Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndiri Mutete Zvakadai?

Nei Ndiri Mutete Zvakadai?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Ndiri Mutete Zvakadai?

JUSTIN mutete uye akasimba asi haambofari nomuviri wake. “Ndiri kuedza kuwedzera muviri,” anobvuma kudaro. Saka iye zvino anodya kashanu pazuva, zvinosvika macalorie 4 000. Zvisinei, anoda kuti muviri wakawedzera wacho uve tsandanyama dzakasimba. Saka anowedzera kuti: “Mamwe mazuva ini neshamwari yangu tinokurumidza kumuka toenda kugym kunosimudza zvinorema tisati tatanga basa.”

Vanessa anoverengwawo pakati pevanonzi vatete. Asi anogutsikana zvikuru nomuviri wake. “Pandaive muduku, vana vaduku vaisinditsvinyira vachinditi kamudyahandikori,” Vanessa anoyeuka kudaro. “Asi handisisina basa nazvo. Ndinongobvuma zvandiri.”

‘Bvuma zvauri.’ Iroro rinonzwika sezano rakanaka. Asi ringava zano raunoona rakaoma kushandisa. Sezvo uchiri muduku, ungave uri ‘kuyaruka.’ (1 VaKorinde 7:36) Inonyanya kuvhiringidza inguva iya inochinja muviri nokukurumidza inonzi yokuyaruka. Munguva yokuyaruka, nhengo dzako dzomuviri dzingakura zvakasiyana-siyana; maoko ako, makumbo, nokumeso zvingaratidzika sokunge zvisiri kuenderana nedzimwe nhengo zvinoodza mwoyo. * Izvi zvingaita kuti uzvione wakasiyana nevamwe uye usingayevedzi. Panewo chokwadi chokuti hadzisi pwere dzose dzinokura pamwero mumwe chete. Saka nepo vamwe vezera rako vangava vatanga kuva nomuviri une tsandanyama kana muviri wechikadzi, ungaratidzika kuva mutete pakuzvienzanisa navo.

Kunyange zvakawanda zvakataurwa nezvepwere dzinofunga kuti dzakafuta, pwere dzinofunga kuti dzakanyanya kuonda dzinowanzofuratirwa. Zvinowanzodaro pakati pemapoka emadzinza nomudzimwe nyika umo kuva mutete kusingaonekwi sechiratidzo chorunako. Munzvimbo dzakadaro musikana mutete angatambura nokutsvinyirwa achinzi “akaonda.”

Zvakadini nevakomana? Maererano nomutsvakurudzi anonzi Susan Bordo, “zvidzidzo pamusoro pechitarisiko chomuviri zvakaitwa mumakumi emakore akatangira ma1980 zvairatidza kuti kana vakadzi va[ka]zvitarisa mugirazi, hapana zvavaiona kunze kwezvakaipa.” Ko varume? Bordo anopfuurira kuti: “Varume vaitarisa mugirazi ndokuona chitarisiko chakanaka kana chinotova nani pane zvakakodzera.” Asi mumakore achangopfuura, izvozvo zvakatanga kuchinja. Achicherechedza kuti pakati pevanogadziridzwa miviri navanachiremba vanodarika chikamu chimwe muzvina varume, Bordo akati kuwedzera kuri kuita majaya anofarira zvokusimba kune chokuita nemiviri yavarume “vakakwana” inoratidzwa pazvokushambadza nguo dzomukati muUnited States nedzimwe nyika dzokuMavirira. Sezvingatarisirwa, izvi zvine zvazvakaita kuvakomana vari kuyaruka. Vanonzwa sepasina zvavari kana vasina muviri une tsandanyama soune vaya vanoratidzwa pamifananidzo yevanoshambadza zvipfeko.

Saka kana uri mutete, unganetseka uchiti, ‘Chii chakaipa pandiri?’ Mashoko anofadza ndeokuti zvimwe hapana chakaipa.

Chakaita Kuti Uve Mutete

Kupwere dzakawanda, kuva mutete hakutomboshamisi. Kazhinji kacho zvinoitika panguva yokukura nokukurumidza neyokushandisa simba rakawanda kwomuviri inoitika mukuyaruka. Kazhinji kushandisa simba kwomuviri kunozoderera nokukura kwaunenge uchiita. Zvisinei, kana uri mutete zvakanyanya pasinei nokuti unodya zvinovaka muviri, zvaizova zvakanaka kuona chiremba wako kuti akuudze kana pasina chinetso chipi nechipi choutano, chakadai sechirwere cheshuga, chinogona kuita kuti upere muviri.

Steven Levenkron, mazvikokota muzvinetso zvokudya anozivikanwa zvikuru, akaudza Mukai! kuti: “Ndinoyeuka mumwe musikana aive akaondoroka zvikuru akaunzwa kwandiri achinzi haana havi yokudya, uye airatidzika somumwe munhu ane chinetso chokudya. Asi ndakakurumidza kuona kuti chinetso chake chaive chomuviri, kwete chepfungwa. Chiremba wemhuri yake aive atadza kubata hosha yeCrohn, chinetso chikuru chomuura. Uku kutadza kuona kwaigona kuva nengozi kumusikana uyu.” Kana uine chirwere cheshuga kana chimwe chinoondorotsa, kuchenjera kuti utevere zano rachiremba wako nemazvo.

Chokwadi, dzimwe nguva kuva mutete kunogona kuva chiratidzo chokuremerwa kwepfungwa. Mubhuku rake rinonzi Anatomy of Anorexia, Dr. Levenkron anotaura zvinotaurwa nevamwe vatsvakurudzi kuti nhamba yakati kuti “yevane chirwere cheshuga vanoraramiswa neinsulin vane zvinetso zvokudya, zvinobvira pakudyisa, kukurumidza kunzwa nzara kana kusada kudya.” Chiremba ane unyanzvi anogona kuona kana chinetso chakadaro chiripo. *

Mazano Anoshanda

Ngatitii waona chiremba uye uri mutete asi uri mutano. Saka woita sei? Pana Jobho 8:11, Bhaibheri rinoti: “Ko nhokwe ingamera pasina nhope here? Ko rutsanga rungamera pasina mvura here?” Sezvo chinomera chichikura kana zvakachipoteredza nezvachinowana zvakachinakira, iwewo unoda zvokudya zvinovaka muviri kuti ukure kuzova munhu akura ane utano. Izvi zvinokosha kunyange kana uri kuda kuwedzera uremu kana kuhutapudza.

Zvisinei, usazvifurira kutanga kudya zvinhu zvine mafuta akawanda kuti uwedzere uremu nokukurumidza. Paaiongorora zvokudya zvevanogadzirira kuvaka muviri, nyanzvi yokudzidza nezvezvokudya Susan Kleiner akaona kuti vaidya macalorie 6 000 pazuva! Asi maererano naKleiner, “chinokangaidza pazvakawanikwa izvi ndechokuti vaidya avhareji yemagiramu 200 emafuta pazuva. Aya anoenzana nemafuta anowanikwa mupakiti duku remajarini remagiramu 250! Munguva pfupi, iwayo anotogona kurwarisa vanhu vazhinji. Akaramba achidyiwa kwenguva yakati, mafuta akawanda zvakadaro achakonzera chirwere chemwoyo.”

Maererano neU.S. Department of Agriculture (USDA), musimboti wacho kudya kwakaenzanirana kune macarbohydrate kwakadai sechingwa, bota romumapakiti, mupunga, nesipageti. Chinotevera mukukosha miriwo nemichero. USDA inokurudzira kuti chitsama chine mwero chenyama nezvinogadzirwa nomukaka zvidyiwe.

Kuti unyatsocherechedza zvaunodya uye uwandu hwazvo, ungaedza kuchengeta pepa rakanyorwa rezvaunodya. Gara nekabhuku muhomwe kwevhiki, uye nyora chose chaunodya nenguva yaunochidya. Ungatoshamiswa kuona kuti hausi kunyatsodya zvakawanda sezvaunofunga, zvikurukuru kana uchigaromhanya-mhanya. Somuyaruki akasimba macalorie 3 000 kana anopfuura anogona kushandiswa nomuviri wako pazuva! Ungatoonawo kuti kudya kwako hakuna zvose zvinovaka muviri zvinodiwa—uchiva nezvokudya zvinokurumidza kugadzirwa zvakadai semabhanzi ane nyama pakati nepizza uye michero nemiriwo mishoma.

Zvakadini nezvokudya zvokuwedzera zvinodhura? Zvingasava zvakakodzera. Vanamazvikokota vakawanda vanodavira kuti unogona kuwana zvinodiwa nomuviri wako zvose nokudya zvokudya zvisina kunatsiridzwa. Zvinokosha kupfuura zvose, usashandisa nzira dzokusimba nokukurumidza dzakadai semishonga yokukudza tsandanyama. Zvinosuruvarisa kutaura kuti kushandisa mishonga iyi zvisina kunaka hachisi chinetsowo zvacho pakati pevakomana vechiduku. The New York Times inoshuma kuti: “Kuwedzera kwokushandiswa [kwemishonga] nevasikana, uko vatsvakurudzi vakati kunoti konzerwei nokudzora kushaya havi yokudya, kwazosvika pamwero wakatangwa nevakomana muma1980.” Zvinotyisa kuti vasikana 175 000 muUnited States vanobvuma kuti vanoshandisa mishonga iyi. Iyi mishonga inonzi ine chokuita nezvimwe zvinetso zvinozoitika uchiishandisa zvakakomba, zvinosanganisira bvudzi rinomera parisingadiwi kumeso, kuenda kumwedzi nenguva dzisiri idzo, kenza yemazamu kuvakadzi, kenza yepadundiro kuvarume, tsinga dzakavhara, kenza yechiropa mose muvarume nomuvakadzi. Mishonga iyi haifaniri kushandiswa pasina kubvumidzwa nokutarisirwa nachiremba.

Kuva Nomwero Nokuona Zvinhu Sezvazviri

Bhaibheri rinotiudza kuti ‘tifambe nomwero pamberi paMwari wedu.’ (Mika 6:8) Kuva nomwero kunosanganisira kuziva paunogumira. Kuva nomwero kuchakubatsira kufunga nezvechitarisiko chako sezvachiri. Hapana kana chakaipa pakuda kutarisika zvakanaka. Asi kuzonyanya kunetseka nezvechitarisiko chako hakubatsiri mumwe munhu—zvichida kunze kwevanogadzira fashoni nezvokudya. Vanamazvikokota vokusimba kwomuviri vanobvuma kuti murumewo zvake haana magene anodiwa kuti ave muvaki womuviri anoverengerwa munyika yose, kunyange akadya kana kuzvirovedza zvakadini. Uye kana uri musikana, kungava kuti muviri wako hautombowedzeri, kunyange ukadya zvakadini.

Zvinofadza kuti kuisa pfungwa dzako pazvipfeko kunogona kuita zvakawanda pakubvisa kwaunoona sokusakwana kwomuviri. Usapfeka zvinoburitsa utete hwako zvisina kufanira. Vamwe vanotaura nezvokupfeka zvine ruvara rwakati chenei, sezvo zvakasvibira zvichiita sezvinoita kuti vanhu vaoneke vati tetepei.

Yeukawo kuti chinokosha zvikuru kupfuura chitarisiko chako unhu hwako. Mushure menguva yakati kuti, kunyemwerera kunofadza uye tsika dzine mutsa zvichawedzera kuti uve anokwezva kupfuura zvinoita tsandanyama dzakabuda kana kuti humwe hukuru hwechipfeko. Kana shamwari dzako dzichigara dzichingokuzvidza nezvechitarisiko chako, tsvaka vanhu vanokukoshesa nokuda kwezvauri mukati—nokuda kweanonzi neBhaibheri “munhu akavanzika wemwoyo.” (1 Petro 3:4) Pakupedzisira, usambokanganwa kuti “munhu unotarira zviri kunze, asi Jehova unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” “Ndiri Kukura Nenzira Yomuzvarirwo Here?” iri mu Mukai! yaOctober 8, 1993.

^ ndima 12 Ona nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” “Nei Ndichishushikana Neuremu Hwangu?” uye “Ndinogona Sei Kukunda Kushushikana Neuremu Hwangu?,” mumagazini edu aMay 8 naJune 8, 1999.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Dzimwe pwere dzinozvishora nokuti dzakaonda