Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinogona Sei Kubudirira Kuva Mukurukuri Paruzhinji?

Ndinogona Sei Kubudirira Kuva Mukurukuri Paruzhinji?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kubudirira Kuva Mukurukuri Paruzhinji?

“Ndaifungidzira kuti vanhu vaicherechedza zvose zvandaikanganisa uye kushaya kwangu chivimbo. Ndaitadza kufunga nezvehurukuro yangu. Ndaifunga kuti vaindiseka nechomumwoyo.”—Sandy. *

IMBA huru yechikoro yakati tekeshe nevanhu. Unonzwa zita rako richishevedzerwa nemaikorofoni, uye nenguva isipi maziso omunhu wose anenge angoti je pauri. Chinhambwe chiduku chaunofanira kufamba kuenda pokukurukurira chinoita sekiromita chaiyo. Maoko ako anotanga kudikitira, makumbo anopera simba, uye hameno kuti nemhaka yei, mumukanwa mako munoita semaoma kuti papata. Zvadaro, usati wagona kugadzirisa izvi, donhwe guru redikita rinoyerera nepadama rako. Zvinozonyadzisa! Unoziva kuti hausi kunosangana neuto rinoda kukupfura, asi chokwadi unonzwa saizvozvo.

Ngatizvibvumei: Vakawanda vedu tinotya kutaura pamberi pevamwe. (Jeremia 1:5, 6) Vamwe vanhu vakatoti vanotya kutaura paruzhinji kudarika kutya rufu! Zvisinei nokuti unofungei nezvazvo, pane zvikonzero zvakanaka nei uchifanira kufarira kutaura paruzhinji. Ngatimboonai zvimwe zvacho uye funga kuti unogona sei kuva mukurukuri anobudirira.

Kukumbirwa Kukurukura

“Munhu wose anoda unyanzvi hwokukurukura paruzhinji.” Anotaura achidaro mamwe mashoko okushambadza ekosi yokukurukura paruzhinji. Chokwadi, pane imwe nguva ungazofanira kutaura pamberi poruzhinji. Chokutanga, kukurukura paruzhinji kunokurudzirwa muzvikoro zvakawanda. Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Tatiana anoyeuka kuti: “Paiva nenguva dzakawanda dzandaifanira kutaura pamberi pevandaidzidza navo kuchikoro.” Kubva pakupa hurukuro uye kutaura pamusoro perimwe bhuku kusvika pakuratidzwa kwemasiraidhi nemagakava, kazhinji kacho vadzidzi vanofanira kunge vakagadzirira kutaura.

Paunozopinda basa, ungakumbirwa kudzidzisa kirasi yevaunoshanda navo, kutaura nomutengi, kana kutsanangura mafambiro emari kudare revakuru vebasa. Chaizvoizvo, unyanzvi hwokukurukura hunoshanda mumabasa akasiyana-siyana, kusanganisira mabasa aya okunyora nhau, okutungamirira, okushanda nevanhu, uye okutengesa.

Zvisinei zvakadini kana ukasarudza kushanda basa remaoko kana samabharani muhofisi? Chokwadi, kukwanisa kutaura zvakanaka pabvunzurudzo yebasa kungareva kuti uchawana basa here kana kwete. Pabasa racho chairo, kukwanisa kwako kuzvitaurira kunogona kuita kuti zvikunakire. Corrine akashanda sahweta kwemakore matatu pashure pokunge apedza chikoro. Anoti: “Kana uchigona kunyatsotaura, unoonekwa somunhu akura uye anokwanisa kuita mitoro yakawanda. Zvingatoreva kuwana basa riri nani, kutambira mari yakakwirira, kana kuti kuremekedzwa kwazvo.”

Chokupedzisira, vaKristu vechiduku vanowanzokurukura pamberi pevamwe mukunamata kwavo. (VaHebheru 10:23) “Zvinokosha kuti ukwanise kutaura zvakajeka,” anodaro Taneisha. “Tine ropafadzo yokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.” (Mateu 24:14; 28:19, 20) Muungano uye muushumiri hwavo kuruzhinji, vaKristu vechiduku havagoni ‘kurega kutaura pamusoro pezvinhu zvavakaona nezvavakanzwa.’—Mabasa 4:20; VaHebheru 13:15.

Kudzidza unyanzvi hwakanaka hwokutaura kunogona kukubatsira munzira dzakasiyana-siyana. Kunyange zvakadaro, ungangoramba uchinzwa kunetsekana kumira pamberi pevanhu. Pane chaungaita here kukurira kutya kwako? Hungu chiripo.

Kukunda Kutya Kwako

“Haufaniri kuva nenjere dzakapinza kana kuti kuva akakwana kuti ubudirire,” anodaro Dr. Morton C. Orman, imwe nyanzvi yezvokuora mwoyo uye kukurukura paruzhinji. “Vavariro huru yokukurukura paruzhinji ndeiyi: ipa vateereri vako chimwe chinhu chinokosha.” Nemamwe mashoko, ingofunga nezvemashoko acho, kwete iwe kana kufunganya kwako. Vamwe muzana remakore rokutanga vaifunga kuti muapostora Pauro akanga asiri mukurukuri anonyatsodedemura, asi nokuti nguva dzose aiva nechimwe chinhu chinokosha chokutaura, aingobudirira. (2 VaKorinde 11:6) Saizvozvowo, kana ukataura chimwe chinhu chinokosha chaunodavira chaizvoizvo, kutya kwako kuchangokurumidza kupera.

Ron Sathoff, mumwe mukurukuri anozivikanwa uye mudzidzisi, anokurudzira kuti: Usafunge nezvehurukuro yako somutambo. Ifunge sekurukurirano. Chokwadi, edza kukurukura nevateereri vako, kwete seboka guru, asi somunhu mumwe nomumwe, sezvawaingozoita pakukurukura kwenguva dzose. Ratidza zvepachokwadi ‘kufarira munhu mumwe nomumwe’ ari muvateereri vako, uye taura kwavari sematauriro ako enguva dzose. (VaFiripi 2:3, 4) Kana matauriro ako ari sezvinongoitwa pakukurukurirana, uchawedzerawo kusununguka.

Chimwe chinowanzokonzera kufunganya kutya kunyadziswa kana kutsoropodzwa nevateereri vako. Lenny Laskowski, nyanzvi yokukurukura uye mudzidzisi wokukurukura anotiyeuchidza kuti vateereri vanowanzotarisira zvakanaka pakukurukura kumwe nokumwe. “Vanoda kuti ubudirire—kwete kuti ukundikane,” anodaro Laskowski. Saka iva nemafungiro akanaka. Kana zvichikwanisika, edza kukwazisa vamwe vevateereri vako pavanenge vachisvika. Edza kuvaona kwete sevavengi, asi seshamwari.

Yeuka zvakare kuti kutya pachako hakuna kuipa zvachose. “Kusiyana nezvinodavira vakawanda,” imwe nyanzvi inoti, “kutya kwakakunakira nehurukuro yako.” Nei zvakadaro? Nokuti kakutya kanoratidza kuti unozvininipisa, izvo zvichakubatsira kusanyanya kuzvivimba. (Zvirevo 11:2) Vamhanyi vakawanda, vaimbi, uye vatambi vemitambo vanofunga kuti kakutya chaizvoizvo kanoita kuti vaite zviri nani, uye zvingadarowo kune vanokurukura paruzhinji.

Mazano Okuti Ubudirire

Nokushandisa pfungwa idzi nedzimwe, vamwe vaKristu vechiduku vakatowana ruzivo rwakati nokubudirira sevakurukuri kuchikoro, kubasa, uye muungano dzavo. Ona kana mashoko avo mashomanana avakataura angakubatsira.

Jade: “Taura nemashoko ako pachako. Tanga wagutsikana iwe pachako kuti zvauchataura zvinobatsira. Kana uchifunga kuti hurukuro yako inokosha, ndizvo zvichaitawo vateereri vako.”

Rochelle: “Ndakawana zvichibatsira kuzvitora vhidhiyo. Unoona zvaunotadza asi zvinobatsira. Uyewo, edza kusarudza nyaya yaunofarira. Zvichaoneka pakukurukura kwako.”

Margrett: “Ndinowana kuti ndinotaura sematauriro angu chaiwo uye sendiri kukurukura nomumwe munhu kana ndikashandisa zvinonyorwa zvipfupi pane kunyora zvinhu shoko neshoko. Uyewo, kumbotura befu ndisati ndakurukura kunondibatsira kudzikama.”

Corrine: “Usatya kuzviseka. Munhu wose anokanganisa. Unongofanira kuedza zvakanakisisa zvaunogona.”

Zvechokwadi, somuzvinhu zvose zvinoitwa, zvakadai semitambo, unyanzvi, kana mimhanzi, hakuna chinotsiva kujaira uye kudzidzira kwazvo. Tatiana anokurudzira kufanogadzirira hurukuro yako pachine nguva yakawanda kuitira kuti uwane nguva yakakwana yokudzidzira. Uye usarege. Anoti, “Pandinoramba ndichitaura pamberi pevamwe, ndinowedzerawo kunzwa ndakasununguka.” Zvisinei, kune kumwezve kwaunogona kubatsirwa kwausingafaniri kukanganwa, kunyanya paunokumbirwa kutaura uchitsigira kunamata kwechokwadi.

Rubatsiro Runobva kuMukurukuri Mukuru

Achiri jaya, Dhavhidhi, aizova mambo wenguva yemberi wevaIsraeri, akanga atova nomukurumbira sea“kachenjera pakutaura.” (1 Samueri 16:18) Nei? Zviri pachena kuti muuduku hwake, mumaawa akareba aaipedza achiona matenga akajeka achifudza makwai, Dhavhidhi akatanga ukama hwepedyo noMukurukuri Mukuru, Jehovha Mwari, nomunyengetero. (Pisarema 65:2) Ukuwo, ukama uhwu hwakamugadzirira kuti ataure zvakajeka, zvine simba, nokunyengetedza kunyange mumamiriro ezvinhu aiedza.— 1 Samueri 17:34-37, 45-47.

Unogona kuva nechokwadi kuti mukunamata kwako, Mwari achakubatsirawo kutaura nokunyengetedza, sokubatsira kwaakaita Dhavhidhi, achikupa “rurimi rwavakadzidziswa.” (Isaya 50:4; Mateu 10:18-20) Chokwadi, nokushandisa zvakanaka mikana iripo yokurodza unyanzvi hwako hwokutaura zvino, unogona kuva mukurukuri weparuzhinji anobudirira!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

[Bhokisi riri papeji 18]

Kudzidziswa Kuva Vakurukuri

Muungano dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose, mune purogiramu yevhiki nevhiki yomuBhaibheri yemirayiridzo inonzi Chikoro chaMwari Choushumiri. Vadzidzi vanenge vachipindura mukurukurirano dzinoitwa mumakirasi, vanotaura pamberi peungano, uye vanobatsirwa somunhu mumwe nomuwe kuti vafambire mberi. Purogiramu yacho inobatsira here? Rega Chris ane makore 19 akuudze zvakaitika kwaari.

“Ndisati ndapinda chikoro chacho, ndainzwa kusagadzikana pamberi pevanhu,” anodaro. “Handina kumbofunga kuti ndaizogona kuva pachikuva pamberi pevateereri. Asi vamwe vomuungano vakandikurudzira, vachitaura kuti kunyange ndikandandama nguva yose, vaizonakidzwa nazvo, vachiziva kutamburira kwandainge ndaita kuti ndisvike ipapo. Zvadaro, pashure pehurukuro yose yandaipa, vaindirumbidza. Izvozvo zvakabatsira chaizvo.”

Nhasi, pashure pemakore mashanu ari muchikoro chacho, Chris ari kugadzirira kupa hurukuro yake yokutanga yemaminitsi 45. Uri kushandisa zvakanaka urongwa uhwu here?

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Kuva mukurukuri anobudirira kunogona kukubatsira muzvinhu zvose zvoupenyu