Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zviri Muchadenga Chedu Chinotyisa—Zvakavapo Netsaona Here?

Zviri Muchadenga Chedu Chinotyisa—Zvakavapo Netsaona Here?

Zviri Muchadenga Chedu Chinotyisa—Zvakavapo Netsaona Here?

VAMWE vanhu vanoti: ‘Hungu, zviri muchadenga chedu zvakangovapo netsaona.’ Vamwe, kunyanya vaya vezvitendero, havabvumirani nazvo. Vamwewo havana chokwadi chaicho. Iwe unotenda kuti kudini?

Chero zvaunofunga, pasina mubvunzo unobvumirana nazvo kuti zviri muchadenga chedu zvinoshamisa. Funga nezvemapoka enyeredzi. Zvakafungidzirwa kuti kune mabhiriyoni anenge 100 ari muchadenga chinooneka. Rimwe chete rine nyeredzi dzinoda kusvika pabhiriyoni kusvika kumabhiriyoni ane chiuru.

Mapoka mazhinji enyeredzi akarongwa muzvisumbu zvinobvira pamakumi emapoka enyeredzi kusvika kuzviuru zvawo. Somuenzaniso, boka renyeredzi riri pedyo nesu rinonzi Andromeda rakatsanangurwa kuti rakafanana neredu rinonzi Gwara Renzou. Aya mapoka maviri enyeredzi akakura kwazvo anobatanidzwa negiravhiti. Pamwe chete nemamwe mapoka enyeredzi ari pedyo, anoumba rimwe sumbu remapoka enyeredzi.

Chadenga chine nhamba isingatauriki yezvisumbu zvemapoka enyeredzi. Zvimwe zvisumbu zvinobatanidzwa nezvimwe negiravhiti, zvichiumba zvisumbu zvikuru. Asi kuzobva ipapo zvichiwedzera kukura, giravhiti inoshaya basa. Masayendisiti akawana kuti zvisumbu zvikuru zviri kutaramukana. Nemamwe mashoko, chadenga chiri kukura. Zvakawanikwa izvi zvinoshamisa zvinotaura kuti paiva nemavambo apo chadenga chakanga chiri chiduku kwazvo uye chichinyanya kurema. Kuvapo kwakaita chadenga kazhinji kunotsanangurwa kunzi chakavamba nokuputika kukuru.

Mamwe masayendisiti haana chokwadi chaizvoizvo kana vanhu vachazombokwanisa kuziva kuti zvinhu zviri muchadenga zvakavapo sei. Vamwe vanofungidzira nezvenzira idzo zviri muchadenga zvakavapo nadzo vasingafungi nezvomumwe munhu akachenjera akazviita. Magazini inonzi Scientific American yaJanuary 1999 yakataura nyaya yaiva nomusoro waiti “How Did the Universe Begin?” Dzimwe tsananguro dzemasayendisiti dzakatowanikwa kuti hadzina kukwana. “Zvinosuruvarisa kuti,” inodaro magazini yacho, “zvingava zvakanyanya kuomera . . . vanodzidza nezvenyeredzi kuongorora pfungwa idzi.”

Pfungwa yokuti zviri muchadenga zvakavapo netsaona inoda kuti munhu atende zvinonzi nemasayendisiti “tsaona dzerombo rakanaka” kana kuti “zvinongoitika zvoga.” Somuenzaniso, chadenga chakaumbwa nemaatomu akawanda asinganetsi kunzwisisa—hydrogen nehelium. Zvisinei, upenyu hunodawo maatomu akawanda akaoma kunzwisisa kwete hydrogen chete, kunyanya kabhoni neokisijeni. Masayendisiti aisikatyamadzwa nokuti maatomu anokosha kudaro akabva kupi.

Zvakangoitika zvoga here kuti maatomu akaoma kunzwisisa anodiwa kuti atsigire upenyu anogadzirwa mune dzimwe nyeredzi dzakakura kwazvo? Uye inongova tsaona here kuti dzimwe dzenyeredzi huru dzinoputika, dzichibudisa pfuma yadzo yemaatomu asingawaniki nyore? Sir Fred Hoyle, aivapowo pakawanikwa zvinhu izvi, akati: “Handitendi kuti musayendisiti wose akaongorora uchapupu hwacho angatadza kunzwisisa kuti mitemo yefizikisi dzenyukireya yakagadzirwa zvakanaka.”

Saka, ngatinyatsoongorora zvinhu zvinoumba chadenga chedu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]

TSANANGURO YEINFLATION

Mamwe masayendisiti anotenda kuti zvimwe zvinhu zvechadenga chepakuvamba, zvakadai somwero wacho wokuwedzera kukura chichitevedzera muitiro wakarongeka, zvinogona kutsanangurwa pasina kubvunza munhu akachenjera akazviita. Vanotaura nezvetsananguro dzinonzi chadenga chakawedzera kukura. Zvisinei, tsananguro yokuwedzera kukura kwakaita chadenga (inflation) haitsananguri mavambo. Inoda kuti pave nokutenda kuti chimwe chinhu chakanga chiripo chadenga chedu chisati chavapo netsaona.

Maererano netsananguro yokuwedzera kukura kwakaita chadenga, zvinonzi chakakura kubva pauduku huri pasi peatomu kusvika paukuru hunopfuura boka redu renyeredzi sekondi imwe chete isati yapera. Zvinonzi kuzobva ipapo, chadenga chakaramba chichiwedzera kukura, asi zvishoma nezvishoma. Nhasi, chikamu chinooneka chechadenga chedu chinonzi chidimbu chiduku zvikuru chechadenga chikuru kwazvo. Nyanzvi dzetsananguro yokuti chadenga chakawedzera kukura dzinoti kunyange zvazvo chadenga chinooneka chakarongeka zvakafanana mumativi ose, chikamu chikuru chisingaoneki chinogona kuva chisina kudaro, zvichida hachina kurongeka zvachose. “Hapangambovi nenzira inogona kushandiswa kuongorora tsananguro inoratidza kuti chadenga chakawedzera kukura,” anodaro anodzidza nezvechadenga anonzi Geoffrey Burbidge. Chokwadi, tsananguro yokuwedzera kukura kwakaita chadenga inopesana neuchapupu huchangobva kuwanikwa. Iye zvino zvava kuonekwa kuti kudai tsananguro iyi yakanga yakarurama, zvaizoita kuti titange kufungidzira nezverimwe simba idzva rinorwisana negiravhiti. Mumwe musayendisiti, anonzi Howard Georgi wepaHarvard University, akarondedzera tsananguro yokuwedzera kukura kwakaita chadenga se“ngano inoshamisa zvikuru yesayenzi, isina kunyanya kusiyana nedzimwe ngano dzesayenzi dzandakanzwa.”

[Mufananidzo uri papeji 3]

Chinenge chinhu chose chiri mumufananidzo uyu weHubble Space Telescope iboka renyeredzi

[Kwazvakatorwa]

Mapeji 3 ne4 (asiri kuoneka zvakanaka): Robert Williams neHubble Deep Field Team (STScI) uye NASA

[Mifananidzo iri papeji 4]

“Mitemo yefizikisi dzenyukireya yakagadzirwa zvakanaka.”—Sir Fred Hoyle, vanoratidzwa vaine nyeredzi huru yakaputika 1987A

[Kwazvakatorwa]

Dr. Christopher Burrows, ESA/STScI uye NASA

Mufananidzo kubva kuna N. C. Wickramasinghe