Enda pane zvauri kuda

Ndaigumburwa Nyorenyore Nemapfekero Evamwe

Ndaigumburwa Nyorenyore Nemapfekero Evamwe

Ndaigumburwa Nyorenyore Nemapfekero Evamwe

Yakataurwa naEILEEN BRUMBAUGH

NDAKAKURIRA muchechi yeOld Order German Baptist Brethren, iyo yakafanana nechechi yeAmish neyeMennonite. Chechi yeBrethren yakatangwa kuGermany vanhu vachiti vari kuda kudzorera kunamata chaiko kwairatidza kuzvipira kuna Mwari kwainzi Pietism. Encyclopedia of Religion inotsanangura Pietism ichiti chinhu chikuru pakumata uku, “chishuwo chekuti vanhu vanzwe mashoko akanaka akadzidziswa naJesu.” Chishuwo ichocho chakaita kuti sangano iri ribudirire kutumira mamishinari kunoparidza munyika dzakasiyana-siyana.

Muna 1719, kamwe kapoka kesangano iri kaitungamirirwa naAlexander Mack kakauya kuPennsylvania, United States. Kubvira ipapo, tumapoka twakatanga kuumbwa tuchiparadzana nemamwe. Boka rimwe nerimwe raitsanangura dzidziso dzaAlexander Mack neparo. Yedu isusu yaingova nevanhu 50. Yaisimbisa nyaya yekuverenga Bhaibheri nekusasiyana nezvinenge zvasarudzwa nevatungamiriri vechechi.

Mhuri yedu yakanga yava nezvizvarwa zvitatu iri muchitendero ichi nemararamiro achaidzidzisa. Ndakanyatsopinda muchechi iyi pandakabhabhatidzwa ndava nemakore 13. Ndakakura ndichidzidziswa kuti hazvina kunaka kuti munhu ave nemotokari, tirakita, foni kana redhiyo zvayo kana imwewo midziyo yemagetsi. Vanhukadzi vaifanira kupfeka hembe dzisingashamisire uye vakanga vasingabvumidzwi kudimburira bvudzi ravo kana kurisiya risina kufukidzwa. Varume vaichengeta ndebvu. Kwatiri, kwainzi kusava venyika zvaireva kusapfeka hembe dzemazuva ano, kusapoda-poda kana kupfeka zvinhu zvakadai semhete nemarin’i, izvo zvataiona sechiratidzo chekuzvikudza kunokonzerwa nechivi.

Takadzidziswa kuti tiremekedze Bhaibheri zvikuru iro rataiona sekudya kwemweya. Mangwanani ega ega taiungana toteerera baba vachiverenga chimwe chitsauko cheBhaibheri, votsinhira zvavanenge vaverenga. Taibva tapfugama tese baba vonyengetera. Amai vaibva vadzokorora munyengetero washe tozotanga kudya. Kunamata uku kwataiita mangwanani kwaindinakidza zvekuti ndaikutarisira zuva rega rega nekuti ndipo pataiisa pfungwa dzedu pazvinhu zvemweya semhuri.

Taigara papurazi pedyo neDelphi, kuIndiana. Tairima zvirimwa zvakasiyana-siyana. Taiendesa zvirimwa zvedu kuguta nengoro yaidhonzwa nemabhiza tichinozvitengesa mumigwagwa kana kutevedza dzimba dzevanhu. Taiona kushanda kwedu nesimba sekutonamata kwedu Mwari. Saka taigara tiri pabasa, kunze kwemusi weSvondo sezvo taiuona sesabata. Asi dzimwe nguva, mhuri yedu yaibatikana nebasa repapurazi zvekuti zvainge zvakati omei kuti tinyatsotevedzera zvataitenda.

Kuroorwa uye Kuva Nevana

Muna 1963, pandaive nemakore 17, ndakaroorwa nemumwe mukomana wemuchechi medu ainzi James. Naiyewo akanga ari chizvarwa chechina muchechi iyi mumhuri yavo. Tese taiva nechido chakasimba chekunamata Mwari uye taitenda kuti chechi yedu ndiyo yega yaive yechokwadi.

Pakazosvika 1975 takanga tava nevana 6, wechi7, anova ndiye gotwe, akazozvarwa muna 1983. Rebecca, uyo aitevedzera dangwe redu, ndiye chete musikana watakave naye. Taishanda nesimba, takaomera uye tichirarama upenyu husina zvakawanda. Takaedza kudzidzisa vana vedu dzidziso dzeBhaibheri dzatakadzidza kuvabereki vedu uye kune vamwe vaiva muchechi yeOld Brethren.

Muchechi yedu nyaya yemapfekero yaikosheswa zvikuru. Taiti sezvo pasina anogona kuziva zviri mumwoyo memunhu, mapfekero anoita munhu anoratidza zvaakaita nechemukati. Kana munhu wemuchechi akanyanya kugadzira bvudzi rake zvaioneka sekuti anozvikudza. Kana hembe yedu yakagadzirwa zvisingashamisiri iine mavara anonyanya kuonekera, zvaionekwa sekuzvikudza. Dzimwe nguva, taikoshesa maonero ataiita nyaya iyi kupfuura zvinotaurwa neMagwaro.

Zvakaitika Kujeri

Kunopera kwemakore ekuma1960, munin’ina wemurume wangu ainzi Jesse uyo akakurirawo muchechi yeOld Brethren akaendeswa kujeri nenyaya yekuramba kupinda muchiuto. Paakanga ari ikoko, akasangana neZvapupu zvaJehovha izvo zvaitiwo kupindira muhondo hakupindirane nezvinotaurwa neBhaibheri. (Isaya 2:4; Mateu 26:52) Jesse akanakidzwa nekukurukura Bhaibheri neZvapupu akanyatsozvionera ega kuti vanhu vakaita sei. Pashure pekudzidza zvakadzama, akabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Hatina kufara zvachose nezvaakaita.

Jesse akatanga kukurukura nemurume wangu nezvezvinhu zvaakanga adzidza. Akabva arongawo kuti James agare achitumirwa magazini yeNharireyomurindi neMukai!. Kuverenga kwaiita James magazini aya kwakaita kuti awedzere kufarira Bhaibheri. Sezvo James akanga agara aine chido chekunamata Mwari asi achinzwa sekuti ari kure naye, aifarira chinhu chese chaimubatsira kuswedera pedyo naMwari.

Vakuru vekuchechi kwedu vaitikurudzira kuverenga magazine echiAmish neechiMennonites uye edzimwe chechi dzeOld Brethren kunyange zvazvo machechi iwayo aionekwa seenyika. Asi baba vangu vakange vasingafarire Zvapupu zvaJehovha. Vaiti tainge tisingafaniri kuverenga Nharireyomurindi neMukai! zvachose. Saka ndaiti ndikaona James achiaverenga ndaiona seari kuverenga zvinhu zvisingafaniri kuverengwa zvachose. Ndaitya kuti aigona kudzidziswa zvinhu zvenhema.

Asi James akanga agarawo asingabvumirani nezvimwe zvaidzidziswa nechechi yeOld Brethren, zvakadai sekuti chitadzo kushanda musi weSvondo. Chechi yeOld Brethren yaidzidzisa kuti zvinobvumidzwa kuti upe zvipfuwo zvako mvura asi kuti udzure sora zvainge zvisingabvumidzwi. Vakuru vedu vainge vasingagoni kunyatsomutsanangurira kuti mutemo uyu waiva papi muMagwaro. Iniwo ndakatanga kusava nechokwadi nedzidziso dzakadaro zvishoma nezvishoma.

Sezvo takange tagara tichingofunga kuti chechi yedu ndiyo yechokwadi, tichiziva zvaizoitika kana tikasiya, zvainge zvakatiomera chaizvo kuti tisiyane nechechi yeOld Brethren. Ukuwo hana dzedu dzakaramba kuti tirambe tiri muchechi yataiona kuti hainyatsotevedzeri zvinodzidziswa neBhaibheri. Saka muna 1983 takanyora tsamba yekuti tainge tava kusiya chechi uye takatsanangura zvikonzero zvacho. Takakumbira kuti tsamba yacho iverengerwe ungano yese, tikabva tadzingwa.

Kutsvaga Chechi Yechokwadi

Kubvira ipapo takatanga kutsvaga chechi yechokwadi. Taitsvaga chechi inonyatsodzidzisa chokwadi, ine vanhu vanobereka zvibereko zvinoenderana nezvavanodzidzisa. Takatanga nekubvisa machechi ese anopindira muhondo. Takanga tichiri kutsvaga chechi ine vanhu vasingapfeki zvekushamisira, nekuti taifunga kuti munhu asingapfeki zvinoshamira uye asina zvakawanda muupenyu ndiye bedzi anonzi haasi kuita zvenyika. Kubva muna1983 kusvika 1985, takanyatsofamba nenyika yese tichiongorora zvitendero zvakasiyana siyana zvakadai semaMennonites, maQuakers, nemamwe machechi aidzidzisa zvekusapfeka zvinoshamisira.

Panguva iyoyo, takashanyirwa neZvapupu zvaJehovha papurazi redu pedyo neCamden, Indiana. Taivateerera tichivaudza kuti hatidi kuverengerwa rimwe Bhaibheri kunze kweKing James. Ndairemekedza Zvapupu zvaJehovha panyaya yekusapindira muhondo. Asi zvaindiomera kuti ndivateerere. Ndaingoti kana vasingaone kukosha kwekusapfeka zvinoshamisira kuti tisava venyika, saka havasi chechi yechokwadi. Ndaingofunga kuti kuzvikudza ndiko kwaiita kuti vanhu vapfeke zvakasiyana nemapfekero ataiita isu. Ndaifunga kuti kana munhu aine zvinhu zvakawanda zvinoita kuti azvikudze.

James akatanga kuenda kuImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha nevamwe vana vedu vakomana. Zvakandigumbura. Murume wangu akandikoka kuti tiende tese ndikaramba. Mumwe musi akazoti, “kunyange kana usingawirirane nezvese zvavanodzidzisa, handei unozvionera kuti vanobata vamwe sei.” Izvozvo ndizvo zvakanga zvanyanya kumutora mwoyo.

Ndakazopedzisira ndabvuma kuenda naye asi ndichingwarira. Ndakapinda muImba yeUmambo ndakapfeka zvipfeko zvisingashamiri neheti yangu. Vamwe vana vedu vakomana vakanga vasina bhutsu uye hembe dzavo dzakanga dzisiri dzekushamisira. Asi Zvapupu zvakauya kwatiri zvikatibata zvakanaka. Ndaifunga kuti, ‘Takasiyana asi vari kutigamuchira zvakadaro.’

Ndakafarira rudo rwavo asi ndakanga ndangoenda kunoongorora. Ndakanga ndisingadi kusimuka kana kuimba nziyo dzavo. Pashure pemusangano, ndakavanaya nemibvunzo ndichida kuziva nezvezvimwe zvinhu zvandaifunga kuti vakanga vasingaite nemazvo uye kuti mamwe magwaro anoreva chii. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingabvunze zvine ruremekedzo, munhu wese wandaibvunza airatidza kuti ane chido chekundibatsira. Chimwe chakandifadza ndechekuti ndaibvunza vanhu vakasiyana-siyana mubvunzo mumwe chetewo asi ndaingoona mhinduro dzavo dzakafanana. Pamwe pacho vaiita zvekundinyorera mhinduro dzacho pasi, izvo zvakandibatsira chaizvo, sezvo ndaizokwanisa kunyatsoongorora mashoko acho ndave ndega.

Muna 1985, takaenda tese semhuri kugungano reZvapupu zvaJehovha rakaitirwa kuMemphis, Tennessee, kuti tingonoona zvinenge zvichiitwa. James akanga achiine ndebvu dzake, uye takanga tichiri kupfeka mapfekero edu. Panguva yekumbozorora hapana pataimbogara pasina mumwe munhu aiuya kuzotaura nesu. Takafadzwa nerudo rwavaitiratidza uye kutigamuchira kwavaiita. Chimwe chakatifadza kubatana kwavakaita, nekuti chero kwataipindira taingonzwa zviri kudzidziswa zvakafanana.

James, akabvuma kudzidza Bhaibheri paakaona kufarirwa kwataiitwa neZvapupu. Ainyatsoongorora zvese zvaaidzidziswa achida kuva nechokwadi kuti zvakanga zvichibva muBhaibheri. (Mabasa 17:11; 1 VaTesaronika 5:21) Nekufamba kwenguva James akanga ava kunyatsoona kuti akanga awana chokwadi. Asi ini ndaishaya kuti ndoita zvipi. Ndaida kuita zvakarurama, asi ndakanga ndisingadi kuita zvinhu “zvemazuva ano,” kuti ndizoonekwa semunhu “wenyika.” Pandakatanga kubvuma kugara paidzidziswa James, ndaiti uku ndakabata Bhaibheri reKing James Version, uku ndakabata remazuva ano Shanduro yeNyika Itsva. Ndaiongorora vhesi rimwe nerimwe mumaBhaibheri acho ese kuti ndione kana ndisiri kutsauswa.

Chakazoita Kuti Ndibvume Kuti Ichi Ndicho Chokwadi

Pataidzidza neZvapupu, takawana chokwadi chekuti Baba vedu vekudenga ndiMwari mumwe chete, kwete kuti vatatu vari muna Mwari mumwe uye kuti isu tiri mweya, kwete kuti tine mweya usingafi. (Genesisi 2:7; Dheuteronomi 6:4; Ezekieri 18:4; 1 VaKorinde 8:5, 6) Takadzidzawo kuti chinonzi hero rinongovawo guva rinovigwa vanhu vese kwete kuti inzvimbo inonotambudzirwa vanhu. (Jobho 14:13; Pisarema 16:10; Muparidzi 9:5, 10; Mabasa 2:31) Kudzidza nezvehero raiva danho rakakura, sezvo veOld Brethren vakange vasingabvumirani kuti inoreva chii.

Asi mupfungwa dzangu ndakanga ndichiri kungofunga kuti hazvingaiti kuti Zvapupu zvive chitendero chechokwadi izvo zviri zvenyika, semaonero andaizviita. Vakanga vasingararame upenyu “husina zvakawanda,” zvinova ndizvo zvandaifunga kuti zvinofanira kuitwa. Asi ndakaonawo kuti Zvapupu zvaizadzisa murayiro wakapiwa naJesu wekuparidza mashoko akanaka eUmambo kuvanhu. Ndakanga ndavhiringika!—Mateu 24:14; 28:19, 20.

Panguva iyi yaikosha zvakadaro, rudo rwairatidzwa neZvapupu rwakaita kuti ndirambe ndichiongorora. Ungano yese yaifarira mhuri yedu. Vanhu vemuungano vakasiyana-siyana pavaiuya kumba kwedu, vamwe vacho vachingouya kuzotenga kwatiri mukaka nemazai kuti vawane mukana wekutiona, takatanga kuona kuti vaiva vanhu vakanaka. Vanhu vese vemuungano vaitishanyira kunyange zvazvo vasiri ivo vaidzidza nesu. Munhu wese aingoti akasvika pedyo nepamba pedu, aitombotsauka kuti atione. Taida chaizvo mikana iyi yekuwedzera kuziva Zvapupu, uye takasvika pakuona kuti vane rudo uye vanofarira vanhu zvechokwadi.

Rudo urwu hatina kungoruratidzwa neungano yaive pedyo nesu chete. Pfungwa dzangu padzakanga dzichiri kupishana nenyaya yemapfekero, ndakashanyirwa naKay Briggs, chimwe Chapupu chaibva kune imwe ungano yaive pedyo. Kay aifarirawo kupfeka zvisinganyanyi kushamisira, uye akanga asingapode-pode. Ndakanzwa ndakati sunungukei kutandara naye uye takakurukura zvakanakanaka. Mumwe musi ndakazoshanyirwazve naLewis Flora, uyo akakurirawo muchechi yaisimbisa nyaya yekusapfeka zvinhu zvemazuva ano. Akanyatsoona kuti ndakanga ndakavhiringika zvechokwadi, saka akazondinyorera tsamba ine mapeji 10 achida kuzorodza pfungwa dzangu dzainetseka. Rudo rwake rwakaita kuti misodzi yangu iyerere, uye ndakaverenga ndaverengazve tsamba yake.

Ndakabvunza mumwe mutariri anofambira, Hama O’Dell, kuti vanditsanangurirewo Isaya 3:18-23 na1 Petro 3:3, 4. Ndakati: “Mavhesi aya haasi kuratidza here kuti kana tichida kufadza Mwari hatifaniri kupfeka zvemazuva ano?” Akabva andibvunza kuti: “Zvakaipa here kupfeka heti? Kurukwa musoro kwakaipa here?” Muchechi yeOld Brethren, tairuka misoro yetuvasikana tudiki, uye vakadzi vaipfeka heti dzakada kuita semakepisi. Ndakaona kuti zvataiita zvakanga zvisingatoenderani nemavhesi aya, uye ndakafarira kuti mutariri anofambira uyu akandipindura neunyoro achiratidza mwoyo murefu.

Ndakatanga kugutsikana zvishoma nezvishoma, asi chinhu chimwe chete chakanga chasara chaindinetsa ndechekuti vakadzi vaidimburira bvudzi ravo. Vakuru vemuungano vakandiudza kuti vamwe vakadzi vane vhudzi rinokura zvakanyanya asi revamwe hari kuri. Saka tingati here vhudzi remumwe rinoita kuti akoshe kupfuura mumwe? Vakandibatsirawo kuona kukosha kwehana panyaya yemapfekero, ndokundipa mashoko ekuzoverenga ndaenda kumba.

Kushandisa Zvataidzidza

Taitsvaga chitendero chaiva nezvibereko zvakanaka, uye takachiwana. Jesu akati: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Takanga tava nechokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoratidza rudo rwechokwadi. Kunyange zvakadaro, zvakanga zvisiri nyore kuna Nathan naRebecca, dangwe redu nemutevedzani wake, nekuti vakanga vagamuchira chitendero cheOld Brethren uye vakanga vabhabhatidzirwa imomo. Vakazopedzisira vanzwisisa chokwadi chataivadzidzisa, uye vakabatsirwa nerudo rwairatidzwa neZvapupu.

Rebecca, akanga agara achida kuva neushamwari hwepedyo naMwari. Akanga ava kuona zvichimuitira nyore kunyengetera kwaari paakadzidza kuti Mwari haagari aronga zvese zvatichaita uye zvichaitika kwatiri. Akawedzerawo kuswedera pedyo naMwari paakaziva kuti Mwari haasi Utatu husinganzwisisiki, asi kuti ndiMwari mumwe chete watinogona kuva pedyo naye. (VaEfeso 5:1) Uye akafara paakaziva kuti hausi mutemo kuti tinofanira kutaura naMwari tichishandisa Chirungu chekare chiri muKing James Version. Paakanzwisisa zvinodzidziswa naMwari nezvemunyengetero, uye chinangwa chake chinoshamisa chekuti vanhu vazorarama nekusingaperi muparadhiso pasi pano, akanzwa ava pedyo neMusiki wake.—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Makomborero Atakawana

Inini naJames nevana vedu vashanu, Nathan, Rebecca, George, Daniel, naJohn, takabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha muna 1987. Harley akazobhabhatidzwa muna 1989, uye Simon muna 1994. Mhuri yedu yese yakazvipira kubasa rakanzi naJesu Kristu rinofanira kuitwa nevateveri vake, rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.

Vanakomana vedu vashanu vakuru, Nathan, George, Daniel, John, naHarley, pamwe nemwanasikana wedu Rebecca vakamboshanda pabazi reZvapupu zvaJehovha reUnited States. George achiripo uye atova nemakore 14 aripo, uye Simon, uyo akapedzawo chikoro muna 2001, akatangawo kushanda pabazi munguva ichangopfuura. Vakomana vese vanoshanda sevakuru kana kuti vashumiri veungano muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Murume wangu mukuru muungano yeThaye, kuMissouri, uye ini ndinogara ndakabatikana mubasa rekuparidza.

Iye zvino tava nevazukuru, Jessica, Latisha, naCaleb, uye tinofara kuona vabereki vavo vachivadzidzisa kuda Jehovha vachiri vadiki. Tinofara semhuri kuti Jehovha akatikweva kuti tiuye kwaari uye akatibatsira kuziva vanhu vake nerudo rwavanoratidza.

Tinosiririswa patinofunga nezvevamwe vane chido chakasimba chekufadza Mwari asi hana dzavo dzingave dzakadzidziswa nezvavakakurira mazviri pane kuti dzidzidziswe neBhaibheri pacharo. Tinovimba kuti vachawanawo mufaro watinowana patinobuda paimba neimba, kwete tichitengesa zvirimwa sezvataiita, asi neshoko reUmambo hwaMwari nezvinhu zvakanaka zvahuchaita. Misodzi yangu inoyerera, pandinofunga mwoyo murefu nerudo zvatakaratidzwa nevanhu vaJehovha!

[Mifananidzo iri papeji 19]

Pandakanga ndichiine makore 7 uye pandakanga ndakura

[Mufananidzo uri papeji 20]

James, George, Harley, naSimon, vakapfeka zvisingashamisiri

[Mufananidzo uri papeji 21]

Pikicha yangu ndichienda kunotengesa zvirimwa, yakabuda mune rimwe pepanhau

[Credit Line]

Journal and Courier, Lafayette, Indiana

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mhuri yedu yese iye zvino