Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vanofanira Kuva Varombo Here?

VaKristu Vanofanira Kuva Varombo Here?

Zvinotaura Bhaibheri

VaKristu Vanofanira Kuva Varombo Here?

JESU akamboudza mumwe mutongi muduku akanga akapfuma kuti aifanira kuenda otengesa zvose zvaaiva nazvo opa varombo. Nyaya yacho inoti murume wacho akasuruvara nezvakanga zvataurwa naJesu ndokuenda achitambudzika, “nokuti aiva nezvinhu zvakawanda.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vane mari vapinde muumambo hwaMwari!” Jesu akawedzera kuti: “Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”—Mako 10:21-23; Mateu 19:24.

Jesu airevei? Pfuma nokunamata kwechokwadi hazvipindirani here? VaKristu vanofanira kunzwa vaine mhosva kana vaine mari here? Mwari anoda kuti vararame upenyu hwokushaya here?

Mwari Anogamuchira “Vanhu Vose”

Munguva dzekare Mwari haana kurayira kuti vaIsraeri vararame muurombo. Funga izvi: Vatora nyika yavakanga vapiwa, vanhu vakatanga kurima uye kuita mabhizimisi kuti vararame uyewo kuraramisa vadiwa vavo. Zvinhu zvakadai semamiriro ezvoupfumi, mamiriro okunze, utano, kana unyanzvi hwebhizimisi zvaizova nechokuita nokubudirira kwezvavaiita. Mutemo waMosesi wairayira kuti vaIsraeri vanzwe tsitsi kana mumwe wavo akakundikana mune zvoupfumi ova murombo. (Revhitiko 25:35-40) Kune rimwe divi, vamwe vakava vapfumi. Bhoazi, murume aiva nokutenda uye akavimbika akava tateguru waJesu Kristu, anotsanangurwa kuti akanga “ane simba nepfuma.”—Rute 2:1.

Zvinhu zvakaramba zvakadaro munguva yakararama Jesu. Achitaura nomurume mupfumi ataurwa kwokutanga, Jesu akanga asina chinangwa chokumurambidza kunakidzwa. Asi, akanga ari kudzidzisa chidzidzo chinokosha. Kubva mumaonero evanhu, zvingaita sezvisingabviri kuti vanhu vakapfuma varatidze kuzvininipisa uye kubvuma nzira yaMwari yoruponeso. Asi, Jesu akati: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:26.

Ungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga yakagamuchira “vanhu vose.” (1 Timoti 2:4) Izvi zvaisanganisira vamwe vaiva vapfumi, vamwe vaiva nemararamiro akanaka, uye vakawanda vakanga vari varombo. Vamwe vanhu vangadai vakawana pfuma vasati vava vaKristu. Mune zvimwe zviitiko mamiriro ezvinhu akanaka kana zvisarudzo zvebhizimisi zvakanaka zvingadai zvakazovaunzira upfumi gare gare.

Nenzira yakafanana, muukama hwechiKristu nhasi mune vanhu vari mumamiriro ezvinhu oupfumi akasiyana-siyana. Vose vanoedza kutevedzera nhungamiro yeBhaibheri panyaya dzemari, sezvo kunyanya kuda zvinhu kuchigona kuitika kumunhu wose. Chidzidzo chakadzidziswa naJesu chine chokuita nomurume muduku mupfumi chinonyevera muKristu wose kuti mari nezvinhu zvinogona sei kudzora munhu.—Mako 4:19.

Nyevero Kuvapfumi

Nepo pfuma pachayo isingashorwi muBhaibheri, kuda mari kunoshorwa. Munyori weBhaibheri Pauro akati: “Kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa.” Akataura kuti nokurega zvinhu zvokunamata nokuda kupfuma, “vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:10.

Zvinofadza kuti Pauro akapa mirayiridzo yakananga kuvapfumi. Akati: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.” (1 Timoti 6:17) Saka izvi zvinoratidza kuti pane ngozi yokuti vapfumi vangasvika pakudada vonzwa vari pamusoro pevamwe. Uyezve, vangava nomuedzo wokufunga kuti pfuma inogona kupa chengeteko yechokwadi—chinova chinhu chinogona kupiwa naMwari chete.

VaKristu vakabudirira vanogona kudzivisa ngozi idzi nokuva ‘vakapfuma pamabasa akanaka.’ Mabasa aya anosanganisira kuti “vave norupo, vanoda kugoverana,” vachibatsira pachena vaya vanoshayiwa. (1 Timoti 6:18) VaKristu—vapfumi nevarombo—vanogonawo kushandisa zvimwe zvinhu zvavo kufambisira mberi mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, chinhu chinonyanya kuitirwa hanya nevaKristu nhasi. Uyu mwoyo une rupo unoratidza maonero akanaka zvinhu zvomunhu uye anoita kuti munhu adiwe naJehovha Mwari naJesu Kristu, vanoda vanhu vanopa nomufaro.—Mateu 24:14; Ruka 16:9; 2 VaKorinde 9:7.

Zvinhu Zvinonyanya Kukosha

Zvajeka kuti vaKristu havadikanirwi kuti vave varombo. Uye havafaniri “kutsunga kupfuma.” (1 Timoti 6:9) Vanoshanda zvakasimba chete kuti vawane nzira yokurarama nayo yakanaka. Zvichienderana nezvinhu zvakasiyana-siyana uye mamiriro oupfumi ekwavanogara, zvavanoedza kuita zvinobudirira nenzira dzakasiyana-siyana.—Muparidzi 11:6.

Chero zvakaita mamiriro avo ezvemari, vaKristu vanoedza kuva “nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10) Nokuisa zvokunamata pokutanga, vanenge “vachizvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Timoti 6:19.