga.

Mapoka maviri aya akarwisana mumusha medu chaimo, zvikasiya vaviri vemagandanga vafira mumugwagwa panze pemba yedu. Zviremera zveSoviet zvakauya pamusha pedu kuzobvunza kana taiziva vakange vafa vacho. Vakuru vakuru vacho vakauya vakasarudza kuenda neni ndokundinyoresa kuti ndipinde mumauto avo ayo aiumba rimwe remapoka emasoja ePoland. Nokuti ndaive wedzinza rokuPoland, ndaizonyoreswa mariri.

Ini, pamwe nezvimwe Zvapupu zvina, takaramba kunyoreswa muchiuto, saka takaendeswa nechitima kuDnipropetrovs’k, guta raive anenge makiromita 700 nechokumabvazuva. Ikoko, pashure pokunge tatsanangura kuti taisakwanisa kushanda muchiuto nokuda kwezvataidavira zvinobva muBhaibheri, takapinzwa muchitokisi zvataizopomerwa zvichifanorongwa. Patakamiswa pamberi pedare, takaziva kuti mutikitivha wacho asiri wechiuto aive muJudha. Pakutaura kwedu kwokuzvidzivirira, kwaive kwakanyatsoteererwa nomutikitivha wacho, takatsanangura zvatinodavira. Takataura zvinhu zvataiziva kuti zvaizomufadza, kusanganisira kudzvinyirirwa kwevaIsraeri nokununurwa kwavo kubva muIjipiti naMosesi.

Mumwedzi yakatorwa nedare kuti ritipe mitongo, takaiswa muchitokisi pamwe nevamwe vasungwa vanenge 25. Pavakanzwa kuti taive taramba kupinda muchiuto, vakakanuka ndokuti: “Muri hama dzedu!” Zvisinei, munguva pfupi takazoziva kuti vaive vasiri Zvapupu asi vaBaptist. Vaida kupinda muchiuto, asi vakasungwa pavakaramba kupakatira zvombo.

Muna May 1945, tichiri muusungwa muDnipropetrovs’k, takamutswa pakati pousiku nokurira kwepfuti nokudaidzira kwaibva kumisasa yemauto nomumigwagwa yaive kunze. Takatadza kuziva kana yaive mhirizhonga, hondo, kana kuti kupemberera. Mangwanani akatevera pakudya kwemangwanani, takanzwa mashoko acho kubva kuimba yokugerwa misoro: Hondo yaive yapera! Nguva pfupi pashure paizvozvi, dare rakazivisa mitongo yedu. Mitongo yakapiwa vaBaptist ndiyo yatakapiwawo—makore gumi mumisasa yejeri.

Musasa Wejeri muRussia

Isu Zvapupu zvishanu takaendeswa kumusasa wejeri muRussia. Mushure merwendo rwemavhiki maviri nechitima, takazoburuka paSukhobezvodnoje, anenge makiromita 400 nechokumabvazuva kweMoscow. PaSukhobezvodnoje ndipo pairongwa mashandiro aiita misasa yechibharo 32 yaive ichitevedza njanji yacho. Musasa mumwe nomumwe waiva nezviuru zvevasungwa. Pashure pemwedzi mitanhatu ndiri muSukhobezvodnoje, ndakaendeswa kuMusasa Nhamba 18. Vasungwa vazhinji vaive ikoko vaive vapari vemhosva kana kuti vane mhosva dzezvematongerwo enyika.

Zviremera zvakatipa basa rokutema miti, iro rainetsa zvikuru. Dzimwe nguva taifanira kupinda nomusinou yaisvika muchiuno, tocheka miti nesaha remaoko, tozodhonza hunde dzacho nomusinou. Kamwe chete pavhiki, musi weSvondo pashure pokudya kwemangwanani, ndaiwana mukana wokukurukura chimwe chinhu chinobva muBhaibheri nezvimwe Zvapupu zvina zvaive mumusasa wacho. Iyi ndiyo yaiva misangano yedu. Takachengetawo Chirangaridzo, rimwe gore tichichiitira mumba yokugezera. Takashandisa muto wemablackberry nokuti taive tisina waini yokushandisa sechiratidzo cheropa raJesu.

Kunzwa kwokuva ndiri ndoga kwakanga kwakakura. Ndakadurura mwoyo wangu kuna Jehovha, uyo akandisimbisa semasimbisiro aakaita Eriya apo muprofita wacho akaremerwa nokunzwa kwakadaro. (1 Madzimambo 19:14, 18) Mwari akandibatsira kuti ndione kuti taive tisiri toga. Zvechokwadi aive mutsigiri akatsiga, akasimba muupenyu hwangu, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma iwayo.

Mumwe nomumwe wemimwe misasa yaive pedyo neSukhobezvodnoje waive neZvapupu zvakati kuti, uye taikwanisa kuramba tichikurukura nazvo nguva nenguva tichishandisa chimwe Chapupu chaive nebasa raichibvumira kushanyira misasa yacho yose. Aishanda somutumwa, achipinza mabhuku nokuburitsa mumisasa pachivande. Izvi zvaitigonesa kushandisa tose mabhuku mashoma ataive nawo. Kukurudzira kwakadini kwazvakaita!

Kudzoka kuUkraine

Nokunzwira ngoni voruzhinji kwakaziviswa neHurumende, mutongo wangu wakadzikiswa kubva pamakore gumi kusvika pamashanu. Nokudaro, muna April 1950, ndakadzokera kuungano yokumusha kwangu muHoryhliady. Basa redu muUkraine raive richiri kurambidzwa, uye ngozi dzokugoverana muushumiri dzaive dzakakura. Asi ndizvo zvaive zvakaitawo mibayiro yacho.

Nguva pfupi ndadzoka, ndakataura nomumwe murume ainzi Kozak, aigara muZhabokruky, mumwe musha uri makiromita 20 kubva pamba pangu. Ndakamubvunza kuti upenyu hwaimufambira sei nemhuri yake. Ndaiziva kuti vashandi vaive mumapurazi omubatanidzwa vaive neshungu dzokuti vangaite sei kuti vawane chokurarama nacho, saka ndaiziva kuti mubvunzo wakadaro waive wakanaka kutanga nawo kukurukurirana. Ndakatsanangura kuti Bhaibheri rakafanotaura nezvokushomeka kwezvokudya nehondo munguva yedu. (Mateu 24:3-14) Aida kuziva zvakawanda. Saka ndakamushanyirazve. Vhiki pashure pevhiki ndaifamba makiromita 40 kana kupfuura kuenda nokudzoka kubva kuZhabokruky kunodzidza Bhaibheri nemhuri yekwaKozak. Ngozi dzacho, ndisingatauri zvangu nguva yakawanda yaishandiswa, dzakakanganwika apo vekwaKozak vakabhabhatidzwa muna August 1950.

Hapana kutora nguva vekwaKozak vabhabhatidzwa vasati vaendeswa kune imwe nyika pamwe chete nezviuru zvezvimwe Zvapupu. Ivava vakakombwa kamwe kamwe nemauto aive nezvombo muna April 1951 uye—pasina kutongwa kana kuteererwa—vakaendeswa kuSiberia. VekwaKozak nedzimwe shamwari dzakawanda vakamanikidzwa kuti vaite kuno kumusha kwavo kutsva. *

Pamhuri 15 dzeZvapupu dzaive muHoryhliady, ina chete ndidzo dzakaendeswa. Zvisinei, mudzimwe ungano Zvapupu zvakaendeswa ndizvo zvaive zvakawanda. Kuendeswa kworuzhinji uku kwaive kwarongwa sei? Zviremera zvaive zvakanyora mazita eZvapupu saka zvakakwanisa kukomba nhamba yazvo yakakura zvichinyatsoziva. Kunenge kuti mazita acho aive anyorwa muna 1950, pandaive ndichiri mujeri kuRussia, saka zita rangu rakanga risipo. Mwedzi mumwe chete wakanga wapfuura, muna March 1951, ndaive ndaroora Fenia, mushumiri waJehovha akavimbika. Mhuri yaFenia yose yakaendeswa kune imwe nyika, asi akapukunyuka nhamo iyoyo nokuti aive aroorwa neni uye zvino aive oshandisa zita rangu, iro raive risiri pakanyorwa mazita.

Miedzo Yokutenda Yakaoma

Vanhu vaendeswa kune imwe nyika, isu takasara kumusha taifanira kurongazve basa. Ndakakumbirwa kutarisira ungano dzaive munharaunda yaive pedyo yeIvano-Frankivs’k, uko, kunyange pashure pokuendeswa kune imwe nyika, kwaive kuchine Zvapupu zvinenge 30 muimwe neimwe yeungano dzacho 15. Somuvezi anozvishandira oga, zvirongwa zvangu zvaigona kuchinjika-chinjika, saka ndaizosangana pachivande nehama dzaibva kuungano imwe neimwe kamwe chete pamwedzi.

Taiwanzosangana usiku kumakuva kwataiva nechokwadi kuti taiva toga. Nhau huru yokukurukura yaive yokuti tingave sei nechokwadi chokuti ungano dzose dzaiva nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Pano nepapo taigamuchira magazini yeNharireyomurindi yenguva iyoyo mumutauro wokuPoland kana wokuRomania toshandurira kumutauro wokuUkraine. Zvisinei, zviremera zvaigara zvichititarisisa, zvichiedza kuwana nokuparadza michina yedu yokunyoresazve yaiva yekare-kare.

Asi chinetso chedu chikuru chaiva chokuti taive takasiyaniswa nehama dzedu dzechiKristu dzomune dzimwe nyika, kusanganisira dzaive kuBrooklyn, kuNew York, dzaitungamirira mubasa redu rechiKristu. Mugumisiro waive wokuti ungano yedu yaiwanzovhiringwa nokusabatana, runyerekupe, uye kucherana. Zvimwe Zvapupu zvakasiya sangano zvikaumba mapoka anopikisa. Nyaya dzenhema nedzakaipa pamusoro pevaitungamirira kuBrooklyn dzakatenderera.

Saka, vazhinji vedu takaona kuti miedzo yedu yakaomesesa yokutenda yaive mugumisiro kwete wokutambudzwa nevashori asi wokupokanidzana mukati meungano. Kunyange zvazvo vamwe vakasarudza kusaramba vachinamata nesu, takadzidza kuti zvaikosha kuomerera kusangano uye kumirira Jehovha kuti agadzirise zvinhu. Zvinofadza kuti ruzhinji rweZvapupu munharaunda yedu rwakaita izvozvo chaizvo. Ndinofara zvikuru kutaura kuti vakawanda vevakasiya sangano vakazoziva chikanganiso chavo ndokudzoka kuzoshumira Jehovha nesu.

Kunyange munguva idzodzo dzakaoma dzokuva toga, takaramba takabatikana muushumiri hwepachena uye takakomborerwa zvikuru. Uye takava nemibayiro yakawanda! Nguva yoga yoga yandinopinda Chidzidzo chedu Chebhuku Cheungano zvino, ndinoyeuchidzwa nezvezvikomborero zvaJehovha. Vose vari muboka redu vari 20 kana kupfuura vakabatsirwa kudzidza chokwadi nenhengo dzemhuri yangu.

Vabereki vangu nehanzvadzi yangu Anna vose vakafa, mushure mokuramba vakavimbika kuna Jehovha. Ini naFenia tichiri kushanda sezvatinokwanisa mukushumira Jehovha. Nguva yabhururuka zvechokwadi. Mumakore 30 apfuura, Zvapupu zvaJehovha muUkraine zvakava nezviitiko zvinonakidza zvisingagoni kutsanangurwa munyaya ino pfupi. Asi ndinogutsikana nokutarisa shure kumakore akawanda okushumira Jehovha, nechivimbo chokuti acharamba ari chitsigiro nomutsigiri wangu, nokuti anoti: “Ini Jehovha handishanduki.”—Maraki 3:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 32 Ona nyaya dzinoti “Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti,” mumagazini yeNharireyomurindi yaMarch 1, 1999, mapeji 24-9, uye “Ndakaendeswa Kuutapwa kuSiberia!,” mumagazini yeMukai! yaMay 8, 1999, mapeji 20-5.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ini naFenia muna 1952

[Mufananidzo uri papeji 22]

NaFenia nhasi