Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Kuti Pamuviri Pako Pasava Nengozi

Kuita Kuti Pamuviri Pako Pasava Nengozi

Kuita Kuti Pamuviri Pako Pasava Nengozi

NOMUNYORI WEMUKAI! MUMEXICO

MAERERANO neUnited Nations Population Fund, gore rimwe nerimwe vakadzi vanodarika hafu yemiriyoni vanofa nezvinhu zvine chokuita nepamuviri. Mukuwedzera, United Nations Children’s Fund (UNICEF) inoshuma kuti pagore vakadzi vanopfuura mamiriyoni 60 vanotambura nokukanganisika kunoita pamuviri uye kuti vanoda kusvika chikamu chimwe muzvitatu vevanhu ava vanogona kukuvara kana kurwara kwoupenyu hwose. Munyika dzichiri kubudirira vakadzi vakawanda vanogara vaine pamuviri, vachipona vana, uye vasingazvitarisiri, zvichivasiya vaneta uye vachirwara. Hungu, pamuviri panogona kukuvadza—kunyange kuva nengozi. Pane chingaitwa nomukadzi here kuti pamuviri pake pasava nengozi?

Kutarisira Utano Usati Wava Nepamuviri

Kuronga. Varume nemadzimai vangada kukurukura kuti vanoda kuva nevana vangani. Munyika dzichiri kusimukira hazvishamisi kuona vakadzi vane vana vaduku vachiyamwisa mucheche uku vane pamwe pamuviri. Kunyatsoronga uye kufunga nezvazvo kungabvumira kuti nguva ifambe pakati pokubereka mwana mumwe neanotevera, zvichiita kuti mukadzi azorore, zvinozoita kuti agone kusimba pashure pokusununguka.

Zvokudya zvinovaka muviri. Maererano neCoalition for Positive Outcomes in Pregnancy, asati ava nepamuviri mukadzi anoda inenge mwedzi mina yokupora kubva pazvinhu zvinokuvadza uye kuti agone kuva nezvokudya zvinovaka muviri zvakakwana. Somuenzaniso, ngozi yokuva nespina bifida, inokonzerwa nokukanganisika kwokuvharika kwetsinga inoenda kuuropi, kunoderedzwa zvikuru kana amai vane pamuviri vaine folic acid yakawanda. Sezvo tsinga yomwana inoenda kuuropi ichivharika pakati pezuva rechi24 nerechi28 pashure pokunambwa—vakadzi vakawanda vasati vamboziva kuti vane pamuviri—vamwe vakadzi vanenge vachironga kuva nepamuviri vanodya zvinopa folic acid.

Chimwe chinokosha iiron. Chokwadi, kudiwa kweiron nomudzimai kunowedzera nekaviri kana ave nepamuviri. Kana iri mumuviri wake iri shoma—zvinova zvazvakaita kuvadzimai vari munyika dzichiri kubudirira—anogona kuva nechirwere cheropa risina masero matsvuku akawanda. Izvi zvinogona kuwedzerwa nokuramba achiita pamuviri, sezvo mudzimai wacho asingawani nguva pakati pacho yokuti awedzere iron yake. *

Zera. Ngozi yokufa muvasikana vari pasi pemakore 16 inosvika zvikamu 60 kubva muzana kupfuura vari mumakore okuma20. Kune rimwe divi, vakadzi vane makore anopfuura 35 vane mukana wakakura wokubereka vana vakaremara, vane zvirwere zvakadai seDown’s syndrome. Vanaamai vachiri vaduku kana kuti vave kuda kuguma kubereka vane mukana mukuru wokusafamba zvakanaka kweropa. Chirwere ichi, chinoratidzwa neBP yakakwira pashure pevhiki rechi20 repamuviri pamwe nokuzvimba uye kuwedzera kwepuroteni muweti, chinowedzera mukana wokufa kwomwana pamwe naamai vacho.

Zvirwere zvinotapukira. Zvirwere zvedundira, chibereko nesikarudzi, uye zvomudumbu nematumbu zvinogona kuwedzera tsaona yokubereka mwana asati akwana uye kusafamba zvakanaka kweropa. Chirwere chipi nechipi chinofanira kurapwa pamuviri pasati pabata.

Kurapwa Uine Pamuviri

Kurapwa usati wabatsirwa. Kugara uchishanyira chiremba munguva yepamuviri pako pose kunoderedza mukana wokufa pakubereka. Kunyange munyika umo makiriniki nezvipatara zvisingawanikwi nyore, vananyamukuta vakanyatsorovedzwa vanogona kunge varipo.

Kutarisira utano mwana asati aberekwa kunogona kuratidza nyanzvi nezvemamiriro ezvinhu anoita kuti pade kutorwa matanho. Izvi zvinosanganisira kuva nemapatya, kukwira kweBP, zvinetso zveitsvo nomwoyo, pamwe nechirwere cheshuga. Mudzimwe nyika mudzimai ane pamuviri anogona kubayiwa jekiseni rokudzivirira tetenasi kuitira kuti mwana anozoberekwa asabatwa nayo. Anogonawo kuvhenekwa kuti haana utachiona hwestreptococcus yorudzi rweB pakati pevhiki yechi26 ne28 yepamuviri. Utachiona uhwu, kana huri muura hwezasi, hunogona kutapukira kumwana pakuberekwa.

Amai vane pamuviri vanofanira kunge vakagadzirira kupa vanachiremba mashoko ose avanogona kusanganisira kumwe kurwara kwavakamboita. Vanofanirawo kunzwa vakasununguka kubvunza mibvunzo. Panofanira kukurumidza kutsvakwa vanachiremba kana sikarudzi ichibuda ropa, kuzvimba kumeso kunongoerekana kwaitika, kutemwa nomusoro kwakaipisisa kana kunoramba kuripo kana kurwadziwa zvigunwe, kungoerekana wave kuona madzerere, kurwadziwa zvikuru mudumbu, kuramba uchirutsa, kutonhorwa uye kupisa muviri, kuchinja kwokuwedzera kana kunyanyisa kufamba kwomwana ari mudumbu, kubuda kwemvura nepasikarudzi, kurwadziwa kana uchiita weti, kana kusaita weti yakawanda.

Doro nezvinodhaka. Kushandisa kwaamai doro nezvinodhaka (kusanganisira fodya) kunowedzera ngozi yokusava nepfungwa dzakanaka kwomwana wake, kuremara, uye kunyange kuzoita misikanzwa. Vana vevanaamai vakapindwa muropa nezvinodhaka vanozivikanwa nokuratidza zviratidzo zvomunhu anorwadziwa nokurega zvinodhaka. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachidavira kuti kagirazi kewaini pano neapo hakakuvadzi, kakawanda nyanzvi dzinokurudzira kusatombonwa zvachose kana une pamuviri. Amai vane pamuviri vanofanirawo kungwarira utsi hwefodya dziri kusvutwa nevamwewo.

Mishonga. Hapana mushonga unofanira kunwiwa kutoti wanzi unwiwe nachiremba anoziva kuti une pamuviri uye anyatsoona ngozi dzingavapo. Mamwe mapiritsi emavhitamini anogonawo kukuvadza. Somuenzaniso, kuwandisa kwevhitamini A kunogona kuita kuti mwana aremare.

Kuwedzera kwouremu. Mukadzi ane pamuviri anofanira kurega zvinhu zvinoita kuti aite muviri. Maererano neKrause’s Food, Nutrition and Diet Therapy, ngozi yokufa kwomwana anoberekwa asinganyanyi kurema inopetwa ka40 kupfuura mwana anoberekwa aine uremu hwakafanira. Kune rimwe divi, kudya uchiti muri vanhu vaviri kunongoita kuti ufute. Kuwedzera uremu kwakakodzera—kunooneka kana wave mumwedzi wechina—kunoratidza kuti ane pamuviri ari kudya zvinhu zvakakwana zvinoenderana nezvaanoda. *

Utsanana nezvimwewo. Kugeza kunogona kuitwa semazuva ose, asi mishonga yokusuka musikarudzi haifaniri kushandiswa. Mudzimai ane pamuviri haafaniri kubatana nechero munhu anorwara nehosha inokonzerwa noutachiona, yakadai segwirikwiti. Uyezve, kuitira kudzivisa zvirwere zvinokuvadza uropi hwevana, nyama isina kuibva haifaniri kudyiwa uye tsvina yekatsi haifaniri kubatwa. Kuita utsanana, hwakadai sokugeza maoko uye zvokudya zvisina kubikwa kunokosha. Kazhinji zvepabonde hazvina ngozi, asi kutoti ave mavhiki okupedzisira epamuviri pacho kana kutoti mudzimai achibuda ropa, achibatwa netsinga, kana kuti kana akambobva pamuviri.

Kupona Zvakanaka

Mudzimai anotarisira utano hwake zvakanaka aine pamuviri haazoiti zvinetso pakupona mwana. Anenge atosarudza kuti anoda kusunungukira pamba here kana kuti kuchipatara. Anenge achizivawo kusvika kumwero wakati zvaanofanira kutarisira uye kuti angabatira pamwe sei nanyamukuta kana chiremba. Munhu uyu anenge achizivawo zvinodiwa nomukadzi wacho—kana zvaasarudza zvichikwanisa kuitwa—panyaya dzokuti anoda kupona mwana wake akagara sei, kukudza muromo wesikarudzi pakubereka, uye kushandisa zvokudhonzesa mwana, kushandisa zvinopodza marwadzo uye kuongorora mwana ari mudumbu negetsi. Panofanira kubvumiranwawo dzimwe nyaya: Vanofanira kuenda kuchipatara kana kiriniki ipi kana kuponera kumba kwakundikana? Chii chichaitwa kana parasika ropa rakawanda? Sezvo kubuda ropa kuchikonzera kufa kwavanaamai vachibereka kakawanda, zvinotsiva ropa zvinofanira kunge zviripo kune varwere vasingadi kuwedzerwa ropa. Uyezve, panofanira kunge pafungwa nezvokuti chii chichaitwa kana pachida kuvhiyiwa.

Bhaibheri rinoti vana chikomborero chinobva kuna Mwari, “nhaka.” (Pisarema 127:3) Mukadzi paanoziva zvakawanda nezvepamuviri pake, ndipo paanobudirira zvakanaka. Nokuzvitarisira zvakanaka asati uye ave nepamuviri uye nokugara afunga zvakakwana nezvenzira dzakasiyana-siyana dzokubereka nadzo, mukadzi anenge achiita zvose zvaanogona kuti ave nepamuviri pasingazonetsa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Zvimwe zvinowanisa folic acid neiron chiropa, nezvinoitira vana mumakoko zvakadai sebhinzi, miriwo mitema, nzungu, neporiji romumapakiti. Kuti zvokudya zvine iron zvitorwe nomuviri, zvingabatsira kuti zvibatanidzwe nezvimwe zvinopa vhitamini C, zvakadai semichero minyoro.

^ ndima 16 Kuwedzera kurema kwomukadzi anotanga kuva nepamuviri achirema zvakafanira kunokurudzirwa kuri pakati pemakirogiramu 9 ne12 paanozosununguka. Kunyange zvakadaro, vachiri kuyaruka nevakadzi vasina utano kwahwo vanofanira kuwedzera nemakirogiramu 12 ne15, nepo vaya vane muviri wakanyanya vachifanira kuwedzera nemakirogiramu 7 kusvika ku9 chete.

[Bhokisi riri papeji 14]

MAZANO KUVAKADZI VANE PAMUVIRI

● Zvinodyiwa nomukadzi ane pamuviri zuva nezuva zvinofanira kusanganisira michero, miriwo (zvikuru yakanyanya kusvibira, yoruvara rweranjisi, nemitsvuku), zvinoitira vana mumakoko (zvakadai sebinzi, soyabinzi, nyemba), zviyo (kusanganisira gorosi, chibage, oats, nebhari—kunyanya zvakadaro kana kuti zvakagadzirwa), zvokudya zvinobva pamhuka (hove, huku, nyama yemombe, mazai, chizi, nomukaka, kunyanya wakabviswa mafuta.) Mafuta, shuga chena, uye munyu hazvifaniri kudyiwa zvakawanda. Inwa mvura yakawanda. Usanwa zvinhu zvine caffeine, pamwe nezvokudya zvine zvokuchengetedza kana zvinodhaka (zvakadai sezvokuchinja ruvara nezvokunakisa). Sitachi, ivhu, nezvimwe zvinhu zvisingadyiwi zvinogona kukonzera kuondoroka uye zvinogona kukanganisa utano.

● Chenjerera zvinhu zvinokuvadza zvakatikomberedza zvakadai sokuramba uri pamaX-ray nemimwe mishonga inokuvadza. Usanyanya kushandisa zvokupfapfaidza mhepo nemimwe mishonga inoshandiswa mudzimba. Usanyanya kudikitira nokuramba uri panzvimbo inopisa kana kunyanya kurovedza muviri. Usanyanya kuramba wakamira uye kunyanya kuneta. Shandisa mabhandi emotokari nenzira kwayo.