Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingarega Sei Kuda Kufanana Nevamwe?

Ndingarega Sei Kuda Kufanana Nevamwe?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingarega Sei Kuda Kufanana Nevamwe?

“Kuda kufanana nevamwe kwakapararira.”—Jesse, ane makore 16.

“Kuda kufanana nevokuchikoro kwangu ndicho chakanga chiri chimwe chezvinhu zvakaoma zvikuru zvandaifanira kukunda pandaikura.”—Johnathan, ane makore 21.

KUDA KUFANANA nevamwe isimba ratinofanira kubvuma kuti riripo. Kunyange zvakadaro, iva nechokwadi chokuti unogona kurikunda. Uyezve, unogona kurarama naro uye kutorishandisa kukubatsira. Asi izvi zvingaitika sei?

Munyaya yakapfuura yedzino dzakatevedzana, takakurukura danho rokutanga rinokosha: Ziva simba rokuda kufanana nevamwe uye kuti zvingaitika kwauri. * Ndeapi mamwe matanho akanaka aunogona kutora? Nhungamiro inobatsira yaunoda iri muShoko raMwari. Zvirevo 24:5 inoti: “Munhu wakachenjera ane simba.” Izivo ipi ingakuwedzera simba pakurwisa kuda kufanana nevamwe? Tisati tapindura, ngatitangei takurukura chinetso chinogona kuita kuti kuda kufanana nevamwe kuve nesimba pauri.

Kusava Nechivimbo—Ingozi

Vechiduku vari Zvapupu zvaJehovha dzimwe nguva vanoona kuti kuda kufanana nevamwe kunonetsa zvikuru nokuti upenyu hwavo hunosanganisira kuudza vamwe zvavanodavira. (Mateu 28:19, 20) Dzimwe nguva unozviona zvakakuomera here kuudza vamwe vechiduku zvaunodavira kana wasangana navo? Hausiwe woga. Musikana ane makore 18 anonzi Melanie anoti: “Panyaya yokuudza vamwe vechiduku kuti ndiri Chapupu, zvakanga zvakaoma chaizvo kudarika zvandaifunga.” Anoenderera mberi achiti: “Paya pandainge ndava nesimba rokutaura kuti ndakanga ndiri Chapupu, ndaibva ndatanga kutya zvekare.” Zvinoita sokuti kuda kufanana nevamwe kusina kunaka kwaimutadzisa kutaura.

Bhaibheri rinotivimbisa kuti kunyange varume nevakadzi vaiva nokutenda kukuru vakazeza kuudza vanhu nezvaMwari. Somuenzaniso, Jeremia muduku aiziva kuti aizonyombwa uye kutambudzwa kana aizoteerera murayiro waMwari wokutaura asingatyi. Uyezve, Jeremia akanga asina chivimbo. Nei? Akati kuna Mwari: “Handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Mwari akabvuma kuti kuva mwana kwaJeremia kwaiita kuti asakwanisa kutaura here? Kwete. Jehovha akasimbisa muprofita wacho achiti: “Usati ndiri mwanana.” Jehovha akaenderera mberi kupa wechiduku uyu basa rinokosha.—Jeremia 1:6, 7.

Kana tisina chivimbo, tisina chokwadi nezvatiri kuda kutaura, kutya vamwe kungatikunda. Kutsvakurudza ruzivo kwakaratidza kuti izvi ndezvechokwadi. Somuenzaniso, kare muna 1937 musayendisiti anonzi Muzafer Sherif akaita chimwe chidzidzo chinozivikanwa zvikuru. Akaisa vanhu muimba yaiva nerima, kwava kuvaratidza nzvimbo imwe chete yaiva nechiedza, ndokuvabvunza kuti chiedza ichi chakanga chafamba kuenda kure zvakadini.

Zviripo ndezvokuti chiedza chakanga chisina kumbofamba; izvi zvakanga zvingori mumaziso avo chete. Vachibvunzwa munhu mumwe chete panguva, vanhu vakataura zvavakanga vachifunga ivo pachavo zvakasiyana-siyana. Zvisinei, vari muzvikwata vainzi vadaidzire mhinduro dzavo. Chii chakaitika? Vasina chivimbo nezvavaifunga, vakafurirana. Zvichidzokororwa, mhinduro dzavo dzakaramba dzichifanana kusvika vava ne“mhinduro yeboka.” Kunyange pavakabvunzwa vava mumwe chete pave paya, vanhu ava vakapa mhinduro yakanga yapiwa neboka.

Chidzidzo chakaitwa ichi chinoratidza pfungwa inokosha. Kusava nechokwadi kana chivimbo kunoita kuti vanhu vade kuita zvinoitwa nevamwe. Zvinoita kuti ufunge, handizvo here? Zviripo ndezvokuti kuda kufanana nevamwe kunogona kukanganisa vanhu kana pava panyaya dzakakosha dzakadai sokurara kwevanhu pamwe chete vasati varoorana, kushandisa zvinodhaka nenzira isina kunaka, uye kunyange vavariro dzavo muupenyu. Kana tikabvuma kutevera “mhinduro yeboka” kana pava panyaya dzakaita seidzi, tinogona kukanganisa remangwana redu zvikuru. (Eksodho 23:2) Chii chingaitwa?

Unofunga kuti waizoita sei dai waibvunzwa iwe uchiziva zvechokwadi kuti chiedza chakanga chisiri kufamba? Zvichida waisazofurirwa neboka. Hungu, tinofanira kuva nechivimbo. Asi chivimbo chorudzii, uye tingachiwana kupi?

Vimba naJehovha

Zvichida unganzwa vanhu vakawanda vachitaura kazhinji nezvekuva nechivimbo. Asi kana tava kutaura nzira yokuva nayo nechivimbo—uye kuti tinofanira kuva nechivimbo chakakura zvakadini—pane maonero akasiyana. Bhaibheri rine maonero aya akanaka: “Ndinoudza munhu wose aripo pakati penyu kuti asazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga; asi afunge kuti ave nepfungwa dzakanaka.” (VaRoma 12:3) Imwe shanduro yendima iyi inoti: “Ndinoti kune mumwe nomumwe wenyu asazvitora seanokosha kupfuura zvaari chaizvo, asi anofanira kuzviyera zvakakodzera.”—Charles B. Williams.

“Kuzviyera zvakakodzera” kwe“zvauri chaizvo” kunobvisa mafungiro okuda kuonererwa, kuzvitutumadza, kana kuti kuzvirova dundundu. Ukuwo, maonero ari pakati nepakati akadaro anoreva kuvimba kuti unogona kufunga, kunzwisisa, uye kuita zvisarudzo zvakanaka. Musiki wako akakupa ‘simba rokufunga,’ uye ichi hachisi chipo chiduku. (VaRoma 12:1) Kuramba uchiyeuka izvozvo kunogona kukubatsira kudzivisa muedzo wokuda kuita zvinoitwa nevamwe. Zvisinei, pane rumwe rudzi rwechivimbo ruchaita zvakawanda pakukubatsira kukudzivirira.

Mambo Dhavhidhi akafuridzirwa kunyora kuti: “Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.” (Pisarema 71:5) Hungu, Dhavhidhi aivimba zvakazara naBaba vake vokudenga, uye akanga aita izvi kubva achiri muduku. Akanga achiri “mwanana”—zvichida achiri kuyaruka—apo hofori yechiFiristia Goriati yakati inoda kurwa nechero murwi wechiIsraeri. Varwi vakapeta miswe. (1 Samueri 17:11, 33) Zvichida kutya sezvaiita vamwe kwakavabata. Pasina mubvunzo vaitaura zvisina tariro nezvokureba kwakanga kwakaita Goriati uye vakabva vati chero munhu aida kurwa naye akanga achipenga. Dhavhidhi haana kutyisidzirwa nezvakadaro. Nei?

Inzwa zvakataurwa naDhavhidhi kuna Goriati: “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzevaIsraeri, vaunoshora.” (1 Samueri 17:45) Dhavhidhi aiziva kukura kwakanga kwakaita Goriati, simba rake, kana kuti zvombo. Asi aiziva chimwe chinhu, sokungozivawo kwaaiita kuti zuva rinobuda richinyura. Aiziva kuti Goriati pakanga pasina zviripo kana oenzaniswa naJehovha Mwari. Kana Jehovha akanga ari kudivi raDhavhidhi, aizotyirei Goriati? Kuvimba naMwari zvakadaro kwakaita kuti Dhavhidhi ave akachengeteka. Hapana kutya vamwe vanhu kwaizomuita kuti adedere.

Unovimba naJehovha zvakadaro here? Haana kuchinja kubvira mazuva aDhavhidhi. (Maraki 3:6; Jakobho 1:17) Kana ukaramba uchidzidza nezvake, ucharamba uchiwedzera kuva nechokwadi nezvose zvaanokuudza muShoko rake. (Johani 17:17) Imomo uchawana nhungamiro isingachinji, yakarurama yokukutungamirira muupenyu hwako uye kukubatsira kudzivisa kuda kufanana nevamwe. Kuwedzera pakuvimba naJehovha, panewo chimwe chinhu chaunogona kuita.

Tsvaka Vapi Vemazano Vakanaka

Shoko raMwari rinosimbisa kuti tinofanira kutsvaka nhungamiro yakanaka. ‘Munhu wenjere anowana mano akanaka,’ inodaro Zvirevo 1:5. Vabereki vako, avo vanoda chaizvo kuti ugare zvakanaka, vanogona kukupa nhungamiro. Indira anonyatsoziva izvi. Anoti: “Ndiri kufamba munzira yechokwadi iye zvino nemhaka yokuti vabereki vangu vaigara vachindiudza zvinotaura Magwaro uye vakaita kuti Jehovha ave munhu chaiye muupenyu hwangu.” Vechiduku vakawanda vanonzwawo saizvozvo.

Kana uri nhengo yeungano yechiKristu, kune shamwari dzakawanda ikoko—vatariri vakagadzwa, kana kuti vakuru, nevamwe vaKristu vane ruzivo. Nadia muduku anoti: “Ndaivimba zvikuru nevakuru vaiva muungano yangu. Ndichiri kuyeuka imwe hurukuro yakapiwa nomutariri anotungamirira yakanga yakananga vechiduku. Pashure pemisangano ini neshamwari yangu takafara zvikuru nokuti zvaakataura ndizvo chaizvo zvakanga zviri kuitika kwatiri.”

Chimwe chombo chinogona kubatsira kukunda kuda kufanana nevamwe kusina kunaka kuda kuita zvinoitwa nevamwe zvakanaka. Kana ukasarudza shamwari dzako nokuchenjera, dzinogona kukubatsira kuti urambe uine vavariro dzakanaka uye uite zvakanaka. Tinogona kusarudza zvakanaka sei? Ramba uchiyeuka zano iri: “Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo, asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Nadia aingwarira kusarudza shamwari dzakanaka kuchikoro—vaainamata navo, vaiva netsika dzakafanana nedzake. Anoyeuka kuti: “Vakomana vokuchikoro pavaiuya ‘kuzotaura’ nesu, taivimba nomumwe nomumwe kuti titsigirane.” Shamwari dzakanaka dzinogona kuita kuti tiite zvinhu zvakanaka zvikuru muupenyu. Zvakakosha kuti tiedze chaizvo kudzitsvaka.

Saka, iva nechokwadi chokuti kana ukavimba naJehovha, kana ukatsvaka nhungamiro kuvaKristu vane ruzivo, uye kana ukatsvaka shamwari nokungwarira, unogona kukunda muedzo wokuda kufanana nevamwe. Zviripo ndezvokuti unogona kuva muenzaniso wakanaka kushamwari dzako uye kudzibatsira kuti dzirambe dziri mumugwagwa unoenda kuupenyu newe.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona nyaya inoti “Kuda Kufanana Nevamwe—Kune Simba Zvechokwadi Here?” mumagazini yeMukai! yaDecember 8, 2002.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

Tsvaka shamwari dzakanaka, dzinodawo Mwari nemirayiro yake

[Mifananidzo iri papeji 16]

“Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.”—1 VaKorinde 15:33

“Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo.”—Zvirevo 13:20