Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusunungurwa Pangetani Dzoruvengo

Kusunungurwa Pangetani Dzoruvengo

Kusunungurwa Pangetani Dzoruvengo

YAKATAURWA NAJOSÉ GOMEZ

NDAKABEREKWA musi waSeptember 8, 1964, muRognac, taundi duku riri kumaodzanyemba kweFrance. Vabereki vangu navanasekuru vangu vakanga vari maGypsy okuAndalusia, ivo vakaberekerwa muAlgeria neMorocco, kuNorth Africa. Sezvinoitwa mutsika yechiGypsy, mhuri yedu yakanga yakakura zvikuru.

Baba vangu vakanga vaine hasha kwazvo, uye ndichiri kuyeuka vachirova amai ndichiri muduku. Nokufamba kwenguva, amai vangu vakasarudza kurambana—chinhu chisingawanzoitika pavanhu vechiGypsy. Vakaenda neni, munun’una wangu, nehanzvadzi yangu kuBelgium, kwatakagara murugare kwemakore masere akatevera.

Zvisinei, zvinhu zvakachinja. Isu vana taida kuona baba vedu, nokudaro Amai vakaenda nesu kuFrance uye takatanga kugara nababa zvekare. Kugara naBaba zvekare kwakandinetsa. KuBelgium taienda kwose kwose naAmai. Asi kumhuri yababa vangu, varume vaifanira kutamba nevarume. Pfungwa yavo yokusimudzira varume yaiva yokuti varume vane kodzero dzose nepo vakadzi vachifanira kuita mabasa ose. Somuenzaniso, rimwe zuva pandaida kubatsira amainini vangu kugeza ndiro tapedza kudya manheru, babamunini vangu vakanditi ndiri ngochani. Mumhuri mavo, kusuka ndiro rakanga riri basa revakadzi chete. Pakupedzisira, pfungwa iyi isina musoro yakakanganisa mafungiro angu.

Hapana kumbopera nguva refu amai vangu vasati vatanga kurohwa zvekare nababa. Kakawanda pataiedza kupindira, ini nomunu’una wangu taitofanira kubuda nepawindo kuitira kutiza zvibhakera zvababa. Hanzvadzi yangu yairohwawo. Izvi zvakazoita kuti ndipedze nguva yakawanda ndisiri pamba. Pazera remakore 15, ndakanga ndisina gwara muupenyu.

Nokufamba kwenguva, ndakazivikanwa nehasha dzangu. Ndainakidzwa nokutambudza vanhu. Dzimwe nguva ndaidenha vamwe vakomana nemaune, asi vashoma ndivo vaindidzosera—nokuti ndaiwanzogara ndiine banga kana cheni. Pasina nguva refu ndakatanga kuba motokari ndichidzitengesa. Dzimwe nguva ndaingodzipisa ndonakidzwa nokuona vanodzima moto vachiedza kuudzima. Ndakazotanga kupaza zvitoro ndichiba. Ndakasungwa kakawanda. Uye nguva dzose, ndainyengetera kuna Mwari kuti andibatsire!

Hungu, ndaidavira muna Mwari. Patakanga tiri muBelgium, ndakanga ndapinda chikoro chechitendero. Saka ndaiziva kuti zvandakanga ndiri kuita zvakanga zvakaipa. Kunyange zvakadaro, kudavira kwangu muna Mwari hakuna kumbochinja unhu hwangu. Ndakafunga kuti zvose zvandaifanira kuita kwakanga kuri kungokumbira kuregererwa.

Muna 1984, ndakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 11 ndaba. Ndakaendeswa kuJeri reBaumettes, riri muMarseilles. Ikoko ndakanyora-nyora nhengo dzakawanda dzomuviri wangu zvisingadzimiki. Pamwe pacho paiti “ruvengo nokutsiva.” Pane kuti ndive munhu kwaye, ndakabvumira jeri kuti riwedzere ruvengo rwangu kuzviremera uye vamwevo vanhu. Pandakabudiswa, ndangopika mwedzi mitatu chete mujeri, ndakazadzwa noruvengo rukuru kupfuura kare kose. Ipapo, ngwavaira yakachinja upenyu hwangu.

Kutsiva Kunova Chinangwa Changu

Mhuri yangu yakava nedaka neimwe mhuri yechiGypsy. Ini navana babamunini takasarudza kunorwisana navo kuti tipedze nyaya yacho. Mhuri yavo neyedu taiva nezvombo. Munharo dzakamuka, babamukuru vangu Pierre nomukoma wekwababamunini vakapfurwa ndokufa. Ndakanetseka zvokuti ndakamira mumugwagwa, ndakabata pfuti, ndichiomba nehasha. Mumwe babamunini wangu akazondibvutira pfuti yandakanga ndiinayo.

Kurasikirwa naBabamukuru Pierre, vandaiona sababa, kwakandisiya ndarohwa nenhamo. Ndakaita mazuva ndichichema maererano netsika yechiGypsy. Kwemazuva akawanda, handina kugusa ndebvu kana kudya nyama. Ndakaramba kuona terevhizheni kana kuteerera nziyo. Ndakapika kuti ndaizotsiva rufu rwababamukuru vangu, asi hama dzangu dzakandidzivisa kuwana pfuti.

Muna August 1984, ndakapinzwa mubasa rechiuto. Pazera remakore 20, ndakapinda muuto rokuchengetedza runyararo reUnited Nations muLebanon. Kuuraya kana kuurayiwa chinhu chandaigamuchira. Panguva iyoyo, ndaisvuta mbanje yakawanda. Mukuwedzera kundipa pfungwa yokuti ndinzwe zvakanaka, chinodhaka ichi chaindiita kuti ndione sokuti hapana chaigona kundikuvadza.

Zvakanga zviri nyore kuwana zvombo muLebanon, saka ndakasarudza kutumira zvombo kuFrance kuti ndifambisire mberi urongwa hwangu kuti nditsive kuurayiwa kwababamukuru vangu. Ndakatenga zvivhorovhoro zviviri, nemabara acho, kubva kuvanhu vemo. Ndakagujunura pfuti dzacho ndokudziviga muwairesi mbiri, ndokudzitumira kumusha.

Mavhiki maviri chete ndave kuda kupedza basa rangu rechiuto, ini neshamwari dzangu nhatu takabva pabasa zvisina mvumo. Pakudzoka kukamba, takaiswa mujeri. Tiri mujeri, ndakashatirwa zvikuru ndikarova murindi. Zvakanga zvisingaiti kwandiri kuti ndidukupiswe nomupayo—munhu asiri muGypsy. Zuva rakatevera ndakarovana nomumwe, iye zvino mukuru wevasungwa. Ndakaendeswa kuJeri reMontluc, riri muLyons, kwenguva yakanga yasara ndiri muchiuto.

Ndinowana Rusununguko—Mujeri

Pazuva rangu rokutanga muJeri reMontluc, ndakagamuchirwa noushamwari nerimwe jaya rakanaka. Ndakaziva kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti iye nevamwe vechitendero chake vakanga vaiswa mujeri nokungoti chete vakanga vasina kubata zvombo. Zvakandishamisa. Ndakada kudzidza zvakawanda.

Ndakaona kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vane rudo chairwo naMwari, uye tsika dzavo dzakanakisisa dzakandifadza. Kunyange zvakadaro, ndakanga ndiine mibvunzo yakawanda. Ndainyanya kuda kuziva kana vakafa vaigona kukurukura nevapenyu vachishandisa kurota—chinhu chinodavirwa nevanhu vechiGypsy vakawanda. Chapupu chinonzi Jean-Paul chakakumbira kudzidza neni Bhaibheri chichishandisa bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. *

Ndakapedza bhuku iri nousiku humwe, uye mwoyo wangu wakanyevenuka nezvandakaverenga. Mujeri ndomandakanga ndawana rusununguko! Pandakazobudiswa mujeri, ndakaenda kumba nechitima, bhegi rangu rakazara mabhuku eBhaibheri.

Kuti ndione Zvapupu zvomumusha wedu, ndakaenda kuImba yoUmambo iri muMartigues. Ndakapfuurira kudzidza Bhaibheri, iye zvino ndichibatsirwa nomumwe mushumiri wenguva yakazara anonzi Eric. Mumazuva mashoma, ndakarega kusvuta, uye ndakarega kuonana nedzaimbova shamwari dzangu dzechitsotsi. Ndakanga ndashinga kuita maererano naZvirevo 27:11, inoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishovora.” Jehovha akava Baba vane rudo vandaida kufadza.

Chinetso Chokuchinja

Zvakanga zvakandiomera kushandisa mitemo yechiKristu. Somuenzaniso, ndaimboti zvikandikunda ndosvuta kwevhiki dzakawanda. Asi chinhu chakanga chakaoma zvikuru kwandiri chakanga chiri chokubvisa shungu dzokuda kutsiva. Eric asingambozvizivi, ndaifamba nepfuti uye ndakanga ndichiri kuronga kuuraya vaya vakanga vauraya babamukuru vangu. Ndakapedza usiku hwakawanda ndichivaronda.

Pandakaudza Eric izvi, akandiudza zvakajeka kuti handaizogona kuva noukama hwakanaka naMwari nepo ndiine zvombo uye ndichida kutsiva. Ndaifanira kuita chisarudzo. Ndakafungisisa zvakadzama nezvezano romuapostora Pauro riri pana VaRoma 12:19 rokuti: “Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha.” Izvi, pamwe nokuramba ndichinyengetera, zvakandibatsira kudzora manzwiro angu. (Pisarema 55:22) Pakupedzisira, ndakanga ndisisina zvombo zvangu. Musi waDecember 26, 1986, ndadzidza Bhaibheri kwegore, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari nokubhabhatidzwa mumvura.

Vemhuri Yangu Vanobvuma

Kuchinja kwandakanga ndaita mumufambiro wangu kwakakurudzira vabereki vangu kudzidza Bhaibheri. Vakadzokerana, uye amai vangu vakabhabhatidzwa muna July 1989. Nokufamba kwenguva, vamwe vakawanda vomumhuri mangu vakabvuma mashoko eBhaibheri uye vakava Zvapupu zvaJehovha.

Muna August 1988, ndakasarudza kuva mushumiri wenguva yakazara. Ndakabva ndatanga kudanana neimwe hanzvadzi yechiduku yomuungano mangu inonzi Katia. Takaroorana musi waJune 10, 1989. Gore redu rokutanga taroorana rakanga risiri nyore, nokuti ndakanga ndichiri kufanira kugadziridza maonero andaiita vakadzi. Zvakanga zvakandiomera kushandisa mashoko a1 Petro 3:7, anokurudzira varume kuti vakudze vadzimai vavo. Ndakaramba ndichinyengeterera simba kuti kudada kwangu kupere uye kuti ndichinje mafungiro angu. Zvinhu zvakachinja zvishoma nezvishoma.

Kufa kwababamukuru vangu kuchiri kundirwadza, uye dzimwe nguva misodzi inongoyerera pandinovafunga. Ndinotambura nokurwadziwa kwandinonzwa kunokonzerwa nendangariro dzokupondwa kwavo. Kwemakore akawanda, kunyange ndabhabhatidzwa, ndaitya kuerekana ndasangana nenhengo dzemhuri yatakanga tiine daka nayo. Ndaizoitei kudai vaizondirwisa? Ndaizoita sei? Unhu hwangu hwekare hwaizodzoka here?

Rimwe zuva ndakapa hurukuro yavose muungano iri pedyo. Ikoko ndakaona Pepa, hama yevarume vakanga vauraya babamukuru vangu. Ndinobvuma kuti kumuona kwandakaita kwakaedza zvachose unhu hwangu hwechiKristu. Asi ndakasiya manzwiro iwayo. Gare gare, pazuva rokubhabhatidzwa kwaPepa, ndakamumbundira ndokumukorokotedza pachisarudzo chake chokushumira Jehovha. Pasinei nezvose zvakanga zvaitika, ndakamubvuma sehanzvadzi yangu pakunamata.

Zuva nezuva ndinoonga Jehovha nokundibatsira kubva pangetani dzoruvengo. Ndingadai ndiri kupi nhasi kudai pasina nyasha dzaJehovha? Ndiye akaita kuti ndive noupenyu hwemhuri hunofadza. Ndinewo tariro yomunguva yemberi—yenyika itsva isina ruvengo nechisimba. Hungu, ndine chivimbo chikuru chokuti chipikirwa chaMwari chichazadzikwa chinoti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake nepasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mika 4:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Ndiine mauto eUN anochengetedza runyararo muLebanon, 1985

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiina Katia nevanakomana vangu, Timeo naPierre