Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dare Repamusorosoro Rinotonga Richitsigira Rusununguko Rwokutaura

Dare Repamusorosoro Rinotonga Richitsigira Rusununguko Rwokutaura

Dare Repamusorosoro Rinotonga Richitsigira Rusununguko Rwokutaura

ZUVA RINOKOSHA rakanga riri June 17, 2002, apo Dare Repamusorosoro rakabudisa zvaraifunga zvakanga zvakanyorwa. Chisarudzo chakanga chiri chei? Misoro mikuru yemapepanhau yakataura nyaya yacho. The New York Times rakati: “Dare Rinobvisa Kurambidzwa Kwokushanya kweZvapupu zvaJehovha.” The Columbus Dispatch reOhio rakati: “Dare Repamusoro Rinoti Kudiwa Kwemvumo Hakusi Pamutemo.” The Plain Dealer romuCleveland, Ohio, rakangoti: “Vanokumbira Mari Havafaniri Kupiwa Mvumo Nekanzuru.” Chikamu chezvinofungwa nevanhu cheUSA Today chakazivisa kuti: “Rusununguko Rwokutaura Runokunda.”

Chisarudzo chedare repasi chokurambidza Zvapupu zvaJehovha chakabviswa paine vasere vachitsigira mumwe chete achipokana! Pfungwa dzeDare dzaiva dzakanyorwa pamapeji 18 dzakanyorwa noMutongi John Paul Stevens. Chisarudzo chacho chaisimbisa zvikuru kuchengetedza kweFirst Amendment kwakapiwa kuushumiri hwepachena hweZvapupu zvaJehovha. Mupfungwa dzaro dzakanyorwa, Dare rakatsanangura kuti Zvapupu hazvaikumbira mvumo nokuti zvinoti “zvinowana mvumo yokudaro kubva muMagwaro.” Dare rakabva rataura mashoko akanga ari muuchapupu hweZvapupu: “Kuti isu tipiwe mvumo kuminisiparati kuti tiparidze zvinenge zvakafanana nokutuka Mwari.”

Pfungwa dzeDare dzakati: “Kwemakore anopfuura 50, Dare rakabvisa kurambidzwa kwaiitwa pakubvunza pfungwa dzevanhu pasuo nesuo uye kuparadzira mapepa. Hakusi kungoerekana zvaitika kuti dzakawanda dzenyaya idzi dzaibatanidza First Amendment dzakaunzwa neZvapupu zvaJehovha, nokuti kufamba pasuo nesuo kunodiwa nechitendero chavo. Sezvatakaona munyaya yaMurdock nePennsylvania, . . . (1943), Zvapupu zvaJehovha zvinoti zvinotevedzera muenzaniso waPauro, zvichidzidzisa “pachena, uye pamba nemba.” Mabasa 20:20. Vanotevedzera murayiro womuMagwaro sezvauri wokuti, “Endai munyika, muparidze vhangeri kuchisikwa chose.” Mako 16:15. Mukuita kudaro vanodavira kuti vari kuteerera murayiro waMwari.’”

Pfungwa yeDare yakabva yataura zvekare kubva munyaya ya1943 kuti: “Rudzi rwechitendero urwu runotora ukoshi humwe pasi peFirst Amendment sezvakaita kunamata mumachechi uye kuparidza pachikuva. Rune kodzero yakafanana yokuchengetedzwa kungofanana nechitendero chagara chiripo uye chekare.” Richitsanangura nyaya ya1939, pepa rakanga riine Pfungwa dzedare rakati: “Kuda kudzora zvinhu pachishandiswa rezinesi rinoita kuti zvisabvira kuparadzira mapepa pachena uye pasina kudzongonyedzwa kunoisa pangozi kodzero yezvinosimbiswa nebumbiro romutemo.—Ndivo vakatsveyamisa mabhii.

Ipapo Dare rakabva rataura zvinokosha kuti: “Nyaya dzacho dzinoratidza kuti kuedza kweZvapupu zvaJehovha kuramba kudziviswa kwekodzero dzokutaura hakusi kungotamburira nokuda kwekodzero dzavo bedzi.” Pfungwa dzeDare dzakatsanangura kuti Zvapupu “havasi ivo voga ‘vanhuwo zvavo’ vanotarisana nengozi yokurambidzwa kutaura zvavanoda nemitemo seyeMusha uyu.”

Pfungwa dzeDare dzakazoenderera dzichitaura kuti mutemo wacho “kuzvidza”—kwete chete kuzvinokosha zvinochengetedzwa neFirst Amendment, asiwo kupfungwa yenzanga yakasununguka—apa zvichireva mukutaura kwemazuva ose kuti mugari wenyika anofanira kutanga azivisa hurumende nezvokuda kwake kutaura kumuvakidzani wake obva awana mvumo yokuita kudaro. . . . Mutemo unoda kuti tiwane mvumo yokutaura kwakadaro unenge wanyanyisa kubva panhaka yedu yenyika uye zvagara zviri mubumbiro redu romutemo.” Pfungwa dzeDare dzakataura nezvo“kukuvadza kunoita kudikanwa kwemvumo dzakadaro.”

Ngozi Youtsotsi

Zvakadini nemaonero okuti mvumo yacho inodzivirira vanopaza nemamwe matsotsi? Dare racho rakataura kuti: “Pasinei nokuti izvi zvinonzwisisika, nyaya dzakatangira idzi dzakajeka kuti panofanira kuva nomusiyano pakati pezviri kutyirwa izvi uye zvinokonzerwa nemitemo yacho pakodzero dzeFirst Amendment.”

Pfungwa dzeDare racho dzakapfuurira kuti: “Zvinoita sezvisingaitiki kuti kusavapo kwemvumo kungadzivisa matsotsi kugogodza pamasuo uye kukurukura dzimwe nyaya dzisingataurwi mumutemo wacho. Somuenzaniso, matsotsi angakumbira kubvunza nzira kana kuda kushandisa foni, . . . kana kuti anogona kunyoresa zita rokunyepa pasina kubatwa.”

Richitaura nezvezvisarudzo zvokuma1940, Dare racho rakanyora kuti: “Mutauro waishandiswa munguva yezvisarudzo zvomuHondo Yenyika II zvairamba zvichiponesa kukwidzirwa kumatare kwevaendi kuchechi vomukumbiri [Watch Tower Society] kuti vasabatwa nemhosva duku kwairatidza kuona kweDare rusununguko ruri muFirst Amendment kunoratidzwa munyaya ino.”

Dare rakapedzisa kuti kudii? “Kutonga kweCourt of Appeals kunoshandurwa, uye nyaya yacho ichadzoswa nokuda kwezvimwe zvichaitwa maererano nepfungwa iyi. Ndozvatiri kuda kuti zviitwe.”

Saka nyaya yakazopera sezvizvi, sezvakataurwa neChicago Sun-Times, “Dare rinotsigira Zvapupu zvaJehovha,” uye vasere vachitsigira mumwe chete achipokana.

Zvakadini Nomunguva Yemberi?

Zvapupu zvaJehovha zvomuUngano yeWellsville zvakaona sei kukunda kwacho muDare Repamusorosoro? Hapana kana nechikonzero chokuzvikudza nezvazvo nokuda kwokunyadziswa kwevanhu vomuStratton. Zvapupu zvaJehovha hazvina wazvinovenga muvanhu vanokudzwa vomusha wacho. Gregory Kuhar, Chapupu cheimomo, akati: “Nyaya yomudare iyi chinhu chatakanga tisingadi kuti chiitike. Mutemo wacho pachawo wakanga usina kururama. Zvatakaita taisangozviitira pachedu, asi taiitira munhu wose.”

Mashoko aripo anoratidza kuti Zvapupu zvakaedza nepazvinogona napo kusatsamwisa vanhu veimomo. Gene Koontz, chimwe Chapupu, akatsanangura kuti: “Nguva yatakanga tapedzisira kuparidza muStratton waiva musi waMarch 7, 1998—anopfuura makore mana.” Akawedzera kuti: “Ndakaudzwa zvakananga kuti ndaizosungwa. Tave tichityisidzirwa nemapurisa mumakore acho kuti taizosungwa. Uye patakakumbira kuona pakanyorwa mutemo wacho, hatina kuwana mhinduro.”

Koontz akawedzera kuti: “Tinosarudza kuva noukama hwakanaka nevavakidzani vedu. Kana vamwe vasingadi kuti tivashanyire, tinoremekedza chisarudzo ichocho. Asi pane vamwe vane ushamwari uye vanoda kukurukura nezveBhaibheri.”

Gregory Kuhar akatsanangura kuti: “Hatina kukwidza nyaya iyi kuitira kuti tigumbure vanhu vomuStratton. Taingoda kusimbisa nomutemo rusununguko rwedu rwokutaura maererano neBumbiro roMutemo.”

Akawedzera kuti: “Pakupedzisira, tine tariro yokudzokera kuStratton. Ndichafara chaizvo kana ndikava wokutanga kugogodza pamusuo patinodzokera. Maererano nomutemo waKristu, tinofanira kudzokera.”

Kubuda kwenyaya ye“Watchtower noMusha weStratton” kwakava nezvakawanda zvakwakapedza. Vaziva nezvechisarudzo cheDare Repamusorosoro, vakuru vakuru veminisiparati vakawanda vomuUnited States vakaziva kuti mitemo yemakanzuru haichagona kushandiswa kudzivisa basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha. Kusvika nhasi, zvinetso zvokuparidza pasuo nesuo zvakagadziriswa munzanga dzinoda kusvika 90 muUnited States.

[Bhokisi riri papeji 9]

“ZVAPUPU ZVAJEHOVHA ZVAPAMHAZVE”

Charles C. Haynes, muzvinadzidzo mukuru uye mutungamiriri wezvirongwa zvedzidzo paFirst Amendment Center, akanyora mashoko ari pamusoro apa paNzvimbo yokubudisira mashoko yeMicrosoft National Broadcasting Corporation, pasi pomusoro unoti “Rusununguko Rwokutenda.” Haynes akapfuurira kuti: “Vhiki yakapera [Zvapupu] zvakabudirira pakukunda kechi48 muDare Repamusorosoro—nyaya dzakatevedzana dzinoshamisa dzakawedzera zvinooneka kuchengetedzwa kweFirst Amendment kuvanhu vose vomuAmerica.” Akanyevera kuti: “Yeukai izvi: Kana hurumende ichigona kudzora rusununguko rwechitendero chimwe, ine simba rokurambidza rusununguko rwechitendero chipi nechipi—kana kuti zvitendero zvose. . . . Ichokwadi kuti vanhu vane kodzero yokusateerera—uye kupfiga musiwo. Asi hurumende haifaniri kuva nesimba rokusarudza kuti ndiani achagogodza pamusiwo. Saka tinoonga Dare Repamusorosoro.”

Haynes anopedzisa achiti: “Tose tine chikwereti chokuonga Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei nokuti vanonyombwa kakawanda sei, kutizwa muguta, kunyange kurohwa, vanoramba vachirwira rusununguko rwavo (zvosanganisira rwedu) rwechitendero. Uye pavanohwina, tose tinohwina.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10, 11]

CHISARUDZO CHEDARE REPAMUSOROSORO—ZVAKATAURWA NEMAPEPANHAU

“Dare rinotsigira Zvapupu zvaJehovha; Kuparidza Pasuo Nesuo Hakudi Mvumo

Mubasa rokugogodza pamasuo seZvapupu zvaJehovha, [Zvapupu] zvakagara zvichidavira kuti Mwari anozvitsigira. Iye zvino zvave kutsigirwawo neDare Repamusorosoro reU.S.”Chicago Sun-Times, June 18, 2002.

“Rusununguko Rwokutaura Runokunda

Panguva inotevera apo Zvapupu zvaJehovha zvinodzongonyedza kudya kwenyu masikati, mungatofanira kuzvitenda. Mukuzvipira kwoushingi kuzvinoitwa muchitendero chavo, iri boka rakasiyana nemamwe revanhu vanoda kuva miriyoni imwe [muUnited States] zvichida rakaita zvakawanda kupfuura rimwe sangano ripi neripi kuti riwanise rusununguko rwokutaura kuvanhu vomuAmerica. . . .

“KuZvapupu, kuenda kudare repamusoro chinhu chakajairika. Munyaya dzinopfuura 24 mumakore anopfuura 65, zvakarwira kudzvinyirirwa kwevanhu vakawanda.”USA TODAY, June 18, 2002.

“Kufamba Pasuo Nesuo Kwanzi Ikodzero Iri Mubumbiro Romutemo. Chisarudzo Chacho Kukunda kweZvapupu zvaJehovha

Dare Repamusorosoro reUnited States rakatonga musi woMuvhuro kuti vezvematongerwe enyika, mapoka ezvitendero, maGirl Scouts nevamwe vane kodzero yepamutemo yokuenda pasuo nesuo vachifambisira mberi zvinangwa zvavo pasina kutanga vapiwa mvumo nevakuru vakuru vomunharaunda.”San Francisco Chronicle, June 18, 2002.

“Dare Repamusorosoro: Zvapupu zvaJehovha nemaGirl Scouts Havangarambidzwi Kugogodza Pamusuo

WASHINGTON—Bumbiro roMutemo rinochengetedza kodzero dzemamishinari, vezvematongerwe enyika nevamwe kugogodza pamasuo pasina kutanga vapiwa mvumo nezviremera zvomunzvimbo, Dare Repamusorosoro ratonga kudaro nhasi. . . .

“Vasere vachitsigira mumwe chete achipokana, dare rakati First Amendment yekodzero dzorusununguko rwokutaura kunosanganisira kodzero yokuenda nemashoko zvakananga pasuo romunhu.”Star Tribune, Minneapolis, June 18, 2002.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mutongi Stevens

[Kwazvakatorwa]

Stevens: Yakabva muThe Supreme Court Historical Society/naJoseph Bailey