Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurarama Nedambudziko Rezvinyamusi

Kurarama Nedambudziko Rezvinyamusi

Kurarama Nedambudziko Rezvinyamusi

MATAMBUDZIKO ezvinyamusi akapararira zvinotoshamisa. Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni 330 munyika yose vane dambudziko rokuora mwoyo kwakakomba, izvi zvinoita kuti munhu asuruvare zvikuru uye asanakidzwe nezvinhu zvezuva nezuva. Zvinofungidzirwa kuti makore 20 kubva zvino, kuora mwoyo ndiko kuchava chirwere chakakurumbira kupfuura zvimwe zvose kunze kwechirwere chemwoyo. Ndosaka vamwe vakaguma vati “pazvirwere zvepfungwa kuora mwoyo kunobata vanhu vakawanda sechikosoro.”

Mumakore achangodarika vanhu vakataura zvikuru nezvedambudziko rebipolar. Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kungokaruka munhu achinja oratidza kuora mwoyo kwakakomba kunozochinja kuva mufaro wokudarikidza. “Panguva yokuora mwoyo yacho,” rinodaro bhuku razvino rakabudiswa neAmerican Medical Association, “unogona kunzwa uchida kuzviuraya. Chirwere chako pachinenge chichiita kuti ufarise, ungatadza kuita zvisarudzo zvakanaka uye ungatadza kuona kukuvadza kwezviito zvako.”

Zvinofungidzirwa kuti vanhu vaviri muzana vane dambudziko rebipolar pavagari vokuUnited States, zvichireva kuti kune mamiriyoni anaro munyika iyoyo yoga. Zvisinei, nhamba dzoga hadzigoni kurondedzera kutambura mupfungwa kunoita munhu anorarama nedambudziko rezvinyamusi.

Kuora Mwoyo—Kusuruvara Kusina Tariro

Vakawanda vedu tinoziva zvazvinenge zvakaita kana takasuruvara. Nokufamba kwenguva—zvichida pashure pemaawa mashomanana chete kana mazuva—manzwiro acho anoserera. Zvisinei, kuora mwoyo kunotoda kurapwa kwakatokomba kupfuura apa. Pakudii? “Isu tinenge tisina kuora mwoyo tinoziva kuti kusuruvara kwedu kunozopera,” anotsanangura kudaro Dr. Mitch Golant, “asi manzwiro omunhu akaora mwoyo achingochinja-chinja sechitima chisingachadzoreki uye asina pfungwa yakajeka kuti zvichapera sei kana kuti rini—kana kuti zvichazotombopera here.”

Kuora mwoyo kunotoda kurapwa kunogona kuuya munzira dzakawanda. Somuenzaniso, vamwe vanhu vane zvinyamusi zvinoenderana nomwaka, zvinooneka pane imwe nguva yegore—kunyanya muchando. “Vanhu vane zvinyamusi zvinoenderana nomwaka vanoti kuora mwoyo kwavo kunowedzera kana vakaramba vachitamira kunyika dzokumusoro uye kunoenderana nokukwidibira kwokunze,” rinodaro bhuku rakabudiswa nePeople’s Medical Society. “Kunyange zvazvo zvichinzi zvinyamusi zvinoenderana nomwaka zvinonyanya kuitika mumazuva echando akunenge kwakakwidibira, dzimwe nguva zvinoitika kana munhu achishandira mumba musina chiedza chakakwana, kumbokwidibira kwemakore usiri mwaka wacho nezvinetso zvokuona.”

Kuora mwoyo kunotoda kurapwa kunokonzerwa nei? Mhinduro yacho haina kujeka. Kunyange zvazvo dzimwe nguva zvichiratidza sokunge kunokonzerwa nokutodza vabereki, kakawanda zvinosanganwa nazvo muupenyu ndizvo zvinoita sezvinonyanya kukonzera. Zvakacherechedzwawo kuti vakadzi vanoongororwa vanenge vakaora mwoyo vakawanda kudarika varume zvakapetwa kaviri. * Asi izvi hazvirevi kuti varume havabatwi nedambudziko iri. Pane kudaro, zvinofungidzirwa kuti varume vari pakati pe5 ne12 muzana vachaora mwoyo zvinotoda kurapwa pane imwe nguva muupenyu.

Kuora mwoyo kwemhando iyi pakunoitika, kunokanganisa zvinhu zvose uye kunovhiringidza upenyu hwose hwomunhu. “Kunovhiringidza upenyu hwako hwose,” anodaro mumwe ane dambudziko iri anonzi Sheila, “kunoparadza chivimbo chako zvishoma nezvishoma, kuzviremekedza kwako, mano ako okufunga zvakanaka, nokuita zvisarudzo, uye pakunenge kwadzika midzi kwazvo, kunombokudzvinya zvakaoma pane dzimwe nguva kuda kuona kana uchigona kutsungirira.”

Dziripo dzimwe nguva apo ane dambudziko racho anogona kunyaradzwa kwazvo nokutaurira muteereri anonzwira tsitsi manzwiro ake. (Jobho 10:1) Kunyange zvakadaro, zvinofanira kubvumwa kuti kana kuchikonzerwa nemakemikari omuviri, kuora mwoyo hakugoni kungopedzwa nemafungiro akanaka. Chaizvoizvo, pakadaro, munhu akaora mwoyo wacho nechirwere ichi anenge asingachagoni kuzvidzora. Uyezve, ane dambudziko racho angave ari kutoshamiswa nedambudziko racho sezvinenge zvichingoitawo vemhuri yake neshamwari dzake.

Chimbofunga nezvaPaula, * muKristu akatsungirira nguva yokusuruvara kwakakomba zvokutadza kuita chero chinhu asati audzwa kuti aiva nedambudziko rokuora mwoyo. Anoti, “Dzimwe nguva pashure pemisangano ndaimhanyira mumotokari yangu ndonochema, pasina kana chikonzero. Ndaingonzwa kusurukirwa kwakakomba nokurwadziwa. Kunyange zvazvo paiva nouchapupu hwakawanda hwokuti ndaiva neshamwari dzaiva nehanya neni, ndakanga ndisingazvioni.”

Ndozvakaitikawo kuna Ellen, uyo aiva nokuora mwoyo kwaida kurapwa. Anoti, “Ndine vanakomana vaviri, varoora vangu vaviri vakanaka zvikuru uye murume wangu—vandinoziva kuti vose vanondida kwazvo.” Zvinoratidzika sokuti Ellen aifanira kungoona oga kuti upenyu hwakanaka uye kuti anokosha kumhuri yake. Asi mukurwisana nokuora mwoyo, kufunga zvakaipa—zvisinei nokuti hazvina musoro zvakadini—kunogona kutambudza munhu zvakakomba.

Chisingafaniri kurerutswa ndiko kuvhiringidza mhuri yose kunoita kuora mwoyo kwomunhu mumwe. “Kana mumwe munhu waunoda akaora mwoyo,” anonyora kudaro Dr. Golant, “ungangogara uchinzwa usina chokwadi, usingatombozivi chaizvo kuti nguva yokuora mwoyo yomudiwa wako ichapera rini kana kuti imwe ichatangazve rini. Unogona kunzwa kurasikirwa kukuru—kunyange kurwadziwa uye hasha—kuti upenyu hwachinja, zvichida zvechigarire, kusiyana nezvahunofanira kuva.”

Kazhinji, vana vanogona kuzviona kuti mubereki akaora mwoyo. “Mwana ana amai vakaora mwoyo anoita zvinoenderana nemanzwiro anenge achiita amai vake, achinyatsocherechedza kuchinja kwemanzwiro avo kwose,” anonyora kudaro Dr. Golant. Dr. Carol Watkins anotaura kuti vana vomubereki akaora mwoyo “vangangova nezvinetso zvounhu, vangaomerwa nokudzidza, uye vangava nezvinetso nevezera ravo. Vangangoorawo mwoyo ivo pachavo.”

Dambudziko reBipolar—Rinongogara Richichinja-chinja

Kuora mwoyo kunotoda kurapwa zvechokwadi kunonetsa. Asi kana pakawedzera dambudziko rokufara zvokudarikidza, dambudziko racho rinovapo rinonzi bipolar. * “Chinhu chimwe chinoitwa nedambudziko rebipolar nguva dzose kuchinja-chinja,” anodaro mumwe ane dambudziko iri anonzi Lucia. The Harvard Mental Health Letter inoti pavanenge vachifara zvokudarikidza, vane dambudziko rebipolar “vanogona kungopindira pavasina kumbokokwa zvinogumbura uye vachida kudzora zvose, uye kusangwarira kwavo nokufarisa kwavo kungachinja kamwe kamwe dzova hasha kana kuti kusatana kugumbuka.”

Lenore anoyeuka zvaainzwa paakanga achifara zvokudarikidza. Anoti, “Ndakanga ndichinyatsonzwa simba rakawandisa.” “Vakawanda vainditi ndiri gamba. Vanhu vaiti, ‘Ndinoshuva kuti dai ndaigona kuita sewe.’ Ndaiwanzonzwa ndiine simba rakawandisa, sokunge ndaigona kuita zvose. Ndairovedza muviri zvokudarikidza. Ndaingoshanda ndisinganyatsorara zvakakwana—kwemaawa maviri kana matatu usiku. Asi ndaimuka ndiine simba rakafanana.”

Zvisinei, nokufamba kwenguva, Lenore akatanga kuora mwoyo zvikuru. Anoti, “Pandainge ndakafarisa zvikuru, ndaingonzwa kumonwa nechomukati-kati, somuchina unotenderera usingagoni kumiswa. Nenguva isipi, manzwiro angu akanaka aibva angochinja kuva outsinye uye okuparadza. Ndaituka vamwe mumba pasina kana chikonzero. Ndaigumbuka, ndaivenga, uye ndisingachadzoreki zvachose. Pashure pokuratidza unhu hunotyisa uhwu, ndaibva ndangorukutika pakarepo, ndotanga kuchema, uye ndonzwa kuora mwoyo kwakakomba. Ndainzwa ndiri chinhu chisina basa uye ndakaipa. Ukuwo, ndaigona kudzokerazve pakuva munhu anofara zvinoshamisa, zvisingaiti sokunge pane chainge chaitika.”

Kuchinja-chinja unhu kweane dambudziko rebipolar kunovhiringidza mhuri yose. Mary, ane murume ane dambudziko rebipolar, anoti: “Zvinogona kuvhiringidza kuona murume wangu achifara uye achitaurisa ongozokaruka asuruvara uye asingachadi kuva nevamwe. Zvakatiomera zvikuru kubvuma kuti hapanawo zvaangazviita.”

Zvinotoshamisa ndezvokuti, dambudziko rebipolar kazhinji kacho rinongoshamisawo nokuvhiringidza muridzi, pamwe zvakatowedzera kupfuura vamwe. “Ndinoyemura vanhu vakagadzikana muupenyu hwavo,” anodaro ane dambudziko rebipolar anonzi Gloria. “Vanhu vane dambudziko rebipolar vanogadzikana pfungwa apo nepapo. Hatitori nguva refu pfungwa dzedu dzakagadzikana.”

Dambudziko rebipolar rinokonzerwa nei? Rinogona kubva kuvabereki—iro rakakomba kudarika kuora mwoyo. American Medical Association inoti, “Maererano nokumwe kuongorora kwesayenzi, vomumhuri imwe chete—vabereki, varumudzani, kana kuti vana—vevanhu vane kuora mwoyo kwebipolar vane mukana wokubatwa nechirwere chacho kakapetwa ka8 kusvika ku18 kudarika hama dzepedyo dzevane utano hwakanaka. Uyezve, kuva nehama yepedyo ine kuora mwoyo kwebipolar kungaita kuti zvive nyore kuti ubatwe nechirwere chokuora mwoyo kukuru.”

Kusiyana nokuora mwoyo, dambudziko rebipolar rinoita serinobata varume nevakadzi zvakaenzana. Kakawanda kacho, rinotanga kuvanhu vayaruka, asi zvinetso zvebipolar zvakaonekawo kune vane makore 13 kusvika ku19 kunyange kuvana. Kunyange zvakadaro, kuongorora zviratidzo nokuzosvika pakuona kuti ndicho chirwere chacho kunogona kuomera kunyange nyanzvi yokurapa. “Dambudziko rebipolar ndiro rinonyanya kuchinja-chinja serwaivhi pazvirwere zvose zvepfungwa, richichinja zviratidzo zvaro pamurwere mumwe nomumwe, uye kunyange pamurwere mumwe chete rinochinja zvakare kubva pakuora mwoyo kuenda pakufarisa,” anonyora kudaro Dr. Francis Mark Mondimore weJohns Hopkins University School of Medicine. “Idambudziko rinotyisa rinouya usingafungiri rinogona kunyangira munhu muchivande richiita sokungoora mwoyo asi robva ranyangarika kwemakore akawanda—rozodzoka rave pachena asi richiita kuti munhu afare zvokudarikidza.”

Zviri pachena kuti zvinyamusi zvakaoma kuzviziva uye zvinogona kuva zvakaoma kwazvo kurarama nazvo. Asi kune tariro yevanotambura nazvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Pamwe izvi zvingave zvichikonzerwa nokuti ndivo vanoita dambudziko rokuora mwoyo pashure pokusununguka uyewo kuchinja kunoita miviri yavo pavanoguma kubereka. Zvimwe zvingakonzerwawo nokuti vakadzi vanowanzoenda kuchipatara saka vanotarirwa navanachiremba.

^ ndima 11 Mamwe mazita ari munyaya dzino dzinotevedzana akachinjwa.

^ ndima 16 Vanachiremba vanotaura kuti kuchinja kumwe nokumwe kunogona kugara kwemwedzi yakawanda. Zvisinei, vanoti vamwe “vanochinja-chinja nokukurumidza” vanochinja kubva pakuora mwoyo vachienda pakufara zvokudarikidza kazhinji pagore. Nedzimwe nguva dziri kure, vane dambudziko iri vanochinja-chinja kubva pakufara zvokudarikidza kuenda pakuora mwoyo kwakakomba mumaawa 24.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Vanhu vane dambudziko re“bipolar” vanogadzikana pfungwa apo nepapo. Hatitori nguva refu pfungwa dzedu dzakagadzikana.”—GLORIA

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

Zviratidzo Zvokuora Mwoyo Kwakakomba *

● Kuora mwoyo, rinenge zuva rose, anenge mazuva ose, kwevhiki dzinenge mbiri

● Kusafarira zvinhu zvaimbokunakidza

● Kuderera zvikuru kana kuti kuwedzera uremu zvakanyanya

● Hope dzakawandisa kana kuti kushaya hope

● Kunonoka kwemaoko pakubata zvinhu kana kuti kukurumidzisa

● Kungorukutika, pasina chikonzero chinonzwisisika

● Kunzwa usingakoshi uye uine mhaka pasina chikonzero

● Kusagona kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete

● Kungogara uchifunga kuzviuraya

Zvimwe zvezviratidzo izvi zvingaratidzawo kuora mwoyo kunonzi dysthymia—kuora mwoyo kusina kunyanyisa asi kusingaperi

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 31 Mashoko aya ndeokungobatsira kuona zviratidzo uye kwete kuitira kuti ashande senzira yokuziva nayo kuti une kuora mwoyo kwakakomba. Uyewo, zvimwe zviratidzo zvacho pachazvo zvingave zviratidzo zvezvimwe zvinetso zvisiri kuora mwoyo.