Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ziso Regondo

Ziso Regondo

Ziso Regondo

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSPAIN

VANHU vokuSpain vanotsanangura munhu anoona zvikuru vachiti anoona segondo (vista de águila). VokuGermany vane mashoko akada kudarowo (Adlerauge). Nechikonzero chakanaka, kuona zviri kure kwegondo kwave kuchiwanika mumadimikira kwemazana emakore. Bhuku raJobho, rakanyorwa makore anodarika zviuru zvitatu zvapfuura, rinoti nezvegondo: “Meso aro anozviona zviri kure.”—Jobho 39:27, 29.

Gondo rinokwanisa kuona kure zvakadini? Kana mamiriro okunze akanaka, chinyamudzura (Aquila chrysaetos) chinokwanisa kuona kupfakanyika kwetsuro iri kure nemakiromita maviri,” inotsanangura kudaro The Guinness Book of Animal Records. Vamwe vakatoti chinokwanisa kuona kunyange zviri kure kudarika apa!

Chii chinoita kuti gondo rikwanise kuona zviri kure zvakadaro? Chokutanga, chinyamudzura chine maziso makuru maviri anodya nzvimbo yakakura yomusoro waro. Book of British Birds rinoti kana chiri chinyamudzura, maziso acho “akakura chaizvo asi kwete zvokuzochitadzisa kubhururuka.”

Uyezve, ziso regondo rine masero echiedza akawanda zvakapetwa kashanu pane atinawo—anenge 1 000 000 pasikweya mirimita zvichienzaniswa needu 200 000. Sero rimwe nerimwe rechiedza rakabatana netsinga dzouropi. Somugumisiro, tsinga dzokuona dzegondo, dzinotakura mashoko kubva kumaziso kuenda kuuropi, dzakawanda nekaviri pane dziri mumunhu. Saka hazvishamisi kuti zvisikwa izvi zvinokwanisa kunyatsoona mavara akasiyana-siyana! Pakupedzisira, shiri dzinodya nyama, kufanana nedzimwe shiri, dzine maziso anokwanisa kuchinja kubva pakuona zvinhu zviri pedyo kuenda pakuona zvinhu zviri kure chaizvo. Maziso adzo anokunda edu nokure.

Kuona kwegondo kwakanaka zvikuru kana zuva rakacheka nyika, asi usiku zizi ndiro rinoona zviri nani. Shiri dzinodya nyama usiku idzi dzine maziso ane masero echiedza akawanda uye maziso adzo makuru. Somugumisiro, dzinokwanisa kuona usiku zviri nani zvakapetwa ka100 pane zvatinoita. Zvisinei, panguva shoma apo kunenge kuine rima rakati ndoo, mazizi anofanira kuvimba zvachose nokukwanisa kunzwa kwawo kuti awane zvokudya.

Ndiani akapa shiri idzi mano aya? Mwari akabvunza Jobho kuti: “Ko gondo rinokwira nokurayira kwako [here]?” Zviri pachena kuti hapana munhu angati ndiye akaita chishamiso ichi. Jobho pachake akabvuma nokuzvininipisa kuti: “Ndinoziva kuti imi [Jehovha] munogona kuita zvose.” (Jobho 39:27; 42:1, 2) Ziso regondo humwe uchapupu hwouchenjeri hwoMusiki wedu.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Chinyamudzura

[Mufananidzo uri papeji 21]

Zizi