Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Yacho—Matangiro Ayakaita

Nyaya Yacho—Matangiro Ayakaita

Nyaya Yacho—Matangiro Ayakaita

STRATTON, IRI MUOHIO, U.S.A., inharaunda duku iri pedyo neRwizi rweOhio, runokamura Ohio neWest Virginia. Inonzi musha uye ina meya. Iyi nharaunda duku ine vanhu vasingasviki 300 yakaerekana yava nemakakatanwa muna 1999 apo kanzuru yemo yakaedza kumanikidza Zvapupu zvaJehovha, nevamwe, kuti vawane mvumo vasati vashanyira vanhu vomunharaunda vaine mashoko avo anobva muBhaibheri.

Nei iyi iri nyaya inokosha? Sezvaunoverenga nyaya yedu, uchaona kuti mutemo uyu nokudzora kworudzi urwu chaizvoizvo zvaizodzivisa rusununguko rwokutaura kwete kuZvapupu zvaJehovha bedzi asi kune vose vanogara muUnited States.

Matangiro Akaita Makakatanwa Acho

Vagari vomuStratton vave vachishanyirwa nevashumiri veUngano yeZvapupu zvaJehovha yomuWellsville imomo, vave vachimboita zvinetso nevakuru vakuru vashoma veimomo nezvoushumiri hwepasuo nesuo kubvira muna 1979. Mukutanga kwema1990, mumwe mupurisa weimomo akatandanisa boka reZvapupu zvaJehovha kubva muguta, achiti: “Handina basa nekodzero dzenyu.”

Nyaya yacho yakakora muto muna 1998 apo meya weStratton pachake akasangana nevamwe veZvapupu zvaJehovha vana. Vakanga vari kubuda nemotokari mumusha wacho pashure pokunge vadzoka imomo kuzokurukura nevagari vemo vakanga varatidza kufarira kukurukura nyaya dzeBhaibheri. Maererano nomumwe wevakadzi vakasanganwa navo, meya wacho akati kudai vaiva varume aizovaisa mujeri.

Chakakonzera nyaya yakazomuka iyi wakanga uri mutemo wakadzikwa mumusha wacho “Wokurambidza Kutengesa Nokukumbira Mari Pamisha Yevanhu Usina Kudaidzwa,” waida kuti munhu wose anoda kuita basa repamba nemba awane mvumo kubva kuna meya, achiipiwa asingabhadhari mari. Zvapupu zvaJehovha zvakaona mutemo uyu sokupindira parusununguko rwokutaura, kupinda chitendero chaunoda, uye rusununguko rwokubudisa nhau. Nokudaro, vakakwira kudare redzimhosva pashure pokunge vakuru vomusha wacho varamba kugadziridza mutemo wavakanga vadzika uyu.

Musi waJuly 27, 1999, nyaya yacho yakasvitswa kumutongi womudare romunharaunda reSouthern District reOhio, muUnited States. Akati mutemo wakanga wadzikwa nevakuru vomumusha wacho wakanga uri mubumbiro romutemo. Zvadaro, musi waFebruary 20, 2001, United States Court of Appeals yeSixth Circuit yakasimbisawo kuti mutemo wacho wakanga uri mubumbiro romutemo.

Kuti nyaya yacho igadziriswe, Watchtower Bible and Tract Society of New York pamwe neUngano yeWellsville yeZvapupu zvaJehovha yakakumbira kuti Dare Repamusorosoro reUnited States riongorore nyaya yacho.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 3]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Los Angeles

New York

OHIO

Stratton