Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mitambo Yokunyanyisa”—Unofanira Kuzviisa Pangozi Here?

“Mitambo Yokunyanyisa”—Unofanira Kuzviisa Pangozi Here?

Zvinotaura Bhaibheri

“Mitambo Yokunyanyisa”—Unofanira Kuzviisa Pangozi Here?

“MAZUVA ANO VAKAWANDA VEDU TASIYA ZVIGARO ZVOMUONI KUTI TISVETUKIREWO KUNZE KWENDEGE TIRI MUMAPARACHUTI, KUDZIKA MUMAKOMO NETAMBO, KUKWASVA PAMAPOPOMA EMVURA UYE KUSVETUKIRA MUMVURA NEHOVE DZINONZI SHARK.”—PEPANHAU RINONZI WILLOW GLEN RESIDENT.

MASHOKO aya anorondedzera zviri kuwedzera kuitika mumitambo. Kuwedzera kukuru mukukurumbira kwemitambo yakaita sokusvetuka kubva mundege, kukwira mumakomo echando, kubhururuka mumhepo uri muparachuti duku, uye kusvetuka kubva pazvinhu zvakamira uye zvakakwirira * uri muparachuti (BASE jumping), kunoratidza nyika inoda zvikuru kuita zvine ngozi. Zvokutsvedzesa mumakomo echando, mabhasikoro anonzi mountain bikes, zvine mavhiri mana zvokufambisa mutara, zvine mavhiri maviri akateverana zvokufambisa mutara, zvinoshandiswawo kupfuura panofanira kugumira munhu nokuedza kukwira makomo akatenuka zvikuru, mawere akareba zvikuru, uye kusvetuka kubva pazvinhu zvakakwirira zvikuru. Sezvinotaura magazini inonzi Time, kuwedzera mukukurumbira kwe“mitambo yokunyanyisa”—mitambo umo vanotamba vanozviisa pangozi huru—kunosimbisa kuda kwemamiriyoni kutambira “pamucheto, apo ngozi, unyanzvi nokutya zvinobatana kupa vanotamba kupera kwevhiki bedzi uye vatambi vane unyanzvi pfungwa yokupfuura pavanofanira kugumira.”

Zvisinei, uku kuwedzera mukukurumbira kunokuvadza munhu wacho zvikuru. Vanhu vakawanda kwazvo vanokuvadzwa apo mitambo inganzi haina ngozi inoitwa nokunyanyisa. MuUnited States muna 1997, kushanyirwa kwekamuri rinorapirwa vanhu vanoda kurapwa nokukurumidza kune chokuita nokushandisa zvinhu zvine mavhiri zvinofamba mutara kwakawedzera neinopfuura 33 muzana, kwokushandisa zvinhu zvinotsvedza mumakomo echando 31 muzana, uye kune chokuita nokukwira makomo 20 muzana. Nokuda kwemimwe mitambo, migumisiro yacho inotoshamisa zvikuru, sezvinoratidzwa nenhamba iri kukura yenzufu dzine chokuita nemitambo yokunyanyisa. Vanotamba mitambo iyi vanoziva nezvengozi dzacho. Mumwe mukadzi anofamba pamusoro pechando achishandisa zvimiti nokunyanyisa anoti: “Ndinoramba ndichingofunga nezvorufu mupfungwa dzangu.” Nyanzvi yokutsvedza mumakomo echando inozvipfupikisa ichiti kana “usingakuvadzwi, saka hausi kuedza zvakakwana.”

Tichifunga nezveizvi, muKristu anofanira kuona sei kutambawo mitambo yakadai? Bhaibheri ringatibatsira sei mukusarudza kana tichifanira kutambawo mitambo yokunyanyisa? Kufunga nezvokuti Mwari anoona sei utsvene hwoupenyu kuchabatsira kupindura mibvunzo iyi.

Maonere Anoita Mwari Upenyu

Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha ndiye “tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Zvinopfuura kusika vanhu, akaitawo nokungwarira zvikuru mukutipa zvatinoda kuti tinakidzwe noupenyu. (Pisarema 139:14; Mabasa 14:16, 17; 17:24-28) Naizvozvo, zvinonzwisisika kugumisa kuti anotitarisira kuva nehanya nezvaakatipa nomutsa mukuru. Mitemo nenheyo zvakapiwa kurudzi rwaIsraeri zvinotibatsira kuziva chokwadi ichocho.

Mutemo waMosesi waida kuti munhu atore matanho akati kuitira kudzivirira upenyu hwavamwe. Kana izvi zvaisazoitwa uye upenyu hukarasika, aifanira kudai adzivirira njodzi yacho ainzi ane mhaka yeropa. Somuenzaniso, muridzi wemba airayirwa kuvaka chidziro chipfupi kana kuti fenzi yesimbi, inonzi rumhanda, yakapoteredza denga rakati sandara reimba yake itsva. Kana akasadaro, mhaka yeropa yaizova pamusoro peimba yacho kana mumwe munhu aizodonha kubva padenga racho achibva afa. (Dheuteronomio 22:8) Kana nzombe yaitunga munhu zvisingatarisirwi akafa, muridzi wenzombe yacho aisapiwa mhaka yacho. Asi kana nzombe yacho yaizivikanwa kuva ine ngozi uye muridzi wacho akamboudzwa asi akasachengeta nzombe yacho yakarindirwa zvakafanira, ipapo kana nzombe yacho yaizotunga mumwe munhu, muridzi wenzombe yacho aizopiwa mhaka yeropa uye aikwanisa kuurayiwa. (Eksodho 21:28, 29) Sezvo upenyu huchikosha kuna Jehovha, Mutemo wake wakaratidza kukoshesa kukuru kuchengetedzwa nokudzivirirwa kwoupenyu.

Vashumiri vaMwari vakatendeka vaiziva kuti nheyo idzi dzaisanganisirawo kuzviisa pangozi. Mune imwe nhoroondo yeBhaibheri, Dhavhidhi akataura chido chake chokukwanisa kunwa “mvura yetsime reBheterehema.” Bheterehema rakanga richidzorwa navaFiristia panguva iyoyo. Pavakanzwa kukumbira kwaDhavhidhi, vatatu vemasoja ake vakapinda nechisimba mumusasa wevaFiristia, vakachera mvura mutsime reBheterehema, ndokuuya nayo kuna Dhavhidhi. Dhavhidhi akaita sei? Haaizonwa mvura yacho, asi, akaidururira pasi. Akati: “Mwari ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo.” (1 Makoronike 11:17-19) Kuna Dhavhidhi zvakanga zvisingambofungiki kuisa upenyu pangozi nokuda kuzvigutsa.

Jesu akaita saizvozvowo apo, zvichida mune zvaakaratidzwa, Dhiyabhorosi akamuedza kuti azviwisire pasi kubva pamusoro petemberi kuti aone kana ngirozi dzaizomudzivirira kuti asakuvara. Jesu akapindura achiti: “Haufaniri kuedza Jehovha Mwari wako.” (Mateu 4:5-7) Hungu, Dhavhidhi naJesu vakaziva kuti zvakanga zvakaipa mumaziso aMwari kuzviisa pangozi dzisina kufanira dzinogona kuisa upenyu hwomunhu pangozi.

Nemienzaniso iyi mupfungwa, tingashamisika kuti, ‘Ndepapi pachatibatsira kusiyanisa mutambo wokunyanyisa kana kuti une ngozi? Sezvo kunyange nhandaro isina kuipa pachayo, ichigona kuitwa kuti ive yokunyanyisa, tingaziva sei patinofanira kugumira?’

Zvakakodzera Ngozi Dzacho Here?

Kuongorora kwokutendeseka mutambo upi noupi watingava tichifunga nezvawo kuchatibatsira kuziva mhinduro yacho. Somuenzaniso, tingazvibvunza kuti, ‘Mwero wetsaona womutambo uyu wakakura zvakadini? Ndakarovedzwa kana kuti ndine zvokuzvidzivirira nazvo zvinodiwa kudzivirira kukuvara here? Chii chingaitika kana ndikadonha kana kuti kukanganisa kusvetuka kana kuti zvokuzvidzivirira zvangu zvikasashanda? Ndingangokuzvuka zvangu here, kana kuti ndingangokuvara zvakakomba kana kuti kufa?’

Kuzviisa mungozi dzisina kufanira muzita renhandaro kunogona kukanganisa ukama hwakakosha hwomuKristu wechokwadi naJehovha uyewo kukwanisa kwake nokuda kweropafadzo dzinokosha muungano. (1 Timoti 3:2, 8-10; 4:12; Tito 2:6-8) Zvakajeka kuti, kunyange pavanoita mitambo yenhandaro, vaKristu vanoita zvakanaka kufunga maonero anoita Musiki utsvene hwoupenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 BASE anomirira building (chivako), antenna (eriya), span (bhiriji), uye earth (mawere). Mutambo uyu wokubhururuka neparachuti kubva pazvinhu zvakamira zvakaita sezvivako, mabhiriji, nemawere unonzi une ngozi zvokuti wakarambidzwa neNational Park Service muUnited States.