Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Twiza—Dzakareba, Dzine Makumbo Marefu, uye Dzakaisvonaka

Twiza—Dzakareba, Dzine Makumbo Marefu, uye Dzakaisvonaka

Twiza—Dzakareba, Dzine Makumbo Marefu, uye Dzakaisvonaka

Nomunyori weMukai! muKenya

MATOMBO makuru egranite mapfumbu aiva akanyorova uye achitonhora mumambakwedza. Takanga takahwanda pakati pematombo makuru aya takabata kapu dzesimbi mumaoko edu dzaiva netii inopisa uye maziso edu akati nde-e pabani raiva muzasi. Kushivirira kwedu kwakawana mubayiro. Kunze kuchangoti ngu-u, boka retwiza—dzakareba, dzine makumbo marefu, uye dzakaisvonaka—dzakafamba zvinyoronyoro nomubani. Dzichifamba zvishoma nezvishoma, dzaifamba zvinoyevedza nemakumbo adzo marefu, mitsipa yadzo mirefu yakakombama ichitepuka kunge matanda emaseiri engarava iri kufamba kuine mhepo. Takatadza kunyatsofema. Zvataiona zvakanga zvakaisvonaka!

Dzisina kuvhiringidzwa nokutiona, dzakatendeuka pamwe chete dzakananga mumiti yomubayamhondoro uye dzaisvika panhengenya chaipo pemapazi ane minzwa. Zvinyoronyoro uye nokungwarira, mikwimba yakapfava iyi yakatanga kufura mashizha maduku akasvibira norurimi rwayo rwakareba. Ipapo, mudenga-denga kubva pasi, dzaipinza misoro yadzo mumiti maiva nematendere eshiri akawanda uye dzaifura dzisina basa nawo. Shiri dzakaitira ruzha mhuka idzi dzine mitsipa mirefu dzakanga dzapindira. Ravhundutswa noruzha rwacho, boka racho rakafamba chinyararire uye zvinyoronyoro richienda kune mimwe miti.

Dzinomhanya Zvikuru uye Dzinoyevedza

Chero munhu akamboona zvisikwa izvi nemitsipa yazvo ichibuda muwaya inochengeterwa mhuka angaomerwa nokufungidzira runako rwazvo rwechokwadi uye kuyevedza kwazvinoita pazvinomhanya zvakasununguka mumasango omuAfrica. Kufamba kwetwiza kunoyevedza uye kwakanyorovera. Sezvadzinogagadika mumapani, kutaridzika kwadzo sedzisina kunyatsosimba kunoita kuti zviratidzike sokuti dzichadonha kana kupingirishwa nekanhu kadikidiki. Nepo, mukono wetwiza unorema makirogiramu 1 300 unogona kumhanya makiromita anosvika 60 paawa usingadonhi.

Ichi chisikwa chinofadza zvikuru chinowanikwa muAfrica chete. Unyoro uye ushamwari hwacho hunoita kuti chifadze kutarira. Chiso chetwiza chinogona kutsanangurwa kuti chinoshamisa uye chinofadza, chine nzeve mbiri dzakareba uye tunyanga tuviri tune mvere nhema shoma nechepamusoro. Maziso ayo makuru uye matema, achidzivirirwa netsiye refu. Kana twiza ikatarira zviri kure nourefu hwayo, chiso chayo chinobva charatidza kuda kuziva zviri mberi kusina utsinye.

Pasichigare twiza yaidiwa uye yaikosheswa nemhaka yokufadza, kunyara, kunyarara, uye kusava noutsinye kwayo. Vatongi nemadzimambo vaipiwa mhuru dzetwiza sezvipo zvichiratidza rugare uye ushamwari pakati pemarudzi. Nhasi mifananidzo yetwiza isisina kunyatsojeka inogona kuonekwa pamifananidzo yakanyorwa pamatombo muAfrica.

Yakareba

Twiza ndiyo mhuka yakareba kukunda dzimwe dzose. Kubva kutsoka kusvika kunyanga, mikono yacho yakura inogona kureba kusvika mamita 5,5. Murunyoro rweIjipiti yekare, twiza yakanga ichimirira shoko rechiito rokuti “kufanotaura” kana kuti “kufembera,” zvichiratidza kureba kwayo uye kukwanisa kuona zviri kure.

Yakamira panenge pane mapoka embizi, mhou, mhara, nedzimwe mhuka dzomumapani omuAfrica, twiza inoita kunge nharire yomurindi. Kureba kwayo uye kunyatsoona kunoita kuti ikwanise kuona kure ndokufanoona njodzi ingava iri kuuya. Saka, kureba kwayo pasina mubvunzo kunoita kuti dzimwe mhuka dzinzwe dzakachengeteka.

Yakagadzirwa Zvinoshamisa

Twiza yakagadzirwa zvakanaka zvikuru kuti ifurire mudenga-denga pamapazi emiti mirefu, asingambosvikwi nedzimwe mhuka dzose kusiya kwenzou. Kugadzirwa kunoshamisa kwomuromo wokumusoro unogona kutenderera uye rurimi runogona kuenda kwose zvinoita kuti ikwanise kudhonza mazhizha kubva pamapazi anenge akazara zvinobaya uye minzwa yakapinza kunge tsono.

Twiza dzingadya makirogiramu anenge 34 emashizha pazuva. Kunyange zvazvo dzichidya mashizha akasvibirira akasiyana-siyana, dzinonyanya kufarira mibayamhondoro ine minzwa yakazara mumapani omuAfrica. Mukono wetwiza unogona kubudisa rurimi rwawo masendimita 42 uchitsvaka zvokudya. Mutsipa wetwiza unochinjika zvinoshamisa. Izvi zvinoita kuti twiza itendeuke uye itsveyamise musoro wayo wakareba zvinoshamisa painenge ichisveerera zvinyoronyoro panhengenya chaipo pemapazi emiti.

Kusvikira zviri mudenga kuri nyore kutwiza, asi kunwa mvura ndeimwewo nyaya. Kana yasvika patsime, twiza inofanira kutananga makumbo ayo emberi zvishoma nezvishoma yopfugama kuti ikwanise kunwa mvura. Yakaita seizvi, twiza inodhadhamura mutsipa wayo murefu kusvika kwokupedzisira isati yakwanisa kunwa mvura. Sezvineiwo twiza hainwi mvura kakawanda, nokuti inowana mvura yakakwana mumashizha manyoro ainodya.

Mutsipa nemativi etwiza zvine ruvara rwemitaro yakanaka kwazvo mitete michena yakafanana nezvakaita mashizha. Mavara anosiyana kubva kukutsvukuruka kusvika kuhushava kunyange ruvara rutema. Twiza painochembera, mavara ayo anonyanya kuita matema.

Upenyu Hwemhuri

Twiza zvisikwa zvine ushamwari, zvinofamba zviri mumapoka maduku e2 kusvika kumhuka 50. Hadzi ine zamu inotakura mwana wayo ari mudumbu kubva pamazuva 420 kusvika ku468 isati yabereka mhuru yakareba mamita maviri. Painoberekwa, mhuru yacho inoita zvokudonha pasi nomusoro, mamita maviri! Asi mumaminiti 15 mhuru iyi, isina kukuvara, inomira nemakumbo uye inenge yagadzirira kuyamwa. Pashure pevhiki mbiri kana nhatu, nomuzvarirwo mhuru yacho inotanga kufura nhungirwa dzemapazi omubayamhondoro uye nokukurumidza inenge yasimba zvokukwanisa kufambirana naamai vacho vane nhanho refu.

Mhuru yetwiza yakafanana zvokuti nevabereki vayo. Tichienzanisa nedzimwe twiza, ipfupi asi yakareba kudarika varume vakawanda. Yakamira isina chainovhunduka pana amai vayo, mhuru yetwiza inonakidza kuona.

Mumwaka wokubereka, mhuru dzetwiza dzinounganidzwa mumapoka madzinorerwa dziri, padzinopedza zuva rose dzakazorora, dzichitamba, nokucherechedza zvinenge zvichiitika pakadzipoteredza. Mhuru ichangoberekwa inokura zvinoshamisa. Mumwedzi mitanhatu mhuru inogona kukura nemita imwe chete, uye mugore rimwe chete inogona kupeta urefu hwayo kaviri. Muvhiki imwe bedzi, mhuru inogona kukura nemasendimita 23! Hadzi yetwiza inochengetedza mhuru yayo zvikuru, kunyange zvazvo ichibvumira mhuru yayo kuenda kunotamba nechokure, kuona kwayo kwakanaka kwazvo kunoita kuti igone kuramba ichiona mhuru yayo.

Nokureba kwayo kusingaenzaniswi, unyanzvi hwayo, uye kugona kumhanya uye kuona zviri kure kwazvo, twiza haina vavengi vakawanda musango kusiya kweshumba. Asi, vanhu ndivo vakavhima ndokuuraya chisikwa ichi muuwandu hukuru. Ichidiwa kwazvo nemhaka yedehwe rayo, nyama yayo inonaka, nemvere nhema refu dzepamuswe—dzinonzi nevamwe dzine simba mune zvokurapa—mhuka iyi yakanaka kwazvo haina remangwana rakajeka. Yakanga yakambozara munzvimbo zhinji dzeAfrica, twiza zvino yakati chengetekei bedzi mumiganhu yenzvimbo dzinochengeterwa mhuka kwayakadzivirirwa.

Nhasi vanoshanyira nzvimbo dzemhuka muAfrica vanogona kuona twiza dzine mitsipa mirefu dzichimhanya dzakasununguka mumapani ane uswa hwakawanda. Ikoko dzinogona kuonekwa dzichifura panhengenya chaipo pemibayamhondoro ine minzwa kana kuti dzakangoti nde-e kutarira kure sezvinoitwa netwiza chaizvo. Chisikwa ichi chakanaka kwazvo, chinoyevedza chisina kufanana nezvimwe nounyoro hwacho, chakagadzirwa zvakanaka zvikuru—chimwe chiratidzo chokusika kune unyanzvi uye unhu husina vamwe hwaMwari wemasimba ose, Jehovha.—Pisarema 104:24.

[Bhokisi riri papeji 18]

MUTSIPA MUREFU UNOSHAMISA

Muviri wetwiza usina kufanana newedzimwe mhuka uye kukura kwayo zvinofanira kukonzera zvinetso—kana kuti ndizvo zvingafungwa nomumwe munhu. Nokureba kwakaita twiza uye mutsipa murefu, zvaizoita sezvisingabviri kuti ropa rifambe munhengo dzayo dzose dzomuviri. Somuenzaniso, twiza painodzikisa mutsipa wayo pasi, kukweva kwesimba regiravhiti kunofanira kuita kuti ropa rimhanyire mumusoro, rowandisa muuropi. Painosimudza musoro wayo, ropa rayo rinofanira kumhanyira kumwoyo, zvichiita kuti mhuka yacho ifende. Zvisinei, izvi hazviitiki. Nei zvisingadaro?

Gadziriro yokutenderera kweropa mumuviri wetwiza chishamiso chounyanzvi, yakagadzirwa nouchenjeri zvakanakira iyi mhuka ine chimiro uye muviri zvakasiyana nedzimwe mhuka. Mwoyo wacho wakati kurei uye unofanira kupomba zvakaoma kuti utumire ropa kuuropi, huri anenge mamita matatu nehafu kumusoro kwawo. Achirova ka170 paminiti yoga yoga, madziro emwoyo akakora masendimita 7 anoita kuti pave nesimba reropa rakakura zvinopeta katatu revanhu. Kuti simba rakadaro ribatwe zvisina ngozi, dzose dziri mbiri tsinga dzinoendesa ropa kuuropi nedzinodzosa dzinofanira kuva dzakakura. Chokwadi, idzi tsinga dzeropa dzinopfuura masendimita 2,5 muupamhi uye dzinotsigirwa nemadzira akasimba enyama, zvichiita kuti dzisimbe uye dzigone kugonya.

Twiza painodzikisa musoro wayo, mavharuvhu ari mutsinga dziri mumutsipa anoderedza kumhanya kunoita ropa richienda kuuropi. Pazasi pouropi, tsinga inoendesa ropa kuuropi inopinda mune humwe hunyanzvi hwokugadzira hwunonzi neti inoshamisa. Muno kumhanya kwakanyanya kweropa richienda kuuropi kunokonzerwa nokudzikiswa kwomusoro netwiza kunoderedzwa nokuendeswa mututsinga tunoderedza kumhanya kweropa ndokudzivirira uropi kuti husakuvadzwe nokuuya kweropa rakawanda. Tsinga dzacho dzinovhurika kana musoro wadzikiswa uye dzinovharika kana musoro wasimudzwa, zvichiita kuti zvichiwedzera kumhanya kweropa kunenge kwaderedzwa zvikuru nokubvisa ngozi yokufenda.

Mutsipa wetwiza chinhuwo chakagadzirwa zvinoshamisa. Masayendisiti akashamisika kuziva kuti mutsipa wetwiza wakareba zvinoshamisa une nhamba yemapfupa omuzongoza yakaenzana neyembeva kana kuti dzimwe mhuka zhinji dzinoyamwisa! Zvisinei, kusafanana nedzimwe mhuka dzakawanda dzinoyamwisa, twiza ine mapfupa omuzongoza marefu akagadzirwa nenzira chaiyo yokupindana-pindana, zvichiita kuti pave nokugonya-gonya kukuru. Nokudaro, twiza inokwanisa kugonyesa nokumonyorora mutsipa wayo kuti inanzve mativi ose omuviri wayo kana kusveerera zvakanakanaka mapazi marefu omuti kuti ifure.